Daidzo dzeHushumiri
Chitsauko 3: Chidzidzo 2—Chirongwa cheRuponeso chaBaba Vokudenga


“Chitsauko 3: Chidzidzo 2—Chirongwa cheRuponeso chaBaba Vokudenga,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)

“Chitsauko 3: Chidzidzo 2,” Paridzai Vhangeri Rangu

Chitsauko 3: Chidzidzo 2

Chirongwa cheRuponeso chaBaba Vokudenga

Mufananidzo
Mufananidzo wechivezwa waKristasi

Vanhu Vangangoshamisika Kuti

  • Chinangwa cheupenyu ndechei?

  • Ndakabva kupi?

  • Kuna Mwari vane hanya neni here? Ndingakwanisa sei kunzwa kuti Vane hanya?

  • Ndingakwanisa sei kutenda muna Mwari apo zvinhu zvakaipa zvizhinji kudaro zvichiitika?

  • Sei upenyu hwakaoma kudaro dzimwe nguva? Ndingawana sei simba munguva idzi?

  • Ndingakwanisa sei kuva munhu ari nani?

  • Chii chinoitika mushure mokunge ndafa?

Vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu rinotibatsira kupindura mibvunzo yakakosha yemweya. Kuburikidza nevhangeri, tinodzidza pamusoro pehunhu hwedu hwehumwari nekwaniso yokusingaperi yedu sevana vaMwari. Vhangeri rinotipa tariro uye rinotibatsira kuwana runyararo, mufaro uye revo. Kurarama vhangeri kunotibatsira kukura uye kuwana simba apo patinotarisana nezvinetso zveupenyu.

Mwari vanoda zvakanakisisa kuvana Vavo uye vanoda kutipa maropafadzo Avo makurusa, ayo anova kusafa uye noupenyu hwokusingaperi (ona Mosesi 1:39; Dzidziso neZvibvumirano 14:7). Nokuti Vanotida, Vakatipa chirongwa chokuti tigamuchire maropafadzo aya. Mumagwaro matsvene, chirongwa ichi chinonzi chirongwa cheruponeso, chirongwa chikuru chemufaro, uye chirongwa cherununuro (ona Aruma 42:5, 8, 11, 13, 15, 16, 31).

Muchirongwa chaMwari, mumwe nemumwe wedu anoita rwendo nomuupenyu tisati tazvarwa panyika, mukuzvarwa, muupenyu hunofa, murufu, uye nomuupenyu mushure mekufa. Mwari vakatipa izvo zvatinoda panguva yerwendo urwu kuitira kuti mushure mokunge tafa, tinokwanisa pokupedzisira kudzokera pamberi Pavo uye tigogamuchira kuzara kwemufaro.

Jesu Kristu akakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari. Kuburikidza neRudzikinuro Rwake neKumuka Kuvakafa Kwake, Jesu akaita kuti zvikwanisike kuti mumwe nemumwe wedu agamuchire kusafa noupenyu hwokusingaperi.

Munguva yeupenyu hwedu panyika, hatirangariri upenyu hwedu tisati tazvarwa panyika. Uyewo hatinzwisisi zvakazara upenyu mushure merufu. Zvisinei, Mwari vakaratidza zvokwadi zvizhinji pamusoro pezvikamu izvi zverwendo rwedu rwokusingaperi. Zvokwadi izvi zvinotipa ruzivo rwakakwana rwokuti tinzwisise chinangwa choupenyu, tive nemufaro, uye tive netariro yezvinhu zvakanaka zvinozouya. Ruzivo urwu ipfuma inoera yekutitungamirira apo patinenge tiri panyika.

Mazano eKudzidzisa

Chikamu chino chinopa muenzaniso wechirongwa kukubatsira kugadzirira kudzidzisa. Chinosanganisirawo mienzaniso yemibvunzo uye kokero dzaungangoshandisa.

Apo paunogadzirira kudzidzisa, nemunamato funga pamusoro pemamiriro ezvinhu nezvidikanwi zvepamweya zvemunhu woga woga. Sarudza izvo zvinozova zvinonyanya kubatsira pakudzidzisa. Gadzirira kutsanangura ndevo idzo vanhu dzavangange vasinganzwisisi. Ronga maererano nenguva yaunozova nayo, uchiyeuka kuchengeta zvidzidzo zviri zvipfupi.

Sarudzai magwaro matsvene okushandisa paunenge uchidzidzisa. Chikamu “cheHwaro hweDzidziso” chechidzidzo ichi chinosanganisira magwaro matsvene akawanda anobatsira.

Funga pamusoro pemibvunzo yokubvunza apo paunenge uchidzidzisa. Ronga kokero dzekupa dzinozokurudzira munhu woga woga kuita chimwe chinhu pakokero dzacho.

Simbisa maropafadzo akavimbiswa naMwari, uye govera uchapupu hwako hwezvaunodzidzisa.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mhuri

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 15–25

Sarudza mumwechete kana kupfuura yemisimboti inotevera pamusoro pechirongwa cheruponeso yekudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwunopuwa mushure mechidzidzo chino.

Upenyu Tisati Tazvarwa Panyika: Chinangwa neChirongwa chaMwari Kwatiri

  • Tose tiri vana vemweya vaMwari. Vakatisika mumufananidzo Wavo pachavo.

  • Takararama naMwari tisati tazvarwa panyika. Tiri nhengo dzemhuri Yavo. Vanoziva uye vanoda mumwe nemumwe wedu.

