Huyai, Munditevere 2024
Nyamavhuvhu 19–25: “Kuchengetedzwa neSimba Rake Rinoshamisa.” Aruma 53–63


“Nyamavhuvhu19–25: ‘Kuchengetedzwa neSimba Rake Rinoshamisa.’ Aruma 53–63,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Nyamavhuvhu 19–25. Aruma 53–63,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
zviuru zviviri zvevarwi vechidiki

Two Thousand Young Warriors [Zviuru Zviviri Zvevarwi Vechidiki], naArnold Friberg

Nyamavhuvhu 19–25: “Kuchengetedzwa neSimba Rake Rinoshamisa”

Aruma 53–63

Kana zvichienzaniswa nemauto avaRamani, “mauto mashoma” aHiramani (Aruma 56:33) evakomana vechidiki haaifanira kukunda. Kunze kwokuti vaiva vari vashoma muhuhwandu hwawo, varwi vaHiramani “vose … vaiva vaduku zvikuru,” uye “vakanga vasati vamborwa” (Aruma 56:46–47). Munedzimwe nzira, mamiriro ezvinhu avo angangoratidzika seanozivikanwa kuna avo vedu dzimwe nguva vanonzwa kushomeka pahuwandu uye kukurirwa muhondo yedu yamazuva ekupedzisira tichipikisa Satani namauto ehuipi panyika.

Asi mauto aHiramani aiva nesimba pamusoro pavaRamani iro raiva risina chokuita nehuwandu kana neunyanzvi hwezvechiuto. Vakasarudza Hiramani, muporofita, kuti avatungamirire (ona Aruma 53:19); “vakanga vadzidziswa nanaamai vavo, kuti kana vakasashaya chokwadi, Mwari vaizovanunura” (Aruma 56:47); uye vakanga “vaine rutendo rukurusa mune izvo zvavakanga vadzidziswa.” Semugumisiro, vakadzivirirwa “nesimba raMwari rinoshamisa” (Aruma 57:26). Saka apo patinotarisana nehondo dzeupenyu, tinokwanisa kuva neushingi. Mauto aHiramani anotidzidzisa kuti “[kuna] Mwari vakarurama, uye ani nani zvake [asingashayi] chokwadi, [anozo]chengetedzwa nesimba ravo rinoshamisa” (Aruma 57:26).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 53:10–22; 56:43–49, 55–56; 57:20–27; 58:39–40

Mufananidzo
seminary icon
Kuva norutendo muna Kristu zvinondibatsira kukunda kutya.

Dai rwakanga rusiri rutendo rwavo, varwi vechiduku vaHiramani vangadai vakava nechikonzero chakanaka chokutya. Asi nokuda kwerutendo rwavo, vakanga vane chikonzero chikurusachokuva neushingi. Apo paunoverenga Aruma 53–58, tsvaka zvokwadi izvo zvinokubatsira kutarisana nekutya kwako nerutendo muna Kristu. Funga pamusoro pokunangisa pfungwa dzako pandima dzinotevera: Aruma 53:10–22; 56:43–49, 55–56; 57:20–27; uye 58:39–40. Tebhuru inotevera inokwanisa kukubatsira kunyora pasi izvo zvaunowana.

Hunhu hwemauto echidiki aHiramani:

Izvo zvingangova zvikonzero zvokuti sei rutendo rwavo muna Kristu rwaiva rwakasimba kudaro.

Izvo zvavakaita kushandisa rutendo muna Kristu:

Maropafadzirwo avakaitwa naMwari:

Kuti tikunde hondo dzezvepamweya dzedu, tinodawo simba raJesu Kristu. Ungakwanisa sei kuwana simba Rake? Tsvaka mhinduro mushoko raMutungamiri Russell M. Nelson “Kuunza Simba raJesu Kristu Muupenyu Hwedu” (Liahona, Kubvumbi 2017, 39–42). Ungangoenzanisa rairo yavo nezvinhu izvo mauto aHiramani zvaakaita.

