Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 7


DJS, Mateo 7:1–2 (enzanisa Mateo 7:1–2)

(Musatonge zvisina kururama.)

1 Zvino aya ndiwo mazwi ayo Jesu aakadzidzisa vadzidzi vake ayo avanofanira kutaura kuvanhu.

2 Musatonge zvisina kururama, kuti imi musazotongwe; asi tongai nemutongo wakarurama.

DJS, Mateo 7:9–11 (enzanisa Mateo 7:6)

(Musataure zvakavanzika zveumambo kunyika.)

9 Endai imi munyika, muchiti kune vose, Tendeukai, nokuti umambo hwekudenga hwauya pedyo nemi.

10 Uye zvakavanzika zveumambo muchazvichengeta mamuri; nokuti hazvina kunaka kupa icho chitsvene kumbwa; kana imi kukanda maparera enyu kunguruve, potse dzingaatsika-tsika pasi petsoka dzadzo.

11 Nokuti nyika haingagone kugashira icho imi pachenyu, chamusingagone kutakura; nokudaro hamufanire kupa maparera enyu kwavari, potse vachatendeuka zvakare vakakubvarurai.