  • Mwari vakapa chirongwa chemufaro wedu uye kufambira mberi kwedu muupenyu hwuno uye nemukusingaperi.

  • Muupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, takasarudza kutevera chirongwa chaMwari. Izvi zvaireva kuuya panyika kuitira kuti titore chinhanho chinotevera mukufambira mberi kwedu kwokusingaperi.

  • Jesu Kristu akakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari. Anoita kuti zvikwanisike kuti tiwane kusafa neupenyu hwokusingaperi.

Kusikwa

  • Ari pasi penhungamiro yaMwari, Jesu Kristu akasika nyika.

Kuputsika kwaAdama naEva

  • Adama naEva ndivo vokutanga vevana vemweya vaMwari kuuya panyika. Mwari vakasika miviri yavo uye vakavaisa muBindu reEdeni.

  • Adama naEva vakatadza, vakadzingwa kubva mubindu, uye vakabviswa pamberi paMwari. Chiitiko ichi chinonzi Kuputsika.

  • Mushure moKuputsika, Adama naEva vakava vanhu vanofa. Sevanhu vanofa, vakakwanisa kudzidza, kubudirira, uye kuva nevana. Vakasanganawo nerusuwo, zvivi, uye rufu.

  • Kuputsika kwaiva nhanho yekufambira mberi yevanhu. Kuputsika kwakaita kuti zvikwanisike kuti tizvarwe panyika uye tifambire mberi muchirongwa chaBaba Vokudenga.

Upenyu Hwedu paNyika

  • Muchirongwa chaMwari, taifanira kuuya panyika kuzogamuchira miviri yenyama, kuzodzidza, uye kuzokura.

  • Panyika, tinodzidza kufamba norutendo. Zvisinei, Baba Vokudenga havana kutisiya tiri toga. Vakapa zvipo zvizhinji nenhungamiro zhinji kutibatsira kudzokera pamberi Pavo.

Rudzikinuro rwaJesu Kristu

  • Mumwe nemumwe wedu anotadza, uye mumwe nemumwe wedu anozofa. Nokuda kwokuti Mwari vanotida, Vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, panyika kuti atinunure kubva muzvivi norufu.

  • Nokuda kwerudzikinuro rwekuzvipira rwaJesu, tinokwanisa kuregererwa nokushanangurwa pazvivi zvedu. Mwoyo yedu inokwanisa kushandurwa kuti ive nani apo patinotendeuka. Izvi zvinoita kuti zvikwanisike kuti tidzokere pamberi paMwari uye tigogamuchira kuzara kwemufaro.

  • Nokuda kweKumuka Kuvakafa kwaJesu, tose tinozomuka kuvakafa mushure mokunge tafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nemumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa.

  • Jesu Kristu anopa nyaradzo, tariro, uye kuporesa. Rudzikinuro rwekuzvipira Rwake ndiyo ratidzo hurusa yerudo Rwake. Zvose zvisina kururama muupenyu zvinokwanisa kugadziriswa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Nyika yeMweya

  • Apo muviri wedu wenyama paunenge wafa, mweya wedu unoenderera mberi uchirarama munyika yemweya. Aya mamiriro enguva pfupi yekudzidza uye yegadziriro Kumuka Kuvakafa kusati kwaitika.

  • Vhangeri raJesu Kristu rinodzidziswa munyika yemweya, uye tinokwanisa kuramba tichikura nekufambira mberi.

Kumuka Kuvakafa, Ruponeso, uye Kusimudzirwa Kumusoro soro

  • Mushure menguva yedu munyika yemweya, Kumuka Kuvakafa ndiyo nhanho inotevera murwendo rwedu rwokusingaperi.

  • Kumuka Kuvakafa ndiko kubatana zvakare kwemweya nemuviri wedu. Mumwe nemumwe wedu anozomuka kuvaka uye ova nemuviri wenyama wakarurama. Tinozorarama nariinhi nariinhi. Izvi zvinoitwa kuti zvikwanisike kuburikidza neRudzikinuro neKumuka Kuvakafa kweMuponesi.

Mutongo uye Umambo hweKubwinya

  • Apo patinomuka kuvakafa, Jesu Kristu anozova mutongi wedu. Kunze kwevashomanana, vana vaMwari vose vanozogamuchira chinzvimbo muumambo hwokubwinya.

  • Kunyangwe zvazvo tose tichizomuka kuvakafa, hatizogamuchiri tose kubwinya kwokusingaperi kwakafanana. Jesu anozotitonga maererano nerutendo rwedu, mabasa edu, uye rutendeuko rwedu muupenyu sevanhu vanofa uye nemunyika yemweya. Tinokwanisa kudzokera kunogara pamberi paMwari kana takatendeka.

Mibvunzo Yaungangobvunza Vanhu

Mibvunzo inotevera mienzaniso yeizvo zvaungangobvunza vanhu. Mibvunzo iyi inokwanisa kukubatsira kuva nenhaurirano dzine musoro uye nokunzwisisa zvidikanwi uye nemaonero ezvinhu emunhu.

  • Munofunga kuti chinangwa cheupenyu ndechei?

  • Chii chinokuunzirai mufaro?

  • Ndezvipi zvinetso izvo zvamunoda kuti Mwari vakubatsirei nazvo?

  • Chii chamakadzidza kubva pazvinetso zvamakatarisana nazvo?

  • Chii chamunoziva pamusoro paJesu Kristu? Upenyu Hwake nebasa Rake zvakashandura sei upenyu hwenyu?

