Daidzo dzeHushumiri
Chitsauko 3: Chidzidzo 3—Vhangeri raJesu Kristu


“Chitsauko 3: Chidzidzo 3—Vhangeri raJesu Kristu,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)

“Chitsauko 3: Chidzidzo 3,” Paridzai Vhangeri Rangu

Chitsauko 3: Chidzidzo 3

Vhangeri raJesu Kristu

Mufananidzo
The Second Coming [Kuuya Kwechipiri] naHarry Anderson

Vanhu Vangangoshamisika Kuti

  • Ndiani Jesu Kristu? Angandibatsira sei ini nemhuri yangu?

  • Zvinorevei kuva nerutendo muna Jesu Kristu? Kuva nerutendo maAri kungaropafadza upenyu hwangu sei?

  • Zvinorevei kutendeuka?

  • Ndingakwanisa sei kunzwa runyararo neruregerero rwaMwari mushure mokunge ndaita sarudzo dzakaipa?

  • Chinangwa cherubhabhatidzo ndechei?

  • Chipo cheMweya Mutsvene chii?

  • Zvinorevei kushingirira kusvika kumagumo?

Vhangeri raJesu Kristu ndiyo nzira yatinouya nayo kuna Kristu. Riri nyore zvokuti mwana mudiki anokwanisa kurinzwisisa. Chidzidzo ichi chinonangisa pavhangeri nedzidziso yaKristu, kusanganisira rutendo muna Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, chipo cheMweya Mutsvene, uye nokushingirira kusvikira kumagumo. Chinonangisazve pakuti vhangeri rinoropafadza sei vana vose vaMwari.

Shoko rokuti vhangeri chaizvo rinoreva kuti “mashoko akanaka.” Vhangeri raJesu Kristu mashoko akanaka nokuda kwokuti rinopa dzidziso—chokwadi chokusingaperi—tinofanira kuuya kwaAri uye tiponeswe (ona 1 Nifai 15:14). Vhangeri rinotidzidzisa mararamiro okuita upenyu hwakanaka, hwunoreva chinhu. Mashoko akanaka evhangeri anopa nzira yokuti isu tiregererwe zvivi, titsveneswe, uye tidzokere pamberi paMwari.

Mazano eKudzidzisa

Chikamu chino chinopa muenzaniso wechirongwa kukubatsira kugadzirira kudzidzisa. Chinosanganisirawo mienzaniso yemibvunzo nekokero dzaungangoshandisa.

Apo paunogadzirira kudzidzisa, nemunamato funga pamusoro pemamiriro ezvinhu nezvidikanwi zvepamweya zvemunhu woga woga. Sarudza kuti ndezvipi zvinozonyanyisa kubatsira kudzidzisa. Gadzirira kutsanangura ndevo idzo vanhu dzavangange vasinganzwisisi. Ronga maererano nehuwandu hwenguva yaunozova nayo, uchirangarira kuchengeta zvidzidzo zviri zvipfupi.

Sarudzai magwaro matsvene okushandisa paunenge uchidzidzisa. Chikamu “cheHwaro hweDzidziso” chechidzidzo ichi chinosanganisira magwaro matsvene akawanda anobatsira.

Funga pamusoro pemibvunzo yokubvunza apo paunenge uchidzidzisa. Ronga kokero dzekupa dzinozokurudzira munhu woga woga kuita chimwe chinhu pakokero dzacho.

Simbisa maropafadzo akavimbiswa naMwari, uye govera uchapupu hwako hwezvaunodzidzisa.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mhuri

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 15–25

Sarudza mumwechete kana kupfuura yemisimboti inotevera yokudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwunopuwa mushure mechidzidzo chino.

Basa reHumwari raJesu Kristu

  • Mwari vakatuma Mwanakomana Wavo Anodiwa, Jesu Kristu, panyika kuti azotinunura kubva kuzvivi nerufu.

  • Nokuda kwekuzvipira kwerudzikinuro kwaJesu Kristu, tinokwanisa kushanangurwa pazvivi zvedu uye nokutsveneswa apo patinotendeuka.

  • Mushure mokunge Jesu aroverwa pamuchinjikwa, Akamuka kuvakafa. Nokuda kweKumuka Kuvakafa Kwake, isu tose tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nemumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa.

Rutendo muna Jesu Kristu

  • Rutendo ndiwo musimboti wokutanga wevhangeri raJesu Kristu.

  • Rutendo muna Kristu rwunosanganisira kuva nechivimbo chokuti Ndiye Mwanakomana waMwari uye nokuvimba maAri seMuponesi neMununuri wedu.

  • Rutendo muna Jesu Kristu musimboti wezviito nesimba.

  • Tinosimbisa rutendo rwedu kuburikidza nokunamata, kunzvera magwaro matsvene, uye nokuteerera mirairo.

Rutendeuko

  • Rutendo muna Jesu Kristu rwunotitungamirira kukutendeuka. Rutendeuko inzira yokutendeukira kuna Mwari uye nokufuratira zvivi. Apo patinotendeuka, zviito zvedu, zvido zvedu, uye nepfungwa dzedu zvinoshanduka kuva zvinonyanya kuwirirana nechido chaMwari.

