Magwaro Matsvene
Jakobho 1


Bhuku raJakobho
Munin’ina waNifai

Mazwi ekuparidza kwake kuhama dzake. Anonyadzisa munhu anotsvaka kupunza dzidziso yaKristu. Mazwi mashoma-shoma maererano nerungano rwevanhu vaNifai.

Chitsauko 1

Jakobho naJosefa vanoedza kunyengetedza vanhu kuti vatende munaKristu, nekuti vachengetedze mirau yake—Nifai anofa—Huipi hunotonga mumaNifai. Zvingangove makore 544 kusvika ku421 Kristu asati azvarwa.

1 Nokuti tarisai, zvakaitika kuti kwakange kwapera makumi mashanu emakore ane makore mashanu kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema; nokudaro, Nifai akapa ini aJakobho, bmurairo maererano nemahwendefa cmadiki, anove ndiwo akanyorwa zvinhu izvi.

2 Uye akandipa ini Jakobho, murau wekuti ndinyore pamahwendefa aya zvimwe zvinhu zvishoma zvandinofunga kuti zvakakoshosesa; kuti handifanire kumbobata-bata, kunze kwezvishoma maererano nenhoroondo yevanhu ava vanonzi vanhu vaNifai.

3 Nokuti akati nhoroondo yevanhu vekwake yakafanira kunyorwa pane mamwe mahwendefa ake, nokuti ndakafanira kuchengetedza mahwendefa aya uye ndigoasiira kuvana vembeu yangu, chizvarwa nechizvarwa.

4 Uye kana painge paine mharidzo dzinoera, kana painge paine zvakazarurwa zvikuru, kana kuporofita, kuti ndinyore amisoro yazvo pamahwendefa aya, nekutaura nezvavo zvakafanira, kuitira zita raKristu, nekuitirawo vanhu vekwedu.

5 Nenzira yerutendo nokuratidza kuda kukuru, zvakaratidzwa chokwadi pachena kwatiri maererano nevanhu vekwedu, kuti zvinhui zvakafanira akuitika kwavari.

6 Uye takazarurirwa zvakawanda, uye tikapiwa nemweya wekuporofita; nokudaro, takaziva anezvaKristu neumambo hwake, uhwo hwaifanira kuuya.

7 Nokudaro takashanda nesimba pakati pevanhu vekwedu, tichiedza kuvanyengetedza kuti avauye kuna Kristu, kuti vagodya nhaka yekunaka kwaMwari, kuti vapinde bmuzororo ravo, nokuti dzimwe nguva mukutsamwa kwavo vangavarambidze ckupinda, sezvakaitika dmukudenwa mumazuva ekuedzwa apo vana vaIsraeri vaive emurenje.

8 Nokudaro, tinoda Mwari kuti atipe masimba ekuti tikwanise kunyengetedza vanhu vose kuti avasamukire Mwari, kuti bvasaite kuti vaite hasha, asi kuti dai vanhu vose vatenda muna Kristu, uye vagotarisa rufu rwake, vagobvuma cmuchinjikwa wake nekutakura kunyara kwenyika; nokudaro, ini Jakobho, ndinoita chivimbiso chekuzadzikisa mirairo yemukoma wangu Nifai.

9 Zvino Nifai akatangisa kukwegura, uye akaona kuti ave pedyo anekufa; nokudaro, bakazodza mumwe murume kuti ave mambo nemutongi wevanhu vekwake zvino, maererano nekutonga kwaiita cmadzimambo.

10 Nenzira yekudiwa kukuru kwaNifai nevanhu, iye akange ari mudziviriri wavo mukuru, uye akange akashandisa amunondo waRabhani achivarwira, uye ari akashanda mumazuva ake ose kuitira magariro avo akanaka—

11 Nokudaro, vanhu vaida kuti vagare vachirangarira zita rake. Uye wose akazotora nzvimbo yake mukutonga vanhu nenzira yekuda mambo wavo, ainzi Nifai wechipiri, kana Nifai wechitatu, zvichifamba zvakadaro, maererano nokutonga kwemadzishe; uye ndiko kudaidzwa kwavaiitwa nevanhu, regai vadaidzwe zita rose ravanoda.

12 Uye zvakaitika kuti Nifai akafa.

13 Zvino avo vanhu vakange vasiri amaRamani vaive bmaNifai; zvisinei, vaidaidzwa kuti maNifai, maJakobho, maJosefa, cmaZoramu, maRamani, maRemueri, nemaIshmaeri.

14 Asi ini Jakobho, handizovadaidza nemazita aya, asi andichavati maRamani avo vanotswaka kuparadza vanhu vekwaNifai, uye vanoda Nifai bndichavati maNifai, kana kuti cvanhu vaNifai, maererano nokutonga kwemadzimambo.

15 Uye zvino zvakaitika kuti vanhu vekwaNifai, vave pasi pamambo wechipiri, vakatanga kuomesa mwoyo yavo, uye ndokutanga kuzvida nokuita mabasa akaipa, uye sezvakaita Davidi wekare aida avakadzi vazhinji nevakadzi vemapoto, naSoromoni, mwana wake.

16 Hongu, uye vakatangisa kutsvaga goridhe rakawanda nesirivha, uye vakatanga kuzviisa pamusoro nokuzvikudza.

17 Nokudaro, ini Jakobho, ndakavapa mazwi aya ndichivadzidzisa amutemberi, pandakatanga kutambira bbasa rangu kubva kuna naIshe.

18 Nokuti, ini Jakobho, nemunin’ina wangu Josefa, takange tiri atakagadzwa hufundisi nehudzidzisi neruoko rwaNifai, kuti tidzidzise vanhu vake.

19 Uye takakudza amabasa edu kuna Ishe, uye tichitakura bmutoro, tichitora mhosva dzevanhu pamisoro yedu kana tisina kunge tavadzidzisa shoko raMwari nesimba redu rose; nokudaro, kana tikashanda zvine simba zvimwe cropa ravo haringauye panhumbi dzedu; nokuti ropa ravo ringauye panhumbi dzedu, uye zvinoita kuti tisawanikwe tisina kana katsvina musi wekupedzisira.