Kokero Dzaungangopa

  • Muchanamata here kuti muzive kuti zvatadzidzisa ichokwadi? (Ona “Mazano eKudzidzisa: Munamato” muchikamu chekupedzisira chechidzidzo 1.)

  • Munozoenda here kuchechi nesu Svondo rino kuti mudzidze zvizhinji pamusoro peizvo zvatadzidzisa?

  • Munozoverenga here Bhuku raMormoni uye monamata kuti muzive kuti ishoko raMwari? (Ungangopa zvimwe zvitsauko kana ndima chaidzo dzokuverenga.)

  • Munozotevera here muenzaniso waJesu uye mobhabhatidzwa? (Ona “Kokero yoKubhabhatidzwa noKusimbiswa,” inoteverwa pakarepo nechidzidzo 1.)

  • Tingatara here nguva yekushanya kwedu kunotevera?

Mufananidzo
mufananidzo wechirongwa cheruponeso

Misimboti yeDzidziso

Chikamu chino chinopa dzidziso nemagwaro matsvene ekuti unzvere kuitira kusimbisa ruzivo neuchapupu hwako hwevhangeri uye nokukubatsira kudzidzisa.

Mufananidzo
miunganidzwa yenyeredzi

Upenyu Tisati Tazvarwa Panyika: Chinangwa neChirongwa chaMwari Kwatiri

Tiri vana vaMwari uye Taigara Navo Tisati Tazvarwa

Mwari ndivo Baba vemweya yedu. Tiri vana Vavo chaizvo izvo, vakasikwa mumufananidzo Wavo. Mumwe nemumwe wedu ane hunhu hwehumwari semwana waMwari. Ruzivo urwu rwunokwanisa kutibatsira nemunguva dzakaoma uye rwunokwanisa kutikurudzira kuti tive vanhu vakanakisisa.

Takararama naMwari sevana Vavo vemweya tisati tazvarwa panyika. Tiri nhengo dzemhuri Yavo.

Mufananidzo
Mutungamiri M. Russell Ballard

“Pane hunhu hwumwechete hwakakosha hwatinahwo tose iye zvino uye nariinhi nariinhi, uhwo hwatisingambofaniri kukanganwa, uye uhwo hwatinofanira kuvonga nezvahwo. Uhwu ndehwekuti uri uye wakagara uri mwanakomana kana mwanasikana waMwari ane midzi yemweya mukusingaperi.

“… Kunzwisisa chokwadi ichi—kunyatsochinzwisisa chaizvo uye nokuchigamuchira zvakasimba—kuno shandura upenyu. Kunokupa hunhu hwunoshamisa zvikuru uhwo hwusina ani zvake anokwanisa kumbofa akahwutora kubva kwauri. Asi kupfuura izvozvo, kunofanirwa kukupa manzwiro makurusa eukoshi uye ruzivo rwekukosha kwako kusina magumo. (M. Russell Ballard, “Children of Heavenly Father” [Munamato kuBrigham Young University, Kurume 3, 2020], 2, speeches.byu.edu).

Takasarudza Kuuya Panyika

Baba vedu Vokudenga vanotida uye vanoda kuti tive saIvo. Munhu akasimudzirwa kumusoro soro ane muviri wenyama unobwinya.

Muupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, takadzidza kuti Mwari vane chirongwa kwatiri chokuti tigova saIvo. Chimwe chikamu chechirongwa Chavo chaiva chokuti tinozosiya musha wedu wokudenga uye touya panyika kuzogamuchira miviri yenyama. Taifanirawo kuwana ruzivo uye kukudziridza rutendo panguva yatinenge tisiri pamberi paMwari. Taisazoyeuka kugara kwedu naMwari. Zvisinei, Vaizotipa izvo zvatinoda kuitira kuti tigokwanisa kudzokera kunogara Navo.

Kwaniso yekuzvisarudzira, kana kuti rusununguko nekwaniso yokusarudza, chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari kwatiri. Muupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, mumwe nemumwe wedu akasarudza kutevera chirongwa chaMwari uye kuuya panyika kuitira kuti tigokwanisa kutora chinhanho chinotevera mukufambira mberi kwedu kwokusingaperi. Takanzwisisa kuti apo patainge tiri pano, taizova nemikana mitsva mizhinji yokukura uye nokuva nemufaro. Takanzwisisawo kuti taizotarisana nepikiso. Taizosangana nezviedzo, miedzo, rusuwo, uye rufu.

Mukusarudza kuuya panyika, takavimba murudo norubatsiro rwaMwari. Takavimba muchirongwa Chavo cheruponeso rwedu.

Baba Vokudenga Vakasarudza Jesu Kristu Kuti Atinunure.

Jesu Kristu akakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari. Tisati tauya panyika, taiziva kuti hataizokwanisa kudzokera pamberi paMwari tiri toga. Baba Vokudenga vakasarudza Jesu Kristu, Mwanakomana Wavo wedangwe, kuti aite kuti zvikwanisike kuti tidzokere kwaVari uye tigova neupenyu hwokusingaperi.

Jesu akazvitambira nechido. Akabvuma kuuya panyika nokutinunura kuburikidza nerudzikinuro Rwake rwokuzvipira. Rudzikinuro Rwake neKumuka Kuvakafa Kwake zvaizoita kuti zvinangwa zvaMwari kwatiri zvizadzikiswe.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Vana vaMwari

Chinangwa chaMwari

Upenyu Tisati Tazvarwa Panyika

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
kuvira kwezuva pamusoro pegungwa

Kusikwa

Hurongwa hwaBaba Vokudenga hwakapa kusikwa kwepanyika, apo vana Vavo vemweya pavaizogamuchira miviri yenyama uye nokuwana ruzivo. Upenyu hwedu panyika hwunodikanwa kuitira kuti tifambire mberi uye tigova saMwari.