Mushure mokunzvera zvinhu izvi, funga pamusoro pehondo dzako pachako dzezvepamweya. Nyora pasi izvo zvaunonzwa kufemerwa kuita kuti ushandise rutendo rwako muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
mauto echidiki navanamai vavo

They Did Not Doubt [Havana Kushaya Chokwadi], naJoseph Brickey

Aruma 58:1–12, 31–37; 61

Vateveri vaJesu Kristu havakurumidzi kugumbuka.

Hiramani naPahorani vakanga vaine zvikonzero zvekugumbuka. Hiramani aiva asingagamuchiri rutsigiro rwakakwana rwemauto ake, uye Pahorani akapomerwa mhaka yaakanga asina naMoroni yekusamupa rubatsiro irworwo (ona Aruma 58:4–9, 31–32; 60 Chii chinokufadza pamusoro pemadaviriro avakaita muna Aruma 58:1–12, 31–37 uye Aruma 61? Sei uchinzwa kuti vakadavira nenzira iyi?

Gosa Bednar vakanongedza kuna Pohorani semuenzaniso weunyoro uye vakadzidzisa kuti “mienzaniso yakanakisisa uye yakakoshesesa yeunyoro inowanikwa muupenyu hweMuponesi Pachake” (“Meek and Lowly of Heart,” Liahona, Kubvumbi 2018, 32). Fungisisa pamusoro pematiridziro akaita Muponesi unyoro. Ona, semuenzaniso, Mateo 27:11–26; Ruka 22:41–42; Johane 13:4–17. Ungakwanisa sei kutevera muenzaniso Wake?

Aruma 60:7–14

Ndine basa rokusimudzira vanhu vakandikomberedza.

Moronai akanyora kuti Mwari vaizotarisira Pohorani kuzvidavirira kana aizorega kutaririra zvidikanwi zvemauto echiNifai achiziva. Chii chaunodzidza kubva kuna Aruma 60:7–14 pamusoro pekuriritira vanhu vanoshaya? Chii chaunokwanisa kuita kuti uve unonyanya kuziva uye nokuzadzikisa zvidikanwi zvevamwe?

Aruma 62:39–51

Kana ndichizvininipisa, zvinetso zveupenyu zvinokwanisa kutendeutsira mwoyo wangu kuna Mwari.

Isa zai negwiri risina kubikwa mumvura inovira kukubatsira kufunga pamusoro pemakwanisiro awungaita kusarudza “kunyoroveswa” kana “kuomeswa” nezviyedzo zvako. Apo zai negwiri pazvinenge zvichibikwa, nzvera Aruma 62:39–51, uye cherechedza madaviriro akaita vanhu kuhushumiri hwaHiramani mushure mehondo yavo refu nevaRamani. Unokwanisa zvino kuenzanisa izvi kumadaviriro avakanga vaita kukuparidza kwake makore gumi nematatu aiva apfuura (ona Aruma 45:20–24). VaNifai vakashandurwa zvakasiyana sei namatambudziko mamwechetewo? Apo zai negwiri pazvinenge zvaibva, menya zai uye cheka gwiri. Mvura inovira yazvishandura zvakasiyana sei? Chii chauri kudzidza pamusoro pamasarudziro atinokwanisa kudavira nawo kumatambudziko? Ungatendeukira sei kuna Mwari munguva yematambudziko ako?

Shandisa zviitiko zvinoitika mumba. Kana uchidzidzisa kirasi yeChechi, kumbira nhengo dzekirasi kugovera izvo zvavakadzidza kumba. Semuenzaniso, wana izvo zvavakadzidza pamusoro pematambudziko uye kuzvininipisa kubva mukuvirisa mazai namagwiri.

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 53:20–21; 56:47–48

Ndinokwanisa kutendeka kuna Mwari semauto echidiki aHiramani.

