Daidzo dzeHushumiri
Chitsauko 3: Chidzidzo 1—Shoko roKudzorerwa kweVhangeri raJesu Kristu


“Chitsauko 3: Chidzidzo 1— Shoko roKudzorerwa kweVhangeri raJesu Kristu,” Paridzai Vhangeri rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)

“Chitsauko 3: Chidzidzo 1,” Paridzai Vhangeri Rangu

Chitsauko 3: Chidzidzo 1

Shoko roKudzorerwa kweVhangeri raJesu Kristu

Mufananidzo
Chiratidzo Chokutanga

Vanhu Vangangoshamisika Kuti

  • Mwari variko here?

  • Ndingakwanisa sei kunzwa kuva pedyo naMwari?

  • Ndingakwanisa sei kudzidza chokwadi munyika inovhiringidza yanhasi?

  • Chitendero chinokwanisa kundibatsira sei?

  • Sei kuine chechi dzakawanda kudaro?

  • Sei ndiine zvinetso zvakawanda kudaro?

  • Ndingakwanisa sei kuwana runyararo munguva dzemhirizhonga?

  • Ndingakwanisa sei kuva munhu anonyanya kufara?

  • Muporofita angakwanisa kubatsira sei nyika nhasi?

Kubvira kumavambo enyika, Mwari vakazarura vhangeri kuvana Vavo kuburikidza navaporofita. Vakaita izvi kuburikidza neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. Chinyakare, Jesu akazarura vhangeri kuvaporofita vakaita saAdama, Noa, Abrahama, naMosesi. Asi vanhu vakawanda vakariramba.

Makore zviuru zviviri zvakapfuura, Jesu Kristu Pachake akadzidzisa vhangeri Rake uye akamisa Chechi Yake. Vanhu vakaramba kunyangwe Jesu. Chinguva chipfupi mushure mokufa Kwake, kwakava nokutsauka kwakapararira kubva kuchokwadi neChechi yaIshe. Kuzara kwevhangeri uye mvumo yehupirisita zvakanga zvisisiri panyika.

Pashure pamazana amakore, Mwari vakadaidza mumwe muporofita, Joseph Smith. Mwari vakadzorera kuzara kwevhangeri kuburikidza naye uye vakamubvumira kuti aronge Chechi yaJesu Kristu zvakare.

Kuva nokuzara kwevhangeri raJesu Kristu panyika ndiro rimwe remaropafadzo makurusa ezuva redu. Vhangeri rinotibatsira kupindura mibvunzo yeupenyu yakanyanyisa kudzama. Vaporofita vapenyu vanotitungamirira nemunguva dzakaoma. Mvumo yehupirisita yaMwari yava zvakare panyika kuropafadza vana Vavo.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mhuri

Mazano eKudzidzisa

Chikamu chino chinopa muenzaniso wechirongwa kukubatsira kugadzirira kudzidzisa. Chinosanganisirawo mienzaniso yemibvunzo nekokero dzaungangoshandisa.

Apo paunogadzirira kudzidzisa, nemunamato funga pamusoro pemamiriro ezvinhu nezvidikanwi zvepamweya zvemunhu woga woga. Sarudza kuti ndezvipi zvinozonyanyisa kubatsira kudzidzisa. Gadzirira kutsanangura ndevo idzo vanhu dzavangange vasinganzwisisi. Ronga maererano nehuwandu hwenguva yaunozova nayo, uchirangarira kuchengeta zvidzidzo zviri zvipfupi.

Sarudzai magwaro matsvene okushandisa paunenge uchidzidzisa. Chikamu “cheHwaro hweDzidziso” chechidzidzo ichi chinosanganisira magwaro matsvene akawanda anobatsira.

Funga pamusoro pemibvunzo yokubvunza apo paunenge uchidzidzisa. Ronga kokero dzekupa dzinozokurudzira munhu woga woga kuita chimwe chinhu pakokero dzacho.

Simbisa maropafadzo akavimbiswa naMwari, uye govera uchapupu hwako hwezvaunodzidzisa.

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 15–25

Sarudza mumwechete kana kupfuura yemisimboti inotevera yokudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwunopuwa mushure mechidzidzo chino.

Mwari ndivo Baba Vedu Vokudenga Vanerudo

  • Mwari ndivo Baba vedu Vokudenga, uye isu tiri vana Vavo. Vakatisika mumufananidzo Wavo.

  • Mwari vanotiziva isu pachedu uye Vanotida.

  • Mwari vane muviri unobwinya, wakarurama wenyama nemapfupa.

  • Mwari vanoda kutiropafadza nerunyararo uye nekuzara kwemufaro izvo zvinozoramba zviripo nokusingaperi.

  • Nokuda kwokuti Baba Vokudenga vanotida, Vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, kuzotinunura kubva kuzvivi nerufu.

