Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 16–22: “Simudza Musoro Wako uye Uve Unofara.” 3 Nifai 1–7


“Gunyana 16–22: ‘Simudza Musoro Wako uye Uve Unofara.’ 3 Nifai 1–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gunyana 16–22. 3 Nifai 1–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
VaNifai vanoona zuva raiva risina usiku

One Day, One Night, and One Day [Zuva Rimwechete, Usiku Humwechete, uye Zuva Rimwechete], naJorge Cocco

Gunyana 16–22: “Simudza Musoro Wako uye Uve Unofara”

3 Nifai 1–7

Nedzimwe nzira, yaiva nguva yaifadza kuva mutendi muna Jesu Kristu. Huporofita hwaiva hwuri kuzadzikiswa—zviratidzo nezvishamiso zvikuru pakati pavanhu zvairatidza kuti Muponesi aizozvarwa nechinguva chiduku. Kune rumwe rutivi, yaivawo nguva yokunetsekana mupfungwa yavatendi nokuda kwokuti, zvisinei nezvishamiso zvose zvacho, vaiva vasingatendi vaisimbirira kuti “nguva yaiva yapfuura” yokuti Muponesi azvarwe (3 Nifai 1:5). Vanhu ava vakakonzera “mhirizhonga huru nemunyika yacho yose” (3 Nifai 1:7) uye vakatomisa musi wokuuraya vatendi vose kana chiratidzo chaiva chaporofitwa naSamueri muRamani—usiku husina rima—chaisauya.

Mumamiriro ezvinhu akaoma aya, muporofita Nifai “akachema nomwoyo wose kuna Mwari vake akamiririra vanhu vake” (3 Nifai 1:11). Mhinduro yaIshe inokurudzira ani zvake anotarisana nerutambudzo kana kusava nechokwadi uye anoda kuziva kuti chiedza chinozokunda rima: “Simudza musoro wako uye uve unofara; … ndinozadzikisa izvo zvose zvandakakonzera kuti zvitaurwe nemuromo wavaporofita vangu vatsvene”(3 Nifai 1:13).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 1–7

Kutendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu kunoda mwoyo murefu uye kuedza.

3 Nifai 1–7 inotsanangura vanhu avo vakatendeutsirwa kuna Ishe uye nevamwe vasina. Chii chaitisa musiyano pakati pemapoka maviri aya? Chati yakaita seinotevera ingangokubatsira kuronga pfungwa dzako:

Zvinhu zvinoshayisa simba rutendeuko

Zvinhu zvinosimbisa retendeuko

3 Nifai 1:5–11

Kusatenda mashoko emuporofita uye kuseka vanhu vakarurama

Kuva nerutendo mumashoko emuporofita uye kunamatira rubatsiro

3 Nifai 1:29–30

3 Nifai 2:1–3

3 Nifai 3:12–16

3 Nifai 4:8–10, 30–33

1 Nifai 6:13–18

3 Nifai 7:15–22

Bvunza mibvunzo yako pachako apo paunonzvera. Somuenzaniso, apo paunenge uchipedzisa chati iri, unokwanisa kubvunza mibvunzo yakaita sokuti “Ndechipi chidzidzo changu pano?” Izvi zvinozounza femero kubva kuMweya Mutsvene.

3 Nifai 1:1–23

Mufananidzo
seminary icon
Nokuda kwaJesu Kristu, ndinokwanisa “kuva anofara.”

Baba vako Vokudenga vanoziva kuti upenyu hwako hwunozosanganisira nguva idzo dzakaoma, kunyangwe dzinotyisa. Asi Vanodawo kuti unzwe mufaro. Verenga 3 Nifai 1:1–23 kuti udzidze pamusoro pezvikonzero izvo zvaiita kuti vaNifai vakatendeka vatye. Ndechipi chikonzero icho Ishe chavakavapa kuti “vave vanofara”?

Muponesi akashandisa ndevo yokuti “iva unofara” panguva dzakati wandei —semuenzaniso, muna Mateo 14:24–27; Johane 16:33; Dzidziso neZvibvumirano 61:36; 78:17–19. Chii chinokufadza pamusoro pekukoka uku? Ungangoverenga ndima dziri pedyo nedzidzi kuti unzwisise mamiriro ezvinhu ayo Muponesi aakataura mashoko aya. Muchiitiko choga choga, ndezvipi zvikonzero zvaAkapa kubatsira vanhu kutarisana nekutya kwavo? Akaita izvi sei kwauri?

3 Nifai 1:4–21; 5:1–3

Ishe vanozozadzikisa mashoko Avo ose munguva Yavo.