  • Unokwanisa kushandisa zvinyorwa zvakawanda kugovera nyaya yevarwi vaHiramani, kusanganisira mifananidzo iri muchidzidzo chino “Chitsauko 34: Hiramani neVarwi Vechidiki Zviuru Zviviri” (Nyaya dzeBhuku raMormoni, 93–94). Peji yechiitwa chevhiki rino inokwanisa kubatsira vana vako kufunga nezvenzira dzavanokwanisa kuva semauto aHiramani. Funga pamusoro pokugovera humwe hwehunhu hwevarwi vechidiki vacho kubva muna Aruma 53:20–21 kuvaita kuti vatange. Munokwanisawo kuimba pamwechete “Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende” (Nziyo neDzevana Vadiki, 90).

Aruma 56:45–48; 57:21

Ndinokwanisa kuva akatendeka kune izvo vabereki vangu zvavanodzidzisa muururami.

  • Mauto echidiki aHiramani akatarisa kurutendo rwaanaamai vavo apo pavaiva vatarisana nechinetso chikuru. Pamwe unokwanisa kuverenga Aruma 56:46–48 nevana vako uye wovakoka kuteerera kune izvo vanaamai vevarume vechidiki ava zvavakavadzidzisa pamusoro perutendo. Ungangovabvunza izvo zvavakadzidza kubva kuvabereki vavo—kana vamwe vakuru vakatendeka—pamusoro peMuponesi. Sei zvakakosha kuteerera “nemazvo chaimo”? (Aruma 57:21).

  • Ungakwanisa sei iwe—savanaamai vevarwi vechidiki—kuita chokwadi kuti vana vako vanoziva nezverutendo rwako muna Mwari? Imwe nzira ndeye kugovera kuti rutendo rwako runoshandura sei upenyu hwako. Semuenzaniso, “Vakakununura” sei apo “pausina kushaya chokwadi”

Mufananidzo
amai vachidzidzisa mwanakomana wavo

Seed of Faith [Mbeu yeRutendo], naJay Ward

Aruma 53:10–18

Ndinokwanisa kuchengeta zvibvumirano naBaba Vokudenga.

  • Vana vako vangangokwanisa kutaura pamusoro penguva apo mumwe munhu paakaita uye akachengeta vimbiso navo. Vakanzwa sei apo vimbiso yacho payakachengetwa? Unokwanisa kuverenga Aruma 53:10–18 uye wokoka vana vako kutsvaka kuti Heramani, vanhu veAmoni, uye vanakomana vevanhu vaAmoni vakaita nokuchengeta sei vimbiso dzavo, kana zvibvumirano. Ungangogovera maropafadzirwo aunoitwa naBaba Vokudenga apo paunochengeta zvibvumirano zvako.

Aruma 61:3–14

Ndinokwanisa kusarudza kusashatirwa.

Funga pamusoro pokukoka vana vako kuti vafunge pamusoro penguva apo pavakapomerwa mhosva yokuita chimwe chinhu chavasina kuita. Vataurire pamusoro pokuti izvi zvakaitika sei kuna Pohorani (ona Aruma 60–61; onawo “Chitsauko 35: Kaputeni Moronai naPahorani,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 95–97). Kuti udzidze pamusoro pamadaviriro akaita Pahorani, torai zvijano kuverenga ndima kubva muna Aruma 61:3–14. Chii chakaitwa naPahorani apo Moronai paakamupomera mhosva? (ona Aruma 61: 2–3, 8–9). Chii chatinodzidza pamusoro peruregerero kubva kumuenzaniso weMuponesi? (ona Ruka 23:34).

Mufananidzo
zviuru zviviri zvevarwi vechidiki

It’s True, Sir, All Present and Accounted For [Ndezve Chokwadi, Changamire, Vose Varipo uye Vanozivikanwa Pavari] naClark Kelley Price