Magwaro Matsvene
3 Nifai 14


Chitsauko 14

Jesu anoraira: Musatonge; kumbirai kuna Mwari; chenjererai maporofita venhema—Anovimbisa ruponeso kune avo vanoita kuda kwaBaba—Enzanisa naMateo 7. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga ataura mazwi aya akatarira zvakare kugungano, akazarura muromo wake zvakare kwavari, achiti: Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Musatonga, kuti murege kutongwawo.

2 Nokuti kutonga kwamunotonga nakwo, muchatongwa nakwowo; nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nachowo.

3 Uye unotarisirei rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako?

4 Kana ungataura seiko nehama yako uchiti: Rega ndibvise rubanzu muziso rako—uye tarisai, muziso rako mune danda?

5 Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda riri muziso rako, ugoona zvakanaka kubvisa rubanzu rwuri muziso rehama yako.

6 Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, kana kukanda chuma chenyu kunguruve, nokuti dzinochitsika netsoka dzadzo, dzokutendeukirai dzokurumai.

7 Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.

8 Nokuti wose anokumbira, achagashira; uye anotsvaka, anowana; uyezve kune uyo anogugudza, anozarurirwa.

9 Kana kuti ndiani pamuri, anoti, kana mwanakomana wake akumbira chingwa, omupa ibwe?

10 Kana kuti akakumbira hove, angamupe nyoka?

11 Kana zvino imi makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, ko Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kune vanokumbira kwavari?

12 Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, nemi vaitireiwo, nokuti uyu ndiwo murairo namaporofita.

13 Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara, nenzira yakapamhama, inoenda mukuparadzwa; uye kune vazhinji vanopinda namo;

14 Nokuti suwo rakamanikana, nenzira yakamanika, inoenda kuupenyu, uye vanoiwana vashoma.

15 Chenjererai maporofita venhema, vanouya kwamuri nenguwo dzamakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.

16 Muchavaziva nezvibereko zvavo. Vanhu vanotanha madzamviringa paminzwa here kana maonde parukato here?

17 Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka; asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.

18 Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka.

19 Muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa, wokandwa mumoto.

20 Nokudaro, nezvibereko zvavo muchavaziva.

21 Havasi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda mumambo hwokudenga; asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iroro, Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu, nokuita mabasa anoshamisa muzita renyu?

23 Uye zvino ndichavaudza pachena ndichiti: Handina kutombokuzivai; ibvai kwandiri, imi vokuita zvisakarurama.

24 Naizvozvo, uyo anonzwa mashoko angu aya akaaita, ndinomufananidza nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware

25 Uye mvura ikaturuka, mvura zhinji ikauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyi; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware.

26 Uyezve wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita angafananidzwe nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha

27 Mvura ikaturuka, mvura zhinji ikauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyi; ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.