Ari pasi pohutungamiri hwaBaba Vokudenga, Jesu Kristu akasika nyika nezvinhu zvose zvipenyu. Baba Vokudenga zvino vakasika murume nemukadzi mumufananidzo Wavo pachavo. Kusikwa chiratidzo cherudo rwaMwari uye chechido Chavo chokuti tive nemukana wekukura.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene: “Sika, Kusikwa

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Kusikwa

Mufananidzo
Leaving the Garden of Eden [Kubuda kubva muBindu reEdeni], naJoseph Brickey

Kuputsika kwaAdama naEva

Kuputsika Kusati Kwaitika

Adama naEva ndivo vaiva vokutanga vevana vemweya vaBaba Vokudenga kuuya panyika. Mwari vakasika miviri yavo yenyama mumufananidzo Wavo pachavo uye vakavaisa mubindu reEdeni. Mubindu reEdeni vaiva vasina mhosva, uye Mwari vaivapa zvidikanwi zvavo.

Apo Adama naEva pavaiva mubindu, Mwari vakavaraira kuti vasadya muchero wemuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Kana vakateerera murairo uyu, vaikwanisa kuramba vari mubindu. Zvisinei, havaizokwanisa kufambira mberi kuburikidza nekudzidza kubva mupikiso nezvinetso zveupenyu sevanhu vanofa. Havaizokwanisa kuziva mufaro nokuti vaiva vasingakwanisi kunzwa rusuwo nemarwadzo.

Satani akaedza Adama naEva kuti vadye muchero wairambidzwa, uye vakasarudza kuita izvozvo. Nokuda kwesarudzo iyi, vakatandaniswa kubva mubindu uye vakabviswa pamberi paMwari. Chiitiko ichi chinonzi Kuputsika.

Mushure moKuputsika

Mushure moKuputsika, Adama naEva vakava vanhu vanofa. Vasisiri mumamiriro ekusava nemhosva, vakanzwisisa uye vakaziva zvose zvakanaka nezvakaipa. Vaikwanisa kushandisa kwaniso yekuzvisarudzira yavo kuti vasarudze pakati pazvo. Nokuda kwokuti Adama naEva vakatarisana nepikiso nezvinetso, vakakwanisa kudzidza nokufambira mberi. Nokuda kwokuti vakava nerusuwo, vaikwanisawo kuva nemufaro. (Ona 2 Nifai 2:22–25.)

Zvisinei nematambudziko avo, Adama naEva vakanzwa kuti kuva munhu anofa kwaiva ropafadzo guru. Rimwe ropafadzo raiva rokuti vaikwanisa kuva nevana. Izvi zvakapa nzira yokuti vamwe vana vemweya vaMwari vauye panyika uye vagamuchire miviri yenyama.

Maererano nemaropafadzo eKuputsika, vose Adama naEva vakafara. Eva akati, “Dai paiva pasina chitadzo chedu tingadai tisina kuzombova [nevana], uye tingadai tisina kuzomboziva zvakanaka nezvakaipa, uye mufaro werununuro rwedu, uye noupenyu hwokusingaperi uhwo Mwari hwavanopa kuna vose vanoteerera.” (Mosesi 5:11; onawo ndima 10).

Kunzvera Magwaro Matsvene

MuBindu

Kuputsika

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Upenyu Hwedu paNyika

Vanhu vakawanda vanoshamisika kuti, “Sei ndiri pano panyika?” Upenyu hwedu panyika chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari chekufambira mberi kwedu kwokusingaperi. Chinangwa chedu chikurususa ndechekugadzirira kudzokera pamberi paMwari uye nokugamuchira kuzara kwemufaro. Zvakatsanangurwa pazasi dzimwe dzenzira idzo upenyu hwepanyika dzahwunotigadzirira kune izvi.

Mufananidzo
mukomana achinyemwerera

Gamuchira Muviri weNyama

Chimwe chinangwa chekuuya panyika ndechekugamuchira muviri wenyama umo mweya wedu maunokwanisa kugara. Miviri yedu inoera, zvisikwa zvinoshamisa zvaMwari. Nemiviri yenyama, tinokwanisa kuita, kudzidza, nokuwana ruzivo rwezvinhu zvizhinji izvo zvaisakwaniswa nemweya yedu. Tinokwanisa kufambira mberi nenzira dzataisakwanisa kuita semweya.

Nokuti miviri yedu inofa, tinosangana nemarwadzo, zvirwere, uye mimwe miedzo. Zviitiko izvi zvinokwanisa kutibatsira kudzidza kuva mwoyo murefu, mutsa, uye humwe hunhu hwohumwari. Zvinokwanisa kuva chikamu chegwara redu rekumufaro. Kusarudza zvakarurama apo pazvinenge zvakaoma kuzviita kazhinji ndiko kunoita kuti rutendo, tariro, nerudo rwakadzama zvive zvikamu zvehunhu hwedu.

Dzidza Kushandisa Kwaniso yeKuzvisarudzira neUngwaru

Chimwe chinangwa chekuva vanhu vanofa ndechekudzidza kushandisa kwaniso yekuzvisarudzira yedu neungwaru—kusarudza izvo zvakarurama. Kudzidza kushandisa kwaniso yekuzvisarudzira yedu neungwaru kwakakosha pakuva saMwari.

