Chitsauko 6
Vanhu vatendeuka vanobhabhatidzwa nokufambirwa—Nhengo dzesangano dzinotendeuka dzinoregererwa—Misangano inotungamirirwa nesimba roMweya Mutsvene. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.
1 Uye zvino ndinotaura maererano anorubhabhatidzo. Tarisai, magosa, vapirisita, nevadzidzisi vakabhabhatidzwa; havaibhabhatidzwa kunze kwokunge vaunza michero yakafanira yairatidza kuti bvakakodzera.
2 Havaigamuchira munhu murubhabhatidzo kunze kwokunge auya nemwoyo awakatyoka nomweya wakapfava, vachipupura kuchechi kuti vatendeuka zvechokwadi pazvivi zvavo zvose.
3 Uye hakuna kana mumwe akagamuchira rubhabhatidzo kunze kwokunge avatakura pavari zita raKristu, akashinga kumushandira kusvika kumagumo.
4 Uye shure kwokunge vagamuchirwa parubhabhatidzo, vakava vanotunhwa anokucheneswa nesimba roMweya Mutsvene, vakaverengerwa mukati mevanhu vechechi yaKristu; bmazita avo akatorwa, kuti zvimwe vangarangarirwa nokugutswa neshoko rakanaka raMwari, kuti vachengetwe munzira kwayo, vachigara cvakavimba nomunamato nguva dzose, dvachivimba chete nemabasa akanaka aKristu, akava emunyori nomupedzisi wokutenda kwavo.
5 Uye achechi byaigara ichisangana pamwechete, kuti cvatsanye nokunamata, nokukurukurirana maererano nezvemagariro akanaka emweya yavo.
6 Uye vaigara vachisangana pamwechete kuti vadye chingwa newaini, mukurangarira Ishe Jesu.
7 Uye vakanga vakaoma vachitarisisa kuti ahapana ari kutadza pakati pavo; avo vaizoonekwa vachitadza, vapupuri bvatatu vechechi vaivapa mhosva pamberi cpemagosa, kana vasina kutendeuka, vasina dkureurura, mazita avo eaibviswa, uye havaizoverengerwa pakati pevanhu vaKristu.
8 Asi apose apo vaitendeuka nokutsvaga kukanganwirwa, nomwoyo wose, bvairegererwa.
9 Uye misangano yavo ayaitungamirirwa nechechi sekushanda kweMweya, uye nesimba roMweya bMutsvene; sokutungamirwa kwavaiitwa neMweya Mutsvene kuparidza, kana kukurudzira, kana kunamata, nokukumbira vakazvininipisa, kana kuimba, zvakadaro zvaiitwa.