Magwaro Matsvene
Mormoni 3


Chitsauko 3

Mormoni anochemera kuti maNifai atendeuke—Vanowana kukurira kukuru nembiri nesimba ravo—Mormoni anoramba kuvatungamira, uye minamato yake yaanovanamatira haina rutendo—Bhuku raMormoni rinokoka marudzi aIsraeri ari gumi nemaviri kuti vatende vhangeri. Zvingangove makore 360 kusvika ku362 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti maRamani havana kuuya kuzorwa zvakare dakara mamwe makore gumi apfuura. Uye tarisai, ndakanga ndapa basa vanhu vangu, maNifai, mukugadzira minda yavo nezvombo zvavo kuitira nguva yehondo.

2 Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kwandiri: Chema kuvanhu ava—Tendeukai imi, muuye kwandiri, uye mubhabhatidzwe, uye mugovaka zvakare chechi yangu, uye mugoponeswa.

3 Uye ndakachema kuvanhu ava, asi hazvina chazvakaita; uye havana kuona kuti vakanga vaponeswa naIshe, uye akavapa mukana wekuti vatendeuke. Uye tarisai vakaomesa mwoyo yavo kuna Ishe Mwari vavo.

4 Uye zvakaitika kuti mushure megore rechigumi iri, richiita, pamwechete, makore mazana matatu ane makumi matanhatu kubvira pakuuya kwaKristu, mambo wemaRamani akatumira tsamba kwandiri, yakaita kuti ndizive kuti vakanga vachigadzirira kuuya kuzorwa nesu zvakare.

5 Uye zvakaitika kuti ndakaita kuti vanhu vangu vaungane pamwechete munyika yeKuparadzwa, kuguta raive kumuganhu, nechekukamupata kakamanika kaienda kunyika yekumaodzanyemba.

6 Uye ikoko ndiko kwatakaisa mauto edu, kuti tigame mauto emaRamani, kuti vatadze kutora ipi zvayo yenyika dzedu; naizvozvo takavadzivirira nesimba redu rose.

7 Uye zvakaitika kuti mugore remazana matatu ane makumi matanhatu negore rimwechete maRamani vakauya kwatiri kuguta reKuparadzwa kuzoita hondo nesu; uye zvakaitika kuti mugore iroro takavakunda, zvekuti vakabva vadzokera kunyika kwavo zvakare.

8 Uye mugore remazana matatu ane makumi matanhatu nemakore maviri vakauya zvakare kuzorwa. Uye tikavakunda zvakare, uye tikauraya vakawanda vavo, uye vakafa vavo vakakandwa mugungwa.

9 Uye zvino, pamusana pechinhu chikuru ichi chakanga chaitwa nevanhu vangu, maNifai, vakatanga akuzvikudza nesimba ravo, uye vakatanga kupika pamberi pedenga kuti vachatsividza ropa rehama dzavo dzakanga dzauraiwa nevavengi.

10 Uye vaipika nematenga, nechigaro cheumambo hwaMwari, kuti avachaenda kunorwa nevavengi vavo, uye vagovabvisa pamusoro penyika.

11 Uye zvakaitika kuti ini, Mormoni, ndakaramba zvachose kubvira panguva iyi kuti ndive mukuru nemutungamiri wevanhu ava, pamusana peuipi noruvengo rwavo.

12 Tarisai, ndakange ndavatungamira, kana dai vakanga vaine uipi ndakanga ndavatungamira kazhinji kwazvo muhondo, uye ndichivada, maererano anerudo rwaMwari rwaive mandiri, nemwoyo wangu wose; uye mweya wangu wakanga wadirwa mumuteuro kuna Mwari vangu muswere wose ndichinamatira ivo; zvakadaro, zvakanga bzvisina rutendo, pamusana pekuoma kwemwoyo yavo.

13 Uye katatu ndichivabvisa mumaoko evavengi vavo, uye havana kutendeuka pazvitema zvavo.

14 Uye vapika nezvose azvavairambidzwa kupika nazvo naIshe vedu neMuponesi Jesu Kristu, kuti vachaenda kuvavengi vavo kunorwa, uye vagotsividza ropa rehama dzavo, tarisai izwi raIshe rakauya kwandiri, richiti:

15 aKutsividza ndekwangu, uye bndichadzorera, uye pamusana pekuti vanhu ava havana kutendeuka mushure mekunge ndavabvisa, tarisai, vachabviswa pamusoro penyika.

16 Uye zvakaitika kuti ndakaramba zvachose kunorwisana nevavengi vangu; uye ndikaita sezvandakanga ndaudzwa naIshe; uye ndikamira semupupuri asina basa kuti ndiise pachena kunyika zvinhu zvandakanga ndaona ndikanzwa, maererano nokuiswa pachena kweMweya uyo wakanga wapupura pamusana pezvinhu zvakanga zvichauya.

17 Naizvozvo ndinonyorera akwamuri, maJentairi, nekwamuriwo, imba yaIsraeri, kana basa rave kutanga, kuti munge mave pedyo nekugadzirira kudzokera kunyika yenhaka;

18 Hongu, tarisai, ndiri kunyorera kumativi ose enyika; hongu, kwamuri, marudzi aIsraeri gumi nemaviri, amuchatongwa maererano nemabasa enyu muchitongwa negumi nevaviri vaya vakasarudzwa naJesu kuti vave vadzidzi vake munyika yenyu yeJerusarema.

19 Uye ndinonyorera kune vakasara vevanhu ava, vachatongwawo anegumi nevaviri vakasarudzwa naJesu munyika ino; uye vachatongwa ivo nevamwe vaye gumi nevaviri vakasarudzwa naJesu munyika yeJerusarema.

20 Uye zvinhu izvi ndinozviratidzwa neMweya; naizvozvo ndinonyorera kwamuri mose. Uye nechikonzero ichi ndinokunyorerai, kuti muzive mose kuti munofanirwa kumira mose pamberi pechigaro achekutonga chaKristu, hongu, wose mweya wevanhu bvemhuri yaAdama; uye makafanira kuti mutongwe nemabasa enyu, kana akanaka kana kuipa;

21 Uye nokutiwo amutende vhangeri raJesu Kristu, ramuchawana mukati menyu; nokutiwo bmaJuda, vanhu vechibvumirano chaIshe, vachawana umwe cumbowo kunze kwake uyo avakaona uye vakanzwa, iye Jesu, avakauraya, aive iye dchaiye Kristu uye Mwari chaiye.

22 Uye ndinoda kuti ndinyengetedze amose mativi enyika kuti mutendeuke uye mugadzirire kumira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.