Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 2–8: “Rangarirai Ishe.” Hiramani 7–12


“Gunyana 2–8: ʻRangarirai Ishe.ʼ Hiramani 7–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gunyana 2–8. Hiramani 7–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Nifai achinamata ari munharire yebindu

mufananidzo waNifai ari munharire yebindu, naJerry Thompson

Gunyana 2–8: “Rangarirai Ishe”

Hiramani 7–12

Baba vaNifai, Hiramani, vakanga vakurudzira vanakomana vavo kuti “rangarirai, rangarirai.” Vaida kuti varangarire madziteteguru avo, varangarire mashoko avaporofita, uye pamusoro pazvose kuti varangarire “Mununuri wedu, uyo anova Kristu” (ona Hiramani 5:5–14). Zviri pachena kuti Nifai akarangarira, nokuti iri ndiro shoko rimwechetero raakazozivisa kuvanhu makore mazhinji pashure “asinganeti” (Hiramani 10:4). “Mungakanganwa sei Mwari venyu?” akabvunza (Hiramani 7:20). Kuedza kwose kwaNifai—kuparidza, kunamata, kuita zvishamiso, nokuteterera Mwari kuti vapuwe nzara—kwaiva kuedza kubatsira vanhu kuti vatendeukire kuna Mwari uye vaVarangarire. Munzira zhinji, kukanganwa Mwari idambudziko rakatonyanya kakura kupfuura kusaMuziva. Uye zviri nyore kuVakanganwa apo pfungwa dzedu padzinenge dzatsauswa “nezvinhu zvisina maturo zvenyika ino” uye dzaputirwa nezvivi (Hiramani 7:21; onawo Hiramani 12:2). Asi, sekuratidza kunoita hushumiri hwaNifai, hazvimbova zvanonokwa kurangarira uye “nokutendeukira … kuna Ishe Mwari vako” (Hiramani 7:17).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Hiramani 7–11

Mufananidzo
seminary icon
Vaporofita vanozvisa chido chaMwari kuvanhu.

Hiramani 7–11 inzvimbo yakanyanya kunaka kudzidza pamusoro peizvo zvinoitwa nevaporofita. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, tarisa kuzviito, pfungwa, uye hukama hwaNifai naIshe. Hushumiri hwaNifai hunokubatsira sei kunzwisisa basa revaporofita? Heino mienzaniso mishoma. Chii chimwezve chaunowana?

Maererano nezvawaverenga, ungatsanangura sei kuti muporofita chii uye izvo zvaanoita? Funga pamusoro pekunyora tsanangudzo pfupi. Zvino woona zvaungawedzera kutsanangudzo yako mushure mekuverenga mashoko anotsanangura “Muporofita muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (Raibhurari yeVhangeri).”

Wakacherechedza here kushinga kwaiva kwakaita Nifai muna Hiramani 7:11–29? Sei uchinzwa kuti vaporofita dzimwe nguva vanofanira kutaura neushingi sezvaiita Nifai? ­

Uine zvokwadi zvose izvi mupfungwa, fungisisa kuti Ishe vakakuropafadza sei kuburikidza nehushumiri hwevaporofita Vavo. Chii chaVakakudzidzisa munguva pfupi yapfuura kuburikidza nemuporofita wedu anorarama? Uri kuitei kuti uteerera uye utevere nhungamiro yaIshe?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Vaporofita,” Raibhurari yeVhangeri.

Hiramani 9; 10:1, 12–15

Rutendo rwangu muna Jesu Kristu rwunofanira kuvakirwa pazvinhu zvinopfuura zviratidzo nezvishamiso.

Dai zviratidzo kana zvishamiso zvaiva zvakakwana kushandura mwoyo wemunhu, vaNifai vose vangadai vakatendeuka kuburikidza nezviratidzo zvinoshamisa zvakapuwa naNifai muna Hiramani 9. Asi izvo hazvina kuitika. Cherechedza nzira dzakasiyana-siyana dzemadaviriro akaita vanhu kuchishamiso chiri muna Hiramani 9–10. Semuenzaniso, ungangoenzanisa daviro dzevarume vashanu uye vatongi vakuru muna Hiramani 9:1–20 (onawo Hiramani 9:39–41; 10:12–15). Chii chaunodzidza kubva muzvitiko izvi pamusoro pemavakiro okuita rutendo rwako muna Jesu Kristu?

Onawo 3 Nifai 1:22; 2:1–2.

Hiramani 10:1–12

Ishe vanopa simba kuvanhu vanotsvaka chido Chavo uye vanoedza kuchengeta mirairo Yavo.

Apo paunoverenga Hiramani 10:1–12, cherechedza izvo zvakaitwa naNifai kuti awane ruvimbo rwaIshe. Akaratidza sei kuti aitsvaka chido chaIshe pane chido chake? Chiitiko chaNifai chinokukurudzira kuita chii?

Hiramani 10:2–4

Kufungisisa shoko raMwari kunokoka zvakazarurwa.

Apo paunonzwa kudzvinyirirwa, kushushikana, kana kuvhiringika, ungangodzidza chidzidzo chakakosha kubva pamuenzaniso waNifai muna Hiramani 10:2–4. Chii chaakaita apo paakanzwa “kusuwa” (ndima 3).

