Magwaro Matsvene
Hiramani 14


Chitsauko 14

Samueri anoti kuchazove nechiedza usiku nenyenyedzi itsva pakuzvarwa kwaKristu—Kristu anodzikinura vanhu kubva pakufa kwenyama nomweya—Zvimwe zvezvinhu zvairatidza kufa kwake zvaiva mazuva matatu erima, kutsemurwa kwamabwe, nekutibinuka kwezvinhu. Zvingangove makore 6 Kristu asati azvarwa.

1 Zvakaitika kuti aSamueri muRamani, akaporofita zvinhu zvikuru zvakawanda zvisingakwanise kunyorwa.

2 Zvino tarisai, akati kwavari: Tarisai, ndinokupai chiratidzo; nokuti kuchauya makore mamwe mashanu, kwozouya Mwanakomana waMwari kuzodzikinura avo vose vachatenda muzita rake.

3 Zvino tarisai, izvi ndizvo zvandichakupai asechiratidzo panguva yekuuya kwake; nokuti tarisai kuchave nechiedza chikuru kudenga, zvokuti usiku ihwohwo asati auya hakuite rima, zvekuti vanhu vachaona sekunge usiri usiku.

4 Naizvozvo, kuchave nezuva rimwe, nousiku nezuva, zvichaita kunge zuva rimwechete risina usiku; izvi zvichava sechiratidzo kwamuri; nokuti muchaziva nezvekubuda kwezuva nokunyura kwaro zvakare; nokudaro vachaziva zvechokwadi kuti kuchava namazuva maviri nousiku; asi usiku hauzosviba; uhwu hwunenge huri usiku uhwo aasati azvarwa.

5 Zvino tarisai, anyenyedzi itsva ichabuda, yerudzi rwamusati mamboona; ichiwo chichave chiratidzo kwamuri.

6 Tarisai izvi hazvisizvo zvose, kuchave nezviratidzo neminana yakawanda kudenga.

7 Zvichaitika kuti mose muchashamiswa, mugofunga, zvokuti amuchawira pasi.

8 Zvichaitika kuti avo vose avachatenda kuMwanakomana waMwari ndivo vachava noupenyu husingaperi.

9 Zvino tarisai, izvi ndizvo Ishe vandiraira, nenzira yengirozi, kuti ndiuye ndikuudzei chinhu ichi; hongu, andituma kuti ndiporofite zvinhu izvi kwamuri, akati kwandiri: chema kune vanhu ava, uchiti tendeukai mugadzire nzira yaIshe.

10 Zvino, nokuti ndiri muRamani, uye ndataura kwamuri mazwi ayo Ishe vandiraira, uye nokuti anga akuomerai, mandishatirirwa uye munotsvaga kundiparadza, uye amandikanda kunze kubva pakati penyu.

11 Uye muchanzwa mazwi angu, nokuti ndizvo zvandakwirira masvingo eguta rino, kuti munzwe muzive nezvekutonga kwaMwari uko kwakakumirirai nokuda kwokuipa kwenyu, uye zvakare kuti mugoziva zvinodiwa kuti mutendeuke.

12 Uye kuti muzive kuuya kwaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, aBaba vokudenga napasi, Musiki wezvinhu zvose kubvira kumavambo; uye kuti muzive nezvezviratidzo zvokuuya kwake kuti muve nokutenda kuzita rake.

13 aMukatenda kuzita rake muchatendeuka pazvivi zvenyu zvose kuti nokudaro muve munowana ruregerero rwazvo bnokuda kwake.

14 Zvino tarisai, zvakare, chimwe chiratidzo chandinokupai, chiratidzo chokufa kwake.

15 Nokuti tarisai, zvechokwadi anofanira kufa kuti aruponeso rwuwuye; anofanira kuti afe, kuti aunze bkumutswa kwevakafa, kuti nokudaro vanhu vagounzwa kunaIshe.

16 Hongu, tarisai, rufu urwu runounza kumutswa, uye arwuchinunura vanhu vose kubva murufu rwokutanga—kufa pamweya kuye; nokuti vanhu vose, nokuda bkwekupunzika kwaAdama cvakabviswa pamberi paIshe, vanoonekwa dsevakafa, muzvinhu zvenyika pamwe nezvinhu zvomweya.

