Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 17


DJS, Mateo 17:10–14 (enzanisa Mateo 17:11–13)

(Vana Eria vaviri vaizouya—mumwe wekugadzirira uye mumwe wekudzorera pakare.)

10 Uye Jesu akapindura akati kwavari, Eria chokwadi achatanga kuuya, uye ozodzorera pakare zvose zvinhu, sekunyorwa kwazvakaitwa nemaporofita.

11 Uye zvakare ndinoti kwamuri kuti Eria akatouya, kare, maererano neuyo wazvakanyorerwa, Tarisai, ndichatumira nhume yangu, uye ichagadzira nzira ndisati ndauya; uye havana kumuziva, uye vakaita kwaari, chose zvacho chavaida.

12 Zvakadaro neMwanakomana weMunhu achatambudzwawo navo.

13 Asi ndinoti kwamuri, Ndiani Eria? Tarisai, uyu ndiye Eria, uyo andinotumira kugadzira nzira mberi kwangu.

14 Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti ari kutaura kwavari nezvaJohane Mubapatidzi, uye nemumwewo anofanira kuuya uye achidzorera pakare zvose zvinhu, sekunyorwa kwazvakaitwa nemaporofita.