Magwaro Matsvene
Mormoni 8


Chitsauko 8

MaRamani anotsvaka nokuparadza maNifai—Bhuku raMormoni richauya kuburikidza nesimba raMwari—Matambudziko kune avo vanoshatirwa nekukanganisa basa raMwari—Zvinyorwa zvemaNifai zvichauya muzuva iro rokuipa, kuderera murutendo netsika, nekurasika. Zvingangove makore 400 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Tarisai ini aMoronai, ndinopedzisa bchinyorwa chababa vangu, Mormoni. Tarisai, ndine zvinhu zvishoma zvekunyora, izvo zvinhu zvandakarairwa nababa vangu.

2 Uye zvino zvakaitika kuti shure kwekurwa akukuru kunotyisa paKumora, tarisai, maNifai ayo akanga atizira akananga kuchamhembe akavhimwa bnemaRamani, kusvika vose zvavo vaparadzwa.

3 Uye baba vangu vakaurayiwawo, ini ndakasara andega kuti ndinyore zvinhu zvinopisa tsitsi zvekuparadzwa kwevanhu vangu. Asi tarisai, vakaenda, uye ndinozadzikisa mirairo yababa vangu. Kana vachandiurayawo, handizive.

4 Naizvozvo ndichanyora zvinyorwa ndigozvicherera pasi; kana dai ndikazoenda zvinenge zvisinei.

5 Tarisai, baba vangu vakaita chinyorwa aichi, vakanyora zvinangwa zvazvo. Uye tarisai, ndainyora dai ndanga ndiine nzvimbo bpamahwendefa, asi handina; kana dare handina, nokuti ndiri ndoga. Baba vangu vakauraiwa muhondo, nehama dzangu dzose, zvino handina shamwari kana kwokuenda; uye kuti Ishe vachabvuma kuti ini ndirarame kwenguva yakadii handizive.

6 Tarisai, makore amazana mana apfuura kubvira kuuya kwaIshe Muponesi vedu.

7 Uye tarisai, maRamani akavhima vanhu vangu, maNifai, guta neguta, nzvimbo nenzvimbo, kusvikira kusisina; akupunzika kwavo kukuru; hongu, kuparadzwa kukuru uye kunoshamisa kwakaitika kuvanhu vangu, maNifai.

8 Uye tarisai, ruoko rwaIshe rwakazviita. Uye tarisai zve, maRamani apahondo pachawo; nyika yose yangova neumhondi nokudeuka kweropa; uye hapana anoziva kupera kwehondo.

9 Uye zvino, tarisai, handichataura zvimwe pamusana pavo, nokuti hakuna mumwe akapona kunze kwamaRamani anamakororo avo vachiri kurarama panyika.

10 Uye hapana kana mumwe anoziva Mwari vechokwadi kunze akwevadzidzi vaJesu, avo vakagara munyika kusvikira pava nokuipa kukuru kuti Ishe havana kuzoita kuti bvarambe vari pakati pevanhu; uye kana kuti vachiri pano pasi hakuna munhu anoziva.

11 Asi tarisai, ababa vangu pamwe neni takavaona, uye vakaparidza kwatiri.

12 Uye ani zvake anogamuchira zvinyorwa izvi, asingazozvishora nokuda kwezvinhu zvakakanganiswa zviri mazviri, iyeye achaziva zvinhu azvikuru kupfuura izvozvi. Tarisai, ndini Moronai; uye dai zvaibvira, ndaiita kuti muzive zvinhu zvose.

13 Tarisai, ndinopedzisa kutaura maererano nevanhu ava. Ndiri mwanakomana waMormoni, baba vangu vakanga vari achizvarwa chaNifai.

14 Uye ndini mumwecheteyo aakaviga zvinyorwa izvi kuna Ishe; mahwendefa aya haakoshi, nokuda kwomurairo waIshe. Nokuti zvechokwadi akati hakuna munhu anozova nawo kuti awane bupfumi; asi kuti zvinyorwa izvi zvinhu zvinokosha zvikuru, uye achazozviunza pachena, iyeye Ishe achamukomborera.