  • Apo patinotendeuka nemwoyo wose, Mwari vanotiregerera. Ruregerero rwunokwanisika nokuda kwokuti Jesu Kristu akadzikinura zvivi zvedu.

  • Apo patinotendeuka, tinonzwa runyararo apo kunzwa mhosva kwedu nerusuwo rwedu pazvinoporeswa.

  • Rutendeuko inzira yeupenyu hwose. Mwari vanotitambira kwavari zvakare nguva yoga yoga yatinotendeuka. Havazombofi vakaora mwoyo nesu.

Rubhabhatidzo: Chibvumirano Chedu Chokutanga naMwari

  • Rubhabhatidzo ndiyo nzira yatinotanga nayo kupinda muukama hwechibvumirano naMwari.

  • Rubhabhatidzo rwune zvikamu zviviri: rubhabhatidzo nemvura uye neMweya. Apo patinobhabhatidzwa nokusimbiswa, tinoshanangurwa kubva kuzvivi zvedu, zvichitipa mavambo matsva muupenyu.

  • Tinobhabhatidzwa nokunyikwa zvakazara, mukutevedzera muenzaniso waJesu.

  • Vana havabhabhatidzwi kusvikira vava namakore masere ekuzvarwa. Vana vanofa vasati vasvika zera iroro vanonunurwa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

  • Tinotora sakaramende vhiki roga roga mukurangarira kuzvipira kwaJesu uye kuvandudza zvibvumirano zvedu naMwari.

Chipo cheMweya Mutsvene

  • Mweya Mutsvene inhengo yechitatu yeMusoro weHumwari.

  • Mushure mokunge tabhabhatidzwa, tinogamuchira chipo cheMweya Mutsvene kuburikidza nechisungo cherusimbiso.

  • Apo patinogamuchira chipo cheMweya Mutsvene, tinokwanisa kuva neufambidzani Hwake nemuupenyu hwedu hwose kana takatendeka.

  • Mweya Mutsvene unotitsvenesa, unotitungamirira, unotinyaradza, uye unotibatsira kuziva chokwadi.

Kushingirira kusvika kuMagumo

  • Kushingirira kunosanganisira kuramba uchishandisa rutendo muna Kristu zuva roga roga. Tinoramba tichichengeta zvibvumirano zvedu naMwari, kutendeuka, kutsvaka ufambidzani hweMweya Mutsvene, uye kutora sakaramende.

  • Apo patinotsvaka nerutendo kutevera Jesu Kristu, Mwari vanovimbisa kuti tinozova noupenyu hwokusingaperi.

Vhangeri raJesu Kristu Rinoropafadza Vana Vose vaMwari

  • Kurarama vhangeri kunodzamisa mufaro wedu, kunokurudzira zviito zvedu, uye kunopfumisa hukama hwedu.

  • Zvinokwanisika kuti tinozova vanofara—zvose savanhu pachavo uye semhuri—apo patinorarama nedzidziso dzaJesu Kristu.

  • Kuburikidza nevhangeri raJesu Kristu, mhuri dzinoropafadzwa muupenyu hwuno uye dzinokwanisa kubatanidzwa nokusingaperi uye kurarama pamberi paMwari.

Mibvunzo Yaungabvunza Vanhu

Mibvunzo inotevera mienzaniso yeizvo zvaungangobvunza vanhu. Mibvunzo iyi inokwanisa kukubatsira kuva nehurukuro dzinoreva chinhu uye nokunzwisisa zvidikanwi uye mafungiro emunhu.

  • Chii chamunoziva pamusoro paJesu Kristu?

  • Zvinorevei kwamuri kuva norutendo muna Jesu Kristu?

  • Ndedzipi shanduro dzamunoda kuita muupenyu hwenyu?

  • Chii chamunonzwisisa pamusoro perutendeuko?

  • Chii chamunonzwisisa pamusoro perubhabhatidzo? Chii chamunokwanisa kuita iyezvino kugadzirira rubhabhatidzo?

  • Mweya Mutsvene unokwanisa kukubatsirai sei murwendo rwenyu rwokudzokera pamberi paMwari?

  • Ndechipi chinetso icho imi nemhuri yenyu chamakatarisana nacho? Tingagovera here dzimwe nzira idzo vhangeri raJesu Kristu dzarinokwanisa kubatsira nadzo?

Kokero Dzaungapa

  • Munozokumbira Mwari here mumunamato kuti vakubatsirei kuziva kuti izvo zvatadzidzisa ichokwadi? (Ona “Mazano eKudzidzisa: Munamato” muchikamu chokupedzisira chechidzidzo 1.)

  • Munozouya kuchechi here Svondo rino kuti mudzidze zvimwe zvakawanda pamusoro peizvo zvatadzidzisa?

  • Munozoverenga here Bhuku raMormoni uye nokunamata kuti muzive kuti ishoko raMwari? (Ungangopa zvimwe zvitsauko kana ndima chaidzo dzokuverenga.)

  • Munozotevera here muenzaniso waJesu uye mobhabhatidzwa? (Ona “Kokero yoKubhabhatidzwa uye noKusimbiswa,” inoteverwa pakarepo nechidzidzo 1.)

  • Tingatara here nguva yekushanya kwedu kunotevera?

