Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 29–Nyamavhuvhu 4: “Tarisai kuna Mwari uye Murarame.” Aruma 36–38


Chikunguru 29–Nyamavhuvhu 4: “Tarisai kuna Mwari uye Murarame.” Aruma 36–38,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikunguru 29–Nyamavhuvhu 4. Aruma 36–38,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
mudzimai achinamata

Woman [Mudzimai], naJen Tolman, haufaniri kukopwa

Chikunguru 29–Nyamavhuvhu 4: “Tarisai kuna Mwari uye Murarame”

Aruma 36–38

Apo Aruma paakaona hunyangadzi hwaiva hwakamukomberedza, akanzwa “rusuwo,” “kutambudzika,” uye “marwadzo emweya” zvakadzama (Aruma 8:14). “Hunyangadzi pakati pavanhu vake,” akadaro nezve vaZoramu “hunorwadza mweya wangu,” (Aruma 31:30). Akanzwa zvimwechetezvo mushure mokudzoka kubva kuhushumiri hwake kuvaZoramu—akacherechedza kuti mwoyo yavakawanda vavaNifai “yakatanga kuva yakaomarara, uye kuti vakatanga kugumbuka nokuda kwekuoma kweshoko,”, uye izvi zvakaita kuti mwoyo wake “usuwe zvikurusa” (Aruma 35:15). Chii chakaitwa naAruma pamusoro pezvaakaona nokunzwa? Haana kungoora mwoyo kana kungosava nehanya nepamusoro pemamiriro ezvinhu epanyika. Panokudaro, “akakonzera kuti vanakomana vake vaungane pamwechete” uye akavadzidzisa “zvinhu zvaiererana noururami” (Aruma 35:16). Akavadzidzisa kuti “hakuna imwe nzira kana mumwe mutoo uyo kuburikidza nawo munhu anokwanisa kuponeswa, asi chete muna uye kuburikidza naJesu Kristu. … Tarisai, ndiye shoko rechokwadi neururami” (Aruma 38:9).

Mazano eKudzidzisa Kumba uye kuChechi

Aruma 36; 38: 5–6

Ndinokwanisa kuzvarwa muna Mwari.

Vashoma vedu vanozova nezviitiko zvinoshamisa sorutendeuko rwaAruma. Asi munhu wose anofanira “kuzvarwa muna Mwari” (Aruma 36:23; 38:6, kunyangwe zvazvo kazhinji zvichiitika zvishoma nezvishoma. Apo paunoverenga Aruma 36, funga pamusoro pezvazvinoreva kuzvarwa muna Mwari. Semuenzaniso, mukuitika kwekuzvarwa muna Mwari, tinonzwa sei pamusoro pezvivi? pamusoro paJesu Kristu? Kuzvarwa muna Mwari kunoshandura sei izvo zvaunoita mukudavira kuzvikanganiso zvako pachako? Ndedzipi dzimwe shanduko dzinoitika muzvitendero nezviito zvako? Fungisisa manzwiro auri kuita shanduko idzi.

Onawo Mosaya 5:7; 27:25–26; Aruma 5:14; 22:15; Hiramani 3:35

Aruma 36:12–24; 38:8–9

Jesu Kristu anotsivanisa rusuwo nemufaro.

Dzimwe nguva vanhu vanotya kutendeuka nokuda kwokuti vanoona rutendeuko sechirango chinorwadza chezvivi. Chii chaunofunga kuti Aruma aizotaura pamusoro paizvozvo? Kuti uzive, unokwanisa kuenzanisa izvo zvaiva zvakaita upenyu hwaAruma asati atendeuka (ona Aruma 36:6–17) nekuzvitsanangura kwaakazviita iye mushure mokutendeuka (ona ndima 18–27). Maererano naAruma 36:17–18, Aruma akagamuchira sei ruregerero urwu?

Aruma 37

Magwaro matsvene akachengetedzwa “kuitira chinangwa chine ungwaru.”

Funga pamusoro pokuti chishamiso chakadii uye neropafadzo rakadii kuva namagwaro matsvene nhasi! Apo paunoverenga Aruma 37, tsvaka maropafadzo ayo anouya kubva mukuva namagwaro matsvene (ona, somuenzaniso, ndima 7–10, 18–19, 44–45).

Muna Aruma 37:38–47, Aruma akaenzanisa “shoko raKristu” kuRiahona. Apo paunofungisisa pamusoro peenzaniso iyi, funga zvakadzama nezve nzira idzo dzawakanzwa nadzo chishamiso nesimba redzidziso dzaKristu “zuva nezuva” (Aruma 37:40).

Mufananidzo
mudzimai achiverenga magwaro matsvene

Magwaro matsvene anotidzidzisa mateverero okuita Mwari.

Aruma 37:1–14

Mufananidzo
seminary icon
“Kuburikidza nezvinhu zvidiki uye zvakareruka zvinhu zvikuru zvinoitika.”

Dzimwe nguva tingangonzwa sokuti matambudziko edu akakurisa uye akaomesa zvokuti gadziriso inofanira kuva yakakura uye yakaomawo. Asi iyi haisiriyo nzira yaIshe nguva dzose. Apo paunoverenga Aruma 37:1–14, funga pamusoro peicho chaunoyemura pamusoro pemaitiro aVanoita basa Ravo? Zvino unokwanisa kufungisisa nokunyora pasi nzira idzo dzawakaona musimboti uyu muupenyu hwako.