Verenga 3 Nifai 1:4–7 uye ufunge pamusoro pamanzwiro aungange wakaita dai waiva mumwe wavatendi vacho. Chii chavakaita kuchengeta rutendo rwavo rwakasimba? (ona 3 Nifai 1:4–21 uye 5:1–3). Mashoko aSamueri akazadzikiswa sei? (ona 3 Nifai 1:19–21). Ishe vakazadzikisa sei mashoko Avo muupenyu hwako?

3 Nifai 1:4–15; 5:12–26; 6:10–15; 7:15–26

Ndiri mudzidzi waJesu Kristu.

Mormoni akataura pachena, “Tarisai, ndiri mudzidzi waJesu Kristu” (3 Nifai 5:13). Ndevo iyi inoreva chii kwauri? Funga pamusoro pokutsvagurudza 3 Nifai 1:4–15; 5:12–26; 6:10–15; uye 7:15–26, uchitsvaka hunhu, zvitendero, uye zviito zvavadzidzi vaKristu.

3 Nifai 2:11–12; 3:1–26

Apo pandinoshandisa rutendo muna Jesu Kristu, handizofaniri kutya.

Chiitiko chavaNifai nemapoka amakororo chingangova chiine zvidzidzo izvo zvinokwanisa kukubatsira nenjodzi dzezvepamweya dzaunotarisana nadzo. Tsvaka zvidzidzo izvi muna 3 Nifai 2:11–12 uye 3:1–26. Semuenzaniso, unokwanisa kutsvaka mashoko aGidianhi muna 3 Nifai 3:2–10 uye woaenzanisa nenzira idzo Satani dzaangangoedza kukunyengedza nadzo. Chii chaunodzidza kubva pamienzaniso yaRakoniasi?

Mazano eKudzidzisa Vana

3 Nifai 1:4–15, 19–21

Nyeredzi itsva yakaonekwa apo pakazvarwa Jesu Kristu.

3 Nifai 1:4–21

Mashoko avaporofita anozadzikiswa nguva dzose.

  • Apo iwe navana vako pamunoverenga 3 Nifai 1:4–10, vakoke kutaura pamusoro pokuti zvingava zvakanzwika sei kuva mumwe wevatendi vairarama panguva iyoyo. Zvino, apo pavanoverenga tsananguro yose mundima 11–15, vanokwanisa kupa nzira dzokupedzisa mutsetse uyu: “Chidzidzo chenyaya iyi kwandiri ndechekuti …”

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kukubatsira kufunga nezve dzimwe nguva apo Mwari pavakazadzikisa vimbiso Dzavo idzo dzakapuwa kuburikidza nemuporofita Wavo. Vangangoda kuwana mifananidzo yenyaya idzi muBhuku reMifananidzo yeVhangeri (ona, semuenzaniso, nhamba 7–8 uye 18). Ita kuti vagovere izvo zvavanoziva pamusoro penyaya idzi, kusanganisira mazadzikisirwo akaitwa vimbiso dzaMwari. Verengai pamwechete 3 Nifai 1:20, uye govera uchapupu hwako pachako hwezvokwadi izvi.

3 Nifai 2:11–12; 3:13–14, 24–26

Takanyanya kusimba apo patinoungana pamwechete.

  • Batsira vana vako kuziva kuti sei vaNifai vakaungana pamwechete uye maropafadzo ayo akauya kwavari muna 3 Nifai 2:11–12 uye 3:13–14, 24–26. Sei zvakakosha kuti tiungane nhasi mumhuri dzedu uye kuchechi?

  • Unoziva here nezve chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatika icho chinodzidzisa pamusoro pesimba mukubatana? Pamwe vana vako vanokwanisa kuedza kutyora chimuti chimwechete uye zvino svinga rezvimuti kana kubvarura bepa rimwechete uye zvino murwi wemapepa. Takafanana sei nezvimuti kana nemapepa?

3 Nifai 5:12–26; 6:14; 7:15–26

Ndiri mudzidzi waJesu Kristu.

  • Mushure mokuverenga pamwechete 3 Nifai 5:13, koka vana vako kudzokorora ndevo inoti “Ndiri mudzidzi waJesu Kristu.” Kuti mudzidze izvo zvazvinoreva kuva mudzidzi waJesu Kristu, verengai pamwechete mimwe yemienzaniso iyi: vaRamani vakatendeutswa (ona 3 Nifai 6:14), Mormoni (ona 3 Nifai 5:12–26), uye Nifai (ona 3 Nifai 7:15–26). ­

  • Pabepa, batsira vana vako kudhirowa ruoko rwavo uye wocheka mufananidzo wacho. Nyora kuti “Ndiri mudzidzi waJesu Kristu” kune rumwe rutivi, uye wovakoka kudhirowa kune rumwe rutivi chimwe chinhu chavanokwanisa kuita kuti vave vadzidzi.

Mufananidzo
VaNifai vanoona zuva raiva risina usiku

A Day, a Night, and a Day [Zuva, Usiku, uye Zuva], naWalter Rane