Hwaro hweDzidziso

Chikamu chino chinopa dzidziso nemagwaro matsvene ekuti unzvere kuitira kusimbisa ruzivo neuchapupu hwako hwevhangeri uye nokukubatsira kudzidzisa.

Mufananidzo
These Twelve Jesus Sent Forth [Ava Vane Gumi naVaviri Jesu Akavatumira Mberi], naWalter Rane

Basa reHumwari raJesu Kristu

Baba Vokudenga vakatuma Mwanakomana Wavo Anodiwa, Jesu Kristu, panyika kuitira kuti zvikwanisike kwatiri tose kuwana mufaro munyika ino uye neupenyu hwokusingaperi munyika ichauya. “Uye iri ndiro vhangeri, mashoko akanaka … kuti [Jesu Kristu] akauya panyika … kuzotakura zvivi zvenyika, uye, uye kutsvenesa nyika, uye kuishanangura kubva mukusarurama kwose; kuitira kuti kuburikidza naye vose vangaponeswa” (Dzidziso neZvibvumirano 76:40–42).

Savanhu vanofa, tose tinotadza, uye tose tinofa. Zvivi nerufu zvaizotidzivirira kubva mukuva neupenyu hwokusingaperi naMwari kunze kwokunge taiva neMununuri (ona 2 Nifai 9). Nyika isati yasikwa, Baba Vokudenga vakasarudza Jesu Kristu kuti atinunure. Muchiratidzo chikurusa chorudo, Jesu akauya panyika uye akazadzikisa basa rohumwari iri. Akaita kuti zvikwanisike kuti tinunurwe kubva kuzvivi zvedu, uye Akaita chokwadi chokuti tose taizomuka kuvakafa mushure mokunge tafa.

Jesu akararama upenyu hwaiva hwusina zvivi. Pamagumo ehushumiri Hwake hwapanyika, Akatora paAri zvivi zvedu kuburikidza nokutambura Kwake muGetsemane uye apo paAkaroverwa pamuchinjikwa (ona 1 Nifai 11:33). Kutambura kwaJesu kwaiva kukurusa zvokuti kwakaMukonzera “kudedera nokuda kwamarwadzo, uye kubuda ropa nepamaburi ose eganda” (Dzidziso neZvibvumirano 19:18). Mushure moKuroverwa Pamuchinjikwa Kwake, Jesu akamuka kuvakafa, achiwana rukundo pamusoro perufu. Pamwechete, zviitiko izvi ndizvo Rudzikinuro rwaJesu Kristu.

Zvivi zvedu zvinoita kuti kuti tive vasina kuchena pamweya, uye “hakuna chinhu chisina kuchena chinokwanisa kugara naMwari” (1 Nifai 10:21). Pamusoro pazvo, mutemo weruenzaniso unoda mhedzisiro kuzvivi zvedu.

Kuzvipira kwerudzikinuro kwaKristu kunopa nzira kwatiri yokuti tive vakashanangurwa kubva kuzvivi uye yokuti titsveneswe apo patinotendeuka. Kunopawo nzira yokugutsa zvidikanwi zveruenzaniso (ona Aruma 42:15, 23–24). Muponesi akati, “Ini … ndakatambura zvinhu izvi kuitira vose, kuti vagorega kutambura kana vakazotendeuka, asi kana vakaramba kutendeuka vanofanira kutambura kunyangwe sokutambura kwandakaita ini” (Dzidziso neZvibvumirano 19:16–17). Dai paiva pasina Jesu Kristu, zvivi zvaizogumisa tariro yose yokurarama mune ramangwana naBaba Vokudenga.

Mukuzvipira Kwake sechibairo kuitira isu, Jesu haana kubvisa basa redu pachedu. Tinofanira kuva nerutendo maAri, uye kuedza nesimba rose kuteerera kumirairo. Apo patinotendeuka, Jesu anozotora akatimiririra kodzero Dzake dzengoni dzaBaba Vake (ona Moronai 7:27–28). Nokuda kwekureverera kweMuponesi, Baba Vokudenga vanotiregerera, zvichitisunungura kubva pamutoro nemhosva yezvivi zvedu (ona Mosaya 15:7–9). Tinoshanangurwa pamweya uye tinozokwanisa pokupedzisira kutambirwa pamberi paMwari.

Basa rehumwari raJesu raivawo rokutiponesa kubva kurufu. Nokuda kwokuti Akamuka kuvakafa, isu tose tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nemumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa. Dai pasina Jesu Kristu, rufu rwaizogumisa tariro yose yokurarama mune ramangwana naBaba Vokudenga.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Mwari Vakatuma Mwanakomana Wavo

Ruponeso kuburikidza naJesu Kristu

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Rutendo muna Jesu Kristu

Musimboti wokutanga wevhangeri rutendo muna Ishe Jesu Kristu. Rutendo ndirwo hwaro hwemimwe yose misimboti yevhangeri.

Rutendo muna Jesu Kristu rwunosanganisira kuva nechivimbo chokuti Ndiye Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari. Rwunosanganisira kuvimba maAri seMuponesi neMununuri wedu—kuti Ndiye chete nzira yedu yokudzokera pamberi paMwari (ona Mabasa AvaApositora 4:10–12; Mosaya 3:17; 4:6–8). Tinokokwa kushandisa “rutendo rusingazungunuki maari, tichivimba zvakazara pakodzero dzeuyo ane simba rokuponesa” (2 Nifai 31:19).