Mwari Vanozarura Vhangeri kuburikidza naVaporofita muMukuwo Woga Woga

  • Mwari vanodaidza vaporofita kuti vave vamiririri Vavo panyika.

  • Chinyakare, Mwari vakadaidza vaporofita vakaita saAdama, Noa, Abrahama, naMosesi.

  • Muporofita mupenyu anotambira zvakazarurwa kubva kuna Mwari kuti atidzidzise nokutitungamirira nhasi.

Hushumiri hwaPanyika hwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake

  • Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.

  • Munguva yehushumiri Hwake hwepanyika, Jesu Kristu akadzidzisa vhangeri Rake uye akamisa Chechi Yake.

  • Jesu akadaidza vaApositora vane gumi navaviri uye akavapa mvumo yokutungamirira Chechi Yake.

  • Pakuguma kweupenyu Hwake, Jesu akadzikinura zvivi zvedu kuburikidza nokutambura Kwake muBindu reGetsemane uye panguva yoKuroverwa Pamuchinjikwa Kwake. Mushure mokufa kwaJesu, Akamuka kuvakafa.

  • Nokuda kwekuzvipira kwerudzikinuro kwaJesu Kristu, tinokwanisa kuregererwa nokushanangurwa pazvivi zvedu apo patinotendeuka. Izvi zvinotiunzira runyararo uye zvinoita kuti tikwanise kudzokera pamberi paMwari uye titambire kuzara kwemufaro.

  • Nokuda kweKumuka Kuvakafa kwaJesu, tose tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga unozobatanidzwa zvakare uye worarama nariinhi nariinhi.

Kutsaukira Kure

  • Mushure mokunge vaApositora vaJesu vafa, kwakava nekutsauka kwakapararira kwose kwose kubva kuvhangeri neChechi yaJesu Kristu.

  • Munguva iyi, vanhu vakashandura dzidziso dzevhangeri dzakawanda. Vanhu vakashandurawo zvisungo zvehupirisita, zvakaita serubhabhatidzo. Mvumo yehupirisita uye Chechi iyo Jesu yaakanga amisa zvakanga zvisisiri panyika.

Kudzorerwa kweVhangeri raJesu Kristu kuburikidza naJoseph Smith

  • Joseph akatsvaka kuziva kuti ndeipi chechi yaiva Chechi yechokwadi yaMwari kuitira kuti agoipinda. Baba Vokudenga naJesu Kristu vakazvitaridza kwaAri muna 1820. Chiitiko ichi chinodaidzwa kunzi Chiratidzo Chokutanga.

  • Mwari vakadaidza Joseph Smith kuti ave muporofita, sokudaidza kwaVakanga vaita vaporofita munguva dzakare.

  • Vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa kuburikidza naJoseph Smith.

  • Vamwe vatumwa vokudenga vakadzorera hupirisita, uye Joseph akabvumirwa kuronga Chechi yaJesu Kristu.

  • Jesu Kristu anoramba achitungamirira Chechi Yake nhasi kuburikidza navaporofita navaapositora vanorarama.

Bhuku raMormoni: Imwe Testamente yaJesu Kristu

  • Bhuku raMormoni ibhuku ramagwaro matsvene rakanyorwa munguva dzechinyakare navaporofita mumaAmerica. Joseph Smith akaridudzira kuburikidza nechipo uye nesimba raMwari.

  • Pamwepo neBhaibheri, Bhuku raMormoni rinopa uchapupu hwehushumiri, dzidziso, uye nebasa raJesu seMuponesi wedu.

  • Tinokwanisa kuswedera pedyo naMwari kuburikidza nokuverenga Bhuku raMormoni uye nokuteerera kumitemo yaro.

  • Tinokwanisa kuziva kuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari kuburikidza nokuriverenga, nokurifungisisa, uye nokunamata pamusoro paro. Mutoo uyu unozotibatsirawo kusvika pakuziva kuti Joseph Smith aiva muporofita.

Namata kuti Uzive Chokwadi kuburikidza neMweya Mutsvene

  • Munamato ihurukuro yevaviri pakati paMwari nevana Vavo.

  • Kuburikidza nemunamato wemwoyo wose, tinokwanisa kuziva kuti shoko reKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu ndere chokwadi.

  • Apo patinonamata, Mweya Mutsvene unodzidzisa nokusimbisa chokwadi kwatiri.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa vakomana vechidiki

Mibvunzo Yaungabvunza Vanhu

Mibvunzo inotevera mienzaniso yeizvo zvaungangobvunza vanhu. Mibvunzo iyi inokwanisa kukubatsira kuva nehurukuro dzinoreva chinhu uye nokunzwisisa zvidikanwi uye mafungiro emunhu.

  • Chii chamunotenda pamusoro paMwari?

  • Kunzwa kuva pedyo naMwari kunokubatsirai sei?

  • Chii chamunoziva pamusoro paJesu Kristu? Upenyu Hwake nedzidziso Dzake zvakakushandurai sei?

