Huyai, Munditevere 2024
Nyamavhuvhu 5–11: “Chirongwa Chikuru cheMufaro.” Aruma 39–42


“Nyamavhuvhu 5–11: ‘Chirongwa Chikuru cheMufaro.’ Aruma 39–42,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Nyamavhuvhu 5–11. Aruma 39–42,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu achibva pabwiro

He is Risen [Amuka], naDel Parson

Nyamavhuvhu 5–11: “Chirongwa Chikuru cheMufaro”

Aruma 39–42

Apo mumwe munhu watinoda paanoita chikanganiso chakakomba, zvinokwanisa kuva zvakaoma kuziva madaviriro okuita. Chikamu chezvinoita kuti Aruma 39–42 ive yakakosha kudaro ndechokuti inoratidza kuti Aruma—mudzidzi waKristu uyo akanga achimbova nezvivi zvake pachake zvakakomba zvikuru zvokutendeuka pazviri—akabata sei mamiriro ezvinhu akadaro. Mwanakomana waAruma Koriandoni akanga aita chivi chepabonde, uye Aruma, sokudzidza kwaakanga azviita muhushumiri hwake, akavimba nesimba redzidziso yechokwadi kupa mwanakomana wake maonero okusingaperi uye kukurudzira rutendeuko (ona Aruma 4:19; 31:5). Muzvitsauko izvi, tinocherechedza ushingi hwaAruma mukushora chivi uye hunyoro nerudo rwake kuna Koriandoni. Uye pokupedzisira, tinonzwa ruvimbo rwaAruma kuti Muponesi “achauya kuzobvisa zvivi zvenyika [uye] kutaura pachena mashoko akanaka eruponeso kuvanhu vake” (Aruma 39:15). Chokwadi chokuti Koriandoni akatendeuka uye pokupedzisira akadzokera kubasa rehushumiri (ona Aruma 49:30) chinokwanisa kutipa tariro yeruregerero nerununuro apo patinonetsekana pamusoro pezvivi zvedu pachedu kana zvivi zvemumwe munhu watinoda (ona Aruma 42:29).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 39

Mufananidzo
seminary icon
Ndinokwanisa kudzivirira chivi chepabonde.

Rairo yaAruma kumwanakomana wake Koriandoni muna Aruma 39 inopa mukana mukuru wekudzidza pamusoro pemhedzisiro dzinoparadza dzechivi chepabonde, kusanganisira ponogirafi. Pamwe chakanyanya kukosha ndechokuti, inokwanisawo kukubatsira kunzwisisa chipo cheMuponesi cheruregerero uye chokuporesa kuvanhu vanotendeuka. Mibvunzo nezviitwa izvi zvingangobatsira:

  • Ndezvipi zvikanganiso zvakatungamirira Koriandoni kutyora mutemo wokuzvibata? (ona Aruma 39 2–4, 8–9). Ndedzipi mhedzisiro dzezviito zvake? (ona ndima 5–13). Umboo hupi hwatiinahwo hwokuti Koriandoni akatendeuka? (ona Aruma 42:31; 49:30; 48:18). Chii chaunodzidza pamusoro peMuponesi kubva muchiitiko ichi?

  • ­ Nyora pasi tsananguro yako pachako yezvinoreva ponogirafi, sei ine njodzi, uye kuti chii chaunozoita apo paunosangana nayo. (Onawo Mateo 5:27–28 uye Dzidziso neZvibvumirano 63:16.)

  • Unozotsanangura sei kushamwari kuti sei uchisarudza kudzivirira ponogirafi uye kurarama mutemo wokuzvibata? ­

  •   ­ ­

Aruma 40–41

Chii chinozoitika mushure mokunge ndafa?

Koriandoni akanga aine mibvunzo pamusoro pezvinoitika mushure mokufa. Kunetsekana kwake kwakatungamira Aruma kudzidzisa misimboti inowanikwa muna Aruma 40–41. Apo paunonzvera, ita mudorongodzwa wezvokwadi zvaunowana pamusoro pezvinhu zvakaita senyika yemweya, kumuka kuvakafa, uye mutongo. Funga pamusoro pokuverenga zvitsauko izvi kubva mumaonero emumwe munhu uyo, saKoriandoni, anofanira kutendeuka—mushure mazvose, ndicho chokwadi kwatiri tose.

Aruma 40

Ndinokwanisa kutsvaka mhinduro kumibvunzo yangu nerutendo muna Jesu Kristu.

Dzimwe nguva tingangofunga kuti vaporofita vanoziva mhinduro kumubvunzo wevhangeri woga woga. Asi cherechedza mibvunzo isina kupindurwa iyo Aruma yaakanga ainayo muchitsauko 40. Chii chaakaita kuti awane mhinduro? Chii chaakaita apo paaiva asina mhinduro? Muenzaniso waAruma unokwanisa kukubatsira sei?

Mufananidzo
mudzimai achinamata

Munamato ndiyo imwe nzira yatinokwanisa kuwana nayo mhinduro kumibvunzo yevhangeri

Aruma 42

Rudzikinuro rwaJesu Kristu runoita kuti rununuro rwukwanisike.