Rutendo muna Jesu Kristu rwunosanganisira kutenda kuti Akatamburira zvivi zvedu mukuzvipira kwerudzikinuro Kwake. Nokuda kwekuzvipira Kwake, tinokwanisa kushanangurwa nokununurwa apo patinotendeuka. Kushanangurwa uku kunotibatsira kuwana runyararo netariro muupenyu hwuno. Kunotibvumirawo kugamuchira kuzara kwemufaro mushure mokunge tafa.

Rutendo muna Jesu Kristu rwunosanganisira kuvimba kuti kuburikidza Naye, tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Rutendo urwu rwunokwanisa kutitsigira nokutinyaradza munguva dzokufirwa. Rusuwo rwerufu rwunokwanisa kubviswa nevimbiso yeKumuka Kuvakafa.

Rutendo muna Jesu Kristu rwunosanganisira kutenda uye kuvimba kuti Akatora paAri matambudziko neutera hwedu (ona Isaya 53:3–5). Anoziva kuburikidza nezviitiko Zvake kuti angatitsigire sei muzvinetso zveupenyu (ona Aruma 7:11–12; Dzidziso neZvibvumirano 122:8). Apo patinoshandisa rutendo, Anotibatsira kushingirira nemumatambudziko.

Kuburikidza nerutendo maAri, Jesu anokwanisa kutiporesa panyama nepamweya. Anogara akagadzirira nguva dzose kutibatsira apo patinorangarira kokero Yake yokuti: “tarisai kwandiri mupfungwa yose; musashaya chokwadi, musatye” (Dzidziso neZvibvumirano 6:36).

Musimboti weZviito neSimba

Rutendo muna Jesu Kristu rwunotungamirira kuzviito. Tinotaridza rutendo rwedu kuburikidza nokuteerera mirairo uye nokuita zvakanaka zuva roga roga. Tinotendeuka kuzvivi zvedu. Tinovimbika kwaAri. Tinoedza nesimba rose kunyanya kuva saIye.

Apo patinoshandisa rutendo, tinokwanisa kunzwa simba raJesu muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Anozokudza kuedza nesimba rose kwedu. Anozotibatsira kukura uye kukunda zviedzo.

Kusimbisa Rutendo Rwedu

Muporofita Aruma akadzidzisa kuti kuvaka rutendo kunokwanisa kutanga “nechido chokutenda” chakareruka (Aruma 32:27). Zvino, kuti rutendo rwedu muna Jesu Kristu rwukure, tinofanira kurwurera kuburikidza nokudzidza mashoko Ake, kushandisa dzidziso Dzake, uye nokuteerera mirairo Yake. Aruma akadzidzisa kuti apo patinorera nemwoyo murefu, neushingiriri shoko raMwari mumwoyo yedu, “richadzika midzi [uye rigova] semuti unokura kusvika kuupenyu hwusingaperi”—nokudaro zvosimbisa rutendo rwedu (Aruma 32:41; ona ndima 26–43).

Kunzvera Magwaro Matsvene

Rutendo, Simba, neRuponeso

Dzidziso yeRutendo

Mienzaniso yeRutendo

Mabasa neKuteerera

Rutendo runogumisira neRutendeuko

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene: “Jesu Kristu,” “Dzikinura, Rudzikinuro,” “Rutendo

  • ­

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Jesu Kristu,” “Rudzikinuro rwaJesu Kristu,” “Rutendo muna Jesu Kristu

Rutendeuko

Rutendeuko Chii?

Rutendeuko musimboti wechipiri wevhangeri. Rutendo muna Jesu Kristu uye nerudo rwedu kwaAri zvinotitungamirira kurutendeuko (ona Hiramani 14:13). Rutendeuko inzira yokutendeukira kuna Mwari uye nokufuratira zvivi. Apo patinotendeuka, zviito zvedu, zvido zvedu, uye nepfungwa dzedu zvinoshanduka kuva zvinonyanya kuwirirana nechido chaMwari. Ruregerero rwezvivi rwunoitwa kuti rukwanisike kuburikidza naJesu Kristu uye nokuzvipira kwerudzikinuro Kwake.

Rutendeuko rwunoreva zvakawanda kupfuura kushandisa simba rechido kushandura maitiro kana kukunda utera. Rutendeuko kutendeukira nemwoyo wose kuna Kristu, uyo anotipa simba rokunzwa “shanduko huru” mumwoyo yedu (Aruma 5:12–14). Apo patinonzwa shanduko yemwoyo iyi, tinozvarwa patsva pamweya (ona Mosaya 27:24–26).

Kuburikidza nerutendeuko, tinokudziridza maonero matsva atinoita Mwari, isu pachedu, uye nyika. Tinonzwa patsva rudo rwaMwari kwatiri savana Vavo—uye rudo rweMuponesi wedu kwatiri. Mukana wokutendeuka ndiro rimwe ramaropafadzo makurusa ayo Mwari avakatipa kuburikidza neMwanakomana Wavo.