  • Munowana sei mhinduro dzechokwadi munyika inovhiringidza yanhasi?

  • Zvinozokubatsirai sei kuziva kuti kune muporofita anorarama panyika nhasi?

  • Makambonzwa nezve Bhuku raMormoni here? Tingagovera here kuti sei rakakosha?

  • Mungazogovera here izvo zvamunotenda pamusoro pemunamato? Tingagovera here izvo zvatinotenda pamusoro pemunamato?

Kokero Dzaungapa

  • Munozokumbira Mwari here mumunamato kuti vakubatsirei kuziva kuti izvo zvatadzidzisa ichokwadi? (Ona “Mazano eKudzidzisa: Munamato” muchikamu chokupedzisira chechidzidzo chino.)

  • Munozouya kuchechi here Svondo rino kuti mudzidze zvimwe zvakawanda pamusoro peizvo zvatadzidzisa?

  • Munozoverenga here Bhuku raMormoni uye nokunamata kuti muzive kuti ishoko raMwari? (Ungangopa zvimwe zvitsauko kana ndima chaidzo dzokuverenga.)

  • Munozotevera here muenzaniso waJesu uye mobhabhatidzwa? (Ona musoro wenyaya “Kokero yoKubhabhatidzwa noKusimbiswa,” uyo uri pamberi pechidzidzo chino.)

  • Tingatara here nguva yekushanya kwedu kunotevera?

Hwaro hweDzidziso

Chikamu chino chinopa dzidziso nemagwaro matsvene ekuti unzvere kuitira kusimbisa ruzivo neuchapupu hwako hwevhangeri uye nokukubatsira kudzidzisa.

Mufananidzo
mhuri

Mwari ndivo Baba Vedu Vokudenga Vanerudo

Mwari ndivo Baba vedu Vokudenga, uye isu tiri vana Vavo. Vakatisika mumufananidzo Wavo. Vane “muviri wenyama nemapfupa unobatika sewemunhu” unobwinya uye wakarurama (Dzidziso neZvibvumirano 130:22).

Mwari vanotiziva isu pachedu, uye Vanotida kupfuura zvatinokwanisa kunzwisisa. Vanonzwisisa zviedzo zvedu, rusuwo rwedu, uye neutera hwedu, uye Vanotipa tsigiro kuburikidza nazvo. Vanofara mukufambira mberi kwedu uye vanozotibatsira kuita sarudzo dzakanaka. Vanoda kutaura nesu, uye tinokwanisa kutaura Navo kuburikidza nemunamato.

Mwari vakatipa nguva ino panyika kuitira kuti tikwanise kudzidza, kukura, uye tigonyanya kuva saIvo. Nerudo rwakarurama, Vanoda kuti tidzokere kwaVari mushure mokunge tafa. Zvisinei, hatikwanisi kuita izvi isu pachedu. Nokuda kwokuti Mwari vanotida, Vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, kuti atinunure. “Nokuti Mwari vakada nyika, nokudaro vakapa mwanakomana wavo wakaberekwa mumwe woga, … kuti kuburikidza naye nyika iponeswe” (Johane 3:16–17).

Mwari vanoda kutiropafadza nerunyararo uye nekuzara kwemufaro izvo zvinozoramba zviripo nokusingaperi. Vakapa chirongwa icho chinotipa mukana wokugamuchira maropafadzo aya. Chirongwa ichi chinodaidzwa kunzi chirongwa cheruponeso (ona chidzidzo 2).

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
Mosesi naMahwendefa, naJerry Harston

Mwari Vanozarura Vhangeri kuburikidza naVaporofita muMukuwo Woga Woga

Vaporofita ndivo Vamiririri vaMwari Panyika

Imwe nzira yakakosha iyo Mwari yavanoratidza nayo rudo Rwavo kwatiri ndeyokudaidza vaporofita, kuvapa mvumo yehupirisita, uye nokuvafemera kuti vataure muchinzvimbo Chavo. Vaporofita ndivo vamiririri vaMwari panyika. Muporofita wemuTestamente Yekare Amosi akanyora kuti “Ishe Mwari havazoiti chimwe chinhu, asi vanozarura zvakavanzika zvavo kuvaranda vavo vaporofita” (Amosi 3:7). Mamwe amaropafadzo atinogamuchira kubva kuvaporofita vanorarama akataurwa pazasi.

Zvapupu zvaJesu Kristu. Vaporofita ndivo zvapupu zvakakosha zvaJesu Kristu, vanopupura neZvake seMuponesi neMununuri wedu.

Dzidziso. Vaporofita vanogamuchira nhungamiro kubva kuna Mwari yokutibatsira kuziva chokwadi kubva kumanyepo. Vanotidzidzisa kuteerera mirairo yaMwari uye kutendeuka apo patinenge takanganisa. Vanoramba zvivi uye vanoyambira nezve mhedzisiro dzazvo.