15 Nokuti hakuna kana mumwe ane simba rokuzviunza pachiedza kunze kwokunge aripihwa naMwari; nokuti Mwari vanoda kuti zviitwe aneziso rakatarisa pakubwinya kwavo chete, kana magariro akanaka evanhu vaMwari avo vechipikirwa vakare vagara vapararira kubvira kare.

16 Uye akakomborerwa auyo achaunza zvinhu izvi pachiedza; nokuti bzvichaunzwa kubva kurima kuuya muchiedza, maererano neshoko raMwari; hongu, zvichaunzwa kubva muvhu, uye zvichavhenekera mune rima, zvigozivikanwa nevanhu; uye zvichaita kuburikidza nesimba raMwari.

17 Uye kana pane azvakakanganiswa kukanganisa kwomunhu. Asi tarisai, hatizivi chakakanganiswa; zvisinei Mwari vanoziva zvinhu zvose; naizvozvo, uyo banoshora, ngaave anogara akaziva kuti kuchave nenjodzi yemoto wegehena.

18 Uye uyo anoti: Ndiratidzei ini, kana kuti ucharohwa—muchenjererei kuti angangoitisa vanhu izvo zvakarambidzwa naIshe.

19 Nokuti tarisai, uyo anokurumidza akutonga naiye achakurumidza kutongwawo, mubairo wake uchaenzanirana namabasa ake; naizvozvo, uyo anorova achazorohwawo, naIshe.

20 Tarisai zvinotaurwa nemagwaro—munhu haazorovi, kana kutonga; nokuti kutonga ndokwangu, Ishe vanodaro, nokutsiva ndokwangu zvakare, uye ndicharipira ini.

21 Uye uyo achafema kutsamwa nokuita nharo nebasa raIshe, nokupikisa vanhu vechibvumirano vaIshe avo vemba yaIsraeri, uye achiti: Tichaparadza basa raIshe, uye Ishe havacharangarira chibvumirano chavakaita kune vemba yaIsraeri—iye ari munjodzi yokutemwa nokukandwa mumoto.

22 Nokuti achinangwa chaIshe chokusingaperi chichaenderera mberi, kusvikira zvivimbiso zvavo zvose zvazadzikiswa.

23 Nzverai huporofita ahwaIsaya. Tarisai, handikwanise kuzvinyora. Hongu, tarisai ndinoti kwamuri, vatendi vakatungamira mberi kwangu, avo vakambogara munyika ino, bvachachema, hongu, kunyange kubva muguruva vachachema kuna Ishe; uye Ishe vachirarama vacharangarira chibvumirano chavakaita navo.

24 Uye vanoziva aminamato yavo, kuti vakanga vachinamatira hama dzavo. Uye vanoziva kutenda kwavo, nokuti muzita ravo vaisimudza bmakomo; nomuzita ravo vaiita kuti nyika indengendeke; zve nesimba reshoko ravo vaiita kuti cmatorongo akoromoke; hongu, kunyange moto muzhinji hawaivapisa, kana mhuka dzesango, kunyange nyoka dzine uturu hadzaivakwanisa nenzira yesimba reshoko ravo.

25 Uye tarisai, aminamato yavo yakanga yakamirira iye kuti Ishe vagobvumira kuti zvinhu izvi zviuye.

26 Uye hakuna anofanira kuti hazviuye, nokuti zvechokwadi zvichauya, nokuti Ishe vakazvitaura; nokuti akubva pasi zvichauya, noruoko rwaIshe, hakuna achazvirambidza; uye zvichauya pazuva iro richanzi bzvishamiso zvabviswa; zvichauya kunyange munhu achataura ckubva mukufa.

27 Uye zvichauya pazuva iro aropa revatendi richachema kuna Ishe, nokuda bkwezvikwata zvemuruvande nemabasa erima.

28 Hongu, zvichauya pazuva iro simba raMwari richarambwa, achechi dzichasvibiswa nokusimudzira kuzvikudza mumwoyo yavo; hongu, kunyange pazuva iro vatungamiri vechechi nevadzidzisi vachasimuka mukuzvikudza mumwoyo yavo, kunyange nokuchiva vechechi avo.

