Magwaro Matsvene
Abrahama 1


Bhuku raAbrahama

Zvakadudzirwa Kubva Pagwaro rePapapirasi, naJoseph Smith

Kududzirwa kwezvimwe Zvinyorwa zvekare izvo zvakawira mumaoko edu zvichibva mudzimba dzepasi dzekuviga vanhu kuEgipita. Zvinyorwa zvaAbrahama paakanga ari muEgipita, zvinonzi Bhuku raAbrahama, rakanyorwa neruoko rwake, papapirasi. (History of the Church, 2:235–236; 348–351.)

Chitsauko 1

Abrahama anotsvaga maropafadzo ehurongwa hwemadziteteguru—Anotambudzwa nemapirisita venhema vemuKardea—Jehova vanomuponesa—Mavambo nehurumende yeEgipita anotariswa.

1 Munyika ayeMakardea, paigara madzibaba angu, ini bAbrahama, ndakaona kuti zvaidiwa kuti ini ndiwane imwe nzvimbo cyekugara;

2 Uye nokuwana kuine akufara nerunyararo bnezororo kwandiri, ndakatsvaga maropafadzo emadzibaba, nekodzero iyo yekuti ndigadzwe kuti nditonge zvimwechetezvo; ndinge ndiri pachangu muteveri cwekururama, ndichida zvakare kuti ndive iye daneruzivo rwukuru, nekuve muteveri mukuru vekururama, nekuve neruzivo rwukuru, nekuve baba wemarudzi mazhinji, jinda rerunyararo, uye ndichida kugashira kurairidzwa, nokuchengeta mirairo yaMwari, ndikave chaiye mugari wenhaka, Mupirisita ewePamusoro, ndakabata fkodzero yamadzibaba.

3 aHwakapihwa kwandiri kubva kumadzibaba; hwakadzika huchibva kumadzibaba, kubvira pakutanga kwenguva, hongu, kunyangwe kubva pakutanga, kana kuvamba kwenyika kusati kwavepo, kusvika panguva ino, kunyangwe kodzero byedangwe, kana munhu wekutanga, uyo ari cAdama, kana baba vekutanga, nekumadzibaba kusvika pandiri.

4 Ndakatsvaga akudomwa kwangu kuHupirisita maererano nekusarudza kwaMwari kumadzibaba pamusoro pembeu.

5 aMadzibaba angu abva pakururama kwavo, nekumirairo mitsvene iyo Ishe Mwari vavo yavakanga vapa kwavari, vave bmukunamata vamwari vevahedeni, vakaramba zvachose kunzwa kuzwi rangu;

6 Nokuti mwoyo yavo yakange yave pakuita zvakaipa, uye yakange yatendeukira yose kuna mwari waErikena, anamwari waRibna, namwari waMamakira, namwari waKorashi namwari waFarao, mambo weEgipita;

7 Zvakadaro vakatendeudzira mwoyo yavo mukupira kwemahEdeni vachipira vana vavo kuzvifananidzo izvi zvisingataure, uye vakasanzwa kuzwi rangu, asi vakaedza kutora upenyu hwangu neruoko rwamupirisita waErikena. Mupirisita waErikena aivewo mupirisita waFarao.

8 Zvino, panguva iyi yaive tsika yemupirisita waFarao, mambo weEgipita, kunoita mipiro pamusoro pearitari yakanga yakavakwa munyika yeKardea, kupira kune vamwari ava vasingazivikanwe, varume, vakadzi, nevana.

9 Uye zvakaitika kuti mupirisita akaita mupiro kuna mwari waFarao, nekuna mwari waShagireri, kunyangwe netsika yemaEgipita. Zvino mwari waShagireri aiva zuva.

10 Kunyangwe mupiro wekutenda wemwana mupirisita waFarao aiuitira paaritari iyo yakanga iri pachikomo chainzi Chikomo chaPotifari, kumusoro kwebani reOrishemu.

11 Zvino mupirisita uyu akanga ambopira paaritari iyoyi mhandara nhatu pane imwe nguva, vakange vari vanasikana vaOnaita, aive wekuumambo achibva chaimo muchiuno achaHami. Mhandara idzi dzakapirwa pamusana pehunhu hwadzo; hadzaibvuma bkupfugama pasi kunamata vamwari vemiti kana vematombo, nokudaro dzakaurairwa paaritari iyi, uye zvakaitwa netsika yemaEgipita.

12 Uye zvakaitika kuti vapirisita vakandibata nehasha, kuti vandiurayewo, sezvavakaita mhandara dziya paaritari iyi uye kuti mugoziva atari iyi ndichakuisai kune zvakataurwa pakutanga kwezvinyorwa zvino.

13 Yakaitwa nemufananidzo wemubhedha, seizvo zvaiwanikwa pakati pemaKardea, uye yakanga imire pamberi pavamwari vaErikena, Ribna, Mamakira, Korashi, uyewo namwari akanga akaita seuyo waFarao, mambo weEgipita.

14 Kuti muwane kunzwisisa vamwari ava, ndakupai zvazvakanga zvakaita mumufananidzo kwekutanga, iri tsika yemifananidzo inodaidzwa neKardea Rarenosi, izvo zvinoreva zvinyorwa zvemufananidzo.