Baba Vokudenga naJesu Kristu vanotidzidzisa izvo zvakarurama uye vanopa mirairo yokutitungamirira kumufaro. Satani anotiedza kuti tiite zvisina kururama, achida kuti tive takasuruvara sezvaari. Tinotarisana nepikiso pakati pezvakanaka nezvakaipa, izvo zvinodikanwa mukudzidza kushandisa kwaniso yekuzvisarudzira yedu (ona 2 Nifai 2:11).

Apo patinoteerera Mwari, tinokura uye tinogamuchira maropafadzo Avo akavimbiswa. Apo patisingateereri, tinozviisa kure Navo uye totambira mibairo yezvivi. Kunyangwe zvazvo dzimwe nguva zvichiratidzika sezvisingazodaro, zvivi pokupedzisira zvinotungamirira kukusafara. Kazhinji maropafadzo okuteerera—uye migumisiro yezvivi—hazvionekwi pakarepo kana kuonekwa nechekunze. Asi izvirokwazvo, nokuti Mwari vakarurama.

Kunyangwe apo patinoita zvakanakisisa napatinokwanisa pose, tose tinotadza uye “hatisviki pakubwinya kwaMwari” (VaRoma 3:23). Nokuziva izvi, Baba Vokudenga vakatipa nzira yokuti titendeuke kuitira kuti tikwanise kudzokera kwaVari.

Rutendeuko rwunounza simba reMununuri wedu, Jesu Kristu, muupenyu hwedu (ona Hiramani 5:11). Apo patinotendeuka, tinova takashanangurwa kubva kuzvivi kuburikidza nerudzikinuro rwekuzvipira rwaJesu Kristu uye nechipo cheMweya Mutsvene (ona 3 Nifai 27:16–20). Kuburikidza nerutendeuko, tinova nemufaro. Nzira yekudzokera kuna Baba vedu Vokudenga yakazarurwa kwatiri, nokuti Vane ngoni. (Ona “Rutendeuko” muchidzidzo 3.)

Dzidza Kufamba noRutendo

Chimwe chinangwa cheupenyu hwuno ndeche kuwana ruzivo rwunokwanisa kuuya chete kuburikidza nekuparadzaniswa naBaba Vokudenga. Nokuti hatiVaone, tinofanira kufamba norutendo (ona 2 VaKorinte 5:6–7).

Mwari havana kutisiya tiri tega parwendo urwu. Vakapa Mweya Mutsvene kuti utitungamirire, utisimbise, uye utitsvenese. Vakapawo magwaro matsvene, vaporofita, munamato, nevhangeri raJesu Kristu.

Chikamu choga choga chezviitiko zvedu sevanhu vanofa—mufaro nerusuwo, budiriro uye zvimhingaidzo—zvinokwanisa kutibatsira kukura apo patinogadzirira kudzokera kuna Mwari.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Nguva yeKukura neKufambira Mberi

Sarudzo

Zvakanaka neZvakaipa

Zvivi

Tinofanira Kuva Vakachena kuti Tive naMwari

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Rudzikinuro rwaJesu Kristu

Nokuda kweKuputsika kwaAdama naEva, tose tinotadza uye tinofa. Hatikwanisi kukunda mhedzisiro dzezvivi nerufu tiri toga. Muchirongwa cheruponeso chaBaba vedu Vokudenga, Vakapa nzira yekukunda mhedzisiro dzeKuputsika kuitira kuti tikwanise kudzokera kwaVari. Nyika isati yasikwa, Vakasarudza Jesu Kristu kuti ave Muponesi neMununuri wedu.

Jesu Kristu chete ndiye aikwanisa kutinunura kubva muzvivi nerufu. Mwanakomana waMwari chaiye iye. Akararama upenyu hwusina zvivi, achiteerera zvakazara kuna Baba Vake. Akanga akagadzirira uye achida kuita chido chaBaba Vokudenga.

Rudzikinuro rweMuponesi rwaisanganisira kutambura Kwake muGetsemane, kutambura Kwake nerufu Rwake pamuchinjikwa, uye Kumuka Kuvakafa Kwake. Akatambura zvinodarika kunzwisisa kwose—zvikurusa zvokuti Akabuda ropa kubva muburi rose remuviri (ona Dzidziso neZvibvumirano 19:18).

Rudzikinuro rwaJesu Kristu ndicho chiitiko chikurususa munhoroondo yose yevanhu. Kuburikidza nerudzikinuro rwekuzvipira Rwake, Jesu akaita kuti chirongwa chaBaba chishande. Tingadai tisina zvatinokwanisa kuita dai pasina Rudzikinuro rwaJesu Kristu nokuti hatikwanisi kuzviponesa pachezvedu kubva kuzvivi nerufu (ona Aruma 22:12–15).

Kuzvipira kweMuponesi wedu kwaiva ratidzo hurusa yerudo kuna Baba Vake uye kwatiri. “Kufara, nokureba, nokudzika, nokukwirira” kwerudo rwaKristu kunopfuura kunzwisisa kwedu (VaEfeso 3:18; onawo ndima 19).

