Magwaro Matsvene
Mormoni 9


Chitsauko 9

Moronai anoshevedza vasingatendi muna Kristu kuti vatendeuke—Anotaura pamusana paMwari vezvishamiso, vanozarurira nokudurura zvipo nezviratidzo kune avo vakatendeseka—Zvishamiso zvinomira nokusatenda—Zviratidzo zvinotevera avo vanotenda—Vanhu vanokurudzirwa kuti vave noungwaru uye vachengete mirairo. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino, ndinotaura zve maererano neavo vasingatendi muna Kristu.

2 Tarisai, muchatenda here pazuva renyu rekurangwa—tarisai, apo Ishe pavachauya, hongu, kunyangwe pazuva aguru iro bnyika ichapetwa serukukwe, zvinhu zvose czvichanyungudika nokupisa kukuru, hongu, pazuva iroro guru ramuchaunzwa kuzomira pamberi peGwayana raMwari—zvino muchati here hakuna Mwari?

3 Zvino muchazoenderera mberi muchiramba Kristu here, kana kuti mungaone Gwayana raMwari? Munofunga kuti muchagara naye here muchiziva mhosva yenyu? Munofunga here kuti mungafarire kugara noMunhu mutsvene iyeyo, iyo mweya yenyu ichiziva mhosva yenyu yekuti maigarotyora mitemo yake?

4 Tarisai, ndinoti kwamuri muchazova munosuwa zvikuru kuti mugare naMwari vatsvene avo vakarurama, muchiziva kusviba kwenyu pamberi pavo, mungatoda kuti mugare nemweya ayakaraswa bmugehena.

5 Nokuti tarisai, pamuchaunzwa kuti muone akusasimira kwenyu pamberi paMwari, uye zvakare noukuru hwaMwari, noutsvene hwaJesu Kristu, zvichamutsa rimi remoto risingadzimurike pamuri.

6 Zvino imi amusingatendi, btendeukirai kuna Ishe; chemai zvikuru kuna Baba muzita raJesu, kuti zvimwe mungaonekwe musina kana vara, cmakachena, makarurama, mashambidzwa neropa dreGwayana, nezuva guru iroro rokupedzisira.

7 Uye zvakare ndinotaura kwamuri imi amunoramba zvakazarurwa zvaMwari, muchiti zvakapera, uye muchiti hapana zvakazarurwa, kana huporofita, kana zvipo, kana kuporesa, kana kutaura nendimi, bnokududzirwa kwendimi.

8 Tarisai ndinoti kwamuri, uyo anoramba zvinhu izvi haazive avhangeri raKristu; hongu, haana kuverenga magwaro; kana zvakadaro, bhaanzwisisi.

9 Nokuti hativerenge here kuti Mwari ndivo avamwechetevo nezuro, nhasi, nokusingaperi, uye mavari hamuna kana kakushanduka kana mumvuri wekushanduka?

10 Uye zvino, kana muchifungidzira pachenyu mwari anoshanduka, anova asiri munhu anoramba ari zvaari, zvino mazvifungidzira mwari asiri Mwari wezvishamiso.

11 Asi tarisai, ndichakuratidzai Mwari vezvishamiso, kana Mwari vaAbrahama, naMwari vaIsaka, naMwari vaJakobo; uye anova ndivo aMwari vamwechete ivavo vakasika denga nenyika, nezvinhu zvose zviri mazviri.

12 Tarisai, vakasika Adama, nenzira ayaAdama kukauya bkupunzika kwevanhu. Nokuda kwekupunzika kwevanhu kwakauya Jesu Kristu, Baba neMwanakomana; uye nokuda kwaJesu Kristu kwakauya crununuro rwavanhu.

13 Uye nokuda kwerununuro rwavanhu, urwoo rwakauya naJesu Kristu, vanounzwa zvakare pamberi paIshe; hongu, iyi ndiyo nzira yokuti vanhu vose varegererwe, nokuti rufu rwaKristu rwunounza akumutswa kwevakafa, kunounza rununuro kubva bmuhope dzisingaperi, munhu wose achamutswa kubva pakurara ikoku nesimba raMwari hwamanda paicharira; vachabuda, vose vaduku navakuru, vose vachamira pamberi pechigaro chavo chokutonga, vadzikinurwa nokusunungurwa kubva cmungetani dzokusingaperi dzerufu, rwunova rufu rwenyama.

14 Uye kwozouya akutonga kweUyo Mutsvene pavari; kwozouya nguva yokuti uyo ane btsvina acharamba aine tsvina; uyo mutsvene acharamba ari mutsvene; uyo anofara acharamba achifara; uye uyo akasuwa acharamba akasuwa.

15 Uye zvino, imi mose mazvifungira mwari uyo aasingakwanise kuita zvishamiso, ndinokubvunzai imi, zvinhu zvose izvi zvati zvaitika here, zvandataura nezvazvo? Magumo ati asvika here? Tarisai ndinoti kwamuri, Kwete; uye Mwari havana kurega kuva Mwari vezvishamiso.

16 Tarisai, hazvishamise here mumaziso medu zvinhu zvakaitwa naMwari? Hongu, ko ndiani anokwanisa kunzwisisa amabasa aMwari anoshamisa?

17 Ndiani achati changa chisiri chishamiso kuti aneizwi ravo denga nenyika zvakavepo; uye nesimba rezwi ravo munhu bakasikwa kubva cpaguruva renyika; uye nesimba reshoko ravo zvishamiso zvakaitwa?

