Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 9


DJS, Mateo 9:18–21 (Aya mazwi akadzorerwa pakare neMuporofita Joseph Smith, akaiswa pakati paMateo 9:15 naMateo 9:16.)

(Jesu akaramba rubhabhatidzo rwevaFarise; akapa mutemo waMosesi.)

18 Ipapo vaFarise vakati kwaari, Sei uchiramba kutigashira nerubhabhatidzo rwedu, uchiona kuti tinochengeta mutemo wose?

19 Asi Jesu akati kwavari, Hamuchengete mutemo imi. Dai makanga machengeta mutemo, mungadai makandigashira, nokuti ndini iye akapa mutemo.

20 Ini handikugashirei nerubhabhatidzo rwenyu, nokuti hakuna charwunokuyamurai.

21 Nokuti kana icho chinenge chiri chitsva chauya, chakare chamirira kubviswa.