Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 26


DJS, Mateo 26:22, 24–25 (enzanisa Mateo 26:26–29; DJS, Marko 14:20–25)

(Jesu akamisa sakaramende.)

22 Uye pavakanga vachidya, Jesu akatora chingwa uye akachimedura, uye akachiropafadza, uye akapa kuvadzidzi vake, uye akati, Torai, idyai; ichi chirangariro chemuviri wangu uyo wandiri kupa sechitsikinuro chenyu.

24 Nokuti izvi zviri muchirangariro cheropa rangu retestamende itsva, iro riri kudeurirwa avo vazhinji vose vachatenda muzita rangu, kuti varegererwe zvitadzo zvavo.

25 Uye ndinokupai murairo, kuti muchacherechedza kuita zvinhu zvamaona ndichiita, uye mugopupura pamusoro pangu kunyangwe kusvika kumagumo.