Huyai, Munditevere 2024
Nyamavhuvhu 26–Gunyana 1: “Dombo reMununuri Wedu.” Hiramani 1–6


“Nyamavhuvhu 26–Gunyana 1: ‘Dombo reMununuri Wedu.’ Hiramani 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi:: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Nyamavhuvhu 26–Gunyana 1. Hiramani 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
masaisai anorovera pamatombo

Nyamavhuvhu 26–Gunyana 1: “Dombo reMununuri Wedu”

Hiramani 1–6

Bhuku raHiramani rinonyora zvose mikundo nenjodzi pakati pavaNifai navaRamani. Rinotanga “nedambudziko rakakomba pakati pavanhu vechiNifai” (Hiramani 1:1), uye matambudziko acho anoramba achiuya nemurondedzero yose. Pano tinoverenga nezvezvirongwa zvakaipa zvemuchivande zvematongerwo enyika, mapoka amakororo, kurambwa kwavaporofita, uye rudado nekusatenda nemunyika yose. Asi tinowanawo mienzaniso yakaita saNifai naRihai uye “chikamu chakaninipa zvikurusa chavanhu,” avo vasina kungopona chete asi vakabudirirawo zvikuru panezvemweya (Hiramani 3:34). Vakazviita sei? Vakaramba vakasimba sei apo budiriro yemagariro avo payakatanga kudzikira pasi uye nokuparara? Nenzira imwecheteyo ani nani wedu anoramba akasimba “mudutu rine simba” rinotumirwa nadhiabhorosi kuti “ritirove [isu]”—nokuvaka upenyu hwedu “padombo reMununuri wedu, anova ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, … hwaro uhwo kana vanhu vakavakira pahwuri havakwanisi kuputsika” (Hiramani 5:12).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Hiramani 1–6

Rudado rwunondiparadzanisa kubva kuMweya uye kusimba raMwari.

Apo paunoverenga Hiramani 1–6, ungangocherechedza mutoo mumaitiro avaNifai. Apo pavanenge vakarurama, Mwari vanovaropafadza, uye vanobudirira. Mushure mechinguva, vanova nerudado uye nehunyangadzi, vachiita sarudzo dzinotungamirira kuruparadzo nokutambura. Zvino vanoninipiswa nokufemerwa kuti vatendeuke, uye Mwari vanovaropafadza zvakare. Mutoo wacho unozvidzokorora kazhinjisa zvokuti vamwe vanhu vanoudaidza kuti “denderedzwa rerudado.”

Mufananidzo
denderedzwa rerudado

“Denderedzwa rerudado”

Tsvaka mienzaniso yedenderedzwa iri apo paunenge uchiverenga . Hiramani 1–6. Heino mimwe mibvunzo yekukubatsira kuti unzwisise mutoo uyu{

  • Ndehupi umboo hwerudado hwaunoona pakati pavaNifai? (ona, semuenzaniso, Hiramani 3:33–34; 4:11–13). Unoona here umboo hworudado hwakafanana neuhwu mauri iwe?

  • Ndedzipi mhedzisiro dzerudado nohunyangadzi? (ona Hiramani 4:23–26). Ndedzipi mhedzisiro dzeruninipo nerutendeuko? (ona Hiramani 3:27–30, 35; 4:14–16).

  • Ndezvipi zvinhu izvo Hiramani zvaida kuti vanakomana vake varangarire? (ona Hiramani 5:4–12 Kurangarira zvokwadi izvi kunokwanisa kukubatsira nenzira dzipi kudzivirira kuva une rudado?

Onawo “Ndinokudai Nguva Dzose,” Nziyo neDzeVana Vadiki, Nhamba 22.

Hiramani 3:24–35

Rutendo muna Jesu Kristu runozadza mweya wangu nemufaro.

Muna Hiramani 3, Mormoni akatsanangura nguva yokufara apo Chechi payakanga yakaropafadzwa zvikurusa zvokuti kunyangwe vatungamiri vakashamiswa. Maererano nezvawaverenga mundima 24–32, chii chaunofunga kuti chakatungamirira kumamiriro ezvinhu emufaro iwawo? Hadzisi nhengo dzose dzakaenderera mumufaro wacho, zvisinei. Cherechedza misiyano pakati pavanhu vakatsanangurwa mundima 33–35. Chii chaunodzidza kubva mumuenzaniso wavo?

Tsvaka mashandiro aunoita kwauri iwe pachako. Muporofita Mormoni akashandisa ndevo yokuti “nokudaro tinoona” kuti asimbisise kukosha kwezvokwadi paaipfupisa Bhuku raMormoni. Somuenzaniso, chii chaaida kuti tione muna Hiramani 3:27–30? Apo paunonzvera magwaro matsvene, ungangomira nguva nenguva kupedzisa ndevo yokuti “uye nokudaro tinoona” maererano nezvawakaverenga.

Hiramani 5:6–7

Ndinokwanisa kukudza zita reMuponesi.

Kuverenga Hiramani 5:6–7 kungangokukurudzira kufunga pamusoro pamazita awakapuwa, kusanganisira mazita emhuri. Mazita aya anorevei kwauri? Ungakwanisa kuakudza sei? Zvakatonyanya kukosha ndezvokuti, funga pamusoro pezvazvinoreva kutakura zita reMuponesi (ona Moronai 4:3). Unokudza sei zita rinoera iroro?

Hiramani 5:12–52

Mufananidzo
seminary icon
Kana ndikaita Jesu Kristu hwaro hwangu, handikwanisi kuputsika.