Nzira yoRutendeuko

Apo patinotendeuka, tinoziva zvivi zvedu uye tonzwa kudemba kwechokwadi. Tinoreurura zvivi zvedu kuna Mwari uye toVakumbira ruregerero. Tinoreururawo zvivi zvakakomba zvikuru kuvatungamiri veChechi vane mvumo, avo vanozotitsigira apo patinotendeuka. Tinoita zvose zvatinokwanisa kuita gadziriso, izvo zvinoreva kuedza kugadzirisa matambudziko ayo zviito zvedu zvaangange akakonzera. Rutendeuko rwechokwadi rwunoratidzwa zvakanakisisa kuburikidza nezviito zvakarurama kwenguva yakareba.

Rutendeuko chiitiko chezuva nezuva nemuupenyu hwedu hwose. “Vose vakatadza, uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari” (VaRoma 3:23). Tinofanira kuramba tichitendeuka, tichirangarira kuti “tinokwanisa kuita zvinhu zvose kuburikidza naKristu uyo anotisimbisa” (VaFiripi 4:13). Ishe vakativimbisa kuti “nguva dzose idzo vanhu vangu dzavanotendeuka ndinozovaregerera zvitadzo zvavo” (Mosaya 26:30).

Maropafadzo eRutendeuko

Rutendeuko musimboti wakarurama uyo unounza mufaro nerunyararo. Rwunotiunza “kusimba reMununuri, zvinozogumisira noruponeso rwemweya [yedu]” (Hiramani 5:11).

Apo patinotendeuka, kunzwa mhosva kwedu nerusuwo rwedu zvinoporeswa nemukufamba kwenguva. Tinonzwa femero yeMweya muhuwandu hukurusa. Chido chedu chokutevera Mwari chinokura zvakasimbisa.

Mufananidzo
Mutungamiri Russell M. Nelson

“Vanhu vakawandisa vanoona rutendeuko sechirango—chimwe chinhu chinofanira kudzivirirwa. … Asi manzwiro aya okurangwa anokonzerwa naSatani. Anoedza kutivharidzira kubva mukutarisa kuna Jesu Kristu, uyo akamira namaoko akazarurwa, achitarisira uye achida kutiporesa, kutiregerera, kutishanangura, kutisimbisa, kutichenesa, uye nokutitsvenesa” (Russell M. Nelson, “We Can Do Better and Be Better,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 67).

Kunzvera Magwaro Matsvene

Rutendeuko

Rununuro neRuregerero

Ngoni kune Avo Vanotendeuka

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
musikana wechidiki achibhabhatidzwa

Rubhabhatidzo: Chibvumirano Chedu Chokutanga naMwari

Rutendo muna Jesu Kristu nerutendeuko zvinotigadzirira kuzvisungo zverubhabhatidzo nerusimbiso. Rubhabhatidzo ndicho chisungo chinoponesa chokutanga chevhangeri raJesu Kristu. Apo patinogamuchira chisungo chinofadza chetariro ichi, tinoita chibvumirano chedu chokutanga naMwari.

Chisungo chiito chinoera kana cherechedzo inoitwa kuburikidza nemvumo yehupirisita. Zvimwe zvisungo, zvakaita serubhabhatidzo, zvakakosha zvikurusa kuruponeso rwedu.

Kuburikidza nezvisungo, tinoita zvibvumirano naMwari. Zvibvumirano izvi ivimbiso dzinoera pakati pedu naMwari. Vanovimbisa kutiropafadza apo patinochengeta vimbiso dzedu Navo. Tinofanira kuva netsidziro yakasimba yokuchengeta vimbiso dzedu naMwari.

Mwari vakapa zvisungo nezvibvumirano kuitira kutibatsira kuuya kwaVari uye kuva noupenyu hwokusingaperi. Apo patinotambira zvisungo zvehupirisita uye tochengeta zvibvumirano zvinoenderana nazvo, tinokwanisa kunzwa “simba rohumwari” muupenyu hwedu (Dzidziso neZvibvumirano 84:20).

Chibvumirano choRubhabhatidzo

Muponesi akadzidzisa kuti rubhabhatidzo rwunodikanwa kuitira kuti tipinde muumambo hwokudenga (ona Johane 3:5). Zvinodikanwawo kuti tive nhengo dzeChechi yaJesu Kristu. Muponesi wedu akamisa muenzaniso kuburikidza nokubhabhatidzwa (see Mateo 3:13–17).

Apo patinobhabhatidzwa uye tochengeta chibvumirano chedu, Mwari vanovimbisa kutiregerera zvivi zvedu (ona Mabasa AvaApositora 22:16; 3 Nifai 12:1–2). Ropafadzo guru iri rinoitwa kuti rikwanisike kuburikidza nekuzvipira kwerudzikinuro kwaJesu Kristu, uyo “akatida, uye akatigeza kubva kuzvivi muropa rake” (Zvakazarurwa 1:5). Mwari vanovimbisawo kutiropafadza neufambidzani hweMweya Mutsvene kuitira kuti tikwanise kutsveneswa, kutungamirirwa, uye nokunyaradzwa.

