Magwaro Matsvene
Moronai 4


Chitsauko 4

Kunamatira kunoita magosa nevapirisita chingwa chechirairo kunotsanangurwa. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Nzira yemagosa nevapirisita vavo pakupa nyama neropa raKristu muchechi; vaipa maererano nemurairo waKristu; nokudaro tinoziva kuti nzira iyi ndeye chokwadi; uye gosa kana mupirisita ndiye aipa—

2 Uye vaipfugama vose nechechi, vachinamata kuna Baba muzita raKristu, vachiti:

3 Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa chingwa ichi kumweya yeavo vose vanochidya; kuti vagochidya mukurangarira muviri weMwanakomana wenyu, uye vapupure kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vanoda kutora pavari zita reMwanakomana wenyu, nokumurangarira nguva dzose, nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa, kuti vave neMweya wake nguva dzose. Ameni.