Magwaro Matsvene
1 Nifai 3


Chitsauko 3

Vanakomana vaRihai vanodzokera kuJerusarema kuti vandotora mahwendefa endarira—Rabhani anoramba kuvapa mahwendefa—Nifai anokurudzira nokusimbisa vakoma vake—Rabhani anoba zvinhu zvavo oedza kuvauraya—Ramani naRemueri vanorova Nifai naSemu zve vanopopoterwa nengirozi. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mushure mokutaura naIshe, ini Nifai, ndakadzokera kutende yababa vangu.

2 Uye zvakaitika kuti vakataura neni, vachiti: Tarisai, ndarotswa hope, ndichinzi naIshe iwe nevakoma vako muchadzokera kuJerusarema.

3 Nokuti tarisai, Rabhani ane zvinyorwa zvamaJuda uye nenhoroondo yekuzvarwa kwamadzitateguru angu, zve zvakanyorwa pamahwendefa endarira.

4 Nokudaro, Ishe vandiraira kuti iwe navakoma vako muende kuimba yaRabhani, munotsvaga zvinyorwa, muuye nazvo muno murenje.

5 Uye zvino tarisai, vakoma vako vanotsutsumwa, vachiti chinhu chakaoma chandavati vaite; asi tarisai handina kuti vazviite, asi kuti murairo waIshe.

6 Naizvozvo enda, mwanakomana wangu, uye uchadiwa naIshe, nokuti hauna kutsutsumwa.

7 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, ndakati kuna baba vangu: Ndichaenda ndonoita zvinhu izvo Ishe araira, nokuti ndinoziva kuti Ishe havape mirairo kuvana vavanhu, kunze kwokunge vachivagadzirira nzira yokuti vagozobudirira pazvinhu zvavanenge vavaraira.

8 Uye zvakaitika kuti baba vangu pavakanga vanzwa mazwi aya vakava nokufara kukuru, nokuti vaiziva kuti ndakanga ndakomborerwa naIshe.

9 Uye ini Nifai, navakoma vangu takasimuka kubva murenje, nematende edu, tikaenda parwendo rwedu rwekunyika yeJerusarema.

10 Uye zvakaitika kuti apo takanga taenda kunzvimbo yeJerusarema, ini pamwe navakoma vangu takabvunzana mazano kubva kune mumwe nomumwe.

11 Uye takakanda mijenya—kuti ndiani anofanirwa kuenda muimba yaRabhani. Uye zvakaitika kuti mijenya yakarova ikandowira pana Ramani; zvino Ramani akaenda muimba yaRabhani, saka akataura naye agere mumba make.

12 Uye akakumbira Rabhani zvinyorwa zvakanga zviri pamahwendefa endarira, akange aine nenhoroondo yekuzvarwa kwababa vangu.

13 Uye tarisai, zvakaitika kuti Rabhani akashatirwa, akamutandira kunze kubva paari; akaramba kuti atore zvinyorwa. Naizvozvo, akati kwaari: Tarisai uri gororo, uye ndichakuuraya.

14 Asi Ramani akatiza, akazotiudza zvinhu zvakanga zvaitwa naRabhani, kwatiri. Takavamba kuva nokusuwa kukuru, uye vakoma vangu vakange voda kudzokera murenje umo maiva nababa.

15 Asi tarisai ndakati kwavari: Kana Ishe vachirarama, isu tichirarama, hatisi kuzodzokera kuna baba vedu murenje kana tisina kunge tabudirira pazvinhu izvo Ishe vakatituma.

16 Naizvozvo, ngativei tinotendeka mukuchengeta mirairo yaIshe; saka ngatidzike kunzvimbo yechizvarwa chamadzibaba edu, nokuti tarisai vakasiya goridhe nesirivha, nehumwewo upfumi hwakasiyana-siyana. Izvi zvose vakazviita nokuda kwemirairo yaIshe.

17 Nokuti aiziva kuti Jerusarema inofanira kuparadzwa, nenzira yokuipa kwavanhu.

18 Nokuti tarisai, varamba mazwi amaporofita. Naizvozvo, kana baba vangu vagara munzvimbo iyi shure kwokunge vaudzwa kuti vatize kubva mairi, tarisai, vachaparadzwawo. Naizvozvo, zvinofanirwa kuti vatize kubva munzvimbo iyi.

19 Uye tarisai, ungwaru munaMwari kuti titore zvinyorwa izvi, kuti tive tinochengetedzera vana vedu rurimi rwemadzibaba edu;

20 Uye kuti zvakare tivachengetere mazwi ayo akataurwa nemiromo yaavo vose vaporofita vatsvene, avo vakatumidzirwa kwavari noMweya uye nesimba raMwari, kubvira pakutanga kwenyika, kusvikira nhasi uno.

21 Uye zvakaitika kuti mukutaura nemazwi akadai ndakanyengetedza vakoma vangu, kuti vave nokutendeka mukuchengetedza mirau yaMwari.

22 Uye zvakaitika kuti takaenda kunyika yechizvarwa chedu, tikaunganidza pamwe goridhe, nesirivha yedu, nezvimwewo zvinhu zvinokosha zvedu.

23 Uye shure kwokunge taunganidza zvinhu izvi pamwechete, takaenda zvakare kuimba yaRabhani.

24 Uye zvakaitika kuti takaenda kuna Rabhani, tikamukumbira kuti atipe zvinyorwa zvakange zvakanyorwa pamahwendefa endarira, isu tichimupawo goridhe yedu, nesirivha yedu, nezvose zvinokosha zvedu.

25 Uye zvakaitika kuti Rabhani akati aona zvinhu zvedu, nokuwanda kwazvo akazvichiva, zvokuti akatitanda mumba make, akatumira varanda vake kuti vatiuraye, kuti agowana matorero ezvinhu zvedu.

26 Uye zvakaitika kuti takatiza varanda vaRabhani, tikamanikidzwa kusiya zvinhu zvedu, zvikawira mumaoko aRabhani.

27 Uye takatizira murenje, saka varanda vaRabhani havana kutibata, tikahwanda mubako.

28 Uye zvakaitika kuti Ramani akanga ashatirirwa ini nababa vangu; kana Remueriwo, nokuti aiteerera mazwi aRamani. Naizvozvo, Ramani naRemueri vakataura mazwi akaoma zvikuru kunesu, vanun’una vavo, vakatirova nemubhadha.

29 Uye zvakaitika kuti pavakange vachitirova nemubhadha, tarisai, ngirozi yaIshe yakauya ikamira pamberi pavo, ikati kwavari: Ko sei muchirova munun’una wenyu nemubhadha? Hamuzive here kuti Ishe vakamusarudza kuti ave mutongi pamusoro penyu, nenzira yezvitadzo zvenyu? Tarisai muchaenda kuJerusarema zvekare, uye Ishe vachaisa Rabhani mumaoko enyu.

30 Uye shure kwokunge ngirozi yataura nesu, yakaenda.

31 Uye shure kwokunge ngirozi yaenda, Ramani naRemueri vakatangisa zvakare kutsutsumwa vachiti: Ko zvingabvire sei kuti Ishe vangazviite kuti vaise Rabhani mumaoko edu? Tarisai, munhu ane masimba ose, uye anokwanisa kutuma makumi mashanu, hongu, uye zvakare anokwanisa kuuraya makumi mashanu; ko zvino isu angatitadze nei?