Daidzo dzeHushumiri
Chitsauko 3: Nzvera uye Dzidzisa Vhangeri raJesu Kristu


“Chitsauko 3: Nzvera uye Dzidzisa Vhangeri raJesu Kristu,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)

“Nzvera uye Dzidzisa Vhangeri raJesu Kristu,” Paridzai Vhangeri Rangu

Mufananidzo
The Baptism of Christ, (Rubhabhatidzo rwaKristu,) naJoseph Brickey

Chitsauko 3

Nzvera uye Dzidzisa Vhangeri raJesu Kristu

Zvidzidzo zviri muchitsauko chino zvine dzidziso, misimboti, nemirairo zvakakosha zvevhangeri raJesu Kristu. Zvidzidzo izvi ndizvo izvo vaporofita nevaapositora zvavakakuraira kuti udzidze nokudzidzisa. Zvakapuwa pano kuitira kuti ugobatsira vamwe kuti vanzwisise zvakajeka dzidziso yaKristu.

Chikamu chokutanga muchitsauko chino ikokero yerubhabhatidzo. Chimwe chitsauko chose chinosanganisira zvidzidzo zvina zvinotevera:

Nzvera mangwaro matsvene uye koshesa dzidziso dziri muchidzidzo choga choga. Apo paunodaro, Mweya unozopupura uchapupu hwezvokwadi zvaunonzvera. Unozokubatsira kuziva izvo zvaunofanira kutaura nokuita kuti ubatsire vamwe kutambira uchapupu hwechokwadi. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 84:85.)

Vanhu vanozosvika pakuziva Muponesi zvakanyanya kuzara apo pavanoita izvo zvaAkavakoka kuti vaite. Ipa kokero muchidzidzo choga choga, uye batsira vanhu kuchengeta zvitsidzo zvavo. Apo vanhu pavanochengeta zvitsidzo, vanotanga kurarama vhangeri raJesu Kristu uye nokugadzirira kuita zvibvumirano naMwari.

Dzidzisa zvidzidzo zvose rubhabhatidzo rusati rwaitika uye mushure mokunge rwaitika. Vashumiri venguva yakazara vanotungamirira mukudzidzisa zvidzidzo panguva mbiri dzose idzi. Vashumiri vemuwadhi kana dzimwe nhengo vanotora chinhanho apo pazvinenge zvichikwanisika. Ona chitsauko 10 uye 13 kuti uwane ruzivo pamusoro pokusanganisira nhengo mukudzidzisa.

Gadzirira Kudzidzisa

Apo paunogadzirira kudzidzisa, wongorora ruzivo rwemunhu woga woga muapp yeParidzai Vhangeri Rangu. Gadzira chirongwa chechidzidzo maererano nezvidikanwi zvemunhu wacho. Funga pamusoro peizvo zvaanofanira kuziva uye kunzwa panguva yokushanya kwekudzidzisa yenyu. Mweya unozokudziridza kuedza kwako apo paunotora nguva kugadzirira nokuronga.

Heino mimwe mibvunzo yokuti iwe nemufambidzani wako mufunge pamusoro payo nemunamato apo pamunenge muchigadzirira kudzidzisa.

  • Ikokero ipi yatinozopa kubatsira munhu wacho kuvaka rutendo muna Kristu uye kufambira mberi? Kukoka ndiyo nzira yamunobatsira nayo vanhu kuti vatendeuke uye vanzwe “simba reMununuri” (Hiramani 5:11). Fungai pamusoro pekufambira mberi, mamiriro ezvinhu, uye nezvidikanwi zvemunhu wacho. Zvino sanganisirai kokero imwechete kana dzakawanda muchirongwa chenyu chechidzidzo.

  • Ndedzipi dzidziso uye misimboti zvinozobatsira munhu wacho kuchengeta chitsidzo chatakamukoka kuti aite? Nemunamato sarudzai kuti ndedzipi dzidziso uye misimboti zvinozobatsira vanhu kunzwisisa kuti sei kuchengeta zvitsidzo zvavo kwakakosha kwavari uye kuna Ishe.

  • Tinozobatsira sei munhu wacho kudzidza dzidziso? Kuti mugadzirire kudzidzisa dzidziso, rongai uye pfupikisai izvo zvamunozodzidzisa muchishandisa zvidzidzo 1–4. Domai mibvunzo, magwaro matsvene, mienzaniso, uye zvigadzirwa zvakakodzera izvo zvinozobatsira munhu wacho kunzwisisa izvo zvamunodzidzisa. Onai chitsauko 10 kuti muwane ruzivo pamusoro pokuti munganatsurudza kudzidzisa kwenyu sei.

  • Ndeapi maropafadzo ayo Mwari avakavimbisa nokuda kwokutambira nokuchengeta zvitsidzo? Apo pamunonzvera dzidziso, domai maropafadzo ayo Mwari avakavimbisa. Apo pamunodzidzisa, vimbisai maropafadzo uye pupurai uchapupu hwavo.