Zvinorevei kwauri “kuvakira hwaro hwako” “padombo reMununuri wedu”? (Hiramani 5:12). Wakawana sei ruchengeteko kubva kumadutu eupenyu muna Jesu Kristu? Apo paunoverenga Hiramani 5, doma kuti Nifai naRihai vakaropafadzwa sei nekuvakira rutendo rwavo padombo reMununuri wavo.

Vamwe vanhu vanozviwana zvichibatsira kufungidzira izvo zvavanonzvera. Kuratidza Hiramani 5:12, unokwanisa kuvaka chivako chidiki pamarudzi akasiyana siyana ehwaro. Unokwanisa zvino kugadzira “dutu rine simba” nekufafaidza mvura pairi uye muchishandisa feni kugadzira mhepo. Ndedzipi nzwisiso idzo izvi zvadzinokupa pamusoro pokuvakira hwaro hwako pana Jesu Kristu? ­ ­

Ndima 50 inotaura nezve “hukuru hweumboo” uhwo vaRamani hwavakagamuchira. Kuverenga Hiramani 5:12–52 kungangounza kupfungwa dzako umboo uhwo Ishe hwavakakupa. Somuenzaniso, pamwe “zevezeve” rakabva kuMweya rakasimbisa rutendo rwako muMuponesi (Hiramani 5:30; onawo Dzidziso neZvibvumirano 88:66). Kana kuti pamwe wanga uri murima uye ukachema kuna Mwari kuti uwane rutendo rukurusa (ona Hiramani 5:40–47). Ndezvipi zvimwe zviitiko zvakakubatsira kuvakira hwaro hwako pana Jesu Kristu?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Rutendo muna Jesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Mazano eKudzidzisa Vana

Hiramani 3:24, 33–34; 4:11–15

Baba Vokudenga vanoda kuti ndizvininipise.

  • Funga pamusoro pokukoka vana vako kudhirowa rudzi rwavo pachavo “rwedenderedzwa rerudado,” maererano nedhayagiramu riri pamusoro. Zvino, apo pamunoverenga pamwechete Hiramani 3:24, 33–34 uye 4:11–15, vanokwanisa kunongedzera kuzvikamu zvedenderedzwa izvo ndima idzi dzazvinotsanangura. Tinokwanisa sei kusarudza kuzvininipisa—uye kuramba takadaro?

Hiramani 5:12

Ndinozovakira hwaro hwangu pana Jesu Kristu.

  • Funga pamusoro pokushandisa mufananidzo wetemberi kutanga hurukuro pamusoro pokuti sei zvivako zvichida hwaro hwakasimba. Kana kuti munokwanisa kutarisa pahwaro hweimba yenyu kana hwechivako cheChechi. Kuti vataridze kusimba kwakaita hwaro hwakasimba sedombo, vana vako vanokwanisa kuedza kusudurutsa dombo nokurifuridza. Apo pamunoverenga pamwechete Hiramani 5:12, bvunza vana vako kuti sei Jesu Kristu ari “hwaro hwakasimba” hweupenyu hwedu. Tingavakira sei upenyu hwedu paAri (ona Hiramani 3:27–29, 35 uye Misimboti yeChitendero 1:4).

  • Koka vana vako kuvaka shongwe vachishandisa zvidhinha kana zvimwe zvokuvakisa pamarudzi akasiyana siyana ehwaro (sezvakaita mabhora ekotoni kana ibwe rakati sandara). Hwaro hwakasimba kwakafanana sei naJesu Kristu? Vanokwanisa kuwedzera chidhinha kuchivako kuratidza zano roga roga ravanogovera pamusoro peizvo zvavanokwanisa kuita kuMutevera.

Hiramani 5:21–52

Mweya unozevezera nenzwi diki rakanyarara.

  • Inzwi rakatsanangurwa muna Hiramani:29–30, 45–47 rinotidzidzisa nzira imwechete iyo Mweya Mutsvene waunotaura nayo kwatiri. Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa chokwadi ichi, funga pamusoro pokuverenga “Chitsauko 37: Nifai naRihai Mutirongo” (Nyaya dzeBhuku raMormoni, 99–102). Apo paunotaura pamusoro peinzwi iro vanhu ravakanzwa, taura neinzwi nyoro. Dzokorora nyaya yacho kakati wandei, uye koka vana kuti vataure nekazevezeve newe. Vabatsire kufunga nezve nzira idzo Mweya Mutsvene dzaunokwanisa kutaura kwatiri. ­

Hiramani 5:20–52

Rutendeuko runotsivanisa rima rezvepamweya nechiedza.

  • Kusimbisisa izvo zvinodzidziswa muna Hiramani 5:20–41 pamusoro perima nechiedza, enda kuverenga kana kupfupisa ndima idzi murima, uchishandisa tochi kuti pave nechiedza. Vana vako vanokwanisa kuteerera kuti vazive izvo vanhu zvavaifanira kuita kuitira kuti rima rigozobviswa. Zvino batidza magetsi, uye moverenga ndima 42–48 pamwechete. Chii chatinodzidziswa nendima idzi pamusoro perutendeuko?

Mufananidzo
Nifai naRihai mutirongo

Kunyangwe pavaiva mutirongo, Nifai naRihai vakakachengetedzwa nesimba raMwari.

© The Book of Mormon for Young Readers, Nephi and Lehi Encircled by a Pillar of Fire [Nifai naRihai Vakakomberedzwa neShongwe yeMoto], naBriana Shawcroft; haufaniri kukopwa