Magwaro Matsvene
Abrahama 5


Chitsauko 5

VanaMwari vanopedza kuronga kwavo hwekusikwa kwezvinhu zvose—Vanoita kuti zviitike zvekusika maererano nehurongwa hwavo—Adama anotumidza mazita kuchisikwa chipenyu chose.

1 Uye naizvozvo tichapedza matenga nenyika, nemhomho dzose dzavo.

2 Uye vanaMwari vakati pakati pavo: Panguva yechinomwe tichapedza basa redu, iro ratakarangana; uye tichazorora munguva yechinomwe kubva mubasa redu rose iro ratakarangana.

3 Uye vanaMwari vakapedza panguva yechinomwe, nokuti panguva yechinomwe vakati vaizozorora kubva mumabasa avo ose avakanga ivo (vanaMwari) varangana pakati pavo kuti vaumbe; uye vakaichenesa nguva iyoyo. Uye ndizvo zvakange zviri mafungiro avo panguva dzavakarangana pakati pavo kuti vaumbe matenga nenyika.

4 Uye vanaMwari vakauya pasi uye vakaumba izvi zvizvarwa zvematenga nenyika, apo pazvakaitwa muzuva iro vanaMwari vakaita nyika nematenga,

5 Maererano nezvose izvo zvavakanga vataura nezve yose mbeu yesango isati yave munyika, uye rose gwenzi resango risati rakura; nokuti vanaMwari vakanga vasati vaita kuti kunaye pamusoro penyika pavakarangana kuti vazviite, uye vakanga vasati vaumba munhu anorima ivhu.

6 Asi kwakasimuka mhute kubva muvhu, uye ikadiridza chose chiso chevhu.

7 Uye vanaMwari vakaumba munhu kubva muguruva renyika, uye vakatora mweya wake (uyo uri mweya vemunhu), uye vakauisa maari; uye vakafemera mumhuno dzake mweya weupenyu, uye munhu akave mweya mupenyu.

8 Uye vanaMwari vakadyara bindu, nechekumabvazuva muEdeni, uye imomo vakaisa munhu, uyo mweya wake vakanga vauisa mumuviri uyo wavakanga vaumba.

9 Uye vanaMwari vakaita kuti mukure wose muti uyo unofadza kuona uye wakanakira kudya muti weupenyu, zvakare, pakati pebindu, nemuti weruzivo rwechakanaka nechakaipa.

10 Paive nerukova rwaibva muEdeni rwaidiridza bindu, uye kubvira ipapo rwaipararana uye rwoita hova ina.

11 Uye vanaMwari vakatora munhu uye vakamuisa muBindu reEdeni, kuti arigadzire nekurichengeta.

12 Uye vanaMwari vakakohomedza munhu, vachiti: Yose miti yemubindu unogona kuidya wakasununguka,

13 Asi muti weruzivo rwechakanaka nechakaipa, iwe hauudye; nokuti panguva yauchaudya, iwe uchafa zvechokwadi. Zvino ini Abrahama, ndakaona kuti yaive nguva yaive maererano nenguva yeKorobhu; nokuti kusvika panguva iyoyo vanaMwari vakanga vasati vapa kuna Adama maverengero ake ezvinhu.

14 Uye vanaMwari vakati: Ngatigadzirei mubatsiri akafanira munhu, nokuti hazvina kunaka kuti munhu ave ega, nokudaro tichaumba mubatsiri wake.

15 Uye vanaMwari vakaita kuti Adama abatwe nehope dzaka dzama; uye akarara, uye vakatora imwe yembabvu dzake, uye vakavhara nenyama panzvimbo iyoyo;

16 Uye nembabvu vanaMwari yavakanga vatora pamunhu, vakaumba mukadzi, uye vakamuunza kumurume.

17 Uye Adama akati: Iri range riri bvupa remapfupa angu, uye nenyama yenyama yangu, zvino achanzi Mukadzi, nokuti akatorwa kubva pamurume;

18 Nokudaro murume achasiya baba namai vake, uye agonamatira kumukadzi wake, uye ivo vachave nyama imwechete.

19 Uye vari vaviri vakanga vasina kusimira, murume nemukadzi wake, uye vakanga vasinganyare.

20 Uye kubva muvhu vanaMwari vakaita yose mhuka yesango, neshiri yose yemhepo, uye ndokudziunza kuna Adama kuti aone; kuti angadzidaidze kutii; uye rose zvaro zita rakadaidzwa chose chisikwa chipenyu naAdama, iroro ndiro zita racho.

21 Uye Adama akapa mazita kumombe dzose, kushiri dzemhepo, kumhuka yose yesango; uye Adama akawanirwa muyamuri akamufanira.