Dzidziso dzavaporofita dzinotidzorera kunogara naMwari uye dzinotibatsira kugamuchira maropafadzo aVanoda kuti tive nawo. Ruchengeteko rwedu rukurusa ruri mukutevera shoko raIshe rakapuwa kuburikidza navaporifita Vake.

Mvumo yeHupirisita Muporofita waiyezvino ndiye mubati wehupurisita anotungamirira panyika. Hupirisita imvumo nesimba raMwari. Muporofita ane mvumo yokutaura nokuita zvinhu muzita raMwari kuitira ruponeso rwevana Vavo.

Nhungamiro yeChechi. Chechi yaJesu Kristu yakavakwa pahwaro hwavaporofita navaapositora (onai VaEfeso 2:19–20; 4:11–14).

Vaporofita muNguva dzeChinyakare

Adama ndiye aiva muporofita wekutanga panyika. Mwari vakazarura vhangeri raJesu Kristu kwaari uye vakamupa mvumo yehupirisita. Adama naEva vakadzidzisa vana vavo zvokwadi izvi uye vakavakurudzira kukudziridza rutendo uye nokurarama vhangeri.

Pokupedzisira zvizvarwa zvaAdama naEva zvakapanduka uye zvikatendeukira kure kubva kuvhangeri. Izvi zvakatungamirira kumamiriro anonzi kutsauka, kana kuti kutsaukira kure. Apo kutsauka kwakapararira pakunoitika, Mwari vanobvisa mvumo Yavo yehupirisita, iyo inodikanwa kudzidzisa uye nokuita zvisungo zvevhangeri.

Testamente Yekare inotaura nguva zhinji dzekutsauka kwakapararira. Kugumisa nguva idzi, Mwari vakananavira kuvana Vavo kuburikidza nokudaidza mumwe muporofita. Vakazarura zvokwadi zvevhangeri raJesu Kristu patsva kuvaporofita ava uye vakavapa mvumo yehupirisita. Vamwe vavaporofita ava vaiva Noa, Abrahama, naMosesi. Zvinosuwisa ndezvokuti, mumutoo wakadzokororwa nokufamba kwenguva, vanhu pokupedzisira vakaramba vaporofita uye vakatsaukira kure.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Muporofita

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Vaporofita,” “Kudzorerwa kweChechi

Mufananidzo
O My Father, (O Baba Vangu), naSimon Dewey

Hushumiri hwaPanyika hwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake

Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake zvakakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari kwatiri. Rudzikinuro Rwake rwaisanganisira kutambura Kwake muBindu weGetsemane, kutambura Kwake nerufu Rwake pamuchinjikwa, uye neKumuka Kuvakafa Kwake.

Kubvira munguva yaAdama naEva, vanhu vaitarisira kukuuya kwaJesu Kristu seMuponesi neMununuri wavo. Baba Vokudenga vakatuma Jesu panyika makore zviuru zviviri akapfuura ayo.

Jesu akararama upenyu hwakarurama, hwusina chivi. Akadzidzisa vhangeri Rake uye akamisa Chechi Yake. Akadaidza vaApositora uye akavapa mvumo yehupirisita yokudzidzisa uye nokuita zvisungo zvinoera, zvakaita serubhabhatidzo. Akavapawo mvumo yokutungamirira Chechi Yake.

Pamagumo eupenyu Hwake, Jesu akadzikinura zvivi zvedu kuburikidza nokutambura Kwake muGetsemane uye panguva Yake yoKuroverwa paMuchinjikwa. Nokuda kwekuzvipira kwerudzikinuro kwaJesu Kristu, tinokwanisa kushanangurwa pazvivi zvedu apo patinotendeuka. Izvi zvinoita kuti tikwanise kudzokera pamberi paMwari uye tigogamuchira kuzara kwemufaro.

Mushure mokuroverwa pamuchinjikwa kwaJesu, Akamuka kuvakafa, achiwana rukundo pamusoro perufu kuburikidza nesimba raBaba Vokudenga. Nokuda kwoKumuka Kuvakafa kwaJesu, isu tose tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nomumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa. (Ona “(Rudzikinuro rwaJesu Kristu” muchidzidzo 2.)

Mufananidzo
Muporofita Joseph Smith

Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Misimboti yakakoshesesa yechitendero chedu ndeye uchapupu hwavaApositora neVaporofita, maererano naJesu Kristu, kuti Akafa, akavigwa, uye akamuka zvakare pazuva rechitatu, uye akakwira kudenga; uye zvimwe zvinhu zvose zvinoenderena nechitendero chedu zviwedzerwa chete kune izvi” (Teaching of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 49).

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Kutsaukira Kure

Mushure mokufa kwaJesu Kristu, vaApositora Vake vakatsvaka kuchengeta dzidziso yaJesu iri yakarurama uye kuchengeta hurongwa hwakanaka muChechi. Zvisinei, nhengo dzakawanda dzeChechi dzakafuratira kubva kuvaApositora uye kubva kudzidziso iyo Jesu yaakanga adzidzisa.

