Magwaro Matsvene
Joseph Smith—Mateo 1


Joseph Smith—Mateo

Zvakabviswa mukududzirwa kweBhaibheri sekuratidzwa kwazvakaitwa kuna Joseph Smith Muporofita muna 1831: Mateo 23:39 uye chitsauko 24.

Chitsauko 1

Jesu anotaura nezvekuuya kwekuparadzwa kweJerusarema—Anotaurawo nezvekuuya kwechipiri kweMwanakomana weMunhu, nekuparadzwa kwevakaipa.

1 Nokuti ndinoti kwamuri, kuti imi hamuchazondiona kubvira zvino uye mugoziva kuti ndini iyeyo uyo akanyorwa nezvake nevaporofita, kusvika mati: Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe, mumakore edenga, nedzose ngirozi tsvene dziinaye. Zvino ndipo pakanzwisisa vadzidzi vake kuti achauya zvakare panyika, mushure mekunge aremekedzwa nekugadzwa korona kurudyi rwaMwari.

2 Uye Jesu akaenda kunze, uye akabva patemberi; uye vadzidzi vake vakauya kwaari, kuti vazomunzwa, vachiti: Tenzi, tiratidzei nezvedzimba dzetemberi, sezvo makati—Dzichakandwa pasi, uye dzosiiwa kwamuri dzave dongo.

3 Uye Jesu akati kwavari: Hamusikuona zvose zvinhu izvi, uye hamuzvinzwisise here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hapachazosara pano, patemberi ino dombo rimwechete riri pamusoro perimwe risingakandwe pasi.

4 Uye Jesu akavasiya, uye akaenda muGomo reMiorivhi. Uye agere paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari kaverevere, vachiti: Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rinhi zvamataura pamusoro pekuparadzwa kwetemberi, nekwemaJuda; uye chii chiratidzo chekuuya kwenyu, nekwekuguma kwenyika, kana kuparadzwa kwevakaipa, uko kuriiko kuguma kwenyika?

5 Uye Jesu akapindura, uye akati kwavari: Chenjerai kuti hakuna munhu anokunyengedzai;

6 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti—Ndini Kristu—uye vachanyengedza vazhinji;

7 Zvino vachakuisai kunotambudzwa, uye vagokuurayayi, uye imi muchavengwa nemarudzi ose, pamusana pezita rangu;

8 Uye zvino vazhinji vachagumburwa, uye vachafumurana, uye vachavengana;

9 Uye vakawanda vaporofita venhema vachabuda, uye vachanyengedza vakawanda;

10 Uye nokuti huipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora;

11 Asi uyo acharamba akasimba uye akasakundwa, iyeyo achaponeswa.

12 Kana imi, naizvozvo, pamuchaona chinyangadzo chinoparadza, chakataurwa nezvacho naDanieri muporofita, pamusoro pekuparadzwa kweJerusarema, zvino muchamira munzvimbo tsvene, ani zvake anoverenga ngaanzwisise.

13 Zvino ngavaite avo vari muJuda vaende mumakomo;

14 Regai uyo ari pamusoro pemba atize, uye asazodzoka kuzotora kana chii zvacho mumba make;

15 Kana kubvumira uyo ari mumunda kudzokera kunotora nhumbi dzake;

16 Uye nhamo kune avo vane pamuviri, nekune avo vari kuyamwisa mumazuva iwayo;

17 Nokudaro, namatai Ishe kuti kutiza kwenyu kusave muchando, kana musi weSabata;

18 Nokuti ipapo, mumazuva iwayo, kuchave nokutambudzika kukuru kumaJuda, nekuvagari veJerusarema, zvisati zvakambotumirwa kuIsraeri, naMwari, kubvira pakutanga kweumambo hwavo kusvika nguva ino; kwete kana nariini hakuchazotumirwa zvakare kumaIsraeri.

19 Zvose zvinhu zvavawira mavambo chete ekusuwa kuchauya pavari.

20 Uye kunze kwekunge mazuva iwayo akaitwa mashoma, hakuzove nemumwechete wavo achaponeswa; asi pamusana pevakasarudzwa, maererano nechibvumirano, mazuva iwayo achaitwa mashoma.

21 Tarisai, izvi zvinhu ndazvitaura kwamuri pamusoro pemaJuda; uye zvakare, mushure mematambudziko emazuva iwayo ayo achauya kuJerusarema, kana munhu akati kwamuri, Onai houno Kristu, kana kuti uyo, musamutende;

22 Nokuti mumazuva iwayo muchabudawo vana Kristu venhema, nemaporofita venhema, uye vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti dai zvaikwanisika, vacha nyengedza ivochaivo vakasarudzwa, avo vanove vakasarudzwa maererano nechibvumirano.

23 Tarisai, ndinotaura zvinhu izvi kwamuri pamusana pevakasarudzwa; kana nemiwo muchanzwa nezvehondo, nerunyerekupe rwehondo; onai kuti hamutambudzwe nokuti zvose zvandakutaurirai zvinoitika; asi magumo haasati asvika.

24 Tarisai, ndakakutaurirai kare;

25 Nokudaro, kana vakati kwamuri: Tarisai, ave mugwenga, musaendeko: Tarisai, ari mumipanda yakavandika; musazvitende;

26 Nokuti sekuuya kunoita chiedza chemangwanani chichibva kumabvazuva, uye chichipenya kunyangwe kusvika kumadokero, uye chichizara pasi pose, saizvozvo kana kuuya kweMwanakomana weMunhu ndozvakuchaita.

