Magwaro Matsvene
3 Nifai 23


Chitsauko 23

Jesu anotsigira mazwi aIsaya—Anoraira vanhu kuti vanzvere maporofita—Mazwi aSamueri muRamani ari maererano noKumutswa kwavakafa anoiswa pazvinyorwa zvavo. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino, tarisai, ndinoti kwamuri, munofanira akunzvera zvinhu izvi. Hongu, murairo wandinokupai kuti munzvere zvinhu izvi nesimba; nokuti mashoko baIsaya makuru.

2 Nokuti zvechokwadi akataura achibata zvinhu izvi zvose maererano navanhu vangu avo vemba yaIsraeri; naizvozvo zvinofanira kuti ataure nokumaJentairiwo.

3 Uye zvinhu zvose zvaakataura zvakaitwa zve azvichaitwa, kunyange semazwi aakataura.

4 Naizvozvo teererai kumazwi angu; nyorai zvinhu zvandakakuudzai; uye maererano nenguva nokuda kwaBaba zvichaenda kumaJentairi.

5 Uye uyo wose achagamuchira mazwi angu nokutendeuka akabhabhatidzwa, iyeye achaponeswa. Nzverai avaporofita, nokuti vakawanda vanopupura pazvinhu izvi.

6 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mazwi aya akati kwavari zvakare, shure kwokunge atsanangura magwaro ose ayo vakanga vagamuchira, akati kwavari: Tarisai, mamwe magwaro ndinoti imi munyore, amusina.

7 Uye zvakaitika kuti akati kuna Nifai: Unza kuno zvinyorwa izvo zvawakachengeta.

8 Uye apo Nifai akaunza zvinyorwa izvi, akazviisa pamberi pake, akaisa maziso ake pazviri akati:

9 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, ndakaraira muranda wangu aSamueri, muRamani, kuti apupure kuvanhu ava, kuti pazuva iroro Baba vachaisa kubwinya kwezita ravo mandiri kuchave bnavatendi cvakawanda avo dvachamuka kubva muvakafa, vachaonekwa novakawanda, uye vachavaparidzira. Akati kwavari: Ko zvanga zvisina kudaro here?

10 Uye vadzidzi vake vakapindura vakati: Hongu, Ishe, Samueri akaporofita maererano namashoko enyu, uye ose akazadzikiswa.

11 Uye Jesu akati kwavari: Ko seiko musina kunyora zvinhu izvi, kuti vatendi vakawanda vakamutswa vakazviratidza kune vakawanda vakaparidza kwavari?

12 Uye zvakaitika kuti Nifai akayeuka kuti zvinhu izvi zvakanga zvisina kunyorwa.

13 Uye zvakaitika kuti Jesu akaraira kuti zvinyorwe; naizvozvo zvakanyorwa sokuraira kwaakanga aita.

14 Uye zvino zvakaitika kuti apo Jesu akanga aatsanangura magwaro aya kamwechete, avakanga vanyora, akavaraira kuti vadzidzise zvinhu izvo zvaakanga atsanangura kwavari.