Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 19


Chikamu 19

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuburikidza naJoseph Smith, paManchester, New York, Kurume, 1830 (History of the Church, 1:72–74). Munhoroondo yake, Muporofita akazvisuma “semurairo waMwari kwete wemunhu, kuna Martin Harris, wakapihwa naiye Vokusingaperi,” (History of the Church, 1:72).

1–3, Kristu ane simba rose; 4–5, Vose vanhu vanofanira kutendeuka kana kutambudzika; 6–12, Kurangwa kwokusingaperi kuranga kwaMwari; 13–20, Kristu akatambudzikira vose, kuti vasazotambudzika kana vari vatendeuka; 21–28, Paridzai vhangeri rekutendeuka; 29–41, Taurai nhau dzinofadza.

1 Ndini aArfa naOmega, bKristu Ishe; hongu, kunyangwe ini ndini iye, wekutanga nowekupedzisira, Mununuri wenyika.

2 Ini ndaita uye andapedza kuda kweuyo wandiri wake, kunyangwe Baba, maererano neni—ndazviita izvi kuti bndiise pasi pangu zvinhu zvose—

3 Kuti ndive anesimba rose, kunyange bmukuparadzwa kwaSatani nemabasa ake cpakuguma kwenyika, uye nezuva guru rekupedzisira rekutongwa, kwandichaita kuvagari vemo, dndichatonga wose munhu maererano enemabasa ake nezviito zvaakaita.

4 Chokwadi munhu wose anofanira akutendeuka kana kuti bachatambudzika, nokuti ini Mwari, chandina magumo.

5 Nokudaro, ahandizobvisa kutonga kwandinenge ndaita, asi matambudziko achapararira mberi, kuchema, bkuwungudza nekugeda-geda kwemeno, hongu, kune avo vanowanikwa vari kuruoko rwangu crweruboshwe.

6 Zvisinei, ahazvina kunyorwa kuti kutambudzika uku hakuzopera asi zvakanyorwa kuti, kutambudzika bkusingaperi.

7 Zvakare, zvakanyorwa kuti kuraswa akwokusingaperi; nokudaro zvakanyatsojeka kupfuura mamwe magwaro matsvene, kuti zvingangoshanda mumwoyo yevana vevanhu, zvose pamwechete kuitira kurumbidzwa kwezita rangu.

8 Nokudaro, ndichatsanangura kwauri chakavandika ichi, nokuti zvakafanira kwauri kuti uzive kunyangwe sevaapositori vangu.

9 Ndinotaura kwamuri makasarudzwa muchinhu ichi, kunyangwe sevamwechete, kuti mugopinda amuzororo rangu.

10 Nokuti tarisai, akuvandika kwehumwari, kukuru sei! Nokuti, tarisa, handina magumo, uye kuranga kunopihwa kubva muruoko rwangu kuranga kusina magumo, nokuti bChisina magumo ndiro zita rangu. Nokudaro—

11 Kuranga akwokusingaperi kuranga kwaMwari.

12 Kuranga kusinamagumo kuranga kwaMwari.

13 Nokudaro, ndinokuraira kuti utendeuke, uye uchengete amirairo iyo yawakagashidzwa neruoko rwemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, muzita rangu.

14 Uye kuburikidza nesimba rangu guru kuti iwe wazvigashira;

15 Nokudaro ndinokuraira kuti utendeuke—tendeuka, nokuti ndingakurove netsvimbo yemuromo wangu, uye nehasha dzangu, uye nokushatirwa kwangu, uye akutambudzika kwako kugorwadza—kuti zvinenge zvichirwadza sei hauzive, kuti zvakakura sei hauzive, hongu, kuti zvakaoma sei kuzvitakura hauzive.

16 Nokuti tarisai, Ini Mwari, andakatambudzikira vose zvinhu izvi, kuti bvasatambudzike kana cvakatendeuka;

17 Asi kana vakasatendeuka vakafanira akutambudzika kunyangwe sezvandakaita ini;

18 Kuri kutambudzika kwakandikonzera ini, kana Mwari, mukuru kune vose, kuti ndidedere pamusana pekurwadziwa, uye nokubuda ropa muburi rose remuviri uye nokutambudzika mumuviri nemumweya—uye ndikanzwa kuti dai zvaiita kuti andisanwe mukombe unovava, uye ndidududze—

19 Zvisinei, kubwinya ngakuve kuna Baba, uye ndakanwa andikapedzisa kugadzirira kwangu kuvana vevanhu.

20 Nokudaro ndinokuraira zvakare kuti utendeuke, potse ndingangokuninipisa nesimba rangu guru, uye kuti aureurure zvitadzo zvako, potse uchatambura nekurangwa uku kwandakataura, iko kudikidiki chaizvo, hongu, kunyangwe muchidumbu chidiki wakachiraira mukachidimbu makachiraira panguva yandakabvisa Mweya wangu.

