Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 4


DJS, Mateo 4:1, 5–6, 8–9 (enzanisa Mateo 4:1, 5–6, 8–9; zvakafana nezvakashandurwa muna Ruka 4:2, 5–11)

(Jesu akatungamirwa neMweya, kwete naSatani.)

1 Zvino Jesu akatungamirwa neMweya, kuenda murenje, kuti ave naMwari.

5 Zvino Jesu akatorwa akaendwa naye muguta dzvene, uye Mweya ukamuisa panharire yetemberi.

6 Zvino dhiabhorosi akauya kwaari uye akati, Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikande pasi: nokuti zvakanyorwa kunzi, Achapa ngirozi dzake hutariri pamusoro pako: uye mumaoko adzo dzichakusimudza, kuti panguva ipi zvayo usarovere rutsoka rwako padombo.

8 Uye zvakare, Jesu akanga ari muMweya, uye ukamutora ukamukwidza mugomo rakareba zvikuru, uye ukamuratidza umambo hwose hwepasi nokubwinya kwahwo.

9 Uye dhiabhorosi akauya kwaari zvakare, uye akati, Zvose izvi ini ndinokupa, kana ukawira pasi uye ukandinamata.

DJS, Mateo 4:11 (enzanisa Mateo 4:11)

(Jesu akatuma ngirozi kunoparidza kuna Johane Mubapatidzi.)

11 Uye zvino Jesu akaziva kuti Johane akandwa mutirongo, uye akatuma ngirozi, uye tarisai, dzakauya dzikamuparidzira.

DJS, Mateo 4:18 (enzanisa Mateo 4:19)

(Maporofita veTestamente yaKare vakataura nezvaJesu.)

18 Uye akati kwavari, Ndini iye uyo akanyorwa nezvake nevaporofita; nditeverei, uye ndichakuitai varedzi vevanhu.

DJS, Mateo 4:22 (enzanisa Mateo 4:23)

(Jesu akarapa vanhu mukati meavo vaitenda muzita rake.)

22 Uye Jesu akaenda muGarirea yose achidzidzisa mumasinagogo avo, uye achiparidza vhangeri reumambo; uye achirapa ndudzi dzose dzehurwere uye ndudzi dzose dzezvirwere mukati mevanhu vaitenda muzita rake.