17 Asi tarisai, kumutswa kwaKristu akunonunura vanhu vose, hongu, kuchivaunzazve kunaIshe.

18 Hongu, zvinoita kuti mutendeuke, kuti uyo wose anotendeuka iyeye haachazoraswi nokukandwa mumoto, asi uyo asingatendeuke acharaswa nokukandwa mumoto; kwozouya zvakare kwavari kufa pamweya, rufu rwechipiri, nokuti vakaraswa zvakare muzvinhu zviri maererano noutsvene.

19 Naizvozvo tendeukai, tendeukai, nokuti mukuziva zvinhu izvi asi musingazviite muchazvipinza mukuraswa, moiswa mukufa kwechipiri.

20 Asi tarisai, sezvandataura kwamuri pamusoro pechimwe achiratidzo, chiratidzo chorufu rwake, tarisai, nezuva iroro raachafa zuva brichadzima rigoramba kukupai chiedza charo, pamwechete nemwedzi nenyenyedzi; kunenge kusina chiedza pamusoro penyika ino, kubvira panguva yaachafa, kwamazuva cmatatu, kusvikira panguva iyo achamuka zvakare kubva muvafi.

21 Panguva iyoyo yaachafa kuchave anemabhanan’ana, nemheni kwenguva yakareba, uye nyika ichandengendeka; matombo ose ari panyika ino, ose ari pamusoro napasi penyika, amunoziva kuti parizvino akasimba, kana kuti chikamu chacho chikuru chakabatana, bachapwanywa;

22 Hongu, achatsemurwa nepakati, akazove anogara aine mitswe, aari muzvidimbu zvidimbu pasi rose, zvose pamusoro nepasi penyika.

23 Uye tarisai, kuchave nemhepo nedutu guru, uye kuchava namakomo mazhinji achakoromoka, kuve senhika, kuchave nenzvimbo dzakawanda dziri pakati pemakomo dzichazove makomo, akareba zvikuru.

24 Nenzira zhinji dzichaparadzwa, amaguta akawanda achasara asina vanhu.

25 aMakuva akawanda achazarurwa, achaburitsa vakawanda vakafa; vatendi vakawanda vachaonekwa nevakawanda.

26 Zvino tarisai, uku ndiko kutaura kwakaitwa anengirozi kwandiri; nokuti yakati kwandiri kuchava namabanan’ana nemheni kwenguva yakareba.

27 Uye yakati kwandiri apo pakunenge kuchiita mabanan’ana nemheni, nemhepo nedutu, zvinhu izvi zvinofanirwa kuitika, uye kuti arima rinofanirwa kufukidza pasi rose kwamazuva matatu.

28 Uye ngirozi yakati kwandiri vanhu vakawanda vachaona zvakakura kupfuura izvi, kuti vave nokutenda kuti zviratidzo neminana aizvi zvinofanirwa kuitika pamusoro penyika ino kuti kusava nokusatenda pakati pavana vavanhu—

29 Uye kuti uyo wose achatenda achaponeswa, uye kuti avo vose vacharamba kutenda akutongwa kutsvene kuchauya pavari; uye kana vakaraswa inenge iri mhosva yavo.

30 Zvino rangarirai, rangarirai, hama dzangu, kuti uyo wose anofa, anozvikonzera kufa; uye uyo wose anoita zvakaipa, anozviitira pachake; nokuti tarisai, amakasununguka; Mune mvumo yekuita zvinhu zvenyu pachenyu; nokuti tarisai, Mwari vakakupai bruzivo vakakuitai vanhu vakasununguka.

31 Vakakupai kuti amuzive chakanaka nechakaipa, uye vakakupai kuti bmuzvisarudzire upenyu kana rufu; munokwanisa kuita zvakanaka cmugodzorerwa kune izvo zvakanaka, kana kuti izvo zvakanaka zvidzorerwe kwamuri; kana kuti munokwanisa kuita zvakaipa, mogodzorerwa izvo zvakaipa.