Mushure mokunge vaApositora vauraiwa, kwakava nokutsaukira kure kwakapararira kubva kuvhangeri neChechi zvaJesu Kristu. Kutsaukira kure uku dzimwe nguva kunodaidzwa kunzi Kutsauka Kukuru. Nokuda kwazvo, Mwari vakabvisa mvumo yehupirisita panyika. Kurasikirwa uku kwaisanganisira mvumo yaidikanwa kutungamirira Chechi. Semhedzisiro yazvo, Chechi iyo Jesu yaakanga amisa yakanga isisiri panyika.

Munguva iyi, vanhu vakashandura dzidziso dzevhangeri dzakawanda. Ruzhinji rweruzivo pamusoro pehunhu hwechokwadi hwaBaba Vokudenga, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene hwakakanganiswa kana kurasika. Vanhu vakashandurawo zvisungo zvehupirisita, zvakaita serubhabhatidzo.

Mushure memazana amakore, varume namadzimai vaitsvaka chokwadi vakaedza kunatsurudza dzidziso netsika idzo dzakanga dzashandurwa. Vakatsvaka chiedza chezvepamweya chikurusa kupfuura chaivapo, uye vamwe vavo vakataura nezve kudikanwa kwekudzorerwa kwechokwadi. Kuedza kwavo kwakatungamirira kukurongwa kwamachechi akawanda.

Nhambwe yenguva iyi yakagumisira nekusimbiswa kwakawedzerwa parusununguko rwezvechitendero, uko kwakavhura nzira yekudzorerwa kwechokwadi uye nemvumo kubva kuna Mwari.

Vaporofita nevaapositora vakanga vafanotaura nezve kutsaukira kure (ona 2 VaTesaronika 2:1–3). Vakanga vafanotaurawo kuti vhangeri neChechi zvaJesu Kristu zvaizodzorerwa panyika (ona Mabasa AvaApositora 3:20–21). Dai kwakanga kusina kutsaukira kure, kudzorerwa hakwaizodikanwa.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Kutsauka

  • ­

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Kutsauka

Kudzorerwa kweVhangeri raJesu Kristu kuburikidza naJoseph Smith

Chiratidzo Chokutanga uye Daidzo yaJoseph Smith seMuporofita

Munguva yemazana amakore apo kuzara kwevhangeri raJesu Kristu pakwaiva kusiri panyika, Baba Vokudenga vakaramba vachinanavira kuvana Vavo. Nokufamba kwenguva, Vakagadzira nzira kuitira kuti vagokwanisa kuropafadzwa zvakare nekuzara kwevhangeri Ravo. Apo mamiriro ezvinhu paaiva anaka, Vakadaidza Joseph Smith semuporofita uyo kuburikidza naye vhangeri neChechi yaJesu Kristu zvaizodzorerwa.

Joseph Smith aigara kumabvazuva kweUnited States panguva yamanyukunyu makuru ezvechitendero. Nhengo dzemhuri yake vaiva vakazvipira kuna Mwari uye vachitsvaka chokwadi. Chechi dzakawanda dzaizviti ndidzo dzine chokwadi, uye Joseph aida kuziva kuti ndeipi yaiva yechokwadi (onai Joseph Smith—Nhoroondo 1:18). Bhaibheri rinodzidzisa kuti kuna “Ishe mumwe, kutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe” (VaEfeso 4:5). Apo Joseph paakaenda kuchechi dzakasiyana siyana, akavhiringidzika pamusoro pokuti ndeipi yaaifanira kupinda. Pashure akati:

“Kwaiva kukurusa kuvhiringidzika uye nekukakavadzana pakati pemapato akasiyana-siyana, zvokuti zvakanga zvisingakwanisike kuti munhu muduku akaita seni … asvike pasarudzo yechokwadi ipi zvayo yokuti ndiani aiva akarurama uye ndiani aiva asina kururama. …

“Pakati pehondo yemashoko nemhirizhonga yemafungiro iyi, kazhinji ndaizviti: Chii chinofanira kuitwa? Nderipi pamapato ose aya rakarurama; kana kuti, ose haana kururama here pamwechete? Kana paine rimwe rawo rakarurama, nderipi racho, uye ini ndichazviziva sei?” (Joseph Smith—Nhoroondo 1:8, 10).

Savanhu vakawanda, Joseph Smith akangawo aine mibvunzo pamusoro peruponeso rwemweya wake. Aida kuti zvivi zvake zviregererwe uye kuti ave akachena pamberi paMwari. Apo paaitsvaka chokwadi pakati pechechi dzakasiyana siyana, akaverenga muBhaibheri kuti “Kana mumwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, vanongopa vose vasingazotuki, uchapiwa hake” (Jakobo 1:5).