Muchikamu chedu chechibvumirano cherubhabhatidzo, tinopa uchapupu hwokuti tinoda kutora patiri isu zita raJesu Kristu. Tinovimbisawo kuMurangarira nguva dzose uye kuchengeta mirairo Yake. Tinovimbisa kuda uye nokushandira vamwe, “kuchema neavo vanochema; … kunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa, uye nokumira sezvapupu zvaMwari panguva dzose uye muzvinhu zvose, uye nemunzvimbo dzose” (Mosaya 18:9; ona ndima 8–10, 13). Tinotaura ushingi hwedu hwokushandira Jesu Kristu kusvikira kumagumo eupenyu hwedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:37; Mosaya 2:17).

Tsidziro dzedu dzechibvumirano dzinoenderana nerubhabhatidzo ibasa guru. Dzinokurudzirawo uye dzine mufaro. Dzinovaka ukama hwakakosha pakati pedu naBaba Vokudenga uhwo kuburikidza nahwo Vanopa rudo Rwavo nokusingaperi.

Rubhabhatidzo noKunyikwa Zvakazara

Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kubhabhatidzwa nekunyikwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi zvedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:72–74). Rubhabhatidzo nekunyikwa zvakazara rwunomiririra rufu, kuvigwa, neKumuka kuVakafa kwaJesu Kristu (ona VaRoma 6:3–6).

Rubhabhatidzo nokunyikwa zvakazara rwune mucherechedzowo une simba kwatiri isu pachedu. Rwunomiririra kufa kweupenyu hwedu hwakare, kuvigwa kweupenyu ihwohwo, uye kumuka kwedu mukuzvarwa patsva kwepamweya. Apo patinobhabhatidzwa tinotanga rwendo rwekuzvarwa zvakare nokuva vanakomana nevanasikana vemweya vaKristu (ona Mosaya 5:7–8; VaRoma 8:14–17).

Vana

Vana havafaniri kubhabhatidzwa kusvikira vasvika pazera rokuzvidavirira, iro rinova makore masere ekuzvarwa (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:27). Vana vanofa vasati vasvika zera iroro vanonunurwa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu (ona Moronai 8:4–24; Dzidziso neZvibvumirano 137:10). Vana vasati vabhabhatidzwa, vanofanira kudzidziswa vhangeri kuitira kuti vagova vakagadzirira kunhanho yakakosha iyi muupenyu hwavo yokuita chibvumirano naMwari.

Sakaramende

Baba vedu Vokudenga vanoda kuti tive takatendeka kuzvibvumirano zvatinoita Navo. Kutibatsira kuita izvi, Vakatiraira kusangana kazhinji kuti titore sakaramende. Sakaramende chisungo chehupirisita icho Jesu akasuma kuvaApositora Vake chinguva chidiki diki Rudzikinuro Rwake rusati rwaitika.

Kutora sakaramende ndicho chinangwa chakakoshesa chemusangano wesakaramende vhiki yoga yoga. Chingwa nemvura zvinoropafadzwa uye zvopuwa kugungano. Chingwa chinomiririra kuzvipira kweMuponesi kwemuviri Wake kuitira isu. Mvura inomiririra ropa Rake, iro raAkatideurira.

Tinotora zviratidzo izvi mukurangarira kuzvipira kweMuponesi uye kuvandudza zvibvumirano zvedu naMwari. Tinogamuchira patsva vimbiso yokuti Mweya unozova nesu.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Muenzaniso waKristu

Chibvumirano choRubhabhatidzo

Kodzero dzeRubhabhatidzo

Maropofadzo Akavimbiswa eRubhabhatidzo

Kudikanwa kweMvumo

Jesu Akamisa Sakaramende

Minamato yeSakaramende

Kutora Sakaramende

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
Kristu anoisa maoko pamusoro wemudzimai

Chipo cheMweya Mutsvene

Kugamuchira Chipo cheMweya Mutsvene

Rubhabhatidzo rwune zvikamu zviviri. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira, “kuberekwa nemvura uye noMweya” kuitira kuti tipinde muumambo hwaMwari (Johane 3:5; kusimbisisa kwakawedzerwa). Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Rubhabhatidzo nemvura rwunongova chidimbu chete cherubhabhatidzo, uye harwuna charwakanakira kana pasina chimwe chidimbu chacho—icho chinova, rubhabhatidzo rweMweya Mutsvene.” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], (95).

Rubhabhatidzo nemvura rwunofanira kuteverwa nerubhabhatidzo rweMweya kuti rwuve rwakakwana. Apo patinogamuchira bhabhatidzo dzose mbiri idzi, tinoshanangurwa kubva kuzvivi zvedu uye tinozvarwa patsva pamweya. Zvino tinozotanga upenyu hwezvepamweya hwutsva savadzidzi vaKristu.

Tinogamuchira rubhabhatidzo rweMweya kuburikidza nechisungo chinonzi rusimbiso. Chisungo ichi chinoitwa nemumwechete kana kupfuura wevabati vehupirisita avo vanoisa maoko avo pamusoro wedu. Chokutanga vanotisimbisa senhengo yeChechi, uye zvino vanopa chipo cheMweya Mutsvene patiri. Ichi ndicho chisungo chimwechetecho chinotaurwa nezvacho muTestamente Itsva nemuBhuku raMormoni (ona Mabasa AvaApositora 8:14–17; 3 Nifai 18:36–37).

