Magwaro Matsvene
Abrahama 3


Chitsauko 3

Abrahama anodzidza nezvezuva, mwedzi, nyenyedzi kuburikidza neUrimi neTumimi—Ishe vanoratidza kwaari mamiriro ekusingaperi emweya—Anodzidza nezveupenyu pasati pave nenyika, kufanogadzwa, kusikwa, kusarudzwa kweMununuri, uye magariro echipiri emunhu.

1 Uye ini Abrahama, ndaive aneUrimi neTumimi, iyo Ishe Mwari vangu vakanga vandipa, muUri yemaKardia;

2 Uye ndakaona anyenyedzi, kuti dzakanga dzakakura, uye nokuti imwe yadzo yakanga iri pedyo nechigaro chaMwari; uye kwakanga kuine zhinji huru kwazvo dzakange dziri pedyo nayo;

3 Uye Ishe vakati kwandiri: Idzi ndidzo dzimwe dzinotonga dzekutanga; uye zita rehuru yacho rinonzi aKorobhu, nokuti iri pedyo neni, nokuti ndini Ishe Mwari vako: Ndaisa iyi kuti itonge dzose idzo dzinove nerudzi rumwechete seiyo yaumire pamusoro payo.

4 Uye Ishe vakati kwandiri, neUrimi neTumimi, iyo Korobhu yakanga iri mutowo waIshe, maererano nenguva nemwaka wayo mukutenderera kwayo; kuti kutenderera kamwechete kwaive azuva rimwechete kuna Ishe, mutowo wavo wekuverenga, zinovechiuru chimwechete bchemakore maererano nenguva yakadomerwa kune icho chaumire pamusoro. Uku ndiko kuverengwa kwenguva yaIshe, maererano nokuverenga kweKorobhu.

5 Uye Ishe vakati kwandiri: Nyika iyo inove ndiyo chiedza chidiki, chidiki kune icho chinotonga masikati, kunyangwe cheusiku, chiri pamusoro kana kuti chikuru kupfuura icho pamusoro pacho pawakamira, pakuenzanisa, nokuti chinofamba nehurongwa zvishoma-shoma; izvi zviri mugwara nokuti chimire pamusoro penyika apo paumire, nokudaro kuyera kwacho nguva yacho hakuna kuwanda sehuhwandu hwemazuva, nezvemwedzi, nemakore.

6 Uye Ishe vakati kwandiri: Zvino Abrahama, zvokwadi azviviri izvi zviripo, tarisai maziso ako anozviona; zviri kupihwa kwauri kuti uzive nguva dzekuverenga, nenguva dzakatarwa, hongu, nguva yakatarwa yenyika iyo ine pamusoro pawakamira, nenguva yakatarirwa kutonga masikati, nenguva yatarirwa chiedza chidiki icho chakatarirwa kutonga husiku.

7 Zvino nguva yakatarirwa chiedza chidiki inguva refu sekuverengwa kwayo kupfuura kuverengwa kwenguva yenyika pamusoro paumire.

8 Uye panove neizvi zvinhu zviviri zviripo, pachave nechimwe pamosoro pazvo, kureva kuti, pachave neimwe nyika kuverengwa kwenguva yayo kwakareba kupfuura zvakare;

9 Uye uku kuchave kuverengwa kwenguva yeimwe nyika pamusoro peimwe, kudakara wauya pedyo neKorobhu, iri iyo Korobhu iri maererano nekuverengwa kwenguva yaIshe; inove iyo Korobhu yakatarwa pedyo nechigaro chaMwari, kuti itonge dzose nyika idzo dzinove adzehurongwa humwechete sepawakamira.

10 Zvinopihwa kwauri kuti uzive kuti nguva dzakatarwa dzenyenyedzi dzose idzo dzakaiswa kuti dzipe chiedza, kudakara iwe wauya pedyo nechigaro chekutonga chaMwari.

11 Saka ini Abrahama, andakataura naMwari Ishe, takatarisana, sekutaura kunoita munhu kune mumwe; uye vakanditaurira nezve mabasa akanga aitwa nemaoko avo;

12 Uye vakati kwandiri: Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu (uye ruoko rwavo rwakanga rwakatambanudzwa), tarisai ndichakuratidza zvose izvi. Uye vakaisa ruoko rwavo pamaziso angu, ndikaona zvinhu izvo zvinove zvakaitwa nemaoko avo; zvaiva zvizhinji; uye zvikawanda pamberi pemaziso angu, uye handina kuona kwazvakagumira.

13 Vakati kwandiri: Iyi iShineha, inove ndiyo zuva. Uye vakati kwandiri: Kokobhu, inove nyenyedzi. Uye vakati kwandiri: Orea, unove ndiwo mwedzi. Uye vakati kwandiri: Kokaubhemu, inoreva nyenyedzi zhinji, kana zvose zviyedza zvikuru, izvo zvaive muhudzikwa hwedenga.

