Daidzo dzeHushumiri
Shoko raVatungamiri Vokutanga


“Shoko raVatungamiri Vokutanga,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)

“Shoko raVatungamiri Vokutanga,” Paridzai Vhangeri Rangu

Shoko raVatungamiri Vokutanga

Mudikanwi Mumwe Wedu Mushumiri:

Tinokukorokotedza pamukana mukurusa wauinawo wokuva mushumiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Hakuna rimwe basa rinonyanya kugombedzera kana rakanyanya kukosha kupfuura kuunganidzwa kweIsraeri.

Paridzai Vhangeri Rangu rakaitirwa kukubatsira kuti uve mushumiri akagadzirira zvakanakisa uye akanyanya kuyaruka pane zvepamweya. Rakaitirwawo kukubatsira kuti uve mudzidzisi anonyanya kubudirira. Tinokukurudzira kurishandisa mazuva ose mukunzvera kwako pachako uye nemukunzvera kwako nemufambidzani wako. Tinokukurudzirawo kurishandisa mumisangano yako yedare remudunhu uye nemumisangano mikuru yemunharaunda. Nzvera zvinyorwa zvitsvene zvakapuwa uye dzidza dzidziso nemisimboti yazvo.

Tinokukoka kuti usimukire kumhiko itsva yokubatsira Baba vedu vari Kudenga mubasa Ravo rinoshamisa. Mushumiri woga woga ane basa rakakosha mukubatsira Ishe mubasa Ravo “rokuunza kusafa uye upenyu hwokusingaperi hwavanhu” (Mosesi 1:39).

Ishe vanozokuropafadza apo paunozvipira neruninipo kuVashandira. Tinovimba kuti uchawana mufaro mukuru nerudekaro rukuru apo paunoshanda pakati pavana vaBaba Vokudenga.

Hutungamiri Hwekutanga