Magwaro Matsvene
1 Nifai 16


Chitsauko 16

Vakaipa vanotora chokwadi sechakaoma—Vanakomana vaRihai vanoroora vanasikana vaIshmaeri—Riahona inovatungamirira mukufamba kwavo murenje—Mazwi anobva kuna Ishe anonyorwa paRiahona nguva nenguva—Ishmaeri anofa; mhuri yake inotsutsumwa pamusana pekutambudzika. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge ini Nifai, ndapedza kutaura kuvakoma vangu, tarisai vakati kwandiri: Watitaurira zvinhu zvakaoma, zvatisingakwanise kuita.

2 Uye zvakaitika kuti ini ndakati kwavari ndaizviziva kuti ndakanga ndataura zvinhu zvakaoma pamusoro pezvinhu zvakaipa, maererano nechokwadi; vatsvene ndavachenura, ndikagovareverera kuti vave vanosimudzwa nomusi wokupedzisira; nokudaro, vane mhosva vanotora chokwadi sechakaoma, nokuti chinovabaya pamwoyo.

3 Uye zvino vakoma vangu, dai manga muri vatsvene uye muchida kuteerera chokwadi, nokuita saizvozvo, kuti muzofamba makatwasanuka pamberi paMwari, hamaizotsutsumwa pamusana pechokwadi, muchiti: Unotaura zvinhu zvakaoma kwatiri.

4 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakakurudzira vakoma vangu, nesimba rangu rose, kuti vachengete mirairo yaIshe.

5 Uye zvakaitika kuti vakazvininipisa pamberi paIshe; zvekuti ndakava norufaro netariro huru, kuti vachazofamba munzira dzoutsvene.

6 Zvino, zvinhu zvose izvi zvakataurwa nokuitwa apo baba vangu vaigara mutende yakanga iri munhika yavakanga vadaidza kuti Remueri.

7 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakatora mumwe wavanasikana vaIshmaeri kuti ave mukadzi wangu; zve, vakoma vangu vakatora vanasikana vaIshmaeri kuti vave vakadzi vavo; uyewo Zoramu akatora mwanasikana mukuru waIshmaeri kuti ave mukadzi wake.

8 Uye nokudaro baba vangu vakanga vazadzikisa mirairo yose yaIshe yakanga yapiwa kwavari. Uyewo ini Nifai, ndakanga ndakomborerwa naIshe zvikuru.

9 Uye zvakaitika kuti izwi raIshe rakataura kuna baba vangu nousiku, rikavaudza kuti zuva raitevera vaifanirwa kufamba rwendo kuenda murenje.

10 Uye zvakaitika kuti baba vangu zvavakamuka mangwanani, ndokuenda kumusuwo wetende, vakashamiswa kwazvo nokuona pasi chinhu chainge bhora chakaitwa noumhizha hunoshamisa; chakanga chakaitwa nendarira yakanaka. Muchibhora umu makanga mune simbi mbiri; imwe yakanga yakanongedzera nzira yataifanirwa kutevedza kuenda murenje.

11 Uye zvakaitika kuti takaunganidza zvinhu zvose zvataifanira kuenda nazvo murenje, nezvimwe zvezvinhu zvedu izvo Ishe vakatipa; takatora mbeu dzendudzi dzose kuti tive tinotakura kuenda murenje.

12 Uye zvakaitika kuti takatora matende edu tikasimuka kuenda murenje, tikayambuka rwizi Ramani.

13 Uye zvakaitika kuti takafamba kwenguva inoita mazuva mana, takananga kuchamhembe takarerekera kumabvazuva zvishoma, takamisa matende edu zvakare; uye tikadaidza zita renzvimbo iyi kuti Sheza.

14 Uye zvakaitika kuti takatora uta nemiseve yedu, tikaenda murenje kundobaya kudya kwemhuri dzedu; shure kwokunge tabaya kudya kwemhuri dzedu takadzokera zvakare kwakange kune mhuri dzedu murenje, kunzvimbo yeSheza. Uye takaenda zvakare murenje, tichitevedza gwara rimwechetero, tichitevedza nzvimbo dzerenje dzaive dzakapfuma, dzakanga dziri kumuganhu pedyo neGungwa Dzvuku.

15 Uye zvakaitika kuti takafamba kwemazuva akawanda, tichibaya zvokudya munzira, neuta nemiseve yedu uye nematombo nezvikopo.

16 Uye takatevera nzira yatairatidzwa nechibhora, chakatitungamirira munzvimbo dzerenje dzakaorera.

17 Uye shure kwokunge tafamba mazuva akawanda, takamisa matende edu kwechinguva, kuti tizorore zvakare nokuti tiwane kudya kwemhuri dzedu.

18 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndaenda kundovhima, tarisai ndakatyora uta hwangu, hwakanga hwakagadzirwa nesimbi yakanaka; uye shure kwokunge ndatyora uta hwangu, tarisai, vakoma vangu vakandishatirirwa pamusana pokurasikirwa nouta hwangu, nokuti hatina kuzowana kudya.

19 Uye zvakaitika kuti takadzokera tisina zvekudya kumhuri dzedu, sevanhu vakange vakaneta zvikuru, nenzira yerwendo, vakatambudzika zvikuru, pamusana pokushaya zvokudya.

20 Uye zvakaitika kuti Ramani naRemueri navanakomana vaIshmaeri vakatangisa kutsutsumwa zvikuru, pamusana pokutambudzika kwavo nezvaivanetsa murenje; uye kana baba vangu vakatangisa kutsutsumwa kuna Ishe Mwari vavo; hongu, vose vakava nokusuwa kukuru, vakatsutsumwa kuna Ishe.

