Magwaro Matsvene
Hiramani 1


Bhuku raHiramani

Rungano rwemaNifai. Hondo dzavo nekupesana kwavo, nokupanduka kwavo. Uye huporofitawo hwevaporofita vatsvene vazhinji, Kristu asati auya, maererano nezvinyorwa zvaHiramani, aive mwana waHiramani, Uyewo maererano nezvinyorwa zvevanakomana vake, kana kusvika mukuuya kwaKristu. Uyewo vazhinji vemaRamani vanopinduka. Rungano rwekupinduka kwavo. Rungano rwekururama kwemaRamani, nouipi noruvengo korwemaNifai, maererano nezvinyorwa zvaHiramani nezvevanakomana vake, kana kusvika mukuuya kwaKristu, rwunodaidzwa kuti bhuku raHiramani, nezvimwewo.

Chitsauko 1

Pahorani wechipiri anove mutongi mukuru uye obva apondwa naKishikumeni—Pakumenai anotora chigaro chekutonga—Korianduma anotungamira mauto emaRamani, anotora Zarahemura, uye anouraya Pakumenai—Moronaiha anokunda maRamani uye obva atora Zarahemura, uye Korianduma anouraiwa. Zvingangove makore 52 kusvika ku50 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino tarisai, zvakaitika mukutanga kwegore rechimakumi mana ekutongwa kwemaNifai nevatongi, pakatanga kuve nekuoma kwakanyanya pakati pevanhu vemaNifai.

2 Nokuti tarisai, aPahorani akanga afa, aenda nenzira yenyika yose; naizvozvo pakatanga kuita nharo dzakaipa maererano nokuti ndiani angatore chigaro chekutonga pakati pevakoma nevanin’ina, vaive vanakomana vaPahorani.

3 Zvino aya ndiwo mazita avo vairwira chigaro chekutonga, vakaitawo kuti vanhu vapesane: Pahorani, Paanikai naPakumenai.

4 Zvino ava havazivo vana vose va Pahorani (nokuti aive nevakawanda), asi ava ndivo vairwira chigaro chekutonga; naizvozvo vakakonzera mapoka matatu pakati pevanhu.

5 Zvisinei, zvakaitika kuti Pahorani akasarudzwa anezwi revanhu kuti aite mutongi mukuru nagavhuna wehurumende yevanhu vaNifai.

6 Uye zvakaitika kuti Pakumenai paakaona kuti atadza kuwana chigaro chekutonga, akabatana nezwi revanhu.

7 Asi tarisai, Paanikai, neboka revanhu vaida kuti ave gavhuna wavo, akashatirwa zvikuru; naizvozvo, akanga ave kuda kuti akwezve vanhu ivavo kuti vapandukire hama dzavo.

8 Uye zvakaitika kuti paakanga ave kuda kuita izvi, tarisai, akabva atorwa, uye akatongwa maererano nezwi revanhu, akabva atongerwa kufa; nokuti akanga amutsa chimurenga uye ndokutsvaka kuparadza arusununguko rwevanhu.

9 Zvino vanhu avo vaida kuti aitwe gavhuna wavo pavakaona kuti atongerwa kufa, naizvozvo vakashatirwa, uye tarisai, vakatumira mumwe ainzi Kishikumeni, kana kuchigaro chekutonga chaPahorani, akasvikoponda Pahorani agere pachigaro chekutonga.

10 Uye akateverwa nevaranda vaPahorani; asi tarisai, Kishikumeni aimhanya zvekuti hakuna munhu aikwanisa kumubata.

11 Uye akaenda kune avo vakanga vamutuma, uye vose vakaita chibvumirano, hongu, vachipika neMusiki wavo asingaperi, kuti hapana wavanotaurira kuti Kishikumeni aponda Pahorani.

12 Naizvozvo, Kishikumeni akanga asingazivikanwe muvanhu vaNifai, nokuti akanga akavanza uso hwake panguva yaakaponda Pahorani. Uye Kishikumeni neboka rake, vakanga vabvumirana naye, vakapinda mukati mevanhu, zvekuti vose hakuna akawanikwa; asi vose vakawanikwa vakatongerwa akufa.

13 Uye zvino tarisai, Pakumenai akaitwa kuti ave mutongi mukuru nagavhuna pamusoro pavanhu, maererano nezwi revanhu, kuti atonge panzvimbo yemukoma wake Pahorani; uye zvainge zviri zvakafanira kuti anzarwo. Uye zvose izvi zvakaitwa mugore rechimakumi mana rekutonga kwevatongi; uye rakange riine magumo.

14 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi mana nerimwechete revatongi, maRamani akanga aunganidza pamwechete mauto akawanda zvisingaverengeke, uye ndokuvapa minondo, nezvipanga neuta, nemiseve, nezvidzitiro zvemumisoro, nezvidzitiro zvepazvipfuva, nenhoo dzakasiyana-siyana dzemarudzi ose.

15 Uye vakauya zvakare kuti vaedze kurwa nemaNifai. Uye vaitungamirwa nemurume ainzi Korianduma; uye akanga ari wechizvarwa chaZarahemura; uye akanga ari mupanduki akabva kumaNifai; uye aive rume hombe uye rine simba guru.