15 Uye zvavakanga vachisimudza maoko avo pandiri, kuti vandipire nokutora upenyu hwangu, tarisai, ndakasimudza izwi rangu kuna Ishe Mwari vangu, uye Ishe avakateerera vakanzwa, uye vakandizadza nechiratidzo chaSamasimba, uye ngirozi yaMwari yakamira neni, uye pakarepo ikabva byasunungura majoto angu;

16 Uye izwi ravo rikauya kwandiri: Abrahama, Abrahama, tarisai, azita rangu ndiJehova, uye ndakunzwa, uye ndadzika kuzokununura, nokukutora kukubvisa mumba mababa vako, nekuhama dzako dzose, ndichikuisa bmunyika yausingazive yausina kumbonzwa nezvayo;

17 Uye izvi pamusana pekuti vatendeudza mwoyo yavo kubva kwandiri, kuti vanamate mwari waErikena, namwari waRibna, namwari waMamakira, uye namwari waKorashi, namwari waFarao, mambo weEgipita; nokudaro ndadzika kuti ndizovashanyira, nokuparadza uyo asimudza ruoko rwake kwauri, Abrahama, mwanakomana wangu, kuti atore upenyu hwako.

18 Tarisai, ndichakutungamira neruoko rwangu, uye ndichakutora, kuti ndiise pauri zita rangu, kunyangwe aHupirisita hwababa vako, uye simba rangu richave pamusoro pako.

19 Sezvakange zvakaita Noa ndizvo zvichaitawo newe; asi kuburikidza nebasa rako azita rangu richazivikanwa panyika nariini, nokuti ini ndiri Mwari wako.

20 Tarisai, Chikomo chaPotifari chaive munyika ayeUri, yeKardia. Uye Ishe vakapunza aritari yaErikena, neyavamwari venyika iyi, uye akavaparadza zvachose, uye akarova mupirisita zvekuti akafa; uye kukave nekuchema kukuru muKardea, uyewo nemudare raFarao; ari iye Farao zvinoreva kuti mambo weropa reumambo.

21 Zvino mambo uyu weEgipita akanga ari chizvarwa vechiuno achaHami, uye akanga ari weropa bremaKanani pakuzvarwa.

22 Kubva muchizvarwa ichi makabva vose veEgipita, nokudaro ropa remaKanani rakachengetedzwa munyika iyi.

23 Nyika ayeEgipita iri yakatanga kuwanikwa nemukadzi, akanga ari mwanasikana waHami, nemwanasikana weEgipitasi, izvo muchiKardea zvinoreva kuti Egipita, izvo zvinoreva icho chinorambidzwa.

24 Mukadzi uyu paakawana nyika iyi yakange iri mumvura ndokubva aisa vanakomana vake mavamumashure, uye zvakadaro, kubvira panaHami, pakubuda rudzi rwuya rwakachengetedza kutukwa munyika umu.

25 Zvino hurumende yekutanga yeEgipita yakamiswa naFarao, mwanakomana mukuru waEgipitasi, mwanasikana waHami, uye zvakanga zviri maererano nemutowo wehurumende yaHami, iyo yakanga ichibva kuna baba ichienda kumwanakomana.

26 Farao, ari akanga akarurama akamisa umambo hwake uye akatonga vanhu vake zvakangwara uye zvakanaka ose mazuva ake, achitsvaka zvikuru kutevedzera hurongwa huya hwakanga hwakamiswa nemadzibaba muzvizvarwa zvekutanga, mumazuva ekutanga kwekutonga kwekusiirana baba nemwanakomana, kunyangwe mukutonga kwaAdama, uyewo nekwaNoa, baba vake, uyo akamuropafadza anemaropafadzo epasi, nemaropafadzo eungwaru, asi akamutuka nezvemaererano neHupirisita.

27 Zvino, Farao seaive wedzinza iro rakaita kuti asave nekodzero ayeHupirisita, zvakadaro vanaFarao vaitoda kuzvitaura kuna Noa, kuburikidza naHami, nokudaro baba vangu vakabviswa nekunamata zvifananidzo zvavo;

28 Asi ndichaedza, mushure kuti nditsanangure nhoroondo ndichidzokera shure kubvira pandiri kusvika mukutanga kwekusika, nokuti azvinyorwa zvacho zvauya mumaoko angu, izvo zvandiinazvo kusvika nguva ino.

29 Zvino, mushure mekunge mupirisita weErikena arohwa zvekuti akabva afa, kwakauya kuzadzikiswa kwezvinhu izvozvo izvo zvakanga zvataurwa kwandiri pamusoro penyika yeKardea, kuti kuchava nenzara munyika.

30 Saizvozvo nzara yakatonga munyika yeKardea, uye baba vangu vakatambudzika nokurwadziwa pamusana penzara, uye vakatendeuka kubva mune chakaipa chavakanga vandifungira, chekutora aupenyu hwangu.

31 Asi zvinyorwa zvemadzibaba, kunyangwe zvemadzitete guru, pamusoro pekodzero yeHupirisita, Ishe Mwari vangu vakazvichengetesa mumaoko angu; nokudaro ruzivo rwekutanga kwekusikwa uyewo anerwepasi, nekwenyenyedzi, sekuziviswa kwazvakaitwa kumadzibaba, ndakazvichengeta kunyangwe kusvika nhasi, uye ndichaedza kunyora zvimwe zvezvinhu izvi muchinyorwa chino, kuitira zvizvarwa zvangu izvo zvichauya mushure mangu.