Mufananidzo
The Crucifixion [Kurovera paMuchinjikwa], naHarry Anderson

Jesu Kristu Akakunda Rufu kuitira Munhu Wose

Apo Jesu Kristu paakafa pamuchinjikwa, mweya Wake wakaparadzaniswa nemuviri Wake. Pazuva rechitatu, mweya Wake nemuviri Wake zvakabatanidzwa zvakare, zvisingazombofa zvakaparadzaniswa zvakare. Akazviratidza kuvanhu vakawanda, achivaratidza kuti Akanga aine muviri usingafi wenyama nemapfupa. Kubatanazve uku kwemweya nemuviri kunodaidzwa kuti Kumuka Kuvakafa.

Sevanhu vanofa, mumwe nomumwe wedu anozofa. Zvisinei, nokuti Jesu akakunda rufu, munhu wose anozvarwa panyika anozomuka kuvakafa. Kumuka Kuvakafa chipo chohumwari kumunhu wose, chinopuwa kuburikidza nengoni uye nenyasha dzerununuro dzeMuponesi. Mweya nemuviri womunhu mumwe nemumwe zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nemumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa. Dai paiva pasina Jesu Kristu, rufu rwaizogumisa tariro yose yekurarama muneramangwana naBaba Vokudenga (ona 2 Nifai 9:8–12).

Jesu Anoita Kuti Zvikwanisike kuti Tishanangurwe paZvivi Zvedu

Kuti tinzwisise tariro yatinokwanisa kugamuchira kuburikidza naKristu, tinofanira kunzwisisa mutemo weruenzaniso. Uyu ndiwo mutemo usingashanduki unounza mhedzisiro dzezviito zvedu. Kuteerera Mwari kunounza mhedzisiro dzakanaka, uye kusateerera kunounza idzo dzisina kunaka. (Ona Aruma 42:14–18.) Apo patinotadza, tinova vasina kuchena pane zvepamweya, uye hakuna chinhu chisina kuchena chinokwanisa kugara pamberi paMwari (ona 3 Nifai 27:19).

Mufananidzo
Jesus Praying in Gethsemane [Jesu Achinamata muGetsemani], naHarry Anderson

Munguva yerudzikinuro rwokuzvipira rwaJesu Kristu, Akamira muchinzvimbo chedu, akatambura, uye akaripira chirango chezvivi zvedu (ona 3 Nifai 27:16–20). Chirongwa chaMwari chinopa Jesu Kristu simba rokuita reverero akatimiririra—kumira pakati pedu noruenzaniso (ona Mosaya 15:9). Nokuda kwerudzikinuro rwekuzvipira rwaJesu, Anokwanisa kutora kodzero Dzake dzengoni akatimiririra apo patinoshandisa rutendo runogumisira norutendeuko (ona Moronai 7:27; Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5). “Nokudaro ngoni dzinokwanisa kugutsa zvidikanwi zvoruenzaniso, uye dzo[ti]komberedza mumaoko eruchengeteko” (Aruma 34:16).

Chete kuburikidza nechipo cheRudzikinuro rweMuponesi nerutendeuko rwedu ndipo patinokwanisa kudzokera kunogara naMwari. Apo patinotendeuka, tinoregererwa uye tocheneswa pamweya. Tinorerutsirwa mutoro wedu wemhosva yezvivi zvedu. Mweya yedu yakakuvadzwa inoporeswa. Tinozadzwa nemufaro (ona Aruma 36:24).

Kunyangwe zvazvo tisina kururama uye tichigona kukundikana zvakare, muna Jesu Kristu mune nyasha zhinjisa, rudo ruzhinjisa, nengoni zhinjisa kupfuura kundikano, kanganiso, kana zvivi zviri matiri. Mwari vanogara vakagadzirira uye vaine chido chikuru chekutimbundira apo patinotendeukira kwaVari (ona Ruka 15:11–32). Hakuna chinhu uye hakuna munhu “achakwanisa kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 8:39).

Jesu Akatora paAri Marwadzo, Matambudziko, neUtera Hwedu

Murudzikinuro rwokuzvipira Rwake, Jesu Kristu akatora paAri marwadzo, namatambudziko edu, noutera hwedu. Nokuda kwarwo, Anoziva “maererano nenyama nzira yokubatsira nayo vanhu vake maererano noutera hwavo” (Aruma 7:12; onawo ndima11). Anokoka, “Uyai kwandiri,” uye patinodaro, Anotipa zororo, tariro, simba, maonero ezvinhu, nokuporesa (Mateo 11:28; onawo ndima 29–30).

Apo patinovimba naJesu Kristu neRudzikinuro Rwake, Anokwanisa kutibatsira kushingirira pamiedzo yedu, zvirwere zvedu, nemarwadzo edu. Tinokwanisa kuzadzwa nemufaro, runyararo, nenyaradzo. Zvose zvisina ruenzano pamusoro peupenyu zvinokwanisa kururamiswa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Rudzikinuro rweMuponesi

Kumuka Kuvakafa

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Mufananidzo
mhuri ichishanyira guva

Nyika yeMweya

Vanhu vakawanda vanoshamisika kuti, “Chii chinoitika mushure mokunge ndafa?” Chirongwa cheruponeso chinopa dzimwe mhinduro dzakakosha kumubvunzo uyu.

Rufu chikamu “chechirongwa chengoni” chaMwari kwatiri (2 Nifai 9:6). Panzvimbo pekuva magumo ekuvapo kwedu, rufu chinhanho chinotevera mukufambira mberi kwedu kwokusingaperi. Kuti tive saMwari, tinofanira kufa uye pashure togamuchira miviri yakarurama, yakamuka kuvakafa.