29 Hongu, zvichauya pazuva iro akuchanzwika nezvemoto, bnemadutu emhepo, nokunhuhwa kwemoto munyika dzevamwe;

30 Uye kuchanzwikawo ahondo, runyerekupe rwehondo, nokundengendeka kwenzvimbo dzakasiyana-siyana.

31 Hongu, zvichauya pazuva iro kuchave nokusvibiswa kukuru kwenyika; kuchave nokupondana, nokupamba, nokunyepa, nokunyengedza, noupombwe nokumwe kutadza kwose kwakaipisisa; apo kuchave nevazhinji vachati, Ita izvi, kana ita izvo, hazvina amhosva, nokuti Ishe bvachazvitunha pazuva rokupedzisira. Asi vane nhamo ivavo, nokuti vari cmugomba remarwadzo nokusungwa muzvakaipa.

32 Hongu, zvichauya pazuva iro panenge pane kereke dzinenge dzavakwa idzo dzichati: Uyai kwandiri, nokuda kwemari yenyu zvivi zvenyu zvicharegererwa.

33 Imi vanhu vakaipisisa nevanhu vasinganzwisise, ko makavakirei chechi kuti mugowana aupfumi? Ko sei bmakashandura mazwi matsvene aMwari, kuti muunze ckuraswa pamweya yenyu? Tarisai, tarisai pane zvakazarurwa zvaMwari; nokuti tarisai, nguva ichasvika pazuva iroro apo zvinhu zvose izvi pazvichazadzikiswa.

34 Tarisai, Ishe vakandiratidza zvinhu zvikuru zvinoshamisa maererano neizvo zviri pedyo kuuya, pazuva iro zvinhu zvose izvi zvichauya kwamuri,

35 Tarisai, ndinotaura kwamuri semuripo, asi hamupo. Asi tarisai, Jesu Kristu akuratidzai kwandiri, uye ndinoziva kuita kwenyu.

36 Uye ndinoziva kuti amunofamba mukuzvikudza kwemwoyo yenyu; hakuna mumwe kunze kwevashoma avo bvasingazvisimudzire pakuzvikudza mumwoyo yavo, mukupfeka nguwo dzakanaka cchaizvo, nomukuchiva, nokunetsana, nokushora, nokuvengana nokumwe kuipa kwose; uye chechi dzenyu, hongu, ose zvawo, asvibiswa pamusana pekuzvikudza kwemwoyo yenyu.

37 Nokuti tarisai, munoda amari, nezvamuinazvo, nenguwo dzenyu dzakanaka, nokushongedza makereke enyu, kupfuura kuda kwamunoita varombo nevanoshaya, varwere nevanotambudzika.

38 Imi tsvina, imi vanyengedzi, imi vadzidzisi, munozvitengesa nokuda kwezvinoora, seiko masvibisa chechi tsvene yaMwari? Seiko amuchinyara kutakura zita raKristu? Seiko musingafunge kuti kufara kusingapere kukuru pane bkusuwa kusina magumo—nokuda ckukudzwa kwenyika?

39 Seiko muchizvishongedza nezvisina upenyu, asi muchibvumira kuti vane nzara, nevanoshaya, nevasina kupfeka, nevanorwara nevakaremara vapfuure nepamuri, musingavatarise?

40 Hongu, sei muchivaka kuipa kwenyu akwemuchivande kuti muwane, muchiita kuti shirikadzi dzicheme kuna Ishe, uye nenherera kuti dzicheme pamberi paIshe, uye zvakare neropa remadzibaba avo nevarume vavo kuti richeme kuna Ishe kubva pasi, kuti vakutsividzei?

41 Tarisai, munondo wokutsividza wakarembera pamusoro penyu; uye nguva iri pedyo kusvika ayokutsividza ropa revatendi pamusoro penyu, nokuti haachada kunzwa kuchema kwavo.