14 Uye hwakange huri husiku nguva yakataura Ishe mazwi aya kwandiri: Ndichaita kuti auwande, bnembeu yako mushure mako, sezvakaita idzi; uye kana ukagona ckuverenga huwandu hwejecha, ndomawandiro achaita mbeu yako.

15 Uye Ishe vakati kwandiri: Abrahama, ndinoratidza zvinhu izvi kwauri musati maenda kuEgipita, kuti ugoparidza mazwi ose aya.

16 Kana pakaita zvinhu zviviri, uye poita chimwe pamusoro pechimwe pachave nezvikuru kwazviri pamusoro pazvo; nokudaro aKorobhu ndiyo huru kupfuura Kokaubhemu yose iyo yawaona, nokuti ndiyo iri pedyo pedyo neni kupfuura dzimwe.

17 Zvino, kana paine zvinhu zviviri, chimwe chiri pamusoro pechimwe, uye mwedzi uri pamusoro penyika, zvino zvingangoita kuti nyika dzemuchadenga kana nyenyedzi ingangove pamusoro payo; uye hapana chinhu chekuti Ishe Mwari vako chavanoisa mumwoyo mavo kuti vaite asi avanotochiita.

18 Kana zvakadaro kuti akaita nyenyedzi huru; sezvakare, kana paine mweya miviri, uye mumwe ugove unenjere kupfuura mumwe wakachenjera kupfuura mumwe, asi iyo mweya miviri iyi, kana dai mumwe wakachenjera kupfuura mumwe, haina mavambo; yakange iripo kare, ichave isina magumo, ichazovepo mushure, nokuti ndeye anoraumu kana kokusingaperi.

19 Uye Ishe vakati kwandiri: Izvi zvokwadi zviviri zviripo, kuti kune mweya miviri, mumwe uine njere neungwaru kupfuura mumwe; kuchave nemumwe une njere neungwaru kufuura yose; ndini Ishe Mwari vako, ndine njere aneungwaru kupfuura yose.

20 Ishe Mwari vako vakatumira ngirozi yavo akuzokubvisa mumaoko emupirisita weErikena.

21 Ini ndinogara pakati pavo vose; ini zvino nokudaro ndauya pasi kwauri kuzotaura kwauri amabasa ayo akagadzirwa nemaoko angu, umo bungwaru hwangu hunopfuura vose, nokuti ndinotonga mumatenga kumusoro, nemunyika pasi, muungwaru hwose nekuenzanisa, pamusoro penjere neungwaru hwose hwakaonekwa nemaziso ako kubvira pakutanga; ndakadzika pakutanga pakati penjere neungwaru hwose hwawakaona.

22 Zvino Ishe vakanga vandiratidza ini Abrahama, anjere neungwaru hwakarongwa nyika bisati yavepo; uye mukati mavo vose ava maive cnevairemekedzwa nevakuru-vakuru;

23 Uye Mwari vakaona mweya iyi kuti yakanga yakanaka, uye vakamira pakati pavo, uye vakati: Ava ndichavaita vatongi vangu; nokuti vakamira mukati meavo vakanga vari mweya, uye vakaona kuti vakanga vakanaka; uye vakati kwandiri: Abrahama, iwe uri mumwe wavo; iwe awakasarudzwa usati wazvarwa.

24 Uye pakamira amumwe pakati pavo akanga akaita saMwari, uye akati kune avo vakanga vainaye: Tichaenda pasi, nokuti pane nzvimbo ipapo, uye tichatora zvinhu izvi uye btichaita cnyika apo ava vachagara;

25 Uye atichavayedza ipapo, kuti tione kuti bvachaita here zvose zvinhu zviri zvipi Ishe Mwari vavo zvavachavaudza kuti vaite;

26 Uye avo vachachengeta nzvimbo yavo ayekutanga vachapamhidzirwa; uye vasingachengete nzvimbo yavo yekutanga havazowana kubwinya muumambo humwechetewo neavo vanochengeta nzvimbo yekutanga yavo; uye avo vanochengeta nzvimbo yavo byechipiri vachawana kupamhidzirwa ckwekubwinya kwavo pamisoro yavo nariini nariini.

27 Uye aIshe vakati: Ndichatuma ani? Uye mumwe akapindura bseMwanakomana weMunhu: Ndiri pano, nditumei. Uye cmumwe akapindura akati: Ndiri pano nditumei. Uye Ishe vakati: Ndichatuma atanga.

28 Uye awechipiri akashatirwa, uye akasachengeta nzvimbo yake yekutanga, pazuva iroro bvazhinji vakatevera mushure make.