Magwaro Matsvene
1 Nifai 7


Chitsauko 7

Vanakomana vaRihai vanodzokera kuJerusarema uye vanokoka Ishmaeri nemba yake kuti ave navo parwendo rwavo—Ramani navamwe vanopanduka—Nifai anokurudzira vakoma vake kuti vave nokutenda munaIshe—Vanomusunga netambo uye vanoronga zvekumuuraya—Anosunungurwa nesimba rokutenda—Vakoma vake vanokumbira ruregerero—Rihai nechikwata chake vanoita mupiro nezvibairo zvekupisa. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ndinoda kuti imi muzive, kuti baba vangu Rihai, pavakanga avapedza kuporofita kwavo nembeu yavo, zvakaitika kuti Ishe vakataura kwavari zvakare, vachiti zvakange zvisingafanire kuti Rihai aende nemhuri yake murenje iriyega; asi kuti vanakomana vake vatore bvanasikana vave cvakadzi vavo, kuti vave vanobereka mbeu kuna Ishe munyika yechipikirwa.

2 Uye zvakaitika kuti Ishe avakavaraira kuti ini Nifai, navakoma vangu, tinofanirwa kudzokera zvakare kunyika yeJerusarema, uye tinounza Ishmaeri nemhuri yake murenje.

3 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, navakoma vangu, takaenda azvakare murenje kuti tiende kuJerusarema.

4 Zve zvakaitika kuti takaenda kumba kwaIshmaeri, tikawana nyasha pamberi paIshmaeri, zvekuti takamuudza mazwi aIshe.

5 Uye zvakaitika kuti Ishe vakanyevenutsa mwoyo waIshmaeri, uye nemhuri yake, zvekuti yakafamba rwendo nesu kuenda murenje kutende yababa vedu.

6 Uye zvakaitika kuti tiri murwendo murenje, tarisai Ramani naRemueri, navanasikana vaviri vaIshmaeri, anavanakomana vaviri vaIshmaeri nemhuri dzavo, vakatipandukira; hongu, vakapandukira ini Nifai, naSemu, nababa vavo Ishmaeri, nomudzimai wake, navamwe vatatu vavanasikana vavo.

7 Uye zvakaitika kuti mukupanduka uku, vaida kudzokera kunyika yeJerusarema.

8 Uye zvino ini, Nifai, anokusuwiswa nenzira yekuoma kwemwoyo yavo, naizvozvo ndakataura kwavari, ndichiti hongu, kana kuna Ramani naRemueri: Tarisai muri vakoma vangu, ko sei muine mwoyo yakaoma kudai, nokupofomara mupfungwa, zvekuti munoda kuti ini munun’ina wenyu, nditokutaurirai, hongu, nokukuratidzai zvekuita?

9 Ko seiko musina kuteerera mazwi aIshe?

10 Ko seiko amakanganwa kuti makaona ngirozi yaIshe?

11 Hongu, ko zvino seiko muri kukanganwa zvinhu zvikuru izvo Ishe vakatiitira, amukutibvisa mumaoko aRabhani, uye zvakare nokuti titore zvinyorwa?

12 Hongu, ko sei muchikanganwa kuti Ishe vanokwanisa kuita azvinhu zvose mukuda kwake, kuvana vavanhu, kana vachishandisa brutendo kwaari? Nokudaro, ngativei tinokutenda kwavari.

13 Uye kana tikava tinokutenda mavari, tichazowana anyika yechipikirwa; uye muchazoziva munguva ichatevera kuti mazwi aIshe achazadzikiswa pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema; nokuti zvinhu zvose zvakataurwa naIshe pamusoro bpokuparadzwa kweJerusarema zvinototi zvizadzikiswe.

14 Nokuti tarisai, Mweya waIshe muchinguvana ucharegera kushanda navo; nokuti tarisai, avakaramba vaporofita, uye vakaisa bJeremia mutorongo. Uye vakaedza kuparadza cupenyu hwababa vangu, mukudaro vakatibvisa munyika iyi.

15 Zvino tarisai, ndinoti kwamuri mukadzokera Jerusarema nemiwo muchafa pamwechete navo. Uye zvino, kana zviriizvo zvamasarudza endai kunyikayo, muchirangarira mazwi ayo ndataura kwamuri, kuti mukaenda muchafa; nokuti Mweya waIshe unonditunha kuti nditaure saizvozvo.

16 Uye zvakaitika kuti apo ini Nifai, ndakanga ndataura mazwi aya kuvakoma vangu, vakandishatirirwa. Uye zvakaitika kuti vakandibata nemaoko, nokuti tarisai, vakanga vatsamwa zvikuru, avakandisunga netambo, nokuti vaida kutora upenyu hwangu, kuti vandisiye murenje kuti ndiparadzwe nemhuka dzerenje.

17 Asi zvakaitika kuti ndakanamata kuna Ishe ndichiti: Ishe, maererano nokutenda kwangu mamuri, mungandiburitsewo mumaoko avakoma vangu here; hongu, uye mundipewo simba rokuti andidambure tambo dzandakasungwa nadzo.

18 Zvakaitika kuti ndataura mazwi aya, tarisai, tambo dzakasunungurwa kubva mumaoko nomumakumbo angu, uye ndikamira pamberi pavakoma vangu, ndikataura navo zvakare.

19 Uye zvakaitika kuti vakandishatirirwa zvakare, ndokutsvaga kundibata; asi tarisai, mumwe awavanasikana vaIshmaeri, hongu, naamai vake, nomwanakomana mumwe waIshmaeri, vakakumbira vakoma vangu, nokudaro vakanyorovesa mwoyo yavo; saka vakarega kuedza kuda kundiuraya.

20 Uye zvakaitika kuti vakasuwa, pamusoro pekuipa kwavo, zvekuti vakapfugama kwandiri, kuti ndivaregerere pane zvavakange vanditadzira.

21 Uye zvakaitika kuti andakavaregerera nemwoyo wangu wose pazvinhu zvose zvavakanga vaita, uye ndikavakurudzira kuti vanamate kuna Ishe Mwari vavo kuti varegererwe. Uye zvakaitika kuti vakaita saizvozvo. Uye shure kwokunge vanamata kuna Ishe takafamba zvakare norwendo rwedu takananga kutende yababa vedu.

22 Zve zvakaitika kuti takasvika paive netende yababa vedu. Uye shure kwokunge ini navakoma vangu nevemba yose yaIshmaeri tasvika kutende yababa vangu, vakapa akutenda kuna Ishe Mwari vavo; vakapira bmupiro nezvibayiro zvekupisa kwavari.