Chitsauko 5
Vapupuri vatatu nebasa pacharo zvichamira seuchapupu hwechokwadi cheBhuku raMormoni.
1 Uye zvino ini Moronai, ndanyora mazwi andakaudzwa, maererano nendangariro yangu; uye ndakakutaurirai zvinhu azvandakanama; naizvozvo musazvibate, nokuda kwokuti muzvidudzire; nokuti chinhu ichocho muri kuchirambidzwa, kunze kwekunge kana pava paye zvafanira kuna Mwari.
2 Uye tarisai, mungangopundutswa mukaratidza mahwendefa aya kune aavo vachayamura kuburitsa basa iri.
3 Uye akuvatatu vacharatidzwa nesimba raMwari; nokudaro bvachaziva zvirokwazvo kuti zvinhu izvi cndezvechokwadi.
4 Uye mumiromo ayevapupuri vatatu zvinhu izvi zvichataurwa; uye uchapupu hwevatatu, nebasa rino, umo mucharatidzwa simba raMwari neshoko ravo, iro rinoti Baba neMwanakomana, neMweya Mutsvene vanopupura—uye zvose izvi zvichamira seuchapupu hucharovera nyika musi wekupedzisira.
5 Uye kana zvikadaro kuti vanotendeuka uye avakauya kuna Baba muzita raJesu, vachagashirwa muumambo hwaMwari.
6 Uye zvino, kana ndisina simba rezvinhu izvi, tongai; nokuti muchaziva kuti ndine simba pamuchandiona, uye tichamira pamberi paMwari musi wekupedzisira. Ameni.