Magwaro Matsvene
Hiramani 7


Huporofita hwaNifai, Mwanakomana waHiramani—Mwari vanotyisidzira maNifai kuti vachavashanyira mukushatirwa kwavo, vagovaparadza zvachose kunze kwekunge vatotendeuka pahuipi hwavo. Mwari vanorova vanhu vaNifai nezvirwere; vanotendeuka uye vobva vapindukira kwavari. Samueri, muRamani, anoporofita kumaNifai.

Zvichisanganisa zvitsauko 7 kusvika ku16.

Chitsauko 7

Nifai anorambwa kuchamhembe uye achibva adzokera kuZarahemura—Anonamata ari panharire yebindu rake uye achibva adaidza vanhu kuti vatendeuke kana kufa. Zvingangove makore 23 kusvika ku21 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti mugore rechimakumi matanhatu nemapfumbamwe rekutongwa kwemaNifai nevatongi, kuti Nifai, mwanakomana waHiramani, aakadzokera kunyika yeZarahemura achibva kunyika yekuchamhembe.

2 Nokuti akanga amboenda mukati mevanhu vakanga vari munyika yechekuchamhembe, uye akaparidza shoko raMwari kwavari, uye akaporofita zvinhu zvizhinji kwavari.

3 Uye vakaramba mashoko ake ose, zvekuti haana kuzokwanisa kugara pakati pavo, asi akadzokera zvakare kunyika yechizvarwa chake.

4 Uye achiona vanhu vari mukati mehugaro hwechakaipa hunotyisa, uye aye makororo aGadhiandoni ari iwo ari muzvigaro zvekutonga—vakaba simba nemvumo yekutonga nyika; vasiya parutivi mirau ya Mwari, uye vasina chimwe chakanaka chavanoita pamberi pake; vasingaite zvakarurama kuvana vevanhu;

5 Vachitongera rufu vakarurama pamusana pekururama kwavo; vachiregera vane mhosva nevakaipa vachienda vasingarangwe pamusana pemari yavo; uye pamusoro paizvozvo vovabvumira kutungamira hurumende, kuti vatonge vachiita zvavanoda, kuti vapunduke, uye nokuwana mbiri amunyika, uye, pamusoro paizvozvo vagokwanisa kuita upombwe nyore-nyore, nokuba, nokuuraya, uye vachiita maererano nokuda kwavo—

6 Zvino kuipa kukuru uku kwakanga kwauya kumaNifai, muchinguva chemakore mashomanani; uye Nifai zvaakazviona, mwoyo wake wakafuta nekusuwa mukati mechipfuva chake; uye akakanuka mukurwadziwa kwemweya wake:

7 Ini zvangu, dai ndakanga ndakawana mazuva angu mumazuva ababa vangu Nifai vakatanga kubva munyika yeJerusarema, kuti ndainge ndakafara naye munyika yechipikirwa; iyoyo nguva vanhu vake vaive nyore kunyengetedza, vakasimba mukuchengeta mirairo yaMwari, uye vachinonoka kuiswa mukutadza; uye vaikurumidza kuteerera kumazwi aIshe—

8 Hongu, dai mazuva angu akanga ari mumazuva iwayo, zvino mweya wangu ungadai wakawana mufaro mukururama kwehama dzangu.

9 Asi tarisai, ndakapiwa kuti ano ndiwo mazuva angu, nokuti mweya wangu uchazara nekusuwa pamusana pehutsinye hwehama dzangu.

10 Uye tarisai, zvino zvakaitika kuti pakanga pari panharire, yaive mubindu raNifai, raive munzira huru yaienda kumusika mukuru, waive muguta reZarahemura; naizvozvo, Nifai akanga apfugama panharire yaive mubindu make, nharire iyi yaivewo pedyo nemusiwo webindu raibuda nekunzira huru.

11 Uye zvakaitika kuti paive nevamwe varume vakanga vachipfuura nepo uye vakaona Nifai achidira mweya wake kuna Mwari ari panharire; uye vakamhanya vakanotaurira vanhu zvavakanga vaona, uye vanhu vakauya pamwechete vari mhomho kuti vazoona kuti chii chikonzero chekuchemera kuipa kwevanhu zvakadaro.