Nokuda kwendima iyi, Joseph akasarudza kubvunza Mwari zvaaifanira kuita. Mumwaka wechirimo wa1820, akaenda kuchisango chemiti chaiva pedyo nepamba pake uye akagwadama mumunamato. Kune tsananguro ina dzechiratidzo chakatevera, dzakanyorwa naJoseph Smith kana navanyori pasi perairo yake (onai Gospel Topics Essays [Zvinyorwa zveMisoro yeNyaya], “First Vision Accounts [Tsananguro dzeChiratidzo Chokutanga]”). Mutsananguro iyo inotorwa sechinyorwa chitsvene, akatsanangura chiitiko chake sezvinotevera:

Mufananidzo
The First Vision [Chiratidzo Chokutanga], naLinda Christensen uye Michael Malm

“Ndakaona mbiru yechiedza iri pamusoro chaipo pemusoro wangu, yaipfuura kupenya kwezuva, iyo yakadzika zvishoma nezvishoma kusvika yawira pandiri. … Apo chiedza chacho pachakagara pandiri ndakaona Vanhu vaviri, avo kupenya nekubwinya kwavo kunokunda tsananguro yose, vakamira nechepamusoro pangu mumhepo. Mumwe wavo akataura kwandiri, achindidaidza nezita rangu uye akati, achinongedzera kune mumwe—Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!” (Joseph Smith—Nhoroondo 1:16–17).

Muchiratidzo ichi Mwari Baba nemwanakomana Wavo, Jesu Kristu, vakazviratidza kuna Joseph Smith. Muponesi akamuudza kuti asapinda ipi zvayo yechechi dzacho.

Mune imwe tsananguro yechiratidzo ichi, Joseph akagovera kuti Muponesi akamuudzawo kuti: “Zvivi zvako zvaregererwa. … Tarira ndini Ishe wokubwinya. Ndakaroverwa pamuchinjikwa kuitira nyika kuti avo vose vanotenda pazita rangu vagova neupenyu Hwokusingaperi.”

Mushure mechiratidzo, Joseph akarangarira, “Mweya wangu wakazadzwa nerudo, uye kwamazuva mazhinji ndaikwanisa kufara nemufaro mukuru uye Ishe vaiva neni” (Nhoorondo yaJoseph Smith, zvingangova muZhizha ra1832, 3, josephsmithpapers.org; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvamazuva ano).

Kuburikidza nechiratidzo ichi, Joseph Smith akava chapupu chaJesu Kristu uye akadzidza zvokwadi zvakakosha pamusoro peMusoro weHumwari. Somuenzaniso, akadzidza kuti Baba Vokudenga naJesu Kristu vanhu vaviri vakasiyana. Apo paVakamudaidza nezita, akadzidza kuti Vaimuziva iye pachake. Apo Joseph paakaudzwa kuti aiva aregererwa, akadzidza kuti Mwari vaiva nengoni. Chiitiko ichi chakamuzadza nemufaro.

Seizvo Mwari zvavakanga vaita naAdama, Noa, Abrahama, Mosesi, navamwe vaporofita, Vakadaidza Joseph Smith kuti ave muporofita uyo kuburikidza naye kuzara kwevhangeri kwaizodzorerwa panyika. Kudzorerwa uku kwaizobatsira vana vaMwari kuwana mufaro munyika ino uye neupenyu hwokusingaperi munyika ichauya—zvose kuburikidza naJesu Kristu.

Kudzorerwa kweHupirisita uye Makiyi eHupirisita

Mufananidzo
Upon You My Fellow Servants [Panemi Vamwe Vangu Varanda], naLinda Curley Christensen uye Michael Malm

Mushure mokuzviratidza kwaBaba neMwanakomana, vamwe vatumwa vokudenga vakatumwa kuna Joseph Smith nemumwe wake Oliver Cowdery. Johane Mubhabhatidzi akazviratidza semunhu akamuka kuvakafa uye akagadza Hupirisita hwaAroni nemakiyi ahwo pavari. Hupirisita hwaAroni hwunosanganisira mvumo yokubhabhatidza.

Mufananidzo
The Voice of Peter, James, and John [Inzwi raPetro, Jakobo, naJohane], naWelden C. Andersen

Mushure mechinguva chipfupi, Petro, Jakobo, naJohane—vatatu vevaApositora vaKristu vokutanga—vakazviratidza savanhu vakamuka kuvakafa uye vakagadza Hupirisita hwaMerkizedeki namakiyi ahwo pana Joseph Smith naOliver Cowdery. Hupirisita uhwu ndihwo mvumo imwecheteyo iyo Kristu yaakapa kuvaApositora Vake chinyakare.

Mufananidzo
Image of Moses Elias and Elijah descending into the Kirtland temple and appearing to Joseph Smith.

