Magwaro Matsvene
1 Nifai 9


Chitsauko 9

Nifai anogadzira zvinyorwa zviri paviri—Zvose zvinodaidzwa kunzi mahwendefa aNifai—Mahwendefa makuru anotaura nezvenhoroondo yevanhu; madiki anotaura nezvezvinhu zvinoera. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvose zvinhu izvi baba vangu vakazviona, uye vakazvinzwa, uye vakazvitaura, zvavaigara mutende, munhika raRemueri, nezvimwewo zvinhu zvakawanda, zvisingagone kunyorwa pamahwendefa ano.

2 Uye zvino, sekutaura kwandaita pamusoro pemahwendefa aya, tarisai haaziwo mahwendefa andichanyora rungano ruzere rwevanhu vekwangu; nokuti mahwendefa andinonyora rungano ruzere rwevanhu vekwangu ndaapa zita rekuti Nifai; nokudaro, anodaidzwa kunzi mahwendefa aNifai, sezita rangu; uye mahwendefa ayawo anodaidzwa kunzi mahwendefa aNifai.

3 Zvisinei, ndakagashira murairo waIshe kuti ndiite mahwendefa aya, nechikonzero chekuti kwakafanira kuve nezvakanyorwa pamusoro peufundisi hwevanhu vekwangu.

4 Pane mamwe mahwendefa pakafanira kunyorwa zvekutonga kwemadzimambo, nehondo nenharo dzevanhu vekwangu; nokudaro mahwendefa aya anotaura zvizhinji nezvehufundisi; uye mamwe mahwendefa anotaura zvizhinji nezvekutonga kwemadzimambo nezvehondo nekusawirana kwevanhu vekwangu.

5 Nokudaro, Ishe vanditi ndiite mahwendefa aya nechikonzero chakangwara chiri mavari, chikonzero chacho chandisingazive ini.

6 Asi Ishe vanoziva zvinhu zvose kubvira pakutanga; nokudaro, vanogadzira nzira yokupedza nayo mabasa avo ose pakati pevana vevanhu; nokuti tarisai, vane simba rose mukuzadzikisa mazwi avo ose. Uye ndizvo zvazviri. Ameni.