21 Uye ndinokuraira kuti hauna achaunoparidza kunze kwekutendeuka, uye busaratidze zvinhu izvi kunyika kudakara ndazvibvumira.

22 Nokuti ahavangakwanise nyama iyezvino, asi bmukaka vanofanira kugashira; nokudaro, havafanire kuziva zvinhu izvi, nokuti vangafe.

23 Dzidza kubva kwandiri, uye woteerera kumazwi angu; afamba uri bmuhunyoro hweMweya wangu, uye uchawana crunyararo mandiri.

24 Ndini aJesu Kristu; ndakauya nekuda kwaBaba, uye ndinoita kuda kwavo.

25 Uye zvakare, ndinokuraira kuti ausachive bmukadzi wemuvakidzani wako; kana kutsvaga upenyu hwemuvakidzani wako.

26 Zvakare, ndinokuraira kuti usachive zvinhu zvako, asi zvipe wakasununguka kunodhindisa Bhuku raMormoni, iro rine achokwadi nezwi raMwari.

27 Riri iro izwi rangu akumuJentairi, kuti nechinguvana richaenda bkumuJuda, maRamani vari vevamwe vavo cvakasara, kuti vagotenda vhangeri uye vagorega kutsvaka dMesia achauya iye akatouya kare.

28 Zvakare ndinokuraira kuti auchanamata buchidaidzira uye nokunamatawo nechemumwoyo mako, hongu, pamberi penyika, uye nemuruvande; paruzhinji uye nepako wega.

29 Uye auchataura nhau dzinofadza, hongu, uchizvishambadza uri mumakomo, uye nepanzvimbo yose yakakwirira, uye nemuvanhu vose vauchabvumirwa kuona.

30 Uye izvi uchazviita nekuzvityora kose, auchivimba neni, usingatuke vatuki.

31 Pamusoro apemitemo hapana chaunotaura, asi uchataura kutendeuka uye bnerutendo muna Muponesi, uye cnokuregererwa kwezvitadzo dnokubhabhatidzwa, uye enemoto, hongu, kunyangwe Mweya fMutsvene.

32 Tarisai, uyu ndiwo amurairo mukuru uye wekupedzisira uyo wandichakupa maererano nenyaya iyi; nokuti izvi zvichakwanirana nekufamba kwako kwemazuva ose, kunyangwe kusvika mukuguma kweupenyu hwako.

33 Uye kusuwa ndiko kwauchagashira kana mukashora amirairo iyi, hongu, kunyangwe kuparadzwa kwako pachako nekwezvinhu zvako.

34 aGova chikamu chezvinhu zvako, hongu, kunyangwe chidimbu cheminda yako, uye zvose kunze kwezvekuriritira mhuri yako.

35 Ripa achikwereti bchauinacho kumudhindi. Zvisunungure kubva cpahusungwa.

36 aSiya imba yako nemusha, kunze kwekunge wavekuda kunoona mhuri yako;

37 Uye ataura wakasununguka kune vose; hongu, paridza, nyengetedza, taura bchokwadi, kunyangwe nezwi guru uye neruzha rwekufara, uchishevedzera—Hosana, hosana, ngariropafadzwe zita raIshe Mwari!

38 aNamata nguva dzose, uye ini bndichadira Mweya wangu pauri, uye maropafadzo ako achave makuru—hongu, kunyangwe kupfuura zvekunge wawana upfumi hwepasi pano uye nokuora kwahwo.

39 Tarisai ungaverenge izvi here usingafare uye nokusimudza mwoyo wako nokufara?

40 Kana kuti uchagona kuramba uchimhanya here semutungamiri asingaone?

41 Kana kuti ungave awakazvininipisa here urimunyoro, uye nokuzvibata zvakachenjera pamberi pangu? Hongu, buya kwandiri ini Muponesi wako. Ameni.