18 Uye ndiani achati Jesu Kristu haana kuita azvishamiso zvikuru zvakawanda? Uye kwakave kune zvishamiso zvakawanda zvakaitwa namaoko evaapositori.

19 Uye kana kwaive anezvishamiso zvakaitwa ipapo, ko zvino sei Mwari varega kuva Mwari vezvishamiso asi ivo vari Munhu asingashanduki? Uye tarisai, ndinoti kwamuri havashanduke kwete; kana zvakadaro vairega kuva Mwari; asi havana kurega kuva Mwari, uye ndiMwari vezvishamiso.

20 Uye chikonzero chaakaregerera kuita azvishamiso mukati mevana vavanhu ndechokuti vanoderera mukusatenda, vachibva munzira kwayo, uye havazive Mwari vavanofanirwa bkuvimba naye.

21 Tarisai, ndinoti kwamuri uyo wose anotenda muna Kristu, asina kupokana, achose chaachakumbira kuna Baba muzita raKristu chichapiwa kwaari; vimbiso iyi iri kune vose, kusvika kumagumo enyika.

22 Nokuti tarisai, izvi ndizvo zvikataurwa naJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, kuvadzidzi vake avo vasisafe, hongu, uye zvakare kuvadzidzi vake vose, zvichinzwikwa negungano: aEndai munyika dzose, muparidze vhangeri kune zvisikwa zvose;

23 Uye uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa, asi uyo asingatendi aacharaswa.

24 Uye azviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda—muzita rangu vachaburitsa ana bdhiabhorosi; vachataura nendimi itsva; vachasimudza nyoka; zve vakanwa zvinhu zvinouraya hazvizovakuvadzi; vachaisa cmaoko pamusoro pevanorwara vachipona.

25 Uye uyo wose achatenda muzita rangu, asingapokane, andichazadzisa mazwi angu ose kwaari, kana kusvika kumagumo enyika.

26 Uye zvino, tarisai, ndiani angapikisane namabasa aIshe? aNdiani angarambe mashoko ake? Ndiani achamukira simba guru raIshe? Ndiani achashora mabasa aIshe? Ndiani achashora vana vaKristu? Tarisai, imi mose munova bvashori mabasa aIshe, muchashamiswa mukafa.

27 Zvino musashore, musashamiswe, asi teererai kumazwi aIshe, mukumbire Baba muzita raJesu zvinhu zvose zvamunenge muchida. Musakahadzike, asi ivai munotenda, mutangise semumazuva akare, amuuye kuna Ishe bnemwoyo yenyu yose, cmushandire ruponeso rwenyu nokutya nokudedera pamberi pavo.

28 Ivai amakachenjera mumazuva enyu ekuedzwa; zvibvisei tsvina yose; musakumbire, kuti muzozviparadza bnhafu yenyu, asi kumbirai makashinga, kuti musakurirwe nezviedzo zvose, kuti muve munoshandira Mwari cvapenyu vechokwadi.

29 Muone kuti hamuna kubhabhatidzwa amusingakodzeri; muone kuti hamutore sakaramende yaKristu bmusingakodzeri; asi onai kuti munoita zvinhu cmukukodzera, muchiva munozviita muzita raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu; kana mukaita izvi, mukashingirira kusvika kumagumo, hamuzomborasirwa kunze.

30 Tarisai, ndinotaura kwamuri ndichiita kunge ndiri akutaura ndiri kuvakafa, nokuti ndinoziva kuti muchava nemazwi angu.

31 Musandishore nokuda akwokusarurama kwangu, kana baba vangu, nokuda kwokusarurama kwavo, kana avo vakanyora shure kwavo; asi kuti tendai kuna Mwari kuti vakakuratidzai kusarurama kwedu, kuti muve munodzidza uchenjeri hwakapfuura zvatange takaita.

32 Uye zvino, tarisai, tanyora chinyorwa ichi maererano noruzivo rwedu, nemavara atinosheedza kuti mavara amatsva echiEgipita, atakatambidzwa nekushandura, maererano nomutauro wedu.

33 Uye dai mahwendefa edu akange ari mahombe zvakakodzera tingadai takanyora muchiHeberu; asi chiHeberu chakapindurwa zvakare nesu; dai takakwanisa kunyora muchiHeberu, tarisai, mungadai musina kuwana chakakanganiswa muzvinyorwa zvedu.

34 Asi Ishe vanoziva zvinhu zvatanyora, uye kuti hakuna vamwe vanhu vanoziva mutauro wedu, zve nekuti hakuna vamwe vanoziva mutauro wedu, nokudaro agadzira anzira dzekududzirwa kwazvo.

35 Uye zvinhu izvi zvakanyorwa kuti tibvise pambatya dzedu ropa rehama dzedu, vaderera amukusatenda.

36 Uye tarisai, zvinhu izvi azvatakada maererano nezvehama dzedu, hongu, nezvekudzorerwa kwavo mukuziva Kristu, zviri maererano neminamato yavatendi vose avo vakagara munyika ino.

37 Uye Ishe Jesu Kristu ngaave anoita kuti minamato yavo ive inopindurwa maererano nokutenda kwavo; uye Mwari Baba ngavarangarire chibvumirano icho chavakaita neveimba yaIsraeri; vave vanovakomborera nokusingaperi, nokutenda nezita raJesu Kristu. Ameni.