16 Naizvozvo, mambo wamaRamani, zita rake ainzi Tubharoti, aive mwanakomana wa aAmoroni, achifunga sezvo Korianduma, riri rume rine simba guru, aikwanisa kurwisana nemaNifai, nesimba nokuchenjera kwakewo, zvekuti nokumutumira kwake aifanira kukurira maNifai—

17 Naizvozvo akavamutsa kuti vashatirwe, uye akaunganidza mauto ake, uye akaisa Korianduma kuti ave mutungamiri wavo, uye akaita kuti vaende kunyika yeZarahemura kunorwa nemaNifai.

18 Uye zvakaitika kuti pamusana pekupesana nekuoma kwezvinhu muhurumende, vakanga vasina vatariri vakakwana munyika yeZarahemura; nokuti vaifunga kuti maRamani anotya kupinda pakati penyika yavo kuti vazorwisa guta guru reZarahemura.

19 Asi zvakaitika kuti Korianduma akafamba ari pamberi pemauto ake akawanda, uye akasvika pavagari veguta, uye kufamba kwavo vaifamba vachikurumidza zvekuti maNifai akashaya nguva yekuunganidza mauto avo.

20 Naizvozvo Korianduma akasvikouraya vose vakanga vakachengeta paipindwa napo muguta, uye akafora nemauto ake ose achipinda muguta, uye vakauraya vose vaiedza kuvarwisa, zvekuti vakatora guta rose.

21 Uye zvakaitika kuti Pakumenai, akanga ari mutongi mukuru, akatiza Korianduma, kana kusvika kuchidziro cheguta. Uye zvakaitika kuti Korianduma akamubaira pachidziro, zvekuti akafa. Uye ndiko kupera kwakaita mazuva aPakumenai.

22 Uye zvino Korianduma zvaakaona kuti akanga atora guta reZarahemura, uye akaona kuti maNifai amutiza, uye vakauraiwa, uye vakatorwa, uye vakaiswa mutirongo, uye akaona kuti akanga atora nzvimbo yakasimba kupfuura dzimwe dzose munyika yose, mwoyo wake wakatora kusatya zvekuti akanga oda kuti achirwisa nyika yose.

23 Uye zvino haana kugara munyika yeZarahemura, asi akafora nemauto akawanda, akananga kuguta reMaguta; nokuti akanga azvipira kuti aende anovhura nzira yake nemunondo, kuti atore matunhu ekuchamhembe kwenyika.

24 Uye, achifunga kuti simba ravo guru riri pakati penyika, naizvozvo akaenda, achivashaisa nguva yekuti vaungane pamwechete kunze kwezvikwata zvidiki; uye netsika iyi vakavasvikira uye vakavatsikirira muvhu.

25 Asi tarisai, kufamba kwaKorianduma uku nepakati penyika kwakayamura Moronaiha zvikuru, kana dai zvazvo vakanga vauraiwa vemaNifai vakanga vakawanda zvikuru.

26 Nokuti tarisai, Moronaiha aifunga kuti maRamani anotya kupinda pakati penyika, asi kuti vangangorwisa maguta ekunze ari kumiganhu sezvavaichiita; naizvozvo Moronaiha akanga aita kuti mauto avo akasimba achengete idzo nzvimbo dziri kumiganhu.

27 Asi tarisai, maRamani havana kutya sezvaaida iye, asi vakanga vauya pakati penyika, uye vakanga vatora guta remuzinda raive guta reZarahemura, uye vakanga vave kufora nemunzvimbo huru dzenyika, vachiuraya vanhu zvakaipa, varume, vakadzi nevana, vachitora maguta akawanda nenzvimbo dzakasimba.

28 Asi Moronaiha zvaakaona izvi, pakarepo akatumira Rihai nemauto nenzira yekudimbudzira kuti avadimbudzire vasati vasvika kunyika yeMaguta.

29 Uye ndizvo zvaakaita; uye akavadimbudzira vasati vasvika kunyika yeMaguta, uye akavarwisa, zvekuti vakatanga kudududza vachidzokera kunyika yeZarahemura.

30 Uye zvakaitika kuti Moronaiha akavagashira mukudududza kwavo, uye akavarwisa, zvekuti yakave hondo yakaita ropa rakanyanya; hongu, vazhinji vakauraiwa, uye mukati meavo vakauraiwa aKorianduma akawanikwa arimo.

31 Uye zvino, tarisai, maRamani akange asisakwanise kutizira uku kana uko, kana kuchamhembe, kana kumaodzanyemba, kana kumabvazuva, kana kumadokero, nokuti vakanga vakombwa mativi ose nemaNifai.

32 Uye saka Korianduma akanga aisa maRamani pakati pemaNifai, zvekuti vakanga vave mumaoko emaNifai, uye iye pachake akauraiwa, uye maRamani akazviisa mumaoko emaNifai.

33 Uye zvakaitika kuti Moronaiha akatora guta reZarahemura zvakare, uye akaita kuti maRamani akanga atorwa sevasungwa vabude munyika nerunyararo.

34 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi mana nerimwechete rekutonga kwevatongi.