Magwaro Matsvene
Abrahama 2


Chitsauko 2

Abrahama anobva muUri kuti aende kuKanani—Jehova anozviratidza kwaari paHarani—Ose maropafadzo evhangeri anovimbiswa kumbeu yake, nokuburikidza nembeu yake kune vose—Anoenda kuKanani uye achizoenda kuEgipita.

1 Zvino Ishe Mwari vakaita kuti nzara irwadze munyika yeUri, zvekuti Harani, munin’na wangu, akafa; asi Tera, baba vangu, vakagara munyika yeUri, yavaKardia.

2 Uye zvakaitika kuti ini, Abrahama, ndakatora Sarai kuve mukadzi wangu, uye Neho, munin’ina wangu, akatora Mirika kuve mukadzi wake, akanga ari mwanasikana waHarani.

3 Zvino Ishe vakanga vati kwandiri: Abrahama, buda munyika yako, uye ubve kune verudzi rwako, nekumba kwababa vako, uende kunyika iyo yandichakuratidza.

4 Nokudaro ndakasiya nyika yeUri, yemaKardia, ndichienda munyika yeKanani; uye ndakatora Roti, mwana wemunin’ina wangu, nemukadzi wake, naSarai mukadzi wangu, uyewo baba vangu vakatevera mushure mangu, kuenda kunyika yatakadaidza kuti Harani.

5 Uye nzara yakaita shoma; uye baba vangu vakayeverwa muHarani uye vakagara imomo, sezvo vaive nezvipfuyo zvakawanda muHarani, uye baba vangu vakadzokera zvakare mukunamata zvifananidzo zvavo, nokudaro vakaramba vari muHarani.

6 Asi ini Abrahama, naRoti, mwanakomana wemunin’ina wangu, takanamata kuna Ishe, uye Ishe vakazviratidza kwandiri, uye vakati kwandiri: Simuka, uye utore Roti newe; nokuti ndafunga kukubvisa muHarani, uye kukuita mushandi kuti utakure zita rangu munyika yausingazive iyo yandichapa kumbeu yako mushure mako kuti ive yavo zvisingaperi, kana vave kuteerera kuzwi rangu.

7 Nokuti ndiri Ishe Mwari vako; ndinogara kudenga; nyika ndiyo chituru chetsoka dzangu; ndinotambanudza ruoko rwangu pamusoro pegungwa, uye rinoteerera izwi rangu; ndinoita kuti mhepo nemoto zvive ngorovhani yangu; ndinoti kumakomo—Ibva pano—uye tarisai, anotorwa nechamupupuri, nechinguvana pakarepo.

8 Zita rangu ndiJehova, uye ndinoziva magumo kubva kwekutanga; nokudaro ruoko rwangu rwuchave pamusoro pako.

9 Uye ndichaita newe rudzi rwukuru, uye ndichakuropafadza kupfuura mwero, uye ndigoita zita rako rikure pakati pemarudzi ose, uye iwe uchave maropafadzo kumbeu yako, kuti mumaoko avo vachatakura basa iri neHupirisita kumarudzi ose;

10 Uye ndichavaropafadza kuburikidza nezita rako; nokuti sevazhinji vachagashira Vhangeri iri vachadaidzwa nezita rako, uye vachaverengwa sembeu yako uye vachasimuka uye vachikuropafadza, sababa wavo.

11 Uye ndicharopafadza avo vanokuropafadza, uye ndigotuka avo vanokutuka, uye mauri (kureva kuti, muHupirisita hwako), nembeu yako (kureva kuti Hupirisita hwako), nokuti ndinokupa ruvimbiso kuti kodzero iyi icharamba iri mauri, nembeu yako mushure mako (kureva kuti, mbeu yechokwadi kana mbeu yemuviri) dzose mhuri dzepasi dzicharopafadzwa kana nemaropafadzo eVhangeri, ayo ari maropafadzo eruponeso, kunyangwe upenyu hwokusingaperi.

