Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ⅰ Samueri 16


DJS, Ⅰ Samueri 16:14–16, 23 (enzanisa Ⅰ Samueri 16:14–16, 23; zvakafana nezvakashandurwa muna Ⅰ Samueri 18:10 uye 19:9)

(Mweya wakaipa wakauya kuna Sauro wakanga usingabve kuna Ishe.)

14 Asi Mweya waIshe wakabva kuna Sauro, uye mweya wakaipa wakanga usisiri waIshe waimunetsa.

15 Uye varanda vaSauro vakati kwaari, Tarisai zvino, mweya wakaipa usiri waMwari uri kukunetsa.

16 Regai Ishe vedu zvino varaire varanda venyu, avo vari pamberi penyu, kuti vatsvake munhu, uyo anehunyanzvi pakuridza marimba; uye zvichaitika kuti, apo mweya wakaipa, usiri waMwari, uri pamuri, acharidza neruoko rwake, uye imi muchave nani.

23 Uye zvakaitika kuti, apo mweya wakaipa, wakanga usiri waMwari,wave pana Sauro, Davidi akatora marimba, uye akaridza neruoko rwake; nokudaro Sauro akafefeterwa, uye akave nani, uye mweya wakaipa ukabva paari.