Mweya Mutsvene inhengo yechitatu yeMusoro weHumwari. Anoshanda pamwepo naBaba Vokudenga naJesu Kristu. Apo patinotambira chipo cheMweya Mutsvene, tinokwanisa kuva nehufambidzani Hwawo muupenyu hwedu hwose apo patinenge takatendeka.

Maropafadziro Atinoitwa neMweya Mutsvene

Chipo cheMweya Mutsvene ndicho chimwe chezvipo zvikurusa zvaBaba Vokudenga. Mweya Mutsvene unotishanangura nokutsvenesa, uchitiita kuti tinyanye kuva vatsvene, tinyanye kuva vakakwana, uye tinyanye kuva saMwari (ona 3 Nifai 27:20). Unotibatsira kushanduka uye kukura pamweya apo patinotsvaka kutevera mirairo yaMwari.

Mweya Mutsvene unotibatsira kudzidza uye kuziva chokwadi (ona Moronai 10:5). Unosimbisawo chokwadi kumwoyo yedu nekupfungwa dzedu. Pamusoro paizvozvo, Mweya Mutsvene unotibatsira kudzidzisa chokwadi (ona Dzidziso neZvibvumirano 42:14). Apo patinodzidza nokudzidzisa chokwadi kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene, Unochitakura kuchiisa mumwoyo yedu (ona 2 Nifai 33:1).

Apo patinotsvaka neruninipo nhungamiro kubva kuMweya Mutsvene, Unozotitungamirira (ona 2 Nifai 32:5). Izvi zvinosanganisira kutifemera pamashandiriro atinokwanisa kuita vamwe.

Mweya Mutsvene unopa simba rezvepamweya kuitira kutibatsira kukunda utera. Unotibatsira kukunda zviedzo. Unokwanisa kutiyambira kungozi dzepamweya nedzepanyama.

Mweya Mutsvene unozotibatsira nemuzvinetso zveupenyu. Unozotinyaradza panguva dzezviedzo kana dzerusuwo, uchitizadza netariro (ona Moronai 8:26). Kuburikidza neMweya Mutsvene, tinokwanisa kunzwa rudo rwaMwari kwatiri.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Hunhu hweMweya Mutsvene

Ropafadzo neFemero kubva kuMweya Mutsvene

Kukosha kweChipo choMweya Mutsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
Jesu akabata vana

Kushingirira kusvika kuMagumo

Apo patinobhabhatidzwa nokusimbiswa, tinopinda muchibvumirano naMwari. Pakati pezvimwe zvinhu, tinovimbisa kuchengeta mirairo Yavo uye kuVashandira kwenguva yeupenyu hwedu yose yasara (ona Mosaya 18:8–10, 13; Dzidziso neZvibvumirano 20:37).

Mushure mokunge tapinda mugwara revhangeri kuburikidza nerubhabhatidzo nerusimbiso, tinoedza nesimba redu rose kuramba tiri pariri. Apo patinotsauka kubuda mugwara iri kunyangwe zvishomanana, tinoshandisa rutendo muna Kristu kutendeuka. Ropafadzo rerutendeuko rinotibvumira kudzokera kugwara revhangeri uye kuchengeta maropafadzo ezvibvumirano zvedu naMwari. Apo patinotendeuka nemwoyo wose, Mwari nguva dzose vanoda kutiregerera uye kutitambira kwavari zvakare.

Kushingirira kusvikira kumagumo zvinoreva kuramba takatendeka kuna Mwari kusvikira kumagumo eupenyu hwedu—nemunguva dzakanaka uye nemunguva dzakaoma, nemubudiriro uye nemunhamo. Neruninipo tinobvumira Kristu kutiumba uye nokutiita vanhu vakanyanya kufanana naIye. Tinotarisa kuna Kristu nerutendo, neruvimbo, uye netariro zvisinei neizvo zvingauya muupenyu hwedu.

Kushingirira kusvikira kumagumo hazvigorevi kubatirira kusvikira tafa. Panokudaro, zvinorevei kunangisa upenyu hwedu, pfungwa dzedu, uye zviito zvedu panaJesu Kristu. Zvinosanganisira kuramba tichishandisa rutendo muna Kristu zuva nezuva. Tinorambawo tichitendeuka, tichichengeta zvibvumirano zvedu naMwari, uye tichitsvaka hufambidzani hweMweya Mutsvene.

Kushingirira kusvikira kumagumo kunosanganisira “kutsungirira tisingazungunuki muna Kristu, uine kubwinya kwakarurama kwetariro, uye nerudo kuna Mwari uye navanhu vose.” Baba vedu Vokudenga vanovimbisa kuti apo patinoshingirira kusvikira kumagumo, “tichazova neupenyu hwokusingaperi” (2 Nifai 31:20).