Apo muviri wedu wenyama paunenge wafa, mweya wedu unoenderera mberi uchirarama munyika yemweya. Aya mamiriro enguva pfupi yekudzidza uye yegadziriro Kumuka Kuvakafa neMutongo woKupedzisira zvisati zvaitika. Ruzivo rwedu kubva muupenyu sevanhu vanofa rwunoramba rwuinesu.

Munyika yemweya, vanhu vakagamuchira uye vakararama vhangeri raJesu Kristu “vanogamuchirwa mumamiriro emufaro, ayo anonzi paradhiso” (Aruma 40:12). Vana vaduku vanogamuchirwawo muparadhiso apo pavanenge vafa.

Mweya iri muparadhiso inozova nokugadzikana kubva mumatambudziko nerusuwo. Vanozoenderera mberi nekukura kwavo pane zvepamweya, vachiita basa raMwari uye vachishumira kune vamwe. Vanozodzidzisa vhangeri kune avo vasina kuritambira munguva yeupenyu hwavo sevanhu vanofa (ona Dzidziso neZvibvumirano 138:32–37, 57–59).

Munyika yemweya, vanhu vasina kukwanisa kugamuchira vhangeri panyika, kana vakasarudza kusatevera mirairo, vanozova nezvimwe zvirambidzwo (ona Dzidziso neZvibvumirano 138:6–37; Aruma 40:6–14). Zvisinei, nokuti Mwari vakarurama uye vane ngoni, vanozova nemukana wekudzidziswa vhangeri raJesu Kristu. Kana vakarigamuchira uye vakatendeuka, vanozonunurwa kubva muzvivi zvavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 138:58; onawo 138:31–35; 128:22). Vanozotambirwa murugare rweparadhiso. Vanozopedzisira vatambira nzvimbo muumambo hwekubwinya maererano nesarudzo dzavakaita sevanhu vanofa uye munyika yemweya.

Tinoramba tiri munyika yemweya kusvikira tamuka kuvakafa.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Paradhiso

Kumuka Kuvakafa, Ruponeso, uye Kusimudzirwa Kumusoro soro

Kumuka Kuvakafa

Chirongwa chaMwari chinoita kuti zvikwanisike kuti tikure uye tigamuchire upenyu hwokusingaperi. Mushure menguva yedu munyika yemweya, Kumuka Kuvakafa ndiyo nhanho yedu inotevera mukukura ikoko.

Kumuka kuvakafa ndiko kubatanidzwazve kwemuviri nemweya wedu. Mumwe nemumwe wedu anozomuka kuvakafa. Izvi zvinoitwa kuti zvikwanisike kuburikidza neRudzikinuro neKumuka Kuvakafa kweMuponesi. (Ona Aruma 11:42–44.)

Apo patinomuka kuvakafa, mumwe nomumwe wedu anozova nomuviri wenyama wakarurama, usina marwadzo nourwere. Tinozova vanhu vasingafi, tichirarama nariinhi nariinhi.

Ruponeso

Nokuti tose tinozomuka kuvakafa, tose tinozoponeswa—kana kuwana ruponeso—kubva kurufu rwenyama. Chipo ichi chinopuwa kwatiri kuburikidza nenyasha dzaJesu Kristu.

Tinokwanisawo kuponeswa—kana kuwana ruponeso—kubva kumhedzisiro idzo dzinodiwa nemutemo woruenzaniso nokuda kwezvivi zvedu. Chipo ichi chinoitwawo kuti chikwanisike kuburikidza nekodzero nengoni dzaJesu Kristu apo patinotendeuka. (Ona Aruma 42:13–15, 21–25.)

Kusimudzirwa Kumusoro-soro

Kusimudzirwa kumusoro soro, kana upenyu hwokusingaperi, ndiwo mamiriro epamusoro soro emufaro nokubwinya muumambo hweseresitiyaro. Kusimudzirwa kumusoro soro chipo chine zvifaniro. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Zvifaniro zvinokodzeresa izvozvo zvinosanganisira rutendo muna Ishe, rutendeuko, rubhabhatidzo, kugamuchira Mweya Mutsvene, uye kuramba wakatendeka kuzvisungo nezvibvumirano zvemutemberi” (“Salvation and Exaltation,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2008, 9).

Kusimudzirwa kumusoro soro, kunoreva kugara naMwari nariinhi nariinhi mumhuri dzokusingaperi. Ndiko kuziva Mwari naJesu Kristu, kuva saIvo, uye kuva neupenyu hwaVanonakirwa nahwo.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

  • Nhungamiro kuMagwaro Matsvene: “Kumuka Kuvakafa

  • Misoro yeNyaya yeVhangeri: “Kumuka Kuvakafa,” “Ruponeso

Mufananidzo
miranzi yezuva ichipenya nemumakore

Mutongo uye Umambo hweKubwinya

Cherechedza: Apo paunotanga kudzidzisa pamusoro peumambo hwekubwinya, dzidzisa napadanho ririnyore maererano nezvidikanwi uye nzwisiso zvemunhu.

Apo patinomuka kuvakafa, Jesu Kristu anozova mutongi wedu akarurama uye ane ngoni. Kunze kwevashomanana, mumwe nemumwe wedu anozogamuchira chinzvimbo muumambo hwokubwinya. Kunyangwe zvazvo tose tichizomuka kuvakafa, hatizogamuchiri tose kubwinya kwokusingaperi kumwecheteko (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:22–24, 29–34; 130:20–21; 132:5).

