Magwaro Matsvene
Mosesi 3


Chitsauko 3

(Chikumi—Gumiguru 1830)

Mwari vakasika zvose zvinhu zviri mweya zvisati zvave sezvazviri panyika—Vakasika munhu, nyama yekutanga, panyika—Mukadzi mubatsiri akakwana kumurume.

1 Ndo akupedzwa kwakaitwa denga nepasi, bnemhomho dzayo dzose.

2 Uye muzuva rechinomwe, ini Mwari, ndakapedza basa rangu, nezvose zvinhu zvandakanga ndaita; uye andikazorora muzuva brechinomwe kubva kubasa rangu rose, uye zvose zvinhu zvandakanga ndaita zvakapera, uye ini Mwari, ndikaona kuti zvakanaka.

3 Uye ini Mwari, andakaropafadza zuva rechinomwe, uye ndikarichenesa; nokuti mariri ndakazorora bmubasa rangu rose iro ini Mwari, ndakanga ndasika nekugadzira.

4 Uye zvino tarisai, ndinoti kwauri, kuti izvi ndizvo zvizvarwa zvedenga nezvepasi, pazvakasikwa, muzuva iro ini Ishe Mwari, randakagadzira denga nepasi;

5 Uye chose chinomera musango achisati chave muvhu, negwenzi rose resango risati rakura. Nokuti, ini Ishe Mwari, bndakasika zvinhu zvose, izvo zvandakataura nezvazvo, zviri cmumweya, zvisati zvave sezvazviri pamusoro penyika. Nokuti ini Ishe Mwari, handina kunge ndaita kuti kunaye pamusoro penyika. Uye ini Ishe Mwari, ndakanga dndasika vana vose vevanhu; uye kwete munhu wekurima eivhu, nokuti fkudenga ndiko gkwandakavasika; uye kwakanga kusati kwave nenyama panyika, kana mumvura, kana mumhepo;

6 Asi ini Ishe Mwari, ndakataura, uye kukasimuka amhute kubva pasi, uye ikadiridza pamusoro penyika yose.

7 Uye ini Ishe Mwari, ndakaumba munhu kubva amuguruva repasi, uye ndikafemera mhuno dzake mweya weupenyu; uye bmunhu akave mweya cunorarama, nyama dyekutanga pamusoro penyika, munhu wekutangawo, zvakadaro, zvinhu zvose zvakanga zvasikwa; asi mumweya zvakasikwa uye zvakagadzirwa maererano nezwi rangu.

8 Uye ini Ishe Mwari, ndakadyara bindu nechokumabvazuva amuEdeni, uye imomo ndikaisa munhu wandakanga ndaumba.

9 Uye kubva muvhu ndakagadzira, ini Ishe Mwari, kuti mukure wose muti, unokura wega, unofadza mumaziso emunhu; uye munhu agogona kuuona. Uye naiwo wakave zvakare mweya unorarama. Nokuti waive wemweya musi wandakausika; nokuti unogara uri munzvimbo umo ini Mwari, mandakausikira, hongu, kunyangwe zvose zvinhu zvandakagadzirira kushandiswa nemunhu, uye munhu akaona kuti zvakanaka kuve zvekudya. Uye ini Ishe Mwari ndakadyara amuti weupenyu zvakare pakati pebindu, zvakare bnemuti weruzivo wezvakanaka nezvakaipa.

10 Uye ini Ishe Mwari, ndakaita kuti rukova rwubve muEdeni kunodiridza bindu; uye kubvira ipapo rwakanga rwapatsanurwa, uye rwukave ahova ina.

11 Uye ini Ishe Mwari, ndakadaidza rwekutanga kuti Pisoni, uye rwakatenderedza yose nyika yeHavira, uko ini Ishe Mwari, ndakasika goridhe rakawanda;

12 Uye goridhe renyika iyoyo rakanga rakanaka, uye maive nedheriamu nebwe reoniksi.

13 Uye zita rerukova rwechipiri rainzi Gihoni; rwumwecheterwo rwunonotenderedza nyika yose yeEtiopia.

14 Uye zita rerukova rwechitatu rainzi Hidekeri; urwo rwunoenda nechekumabvazuva eAsiria. Uye rukova rwechina rwaive Yufratesi.

15 Uye ini Ishe Mwari, ndakatora munhu, uye ndakamuisa muBindu reEdeni, kuti arishongedze, nokurichengeta.

16 Uye ini Ishe Mwari, ndakaraira munhu ndichiti: Kumiti yose yebindu unogona kudya wakasununguka.

17 Asi zvemuti weruZivo rwezvakanaka nezvakaipa, iwe usazoudya, zvisinei, iwe unogona akuzvisarudzira pachako, nokuti zvapihwa kwauri; asi, yeuka kuti ini ndinozvirambidza, nokuti bmuzuva rauchadya iwoyu, iwe zvechokwadi cuchafa.

18 Uye ini Ishe Mwari, ndakati kune wangu aMumwechete Akaberekwa, kuti hazvina kunaka kuti murume ave ega; nokudaro, ndichamuitira bmuyamuri akamukwanira.

19 Uye kubva muvhu, ini Ishe Mwari, ndakaumba mhuka yose yesango, neshiri yose yedenga; uye ndikaraira kuti zviuye kuna Adama, kuti aone kuti angazvidaidza kuti chiyi; uye zvaive zviri mweya unorarama; nokuti ini Mwari, ndakazvifemera mweya weupenyu, uye ndikaraira kuti chose zvacho chikisikwa chinorarama chinenge chatumidzwa zita naAdama, ndiro richave zita racho.

20 Uye Adama akapa mazita kune dzose mombe, nokushiri dzedenga, nekumhuka dzose dzesango; asi kuna Adama, hakuna kuwanikwa mubatsiri akamukwanira.

21 Uye ini Ishe Mwari, ndakaita kuti Adama akotsire chaizvo; uye akakotsira, ndikatora imwe yembabvu dzake uye ndikavhara pakare nyama munzvimbo yayo;

22 Uye rumbabvu urwo ini Ishe Mwari, rwandakanga ndatora kumurume, ini ndakaita amukadzi, uye ndikamuunza kumurume.

23 Uye Adama akati: Uyu ndave kuziva zvino kuti ibvupa remapfupa angu, anenyama yenyama yangu; achadaidzwa kuti Mukadzi, nokuti akabviswa pamurume.

24 Nokudaro murume achasiya baba vake naamai vake, uye aachanamatira kumukadzi wake; uye ivavo vachave nyama bimwechete.

25 Uye vakanga vasina kusimira vose, murume nemukadzi wake, uye vakanga vasinganyare.