  • Ndedzipi nhengo dzinokwanisa kutora chinhanho? Mumusangano wekuronga wevhiki yoga yoga, sarudzai kuti ndedzipi nhengo dzinokwanisa kukubatsirai kudzidzisa nokutsigira munhu wacho. Chidzidzo chisati chatanga, kurukurai kutora chinhanho kwavo. Onai chitsauko 10.

  • Chii chatingaita kubatsira vanhu kuchengeta zvitsidzo zvavo mushure mokunge tabva? Tauriranai kwechinguva chipfupi zuva roga roga navanhu vamurikudzidzisa kuitira kuvabatsira kuchengeta zvitsidzo zvavo. Tsvakai nzira dzokusanganisira nhengo mukubatsira avo vamunodzidzisa kuchengeta zvitsidzo zvavo. Kutaurirana uku kunokwanisa kusanganisira kuverenga chitsauko kubva muBhuku raMormoni kana mamwe magwaro matsvene. Kana mumwe munhu asiri kuchengeta chitsidzo chaakaita kare, zvingava zviri nani kumubatsira naichocho musati mamupa chimwe. Onai chitsauko 11.

  • Tingakwanisa sei kuvabatsira zviri nani panguva inotevera? Mushure menguva yokudzidzisa yoga yoga, wongororai chiitiko chavanhu vamuri kudzidzisa. Rutendo rwavo muna Kristu rwuri kukura here? Varikunzwa Mweya here? Vari kutendeuka nokuita uye nokuchengeta zvitsidzo here? Vari kunamata, kunzvera Bhuku raMormoni, uye nokuenda kuchechi here? Itai zvirongwa zvokuvabatsira.

Dzidzisai kubva muMwoyo Yenyu soKutungamirirwa kwamunoita neMweya

Vachitaura kumagosa nemasisita ose, Vatungamiri Vokutanga neChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakataura kuti:

“Chinangwa chedu ndechekudzidzisa shoko revhangeri rakadzorerwa nenzira inobvumira kuti Mweya utungamirire zvose vashumiri uye naavo vari kudzidziswa. Zvakakosha kudzidza pfungwa dziri [muzvidzidzo], asi idzi hadzifaniri kudzidziswa nenzira yokungodzokorora semapirwo azvakaitwa muchidzidzo chacho. Mushumiri anofanira kuva akasununguka kushandisa mashoko ake pachake sokukurudzirwa kwaanoitwa neMweya. Haafaniri kupa dzokororo yakadzidzwa nemusoro yechidzidzo chacho, asi anofanira kutaura zvinobva mumwoyo nemashoko ake iye pachake. Anokwanisa kusateverera marongerwe akaitwa zvidzidzo, achidzidzisa izvo zvaanofemerwa kuita, maererano nechido nezvidikanwi [zvemunhu] wacho. Achitaura kubva mukutenda kwake pachake uye nemashoko ake pachake, anofanira kupa uchapupu hwechokwadi chedzidziso dzake.”

Mufananidzo
vashumiri vachisangana nemurume

Dzidzisa noKukoka maererano neZvidikanwi zveMunhu Pachake

Une rusununguko rwekudzidzisa zvidzidzo nenzira ipi zvayo inonyanyisa kubatsira vanhu kugadzirira zvakazara rubhabhatidzo nerusimbiso. Chidzidzo chaunodzidzisa, nguva yaunochidzidzisa, uye marebero enguva yaunopa kwachiri zvinosarudzwa zvakanyanya kunaka nezvidikanwi zvemunhu wauri kudzidzisa uye nehutungamiri hweMweya. Semuenzaniso, apo paunenge uchidzidzisa vanhu vasina ruzivo rwechiKristu, ungangotanga nokuvabatsira kukudziridza ukama hukuru naBaba Vokudenga uye nzwisiso yechirongwa Chavo (onai “Teaching People Who Do Not Have a Christian Background” muchitsauko 10).

Rega Mweya ukutungamirire mukusarudza kuti ndedzipi kokero dzaunopa uye nguva yokudzipa. Kokero yakanaka panguva yakanaka inokwanisa kukurudzira vanhu kuita zvinhu izvo zvinozovaka rutendo rwavo. Zviito izvi zvinokwanisa kutungamirira kurushanduko rukurusa rwemwoyo (onai Mosaya 5:2; Alma 5:12–14).

Dzidzisa zvidzidzo zvakareruka, zvakajeka, uye zvipfupi. Kazhinji, kushanya kwedzidziso hakufaniri kupfuura maminitsi makumi matatu, uye unokwanisa kudzidzisa munhu mumanitsi mashomanana semaminitsi mashanu chete.

Nguva zhinji munozoda misangano mizhinji kudzidzisa misimboti iri muchidzidzo chimwechete. Vanhu kazhinji vanozonzwisisa zvirinani shoko renyu kana mukadzidzisa zvidzidzo zvipfupi, mukadzidzisa kakawanda, uye mukadzidzisa zvikamu zvidiki zvezvinyorwa.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Chii chaunorairwa kudzidzisa?

Sei zvakakosha kunzvera dzidziso dziri muzvidzidzo?