MuTemberi yekuKirtland, Mosesi, naEria, naErija vakazviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery uye vakapa kwavari imwezve mvumo nemamwezve makiyi ehupirisita zvaidikanwa kubudirira pabasa raMwari mumazuva ekupedzisira. Mosesi akapa makiyi ekuunganidzwa kweIsraeri. Eria akapa mukuwo wevhangeri raAbrahama. Erija akapa makiyi esimba rokusunganidza. (Onai Dzidziso neZvibvumirano 110:11–16; onazve General Handbook, 3.1.)

Kurongwa kweChechi

Joseph Smith akarairwa kuti aronge Chechi yaJesu Kristu panyika zvakare. Kuburikidza nemaari, Jesu Kristu akadaidza vaApositora vane gumi nevaviri.

Vaporofita munguva dzebhaibheri vakataura nezve nguva iyo yatinorarama semazuva ekupedzisira. Inguva iri pedyo neKuuya kweChipiri kwaJesu Kristu. Ndiko kusaka Chechi ichidaidzwa kunzi Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira (ona Dzidziso neZvibvumirano 115:3–4; onawo 3 Nifai 27:3–8).

Vaporofita nevaApositora Vanorarama Nhasi

Sokudaidza kwakaita Jesu vaApositora munguva yehushumiri Hwake hwapanyika kuti vatungamirire Chechi Yake, Akadaidzawo vaApositora kuti vaitungamirire nhasi. Vatungamiri Vokutanga neChikwata chevaApositora Vane Gumi neVaviri vaporofita, vaoni, nevazaruri?

MuApositora mukuru ndiye chete anodaidzwa kuti muporofita nokuda kwokuti anotungamirira pamusoro peChechi yose uye ndiye ane mvumo yakakosha yokutaura muchinzvimbo chaIshe. Ndiye mutsivi ane mvumo kuna Joseph Smith Iye navaApositora varipo iyezvino vanotevedza mvumo yavo kuenda kuna Jesu Kristu mumudorongodzwa usina kugurwa wegadzo idzo dzakatanga apo Joseph Smith paakagadzwa pasi pamaoko avatumwa vokudenga.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Bhuku raMormoni: Imwe Testamente yaJesu Kristu

Bhuku raMormoni ibhuku remagwaro matsvene rakafanana neBhaibheri. Bhaibheri ndiro chimwe chapupu chaJesu Kristu, uye Bhuku raMormoni ndiro chapupu chechipiri chehushumiri Hwake, dzidziso Dzake, uye basa Rake seMuponesi wedu.

Joseph Smith akarairwa nzira nemutumwa wokudenga ainzi Moroni yokuchikomo uko rondedzero yechinyakare kwayakanga yakavigwa kwemazana amakore. Rondedzero iyi, yaiva yakanyorwa pamahwendefa egoridhe (mapepa matete tete esimbi), yaiva nezvinyorwa zvavaporofita pamusoro pokushanda kwaMwari nevamwe vevagari vechinyakare vemaAmerica. Joseph Smith akadudzira rondedzero iyi kuburikidza nechipo nesimba raMwari.

Vaporofita vemuBhuku raMormoni vaiziva pamusoro pebasa raJesu Kristu uye vakadzidzisa vhangeri Rake. Mushure mokunge Jesu amuka kuvakafa, Akazviratidza kuvanhu ava uye akashumira kwavari iye pachake. Akavadzidzisa uye akamisa Chechi Yake.

Bhuku raMormoni rinotibatsira kuswedera pedyo naMwari apo patinodzidza, patinonzwisisa, uye patinoshandisa dzidziso dzaro. Muporofita Joseph Smith akati “murume [kana mudzimai] anozoswedera pedyosa naMwari kuburikidza nokuteerera kumisimboti [yebhuku iri], kupfuura nerimwe bhuku ripi zvaro (Teachings: Joseph Smith, 64).

Mufananidzo
murume achiverenga

Kuti tizive kuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari, tinofanira kuriverenga, kufungisisa nezvaro, uye nokunamata pamusoro paro. Muporofita wemuBhuku raMormoni akavimbisa kuti Mwari vanozozarura huchokwadi hwebhuku iri kwatiri apo patinonamata nemwoyo wose, nechinangwa chechokwadi, uye nerutendo muna Kristu (ona Moronai 10:3–5). Kunzvera Bhuku raMormoni kwakakosha zvikuru parutendeuko rwunoenderera mberi.

Apo patinoverenga Bhuku raMormoni nokunamata pamusoro paro, tinozodzidza zvokwadi pamusoro paJesu Kristu izvo zvinozoropafadza upenyu hwedu. Tinozosvikawo pakuziva kuti Joseph Smith aiva muporofita waMwari uye kuti vhangeri neChechi yaJesu Kristu zvakadzorerwa kuburikidza naye.