Mutungamiri Henry B. Eyring vakatsanangura kuti, “Apo patinofungisisa, tinokoka zvakazarurwa kuburikidza neMweya” (“Serve with the Spirit,” Liahona, Mbudzi 2010, 60). Ungaumba sei tsika yokufungisisa?

Hiramani 12

Ishe vanoda kuti ndiVarangarire.

Unorangarira sei ruzivo rwakakosha—sezvakaita zuva rekuzvarwa renhengo yemhuri kana ruzivo rwebvunzo? Izvi zvakafanana sei nokuedza uko kunodikanwa “kurangarira Ishe”? (Hiramani 12:5). Zvakasiyana sei?

Hiramani 12 inotsanangura zvinhu zvakati wandei zvinoita kuti vanhu vakanganwe Ishe. Pamwe unokwanisa kuzvidorongodza uye wofungisisa kana zvingava zviri kukutsautsa kubva kwaAri. Chii chinokubatsira kurangarira Jesu Kristu? Chii chaunokurudzirwa kuita maererano neizvo zvawakadzidza?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa. Muponesi kazhinji aifananidza misimboti yevhangeri nezvinhu zvemazuva ose izvo vanhu zvavaiziva. Pakudzidza kana kudzidzisa pamusoro paHiramani 12:1–6, unokwanisa kuenzanisa “kusagadzikana … kwevanhu” nemanzwiro atinoita tichiedza kusazungunuka takamira negumbo rimwechete. Tingakwanisa sei kuramba tisingazungunuki panezvepamweya?

Mazano eKudzidzisa Vana

Hiramani 7:20–21

Ishe vanoda kuti ndiVarangarire.

  • Kutanga nhaurirano pamusoro pekurangarira Ishe, unokwanisa kutaurira vana vako pamusoro penguva iyo iwe pawakakanganwa chimwe chinhu. Ita kuti vagovere zviitiko zvavo pachavo zvakafanana naizvozvo. Zvino munokwanisa kuverenga Hiramani 7:20–21 uye wobvunza vana vako zvavanofunga kuti zvinorevei kukanganwa Mwari. Zvimwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yezvinhu zvinokwanisa kutikonzera kuti tikanganwe Ishe uye voshandisa mifananidzo yavo kuvhara mufananidzo waJesu. Zvino vanokwanisa kufunga nezvezvinhu zvavanokwanisa kuita kuti vamurangarire. Apo pavanogovera pfungwa dzavo, vanokwanisa kubvisa mifananidzo yacho mumwechete nemumwechete kusvikira mufananidzo weMuponesi waratidzwa.

Hiramani 8:13–23

Vaporofita vanopupura nezva Jesu Kristu.

  • Batsira vana vako kutsvaka muna Hiramani 8:13–23 kuti vawane mazita evaporofita vakadzidzisa nezvaJesu Kristu. Zvimwe vanokwanisa kutambidza kumumwe nemumwe mufananidzo waJesu pose pavanouwana. Muporofita wedu anorarama akadzidzisa chii pamusoro peMuponesi?

  • Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro pevaporofita sezvakaita “Tinokutendai neMuporofita” (Nziyo neDzevana Vadiki, 70). Zvimwe iwe nevana vako munokwanisa kusarudza ndevo inokosha kubva murumbo rwacho uye monyora shoko rimwechete kubva mundevo yacho padivi rimwe nerimwe rematsimba etsoka emapepa akati wandei. Zvino munokwanisa kuisa matsimba etsoka aya pauriri muchiaronga achitungamirira kumufananidzo weMuponesi, uye vana vako vanokwanisa kutevera matsimba acho vakananga kumufananidzo. Kutevera muporofita kwakatitungamirira sei kuna Jesu Kristu?

Hiramani 10:1–4

Kufungisisa mashoko aMwari kunokoka zvakazarurwa.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa zvazvinoreva kufungisisa, munokwanisa kuverenga pamwechete zviri pana “Fungisisa” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (Raibhurari yeVhangeri). Ndeapi mamwe mashoko akafanana neshoko rekuti fungisisa? Pamwe mungakwanisa kuverenga Hiramani 10:1–3 pamwechete uye motsiva shoko rekuti fungisisa nemamwe mashoko iwayo. Taura nevana vako pamusoro penzira dzekuita kuti kufungisisa chive chikamu chekunzvera kwavo magwaro matsvene.

Hiramani 10:11–12

Ndinozoteerera Baba Vokudenga.

  • Nifai akateerera Baba Vokudenga kunyangwe apo pazvaireva kuita chimwe chinhu chakaoma. Semuenzaniso weizvi, iwe nevana vako munokwanisa kuverenga Hiramani 10:2, 11–12. Zvimwe vana vako vanokwanisa kuita mutambo weizvo zvakaitwa naNifai—kufamba vakananga kudivi rimwechete remupanda (sokunge vari kuenda kumba), vomira, votendeuka, uye vofamba vachienda kune rimwe racho divi remupanda (sokunge vari kudzokera kunodzidzisa vanhu). Ndezvipi zvimwe zvinhu Baba Vokudenga zvavanoda kuti tiite?

Mufananidzo
Seandumu anozivikanwa kuti ndiye mhondi

Kuburikidza nechipo chehuporofita, Nifai akaziva aiva aponda mutongi mukuru.

© The Book of Mormon for Young Readers, Seantum—The Murderer Is Discovered [Mhondi Inozivikanwa], naBriana Shawcroft; haufaniri kukopwa