Magwaro Matsvene
Mosesi 4


Chitsauko 4

(Chikumi—Gumiguru 1830)

Kuti Satani akave Dhiabhorosi sei—Anoyedza Eva—Adama naEva vanopunzika uye rufu rwunopinda munyika.

1 Uye ini Ishe Mwari, ndakataura kunaMosesi, ndichiti: Kuti aSatani, uyo awakataurira muzita rewangu Mumwechete Akaberekwa, ndiyeyo mumwechete kubva bpakutanga, uye akauya pamberi pangu achiti—Tarisai, ndiri pano ini, nditumei ndichave mwanakomana wenyu, uye ndichanunura rudzi rwose rwevanhu zvekuti hakuna mweya mumwechete ucharasika, uye chokwadi cini ndichazviita; nokudaro ndipei rukudzo rwenyu.

2 Asi, tarisai wangu aMwanakomana Anodiwa, uyo aiva wangu anodiwa uye bAkasarudzwa kubva pakutanga, akati kwandiri—cBaba, dkuda kwenyu ngakuitwe, uye ekubwinya kuve kwenyu narinhi.

3 Nokudaro, pamusana pekuti iyeyo Satani aakandipandukira, uye akatsvaga kuparadza bkuzvifungira kwemunhu, uku kwandakanga ini Ishe Mwari, ndamupa, uye zvakare, kuti ndimupe simba rangu, nesimba rewangu Mumwechete Akaberekwa, ndakaita kuti cakandirwe pasi;

4 Uye akave Satani, hongu, kunyangwe dhiabhorosi, baba awenhema dzose, kunyengedza nokupofomadza vanhu, nokuvaisa muhusungwa paadira, kunyangwe vazhinji vasina kuda kunzwa kuizwi rangu.

5 Uye zvino nyoka yakanga aiinemano kupfuura dzimwe mhuka dzesango idzo ini Ishe Mwari, ndakanga ndaita.

6 Uye Satani akazviisa mumwoyo wenyoka, (nokuti akanga akwezvera vazhinji kwaari,) uye akatsvaga zvakare kunyengedza aEva, nokuti akanga asingazive pfungwa yaMwari, nokudaro akatsvaga kuparadza nyika.

7 Uye akati kumukadzi: Hongu, Mwari vakati here—Musadye muti wose awemubindu? (Uye akataura nemuromo wenyoka.)

8 Uye mukadzi akati kunyoka: Tingadye muchero yemiti yemubindu;

9 Asi pamichero yemuti wawakatarisa uri pakati pebindu, Mwari vakati—Imi hamudye, kana kuubata, potse munofa;

10 Uye nyoka yakati kumukadzi: chokwadi hamufe;

11 Nokuti Mwari vanoziva kuti muzuva ramunoudya, ipapo amaziso enyu achavhurika, uye muchave savamwari, bkuziva chakanaka nechakaipa.

12 Uye apo mukadzi akaona kuti muti uyu wakange wakanaka kudya, uye nokuti wakabva wamunakira mumaziso, uye muti awaidiwa kuti angware, akatora muchero iwoyo, uye bakadya, uyewo akapa kumurume wake pamwechete naye, naiyewo akadya.

13 Uye maziso avo vose akavhurwa, uye vakaziva kuti vakanga avasina kusimira. Uye vakasonanidza mashizha emukuyu pamwechete uye vakazviitira hembe.

14 Uye vakanzwa izwi raIshe Mwari, pavakanga avachifamba mubindu, mukutonhorera kwezuva; uye Adama nemudzimai wake vakaenda kunohwanda kubva pamberi paIshe Mwari mukati memiti yebindu.

15 Uye ini Ishe Mwari, ndakadaidza Adama, uye ndikati kwaari: Uri akuenda kupi?

16 Uye iye akati: Ndanzwa izwi renyu mubindu, uye ndikatya, nokuti ndaona kuti handina kusimira, uye ndikahwanda.

17 Uye ini Ishe Mwari, ndakati kuna Adama: Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Asi wadya muti wandakakurairira kuti usadye, kana zviri izvo chokwadi auchafa?

18 Uye murume akati: Mukadzi wamakandipa, uye mukataura kuti akafanira kugara neni, andipa muchero uya uye ini ndikadya.

19 Uye ini Ishe Mwari, ndakati kumukadzi: Chii ichi chinhu chawaita? Uye mukadzi akati: Nyoka ayandinyengedza, uye ndikadya.

20 Uye ini Ishe Mwari, ndakati kunyoka: Nokuti waita izvi auchatukwa kupfuura dzose mombe, nokupfuura dzose mhuka dzesango; padumbu rako ndopauchafamba napo, uye guruva ndorauchadya mazuva ose eupenyu hwako;

21 Uye ndichaisa kuvengana pakati pako nemukadzi, pakati pembeu yako nembeu yemukadzi; uye acharova musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.

22 Kumukadzi, ini Ishe Mwari, ndakati: Ndichapamhidzira zvikuru akusuwa kwako nokubata kwako pamuviri. Mukusuwa uchazvara vana, uye chido chako chichave kumurume wako, uye achave anokutonga.

23 Uye kuna Adama, ini Ishe Mwari, ndakati: Pamusana pekuti wateerera kuizwi remukadzi wako, uye ukadya muchero wemuti uyo wandakakuraira, ndichiti—Usazoudya; richatukwa ivhu pamusana pako; mukusuwa uchadya zvinobva mariri ose mazuva eupenyu hwako.

24 Neminzwawo, nemiti yeminzwa ichaunza kwauri, uye iwe uchadya magwenzi emusango.

25 aNedikita rechiso chako uchadya chingwa, kudakara wadzokera kuvhu—nokuti chokwadi uchafa—nokuti iwe wakatorwa mariri: nokuti waive bguruva, uye kuguruva uchadzokera.

26 Uye Adama akatumidza zita mukadzi wake kuti Eva, nokuti aive amai vezvose zvipenyu; nokuti ini Ishe Mwari, ndakadaidza wekutanga wevakadzi vose, avo vari avakawanda.

27 Kuna Adama, uye zvakare nekumukadzi wake, ndakati ini Ishe Mwari, ndakaita mabhatyi edehwe, uye andokuvapfekedza.

28 Uye ini Ishe Mwari, ndakati kune wangu Mumwechete Akaberekwa: Tarisai, amunhu atoita semumwe wedu bkuziva chakanaka nechakaipa; uye zvino zvimwe angangotambanudza ruoko rwake uye cakadya naiyewo dmuti weupenyu, uye akadya akabva ararama narinhi,

29 Nokudaro ini Ishe Mwari, ndichamubvisa muBindu areEdeni, kuti anorima ivhu kunove ndiko kwaakatorwa;

30 Nokuti sezvo ini Ishe Mwari, ndichirarama, kunyangwe saizvozvo amazwi angu haangadzokere asina chinhu, nokuti pakuenda kwaanenge achiita kubva mumuromo mangu anofanirwa kuzadzikiswa.

31 Saka ndakatandira kunze murume, uye ndikaisa kumabvazuva kweBindu reEdeni, amakerubi nemunhondo unobvira, uyo unotenderera kwose kwose kuchengeta nzira yemuti weupenyu.

32 (Uye aya ndiwo mazwi andakataura kumuranda wangu Mosesi, uye ari pachokwadi kunyangwe sezvandingade; uye ini ndakataura nezvazvo kwauri. Usavaratidze kumunhu, kudakara ndakuraira, kunze kwekune avo vanotenda. Ameni.)