Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 3


DJS, Mateo 3:24–26 (enzanisa Mateo 2:23)

(Hujaya nehwana hudiki hwaJesu hunotsanangurwa.)

24 Uye zvakaitika kuti Jesu akakura nehama dzake, uye akasimba, uye akamirira kuna Ishe kuti nguva yebasa rake iuye.

25 Uye akashanda ari pasi pababa vake, uye akanga asingataure sezvaiita vamwe vanhu, uye akanga asingagone kudzidziswa; nokuti akanga asina chaaidziziswa nemunhu.

26 Uye mushure memakore mazhinji, nguva yehushumiri hwake yakaswedera pedyo.

DJS, Mateo 3:43–46 (enzanisa Mateo 3:15–17)

(Jesu akabhabhatidzwa naJohane nokunyudzwa mumvura.)

43 Uye Jesu, achipindura akati kwaari, Ndibvumire kuti ndibhabhatidzwe newe, nokuti zvakafanira kwatiri kuzadzikisa kwose kururama. Ipapo akamubvumira.

44 Uye Johane akaenda mumvura uye akamubhabhatidza.

45 Uye Jesu paakanga abhabhatidzwa, akabuda mumvura pakarepo; uye Johane akaona, uye tarisa, matenga akazuruka kwaari, uye akaona Mweya waMwari uchidzika senjiva uye ukamhara pana Jesu.

46 Uye tarisa, akanzwa izwi kubva kudenga, richiti, Uyu ndiye mwanakomana wangu wandinoda, uyo wandinofarira zvikuru. Munzwei imi.