Koriandoni aitenda kuti chirango chezvivi chaiva chisina ruenzaniso (ona Aruma 42:1). Muna Aruma 42, Aruma akapindura sei kuchinetso chake? Ungangoronga ndima muchitsauko ichi kuita mapoka maviri: “Mwari vane ruenzaniso” uye “Mwari vane ngoni.” Rudzikinuro rweMuponesi runoita sei kuti ruenzaniso uye ngoni zvikwanisike? ­

Rwiyo rwakapuwa: “Hungwaru neRudo Rukurusa; Nziyo neDzevana Vadiki peji 36

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 39:1, 10-11

Muenzaniso wangu wakanaka unokwanisa kutungamira vamwe kuna Kristu.

  • Rairo yaAruma kuna Koriandoni inokwanisa kubatsira vana vako kuti vanzwisise kukosha kwekuva muenzaniso wakanaka. Funga kuverenga pamwechete Aruma 39:1. Shibroni mukoma waKoriandoni aiva sei muenzaniso wakanaka? Vana vako vanokwanisa kuwana dzimwe mhinduro kumubvunzo uyu muna Aruma 38:2–4.

  • Munokwanisawo kutamba mutambo umo iwe nevana vako mamunotora zvijano kuteverana kana kuteedzerana. Shandisa mutambo uyo kutaridza kuti zviito zvedu zvinokwanisa kubatsira vamwe sei kuita sarudzo dzakanaka. Imbai pamwechete “Ita Zvakanaka” (Nziyo neDzevana Vadiki, 66), uye batsira vana vako kufunga nezve nzira dzavanokwanisa kuva muenzaniso wakanaka.

  • Netochi kana mufananidzo wezuva, unokwanisa kuenzanisa chiedza kusimba remuenzaniso wakanaka. Iwe navana vako munokwanisawo kutarisa pamifananidzo yaJesu achiita zvinhu zvakanaka uye motaura pamusoro pemuenzaniso waAkatimisira. ­

Aruma 39:9-13

Nokuda kwaJesu Kristu, ndinokwanisa kutendeuka apo pandinoita zvikanganiso.

  • Usingatsananguri zvakadzama pamusoro pemamiriro ezvivi zvake, tsanangura kuti Koriandoni akaita sarudzo dzakaipa. Chii chataikwanisa kutaura kumubatsira? Funga pamusoro pokuverenga Aruma 39:9 kuvana vako, uye wovabatsira kunzwisisa izvo zvinoreva kutendeuka uye kusiya. Pupura kuti rutendeuko runokwanisika kuburikidza naJesu Kristu neRudzikinuro Rwake.

  • Hechino chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatika kuratidza mufaro werutendeuko: Ipa mwana chimwe chinhu chinorema kuti abate apo paunenge uchitaura nyaya pamusoro pemumwe munhu akaita chimwe chinhu chakaipa uye akasanzwa zvakanaka. Taurira vana vako kuti chinhu ichi chakafanana nemanzwiro asina kunaka atingangova nawo apo patinoita chikanganiso. Tora chinhu chinorema chacho kubva kumwana apo paunopupura kuti Baba Vokudenga naJesu Kristu vanokwanisa kutora manzwiro anoremera, akaipa uye votibatsira kuva nani apo patinotendeuka.

Aruma 40:6–7, 11–14, 21–23

Mushure mokunge tafa, mweya yedu inoenda kunyika yemweya kusvikira paKumuka Kuvakafa uye Mutongo.

  • Musikirwo wedu kushamisika kuti chii chinoitika kwatiri mushure mokunge tafa. Chii chaungakwanisa kuita kubatsira vana vako kuwana mhinduro dzakafemerwa? Unokwanisa kunyora rufu, nyika yemweya, kumuka kuvakafa, uye mutongo pazvidimbu zvemapepa. Batsira vana vako kunzwisisa zvinoreva mashoko aya. Apo pamunoverenga pamwechete Aruma 40:6–7, 11–14, 21–23, vana vako vanokwanisa kuisa mashoko acho muhurongwa uhwo hwaanowanikwa mundima idzi.

  • Vana vakuru vangangopundutswa nekuwana mhinduro kumibvunzo nokutsvagurudza Aruma 40:6–7, 11–14, 21–23. Funga pamusoro pokubvunza vana vako mibvunzo inokwanisa kupindurwa mundima idzi, sezvakaita “Muviri wangu unozova wakaita sei apo pandinomuka kuvakafa?” Vakoke kutsvaka mhinduro mundima dzakakodzera.

    Mufananidzo
    Maria naJesu

    Mary and the Resurrected Lord [Maria naIshe Vakamuka Kufakafa, naHarry Anderson

  • Vana vako vanoziva here mumwe munhu akafa? Pamwe munokwanisa kutaura zvishoma pamusoro pemunhu iyeye. Ipa uchapupu hwako hwokuti rimwe zuva iye—navamwe vanhu vose—vanozomuka kuvakafa nokuda kwaJesu Kristu. Kana zvichidikanwa, shandisa peji yechiitwa chevhiki ino kutsanangura zvazvinoreva kumuka kuvakafa.

Mufananidzo
Aruma naKoriandoni

This My Son [Uyu Mwanakomana Wangu], naElspeth Caitlin Young