Mufananidzo
Mutungamiri Russell M. Nelson

“Ndinovimbisa kuti apo pamunonzvera Bhuku raMormoni nemunamato mazuva ose, munozoita sarudzo dzirinani—mazuva ose. Ndinovimbisa kuti apo pamunofungisisa izvo zvamunonzvera, mahwindo ekudenga anozozaruka, uye munozogamuchira mhinduro kumibvunzo yenyu pachenyu uye nhungamiro yeupenyu hwenyu pachenyu. Ndinovimbisa kuti apo pamunozvinyudza zuva nezuva muBhuku raMormoni, munokwanisa kudzivirirwa kubva kuhuipi hwezuva racho” (Russell M. Nelson, “The Book of Mormon: What Would Your Life Be Like without it?Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2017 62–63).

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Bhuku raMormoni

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Bhuku raMormoni

Mufananidzo
mudzimai achinamata

Namata kuti Uzive Chokwadi kuburikidza neMweya Mutsvene

Nokuda kwokuti Mwari ndiBaba vedu, Vanozotibatsira kuziva chokwadi. Tinokwanisa kuziva kuti shoko roKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu ndere chokwadi apo patinoverenga Bhuku raMormoni uye tonamata kuna Mwari. Apo patinonamata nerutendo uye nechinangwa chechokwadi, Vanozopindura mibvunzo yedu uye nokutungamirira upenyu hwedu.

Mwari kazhinji vanopindura minamato yedu kuburikidza neMweya Mutsvene. Apo patinonamata, Mweya Mutsvene unodzidzisa nokusimbisa chokwadi. Femero dzinobva kuMweya Mutsvene dzakasimba. Kazhinji dzinouya sevimbiso yakanyarara kuburikidza nemanzwiro edu, nepfungwa dzedu, uye nemaonero edu (ona 1 Madzimambo 19:11–12; Hiramani 5:30; Dzidziso neZvibvumirano 8:2).

Kunzvera magwaro matsvene nguva dzose (kunyanya Bhuku raMormoni), kupinda misangano yesakaremende vhiki roga roga, uye munamato wemwoyo wose zvinotibatsira kunzwa simba reMweya Mutsvene uye kuziva chokwadi.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Munamato

  • ­

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Munamato

Chirongwa cheChidzidzo Chipfupi kana Chakati Rebei

Chirongwa chinotevera muenzaniso wezvaungadzidzisa mumwe munhu kana uine chinguva chipfupi chete. Apo paunoshandisa chirongwa ichi, sarudza musimboti mumwechete kana kupfuura yokudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwakapuwa kwokutanga muchidzidzo chacho.

Apo paunodzidzisa, bvunza mibvunzo uye teerera. Ipa kokero dzinozobatsira vanhu kudzidza maswederero okuita pedyosa naMwari. Imwe kokero yakakosha ndeyokuti munhu wacho asangane nemi zvakare. Hurefu hwechidzidzo hwunozoenderana nemibvunzo yaunobvunza uye kuteerera kwaunoita.

Mufananidzo
vashumiri vachitaura kumurume

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 3-10

  • Mwari ndivo Baba vedu Vokudenga, uye Vakatisika mumufananidzo Wavo. Vanotiziva isu pachedu uye vanotida. Vanoda kutiropafadza nerunyararo uye nokuzara kwemufaro izvo zvinozovapo nokusingaperi.

  • Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari. Basa rake raiva rokuita kuti zvikwanisike kwatiri kushanangurwa kuzvivi zvedu, kukunda rufu, uye nokugamuchira upenyu hwokusingaperi.

  • Mwari vanodaidza vaporofita kuti vave vamiririri Vavo panyika. Chinyakare, Vakadaidza vaporofita vakaita saAdama, Noa, Abrahama, naMosesi. Muporofita mupenyu anotambira zvakazarurwa kubva kuna Mwari kuti atidzidzise nokutitungamirira nhasi.

  • Munguva yehushumiri hwepanyika hwaJesu, Akamisa Chechi Yake. Mushure mokunge vaApositora vaJesu vafa, kwakava nekutsauka kwakapararira kwose kwose kubva kuvhangeri neChechi yaJesu Kristu. Vanhu vakashandura dzidziso dzevhangeri dzakawanda nezvisungo zvehupirisita zvakawanda, zvakaita serubhabhatidzo.

  • Mwari vakadaidza Joseph Smith kuti ave muporofita, sokudaidza kwaVakanga vaita vaporofita munguva dzakare. Baba Vokudenga naJesu Kristu vakazviratidza kwaari. Vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa kuburikidza naye.

  • Bhuku raMormoni ibhuku remagwaro matsvene. SeBhaibheri, itestamente yaJesu Kristu uye rinotibatsira kuswedera pedyosa naMwari apo patinoriverenga uye nokushandisa misimboti yaro. Joseph Smith akaridudzira kuburikidza nechipo uye nesimba raMwari.

  • Kuburikidza nemunamato wemwoyo wose, tinokwanisa kutaurirana naMwari. Tinokwanisa kuziva kuti shoko reKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu ndere chokwadi.