12 Uye zvino, Nifai paakasimuka akaona mhomho yevanhu vakanga vaungana pamwechete.

13 Uye zvakaitika kuti akashama muromo wake akati kwavari: Tarisai, ako maunganirei? Kuti ndikutaurirei nezvezvitadzo zvenyu?

14 Hongu, pamusana pekuti ndakwira panharire pangu kuti ndidire mweya wangu kuna Mwari wangu, pamusana pekusuwa kukuru kwemwoyo wangu, kwakonzerwa nezvitadzo zvenyu!

15 Uye nenzira yekuchema kwangu nokugunun’una maungana pamwechete, uye muchishamiswa; hongu, uye munofanira kushamiswa zvikuru; hongu, makafanira kushamiswa nokuti makatorwa zvekuti dhiabhorosi akabata mwoyo yenyu zvikuru.

16 Hongu, makabvuma sei kuti mufurirwe neuyo ari kutsvaka kurasa mweya yenyu mukusuwa kusingaperi nenhamo isina magumo?

17 Imi tendeukai, tendeukai imi! aKo munofirei? Dzokai imi, dzokai imi kuna Ishe Mwari venyu. Ko akuramwirei?

18 Pamusana pekuti maomesa mwoyo yenyu; hongu, hamuteerere kuzwi remufudzi aakanaka; hongu, bmakamuita kuti akushatirirwei.

19 Uye tarisai, kunze kwekuti aakuunganidzei, kana mukasatendeuka, tarisai, achakuparadzai kuti muve nyama yembwa nezvikara.

20 Imi, mungakanganwe sei Mwari wenyu muzuva iroro raakuponesai?

21 Asi tarisai, zvaive zvekuda kupunduka, kuti vagorumbidzwa nevanhu, hongu, uye kuti mungawane goridhe nesirivha. Uye maisa mwoyo yenyu paupfumi nezvinhu zvisina maturo azvenyika ino, zvamunopondera, muchipaza, uye muchiba, nokupupura bnhema nezvemuvakidzani wenyu, nokuita kwose kutadza.

22 Uye nechikonzero ichi nhamo ichauya kwamuri kunze kwekunge matendeuka. Nokuti kana musina kutendeuka, tarisai, guta guru rino, nemamwe maguta ose akatenderedza, ari munyika yedu ino, achatorwa zvekuti munenge musisina nzvimbo maari; nokuti tarisai, Ishe havape kwamuri asimba, sezvavanga vachiita kusvika zvino, kuti mugone kurwisana nevavengi venyu.

23 Nokuti tarisai, Ishe vanotaura achiti: Handizoratidza simba rangu kune vatadzi, kune uyu kupfuura uyo, kunze kwekune avo vanenge vatendeuka muzvitema zvavo, uye vagoteerera mazwi angu. Zvino naizvozvo, ndinoda kuti dai matarisa, hama dzangu, kuti zvichave anani kumaRamani pane kwamuri kunze kwekunge matotendeuka.

24 Nokuti tarisai, vakarurama kupfuura imi, nokuti havana kutadzira ruzivo rwukuru rwuya rwamakatambira imi; naizvozvo Ishe vachavanzwira tsitsi; hongu, avacharebesa mazuva avo uye vagopamhidzira mbeu yavo, kana dai imi muchinge bmaparadzwa zvachose kunze kwekunge matendeuka.

25 Hongu, nhamo kwamuri pamusana pekutadza kwenyu kwauya mukati menyu; uye imi makabva mabatana mazviri, hongu, kuchikwata achemuruvande chiya chakaitwa naGadhiandoni!

26 Hongu, anhamo ichauya kwamuri pamusana pekuzvida kuya kwamabvumira kuti kupinde mumwoyo yenyu, kwakusimudzai pamusoro kupfuura pane chakanaka pamusana bpekupfuma kwenyu kukuru!

27 Hongu, nhamo kwamuri pamusana pekuipa kwenyu nekutadza kwenyu.

28 Uye kunze kwekunge matendeuka muchafa; hongu, kana nyika dzenyu muchadzitorerwa, uye muchaparadzwa kubviswa pamusoro penyika.

29 Tarisai zvino, handizi kuti zvinhu izvi zvichaitika, ini pachangu, nokuti handizirini andinoziva kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi nokuti Ishe Mwari vakaita kuti ndizvizive, naizvozvo ndinopupura kuti zvichave.