21 Zvino zvakaitika kuti ini Nifai, shure kwokunge taomeserwa tose nevakoma vangu pamusana pekurasikirwa kweuta hwangu, uye tambo dzeuta hwavo dzarasika, zvakatanga kutiomera zvikuru, hongu, zvokuti takatadza kuwana zvokudya.

22 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakataura zvikuru kuvakoma vangu, nokuti vakange vaomesa mwoyo yavo zvakare, zvekuti vakanga vavakutsutsumwa pamusana paIshe Mwari vavo.

23 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakagadzira uta hwechimuti, ndikashandisa chimuti chakatwasuka, kugadzira museve; naizvozvo, ndokubva ndatora uta nomuseve, nechikopo namatombo. Uye ndakati kuna baba vangu: Ndoenda kupi kunotsvaka zvekudya?

24 Uye zvakaitika kuti vakakumbira kuna Ishe, nokuti vakanga vazvininipisa nokuda kwamazwi angu; nokuti ndakanga ndataura zvinhu zvakawanda kwavari nesimba romweya wangu.

25 Uye zvakaitika kuti izwi raIshe rakauya kuna baba vangu; vakarangwa chaizvo nenzira yokutsutsumwa kwavo kuna Ishe, zvekuti vakasuwa zvikuru.

26 Uye zvakaitika kuti izwi raIshe rakati kwavari: Tarisai pabhora, ugoona zvinhu zvakanyorwapo.

27 Uye zvakaitika kuti baba vangu pavakaona zvinhu zvakanga zvakanyorwa pabhora, vakatya nokudedera kukuru, uye kana vakoma vangu navanakomana vaIshmaeri navakadzi vedu.

28 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakaona kwakange kwakatendekerwa netsono dzaive pabhora, kuti dzaisevenza maererano norutendo nesimba redu nokutevedza kwataidziita.

29 Uye pakange pakanyorwawo zvinhu zvitsva, zvakanga zvakajeka nokuverengeka, zvakatipa kunzwisisa maererano nenzira dzaIshe; uye zvakanga zvakanyorwa zvichishanduka—shanduka nguva nenguva, maererano nokutenda nesimba redu nekutevedza kana kuteerera kwedu kwariri. Naizvozvo tinoona kuti nezvinhu zviduku Ishe vanogona kuunza zvinhu zvikuru.

30 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakaenda pamusoro pegomo, maererano nenzira dzakanga dzichipiwa nebhora.

31 Uye zvakaitika kuti ndakauraya mhuka dzesango, zvekuti ndakawana kudya kwemhuri dzedu.

32 Uye zvakaitika kuti ndakadzokera kumatende edu, ndiine mhuka dzandakanga ndauraya; uye zvino zvavakaona kuti ndakanga ndawana kudya, mufaro wavo wakava mukuru sei! Uye zvakaitika kuti vakazvininipisa pamberi paIshe, vakatenda kwavari.

33 Uye zvakaitika kuti takasimudzira nerwendo rwedu, tikafamba zvakada kuenzana negwara redu rokutanga; shure kwokunge tafamba kwamazuva akawanda takadzika matende edu zvakare, kuti timbogara kwenguva yakati.

34 Uye zvakaitika kuti Ishmaeri akafa, akavigwa panzvimbo yaidaidzwa kuti Nahomu.

35 Uye zvakaitika kuti vanasikana vaIshmaeri vakachema zvikuru, nokuda kwekurasikirwa nababa wavo, uye nenzira yokutambudzika kwavo murenje; vakatsutsumwa kuna baba vangu, nokuti vakanga vavabvisa munyika yeJerusarema, vachiti: Baba vedu vafa; hongu, uye tafamba zvikuru murenje, tatambudzika zvikuru, nenzara, nenyota, nekuneta; shure kwokutambudzika uku kwose tichafira murenje nenzara.

36 Uye uku ndiko kutsutsumwa kwavaiita kuna baba vangu, nekwandiri; uye vakanga vave nechido chokudzokera zvakare kuJerusarema.

37 Uye zvino Ramani akati kuna Remueri uye nokuvanakomana vaIshmaeri: Tarisai, ngatiurayei baba vedu, uye zvakare nomunin’ina wedu Nifai, anozvitora somutongi wedu nomudzidzisi wedu, isu tiri vakoma vake.

38 Zvino, anoti Ishe ataura naye, uye achiti ngirozi dzinoshumira kwaari. Asi tarisai, tinoziva kuti anotinyepera; achitiudza zvinhu izvi, uye anoita zvinhu zvizhinji nokuda kwoungwaru hwake, kuti atinyengedze mumaziso edu, achifunga, kuti zvimwe, angatitungamirire mune imwe nzvimbo yatisingazive murenje; uye shure kwokunge atitungamirira, anofunga kuzviita iye mambo nomutongi pamusoro pedu, kuti ave anoita nesu kuda kwake nokuzvifadza. Uye ndiko kufurira kwakaita mukoma wangu Ramani vamwe kuti vashatirwe.

39 Uye zvakaitika kuti Ishe vakanga vanesu, hongu, uye kana izwi raIshe rakauya rikataura mazwi akawanda kwavari, rikavaranga zvikuru; uye shure kwokunge varangwa neshoko raIshe vakabvisa kushatirwa kwavo, uye vakatendeuka pazvivi zvavo, zvekuti Ishe vakatikomborera zvakare nezvokudya, nokudaro hatina kuzofa.