Magwaro Matsvene
Mosaya 19


Chitsauko 19

Gideoni anotsvaka kuuraya Mambo Noa—MaRamani vanopinda kurwisa nyika—Mambo Noa anouraiwa nokupiswa—Rimuhai anotonga ari pasi pemumwe mambo. Zvingangove makore 145 kusvika ku121 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti hondo yamambo yakadzoka, vakatsvaka vakashaya vanhu vaMwari.

2 Uye zvino tarisai, mauto amambo akanga ari mashoma, akange atapudzwa, uye pakatanga kuve nekutsaurana pakati peavo vakange vasara.

3 Uye avo vakange vari vashoma vakatanga kutyisidzira mambo, uye kukatanga kuve nekukakavadzana pakati pavo.

4 Uye zvino pakati pavo paive nemurume ainzi Gideoni, uye aive munhu ane simba ari muvengi wamambo, naizvozvo akatora munondo wake, akapika mukushatirwa kwake kuti achauraya mambo.

5 Uye zvakaitika kuti akarwa namambo; uye mambo paakaona kuti ave kuda kukurirwa, akatiza akakwira apashongwe yaive pedyo netemberi.

6 Uye Gideoni akamutevera uye akange ave pekuti achikwira pashongwe kuti auraye mambo, uye mambo akatarisa-tarisa kunyika yeShemuroni, uye tarisai, hondo yemaRamani yakange yatopinda munyika.

7 Uye zvino mambo akadaidzira nokusuwa kukuru kwemweya wake, achiti: Gideoni, usandiuraye, nokuti maRamani atove pamusoro pedu, uye vachatiparadza; hongu, vachaparadza vanhu vangu.

8 Uye zvino mambo akange asina hany’a nevanhu vake asi kuti upenyu hwake; zvisinei, Gideoni haana kumuuraya.

9 Uye mambo akati kuvanhu vake vatize maRamani, iye pachake akatungamira, uye vakatizira murenje, nemadzimai avo nevana vavo.

10 Uye zvakaitika kuti maRamani akavatandanisa, akavabata, vakatanga kuvauraya.

11 Zvino zvakaitika kuti mambo akavaudza kuti vose varume vasiye vakadzi vavo nevana vavo, uye vatize maRamani.

12 Zvino kwaive nevazhinji vakaramba kuvasiya, asi vaida kugara vagofa pamwechete navo. Uye vamwe vose vakasiya vakadzi vavo nevana vavo vakatiza.

13 Uye zvakaitika kuti avo vakasara nevakadzi vavo nevana vavo vakaita kuti vanasikana vavo vakanaka vamire vachichema kumaRamani kuti vasavauraye.

14 Uye zvakaitika kuti maRamani akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vatorwa nerunako rwevakadzi vavo.

15 Saka maRamani haana kuzovauraya, uye ndokuvatora sevasungwa ndokuvatakura vachienda navo kunyika yaNifai, ndokuvabvumira kuti vawane nyika yokugara, kana vachinge vabvuma kunoisa mambo Noa mumaoko emaRamani, nokuvapa pfuma yavo, kana chikamu chepakati nepakati chezvose zvavainazvo, chikamu chepakati chegoridhe ravo, nesirivha yavo, nezvose zvinokosha zvavo, uye ndiko kuterera kwavaizoita kuna mambo wamaRamani gore negore.

16 Uye zvino pavanhu vakange vatorwa muusungwa, paive nemumwe wevanakomana vamambo ainzi aRimuhai.

17 Uye zvino Rimuhai akange asingade kuti baba vake vaparadzwe; zvakadaro, Rimuhai aiziva kutadza kwababa vake, iye pachake akange ari munhu akarurama.

18 Uye zvakaitika kuti Gideoni akatuma vanhu kuti vaende murenje pasina anoziva, kuti vanotsvaka mambo neavo vakange vainaye. Uye zvakaitika kuti vakasangana nevanhu ava murenje, vose kunze kwamambo nevafundisi vake.

19 Zvino vakanga vapika mumwoyo yavo kuti vanodzokera kunyika yaNifai, uye kana vakadzi vavo nevana vavo vakauraiwa, neavo vakange vasara navo, kuti vachazotsvaka kutsividza, nekufa navo.

20 Uye mambo akavarambidza kudzokera; uye vakashatirirwa mambo, uye vakaita kuti atambudzike, kana kusvika apakufa nemoto.

21 Uye vakange vave kuda kutorawo vapirisita kuti vavauraye, ndokubva vatiza.

22 Uye zvakaitika kuti vakange vave kuda kudzokera kunyika yaNifai, uye ndokubva vasangana nevarume vaGideoni. Uye varume vaGideoni vakavataurira zvose zvakaitika kuvakadzi vavo nevana vavo; nokuti maRamani akavapa nyika yekugara nokutera kumaRamani chikamu chepakati nepakati chezvinhu zvose zvavainazvo.

23 Uye vanhu vakataurira varume vaGideoni kuti vakanga vauraya mambo, uye vapirisita vake vakanga vatizira murenje mukati-kati maro.

24 Uye zvakaitika kuti mushure mekupedza musangano; vakadzokera kunyika yaNifai, vachifara, nokuti vakadzi vavo nevana vavo havana kunge vauraiwa; uye vakataurira Gideoni zvavakange vaita mambo.

25 Uye zvakaitika kuti mambo wamaRamani akaita amhiko kwavari, kuti vanhu vake havazovauraya.

26 Uye naiyewo Rimuhai, semwanakomana wamambo, akapiwa umambo anevanhu, akapikawo kuna mambo wamaRamani kuti vanhu vake vachatera kwaari, kana chikamu chepakati chezvinhu zvose zvavainazvo.

27 Uye zvakaitika kuti Rimuhai akatangisa kumisa umambo nokudzika runyararo pakati pevanhu vake.

28 Uye mambo wamaRamani akaisa varindi kumatunhu ose enyika, kuti vachengetedze vanhu vaRimuhai vari munyika, kuti vasatizire murenje; uye airiritira varindi vake nemutero waaiwana kuvanhu vemaNifai.

29 Uye zvino mambo Rimuhai akave nerunyararo muumambo hwake kwenguva yemakore maviri, maRamani havana kuvanetsa kana kutsvaka kuvaparadza.