Kana wanga uchizodzidzisa musimboti uyu kune mumwe munhu, ndeipi mienzaniso kubva kuzvisikwa kana kuupenyu hwemazuva ose yaunozoshandisa kuuratidza? ­

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvidiki uye zvakareruka zvinokuunza pedyo naBaba Vokudenga naJesu Christu?

Kazhinji, sarudzo dzedu “diki uye dzakareruka” dzinoita musiyano mukuru muupenyu hwedu. Zvibvunze mibvunzo yakaita seiyi: Sarudzo dzangu pamusoro peizvi dzinondishandura sei ini uye vanhu vakandikomberedza? Ndedzipi shanduko diki uye dzakareruka dzandingakwanisa kuita dzinozotungamira kurunyararo nerufaro rukurusa?

Shandisa zvinhu zvidiki uye zvakareruka. Sezvimwe zvinhu zvizhinji muupenyu, kudzidzisa nokudzidza vhangeri kunokwanisa kuitwa kuburikidza nenzira diki uye dzakareruka. Somuenzaniso, munyu mushomanana kana mbiriso shomanana inokwanisa kushandiswa sei kudzidzisa simba rezvinhu zvidiki uye zvakareruka? (ona Mateo 5:13; 13:33).

Aruma 37:35–37

“Taurirana naIshe.”

Muna Aruma 37:35–37, tsvaka kukoka kwaAruma kumwanakomana wake Hiramani. Ndekupi kwekukoka uko kwaunonzwa kufemerwa kuita chimwe chinhu pakuri. Somuenzaniso, ungangofungisisa pamusoro pezvazvinoreva “kutaurirana naIshe” (ndima 37). Wakaedza sei kuita izvi? Vakakutungamirira sei kuita zvakanaka?

Aruma 38

Kugovera uchapupu hwangu hwaJesu Kristu kunokwanisa kusimbisa vanhu vandinoda.

Mashoko aAruma kumwanakomana wake Shibroni anopa muenzaniso wakanaka wekuti tingasimbisa nokukuridzira sei vanhu vatinoda mukurarama vhangeri. Kunzvera Aruma 38 kungangokupa mamwe mazano okubatsira nhengo dzemhuri neshamwari kuwana simba muna Jesu Kristu. Nyora pasi zvaunowana.

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 36:6–24

Rutendeuko runondiunzira rufaro muna Jesu Kristu.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa kuti rutendeuko runounza rufaro, unokwanisa kuvapa chidimbu chepepa chine chiso chinofara kudivi rimwe uye chiso chakasuwa kune rimwe divi. Vakumbire kuteerera apo paunenge uchiverenga kana kupfupisa Aruma 36:13, 17–20 uye vosimudza chimwe chezviso kutaridza manzwiro aiita Aruma. Vana vakuru vanokwanisa kunyora pasi mashoko kana ndevo vachitsanangura manzwiro aaiita. Chii chakaita kuti Aruma asuwe, uye chii chakamuunzira rufaro? Zvino unokwanisa kuvataurira pamusoro pemufaro waunonzwa apo paunotendeuka.

Aruma 37:6–7

“Kuburikidza nezvinhu zvidiki uye zvakareruka zvinhu zvikuru zvinoitika.”

  • Vana vako vangangofarira kuwana zvinhu zvidiki izvo zvinoita kuti zvinhu zvikuru zviitike. Zvinhu zvakaita sebhatiri, kiyi dzemota, kana kunyangwe chidhori chinovapa nyaradzo zvingangova mienzaniso. Zvino munokwanisa kuverenga Aruma 37:6–7 pamwechete uye mofunga nezve zvimwe zvinhu zvidiki kana zvakareruka izvo Mwari zvavanoda kuti tiite. Ndezvipi zvinhu zvikuru zvinokwanisa kuitika apo patinoteerera mirairo midiki kana yakareruka iyi?

  • Vana vako vanokwanisawo kuedza chimwe chinhu chakaita seichi: kutanga kuzadza kapu nemvura, domwe rimwechete panguva. Izvi zvinoenderana sei naAruma 37:6–7? Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pokuti “zvinhu zvidiki uye zvakareru” zvaIshe, sezvakaita kuverenga magwaro matsvene zuva nezuva, zvakafanana sei nemadonwe emvura mukapu.

  • Batsira vana vako kufunga nezvenzira dzavanounza nadzo zvinhu zvikuru kumba, kuchikoro, kana kuchechi.  

Aruma 37:38–47

Magwaro matsvene anokwanisa kundibatsira mazuva ose.

  • Ungabatsira sei vana vako kukudziridza rudo rweshoko raMwari, sezvakaita Aruma kuna Heramani? Funga pamusoro pakuvaratidza mufananidzo weRiahona (sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 68) kana kuvakoka kudhirowa mufananidzo wacho apo pavanenge vachigovera izvo zvavanoziva pamusoro payo (ona Aruma 37:38–47; 1 Nifai 16:10, 28–29). Magwaro matsvene akafanana sei neRiahona?

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza kuna Aruma navanakomana vaMosia

Angel Appears to Alma and the Sons of Mosiah [Ngirozi Inozviratidza kuna Aruma naVanakomana vaMosaya], naClark Kelley Price