27 Uye zvino ndinokuratidzai mufananidzo. Tarisai, pose pane chitunha, ipapo makondo achaungana; saka nokudaro vakasarudzwa vangu vachaungana kubva kumativi mana enyika.

28 Uye vachanzwa nezvehondo, nerunyerekupe rwehondo.

29 Tarisai ndinotaura kuitira vakasarudzwa vangu; nokuti rudzi rwuchamukira rudzi, uye umambo hugomukira umambo; kuchave nenzara, nezvirwere, nekundengendeka kwenyika, munzvimbo dzakasiyana-siyana.

30 Uye zvakare, pamusana pekuti huipi huchanyanya, rudo rwevanhu rwuchatonhora; asi uyo asingazokurirwa, iyeyo achaponeswa.

31 Uye zvakare, iri Vhangeri reUmambo richaparidzwa pasi pose, kupupura kumarudzi ose, uye zvino kuguma kuchauya, kana kuparadzwa kwevakaipa;

32 Uye zvakare chinyangadzo chinoparadza, icho chakataurwa nezvacho naDanieri muporofita, chichazadzikiswa.

33 Uye pakarepo mushure mematambudziko emazuva iwayo, zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauzopa chiedza chawo, uye nyenyedzi dzichapunzika kubva kudenga, uye masimba edenga achazunguzwa.

34 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, chizvarwa chino, icho chicharatidzwa zvinhu izvi, hachizopfuura kusvika zvose zvandataura zvazadzikiswa.

35 Nyangwe zvazvo mazuva achauya ekuti denga nenyika zvichapfuura; asi mazwi angu haazopfuura, asikuti zvose zvazadzikiswa.

36 Uye, sekutaura kwandamboita, mushure mematambudziko emazuva iwayo, uye masimba ematenga achazunzwa, zvino pachabuda chiratidzo cheMwanakomana weMunhu kudenga, uye zvino ndipo pachachema marudzi ose epanyika; uye vachaona Mwanakomana weMunhu achiuya mumakore edenga, nesimba nekubwinya kukuru;

37 Uye uyo achachengetedza izwi rangu, haazonyengedzwa, nokuti Mwanakomana weMunhu achauya, uye achatumira ngirozi dzake pamberi pake nekuridzwa kukuru kwehwamanda, uye vachaungana pamwechete avo vakasara vevakasarudzwa vangu kubva kumativi mana emhepo, kubva kurutivi rumwe rwedenga kunosvika kune rumwe.

38 Zvino dzidzai mufananidzo wemuwonde—Panenge mapazi awo achiri matete, uye uchitanga kubuda mashizha, munoziva kuti zhizha rave pedyo;

39 Saizvozvo nokudaro, vakasarudzwa vangu, pavachaona zvose zvinhu izvi vachaziva kuti ave pedyo, kunyangwe pamusuwo;

40 Asi nezvezuva iroro nenguva yacho, hapana anoziva; kwete ngirozi dzaMwari dziri kudenga, asi Baba vangu chete.

41 Asi sezvakanga zviri mumazuva aNoa, ndozvazvichange zvakaitawo pakuuya kweMwanakomana weMunhu;

42 Nokuti zvichave kwavari, sezvazvakanga zvakaita mumazuva kusati kwaita mafashamu; nokuti kusvika musi wakapinda Noa mungarava vakanga vachidya nekunwa, vachiroora nokupa mukuroorana;

43 Uye vakasaziva kusvika mafashamu auya, uye ikavatora vose; ndizvo zvichaitawo kuuya kweMwanakomana weMunhu.

44 Zvino zvichazadzikiswa izvo zvakanyorwa, kuti mumazuva ekupedzisira, vaviri vachange vari mumunda, mumwechete achatorwa, uye mumwe agosiiwa;

45 Vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwechete achatorwa, uye mumwe agosiiwa;

46 Uye zvandinotaura kune umwe, ndinotaura kune vanhu vose; naizvozvo rindirai, nokuti hamuzive kuti inguvai ichauya Ishe wenyu.

47 Asi zivai izvi, dai murume akanaka wemba akaziva nguva yaiuya mbavha, angadai akagarira, uye angadai asina kubvumira imba yake kuti ipazwe, asi angadai anga akagadzirira.

48 Nokudaro nemiwo ivai makagadzirira, nokuti munguva yamusingafungire Mwanakomana weMunhu anouya.

49 Ndianiko, zvino muranda akatendeka uye akangwara, uyo akaitwa natenzi wake mutongi wemba yake, uye kuvapa kudya nenguva yacho?

50 Akaropafadzwa muranda iyeyo uyo tenzi wake, paanouya, muranda anowanikwa achiita izvozvi; uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achamuita mutongi wezvose zvinhu zvake.

51 Asi kana muranda akaipa uye akati mumwoyo make: Tenzi wangu anonoka kuuya kwake,

52 Uye achatanga kurova vamwe vake varanda, uye nokudya nokunwa nevakadhakwa,

53 Tenzi wemuranda iyeyo achauya muzuva raasingamutarisire, uye munguva yaasingazive,

54 Uye achamutsemura nepakati, uye achamupa nzvimbo nevanyengedzi; kuchavepo kuchema nekugeda-geda kwemeno.

55 Uye ndiko kuuya kunoita kupera kwevakaipa, maererano nechiporofita chaMosesi, chinoti: Vachabviswa mukati mevanhu; asi kuguma kwenyika hakusati kwasvika asi mushure menguva pfupi-pfupi.