Vanhu vasina kuwana mukana wekunzwisisa zvakazara uye kuteerera mitemo yaMwari munguva yeupenyu hwavo sevanhu vanofa vanozopuwa mukana iwoyo munyika yemweya. Jesu anozotonga munhu woga wogamaererano norutendo rwake, mabasa ake, zvido zvake, uye nerutendeuko rwake muupenyu hwunofa uye munyika yemweya.(ona Dzidziso neZvibvumirano 138:32–34, 57–59).

Magwaro matsvene anodzidzisa nezveumambo hwekubwinya hweseresitiyaro, terestriya uye hweteresitiyaro. Humwe nehumwe hwahwo iratidzo yerudo, ruenzaniso, uye ngoni dzaMwari.

Avo vanoshandisa rutendo muna Kristu, uye votendeuka kubva kuzvivi zvavo, vogamuchira zvisungo zvevhangeri, vochengeta zvibvumirano zvavo, vogamuchira Mweya Mutsvene, uye voshingirira kusvika kumagumo vanozoponeswa muumambo hweseresitiyaro. Umambo uhwu hunozosanganisirawo vanhu vasina kuwana mukana wekugamuchira vhangeri munguva yeupenyu hwavo sevanhu vanofa asi “vaidai vakarigamuchira nemwoyo yavo yose” uye vakaita izvi munyika yemweya.(Dzidziso neZvibvumirano 137:8; onawo ndima 7). Vana vakafa vasati vasvika zera rekuzvidavirira (makore masere okuzvarwa) vanozoponeswawo muumambo hweseresitiyaro (ona Dzidziso neZvibvumirano 137:10).

Mumagwaro matsvene, umambo hweseresitiyaro hwunofananidzwa nekubwinya kana kujeka kwezuva.(Onai Dzidziso neZvibvumirano 76:50–70.)

Vanhu vakararama upenyu hwunokudzwa “vasina kugamuchira uchapupu hwaJesu munyama, asi pashure vakazohwugamuchira” vanozogamuchira nzvimbo muumambo hweterestriya.(Dzidziso neZvibvumirano 76:74). Zvimwechetezvo ndezvechokwadi kune avo vakanga vasina ushingi muuchapupu hwavo hwaJesu. Umambo uhwu hwunofananidzwa nekubwinya kwemwedzi. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 76:71–80.)

Avo vakaramba vari muzvivi zvavo uye vakasatendeuka muupenyu hwuno kana vakasagamuchira vhangeri raJesu Kristu munyika yemweya vanozogamuchira mubairo wavo muumambo hweteresitiyaro. Umambo uhwu hwunofananidzwa nekubwinya kwenyeredzi. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 76:81–86.)

Kunzvera Magwaro Matsvene

Dzidza Zvimwe Zvakawanda pamusoro peMusimboti Uyu

Chirongwa cheChidzidzo Chipfupi kana Chakati Rebei

Chirongwa chinotevera muenzaniso wezvaungangodzidzisa mumwe munhu kana uine nguva shomanana chete. Apo paunenge uchishandisa chirongwa ichi, sarudza musimboti mumwechete kana kupfuura wekudzidzisa. Hwaro hwedzidziso hwemusimboti woga woga hwakapuwa kumashure muchidzidzo chino.

Apo paunodzidzisa, bvunza mibvunzo uye woteerera. Ipa kokero dzinozobatsira vanhu kudzidza maswederero okuita pedyosa naMwari. Imwe kokero yakakosha ndeyokuti munhu wacho asangane newe zvakare. Kureba kwechidzidzo kunozoenderana nemibvunzo yaunobvunza uye nokuteerera kwaunoita.

Izvo Zvaungadzidzisa Vanhu muMaminetsi 3-10

  • Tose tiri vana vemweya vaMwari. Tiri nhengo dzemhuri Yavo. Vanoziva uye vanoda mumwe nemumwe wedu.

  • Mwari vakapa chirongwa chemufaro wedu uye kufambira mberi kwedu muupenyu hwuno uye nemukusingaperi.

  • Muchirongwa chaMwari, taifanira kuuya panyika kuzogamuchira miviri yenyama, kuzodzidza, uye kuzokura.

  • Jesu Kristu akakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari. Anoita kuti zvikwanisike kuti tiwane kusafa neupenyu hwokusingaperi.

  • Ari pasi pehutungamiri hwaMwari, Jesu akasika nyika.

  • Zviitiko zvedu panyika zvinoitirwa kuti zvitibatsire kugadzirira kudzokera pamberi paMwari.

  • Mumwe nemumwe wedu anotadza, uye mumwe nemumwe wedu anozofa. Nokuda kwokuti Mwari vanotida, Vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, panyika kuti atinunure kubva muzvivi norufu.

  • Zvose zvisina kururama muupenyu zvinokwanisa kugadziriswa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

  • Apo muviri wedu wenyama paunenge wafa, mweya wedu unoenderera mberi uchirarama munyika yemweya. Pokupedzisira tose tinozomuka kuvakafa. Izvi zvinoreva kuti mweya nemuviri womunhu woga woga zvinozobatanidzwa zvakare, uye mumwe nemumwe wedu anozorarama nariinhi nariinhi mumuviri wakarurama, wakamuka kuvakafa.

  • Apo patinomuka kuvakafa, Jesu Kristu anozova mutongi wedu. Kunze kwevashomanana, vana vaMwari vose vanozogamuchira chinzvimbo muumambo hwokubwinya. Tinokwanisa kudzokera kunogara pamberi paMwari kana takatendeka.