Kudzidza Magwaro Matsvene

Kushingirira kusvika kuMagumo

Maropafadzo eAvo Vanoshingirira

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Nhamo

  • Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene: “Shingirira,” “Nhamo

Mufananidzo
mhuri ichinyemwerera

Vhangeri raJesu Kristu Rinoropafadza Vana Vose vaMwari

Vhangeri raJesu Kristu ndere vana vose vaMwari. Mangwaro matsvene anodzidzisa kuti “vose vakafanana kuna Mwari” zvisinei nekwatinobva kana mamiriro ezvinhu edu. Vanokoka “vose kuti vauye kwavari uye vazodya parunako rwavo, uye hapana wavanoramba anouya kwavari” (2 Nifai 26:33).

Vhangeri rinotiropafadza nemuupenyu hwunofa hwedu hwose uye nokusingaperi kwose. Tinokwanisa kuzova vanhu vanofara—zvose savanhu pachavo uye semhuri—apo patinorarama nedzidziso dzaJesu Kristu (ona Mosaya 2:41; “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org). Kurarama vhangeri kunodzamisa mufaro wedu, kunokurudzira zviito zvedu, uye kunopfumisa hukama hwedu.

Kurarama vhangeri raJesu Kristu kunokwanisawo kutidzivirira kubva mukuita sarudzo idzo dzinozotikuvadza panyama kana pamweya. Kunotibatsira kuwana simba nenyaradzo munguva dzemiedzo nerusuwo. Kunotipa nzira yokuupenyu hwokusingaperi hwune mufaro mukuru.

Rimwe ramashoko makurusa evhangeri rakadzorerwa nderekuti tose tiri chikamu chemhuri yaMwari. Tiri vanakomana nevanasikana vanodiwa vaVo. Zvisinei nemamiriro ezvinhu emhuri yedu panyika, mumwe nemumwe wedu inhengo yemhuri yaMwari.

Chimwe chikamu chikuru cheshoko redu ndechekuti mhuri dzinokwanisa kubatanidzwa nokusingaperi. Mhuri yakagadzwa naMwari. Chirongwa chemufaro chaBaba Vokudenga chinokwanisa kuti ukama hwemhuri hwuenderere seri kweguva. Zvisungo nezvibvumirano zvinoera zvemutemberi zvinoita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive pamwechete nariinhi nariinhi.

Kuburikidza nechiedza chevhangeri, mhuri dzinokwanisa kugadzirisa kusanzwisisana, gakava, uye zvinetso. Mhuri dzakaparadzana nokuda kwekusawirirana dzinokwanisa kuporeswa kuburikidza nerutendeuko, ruregerero, uye nerutendo musimba reRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Vhangeri raJesu Kristu rinotibatsira kukudziridza ukama hwemhuri hwakasimba. Mumba ndiyo nzvimbo yakanakisisa yokudzidzisa nokudzidza misimboti yevhangeri. Imba yakamisirwa pamisimboti yevhangeri inozova nzvimbo yerupotero neruchengeteko. Inozova nzvimbo iyo Mweya waIshe yaunokwanisa kugara.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Vhangeri

  • Mhuri: Chiziviso kuNyika

  • General Handbook, chitsauko 2 uye 16

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Vhangeri,” “Mhuri

Chirongwa cheChidzidzo Chipfupi kana Chakati Rebei

Chirongwa chinotevera muenzaniso wezvaungadzidzisa mumwe munhu kana uine chinguva chipfupi chete. Apo paunoshandisa chirongwa ichi, sarudza musimboti mumwechete kana kupfuura yokudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwakapuwa kwokutanga muchidzidzo chacho.

Apo paunodzidzisa, bvunza mibvunzo uye teerera. Ipa kokero dzinozobatsira vanhu kudzidza maswederero okuita pedyosa naMwari. Imwe kokero yakakosha ndeyokuti munhu wacho asangane nemi zvakare. Hurefu hwechidzidzo hwunozoenderana nemibvunzo yaunobvunza uye kuteerera kwaunoita.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mudzimai

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 3-10

  • Mwari vakatuma Mwanakomana Wavo Anodiwa, Jesu Kristu, panyika kuti azotinunura kubva kuzvivi nerufu.

  • Rutendo muna Jesu Kristu musimboti wezviito nesimba. Rutendo rwunotibatsira kunzwa simba rinosimbisa reMuponesi muupenyu hwedu.

  • Rutendo muna Jesu Kristu rwunotitungamirira kukutendeuka. Rutendeuko inzira yokutendeukira kuna Mwari uye nokufuratira zvivi. Apo patinotendeuka, zviito zvedu, zvido zvedu, uye nepfungwa dzedu zvinoshanduka kuva zvinonyanya kuwirirana nechido chaMwari.

  • Apo patinotendeuka, Mwari vanotiregerera. Ruregerero rwunokwanisika nokuda kwokuti Jesu Kristu akadzikinura zvivi zvedu.

  • Rubhabhatidzo rwune zvikamu zviviri: rubhabhatidzo nemvura uye neMweya. Apo patinobhabhatidzwa nokusimbiswa, tinoshanangurwa kubva kuzvivi zvedu, zvichitipa mavambo matsva muupenyu.

  • Mushure mokunge tabhabhatidzwa, tinogamuchira chipo cheMweya Mutsvene kuburikidza nechisungo cherusimbiso.

  • Apo patinotevera zvakatendeka gwara revhangeri kusvikira kumagumo eupenyu hwedu, Mwari vanovimbisa kuti tinozova neupenyu hwokusingaperi.