12 Zvino, mushure mekunge Ishe varegera kutaura kwandiri, uye vabvisa chiso chavo kwandiri, ndakati mumwoyo mangu: Muranda wenyu akakutsvagai muchokwadi; zvino ndakuwanai;

13 Makatumira ngirozi yenyu kuti izondibvisa kubva kuna vamwari veErikena, uye ndichaita zvakanaka kuteerera kuzwi renyu, nokudaro regai muranda wenyu asimuke uye abve murunyararo.

14 Saka ini Abrahama, ndakabva sekutaura kwakanga kwaita Ishe kwandiri, uye Roti aineni; uye ini Abrahama, ndaive nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa pandakabva ndichibuda muHarani.

15 Uye ndakatora Sarai, uyo wandakatora kuti ave mukadzi wangu pandakanga ndiri muUri, muKardia, uye Roti, mwanakomana wemunin’ina wangu, nezvinhu zvedu zvose zvatakanga taunganidza, nemweya yatange tawana muHarani, uye ndokubva tauya munzira inoenda kunyika yeKanani, uye tichigara mumatende zvataiuya tiri munzira yedu;

16 Nokudaro, kusingapere ndokwaive kufuga kwedu nedombo redu neruponeso rwedu, pataifamba kubva kuHarani nenzira yekuJeshoni, tichiuya kunyika yeKanani.

17 Zvino ini Abrahama, ndakavaka aritari munyika yeJeshoni, uye ndikaita mupiro kuna Ishe, uye ndakanamata kuti nzara ibviswe mumba mababa vangu, kuti vasaparare.

18 Uye zvino takapfuura kubva kuJeshoni nemunyika tichienda kunzvimbo yainzi Sekemu; yakanga iri mumarenje eMore, uye takanga tatove mumiganhu yenyika yemaKanani, uye ndikapira mupiro ipapo mumapani eMore, uye ndikadaidza kuna Ishe nemwoyo wangu wose, nokuti takanga tatosvika munyika yerudzi urwu rwekunamata zvifananidzo.

19 Uye Ishe vakazviratidza kwandiri mukupindura minamato yangu, uye vakati kwandiri: Kumbeu yako ndichapa nyika iyi.

20 Uye ini Abrahama, ndakasimuka kubva panzvimbo yearitari iyo yandakanga ndavaka kuna Ishe, uye ndikabvapo ndichienda mugomo raive kumabvazuva kweBeteri, uye ndokudzika tende yangu ipapo, Beteri iri kumadokero, uye Hai iri kumabvazuva; uye ikoko ndakavaka imwe aritari kuna Ishe, uye ndikadaidza zvakare zita raIshe.

21 Uye ini Abrahama, ndakafamba, ndichiramba ndichienda nechekumaodzanyemba; uye kwaive nenzara yairamba irimo munyika; uye ini, Abrahama, ndakafunga kudzika kuEgipita, kumbonogara ikoko, nekuti nzara yakatambudza zvikuru.

22 Uye zvakaitika kuti pandakanga ndave pedyo nekupinda muEgipita, Ishe vakati kwandiri: Tarisai, Sarai, mukadzi wako, mukadzi akanaka chaizvo kumutarisa;

23 Nokudaro zvichaitika kuti, apo maEgipita vachamuona, vachati—Mukadzi wake; uye vokuuraya, asi vachamuchengeta ari mupenyu; nokudaro ona kuti waita uchidai:

24 Rega iye ati kumaEgipita, iye ihanzvadzi yako, uye mweya wako uchapona.

25 Uye zvakaitika kuti ini Abrahama, ndakaudza Sarai, mukadzi wangu, zvose zvakanga Ishe vataura kwandiri—Nokudaro iti kwavari, ndinokumbira, uri hanzvadzi yangu, kuti zvive zvakanaka kwandiri kuitira iwe, uye mweya wangu uchapona pamusana pako.