Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 22–28: “Dyarai Shoko Iri Mumwoyo Yenyu.” Aruma 32–35


Chikunguru 22–28: ʻDyarai Shoko Iri Mumwoyo Yenyu.ʼ Aruma 32–35,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikunguru 22–28. Aruma 32–35,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
mbeu muchanza chemwana

Chikunguru 22–28: “Dyarai Shoko Iri Mumwoyo Yenyu”

Aruma 32–35

KuvaZoramu munamato waisanganisira kumira apo vanhu vose pavaikwanisa kuona uye kudzokorora mashoko asina maturo, okuzvinatsa. VaZoramu vakanga vasina rutendo muna Jesu Kristu—kunyange kuramba kuvapo Kwake—uye vaitambudza varombo (ona Aruma 31:9–25). Mukusiyana navaZoramu, Aruma naAmureki vakadzidzisa kuti munamato unonyanya kuva nechekuita neizvo zvatinonzwa muhudzamu hwemwoyo yedu kupfuura panzvimbo yeruzhinji. Uye kana tisina mutsa kune avo vanoshaya, munamato wedu “hauna maturo, uye haubatsiri … chinhu” (Aruma 34:28). Chakanyanya kukosha ndechokuti, tinonamata nokuda kwekuti tine rutendo muna Jesu Kristu, uyo anopa rununuro kuburikidza “nokuzvipira Kwake kusina mugumo uye kwokusingaperi” (Aruma 34:10). Rutendo rwakadai, Aruma akatsanangura kuti, rwunotanga neruninipo uye “chido chokutenda” (Aruma 32:27). Nekufamba kwenguva, nokuriritirwa nguva dzose, shoko raMwari rinodzika midzi mumwoyo yedu kusvikira rava “muti unokura zvokuva upenyu hwokusingaperi” (Aruma 32:41).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 32:17–43

Ndinoshandisa rutendo muna Jesu Kristu kuburikidza nokudyara uye nokuriritira shoko Rake mumwoyo mangu.

Apo paunoverenga Aruma 32:17–43, cherechedza mashoko nendevo izvo zvinokubatsira kunzwisisa mashandisiro okuita rutendo muna Jesu Kristu. Chii chaunodzidza pamusoro pokuti rutendo chii uye kuti chii charwusiri?

Imwe nzira yekunzvera Aruma 32 ndeyekudhirowa mifananidzo inomiririra zvikamu zvakasiyana zvekukura kwembeu. Zvino nyora pasi pemufananidzo woga-woga nemashoko anobva muna Aruma 32:28–43 ayo anokubatsira kunzwisisa kuti ungadyara nokuriritira sei shoko mumwoyo mako.

Aruma 32:26–43

Ndinokwanisa kuzvizivira ini pachangu.

KuvaZoramu vaiva vasati vava nechokwadi pamusoro peuchapupu hwaAruma hwaKristu, Aruma akapa pfungwa yekuita “nzvero” (ona Aruma 32:27). Nzvero dzinoda chishuvo, kuda kuziva, chiito, uye kungova nerutendo rushoma—uye izvi zvinokwanisa kutungamirira kuzviwanikwa zvinoshamisa! Funga pamusoro penzvero dzawakaona kana dzawakatora chinhanho madziri. Maererano naAruma 32:26–36, inzvero yemhandoi inokwanisa kutungamirira kurutendo muna Jesu Kristu.

“Wakanzvera” sei pashoko raMwari uye ukasvika pakuziva kuti “shoko racho rakanaka”? (Aruma 32:28).

Aruma 33:2–11; 34:17–29

Ndinokwanisa kushumira Mwari mumunamato, nguva ipi zvayo uye kupi zvako.

Rairo yaAruma naAmureki pamusoro peshumiro nemunamato yaiitirwa kugadzirisa kumwe kusanzwisisa kwakanga kuina vaZoramu. Funga pamusoro pekuzvidorongodza (ona Aruma 31:13–23). Padivi pemudorongodzwa iwoyo, unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvokwadi pamusoro pemunamato zvaunowana muna Aruma 33:2–11 uye 34:17–29. Zvinhu zvaunodzidza kubva mundima idzi zvinozoshandura sei nzira yaunonamata uye yaunoshumira nayo?

Unokwanisawo kuwana nzwisiso kubva kurumbo rwuri pamusoro pezvemunamato, sezvakaita “Munamato weMhuri” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 130).

Aruma 34:9–16

Mufananidzo
seminary icon
Ndinoda Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake.

Cherechedza kuti kangani ako Amureki kaakashandisa mashoko anoti rusina magumo uye rusingaperi kutsanangura rudzikinuro rwekuzvipira rweMuponesi muna Aruma 34:9–14. Sei zvakakosha kuziva kuti Rudzikinuro rweMuponesi haruna magumo uye nderwe kusingaperi? Tsvaka mashoko nendevo mundima idzi anotsanangurawo Rudzikinuro rweMuponesi: vaHeberu 10:10; 2 Nifai 9:21; Mosaya 3:13.

Kunyangwe apo patinoziva kuti simba raJesu rokuponesa harigumi uye ndere kusingaperi, dzimwe nguva tingangosava nechokwadi kuti rinoshanda kwatiri—kana kune mumwe munhu akatitadzira. Gosa David A. Bednar vakambotaura nezvevanhu “vanoratidzika kuva vane rutendo muMuponesi, asi havatendi kuti maropafadzo akavimbiswa Ake anowanikwa kwavari” (“If Ye Had Known Me,” Liahona, Mbudzi 2016, 104). Chii chingatitadzisa kugamuchira zvizere simba reMuponesi? Fungisisa kuti ungakwanisa sei kuziva kuti Rudzikinuro rwaJesu Kristu haruna magumo uye nderwe kusingaperi.

Kufungisisa kuti unoda Rudzikinuro rweMuponesi zvakadii, zvingangobatsira kufunga nezvechimwe chinhu chaunoda mazuva ose. Zvibvunze kuti, “Upenyu hwangu hwaizova hwakaita sei ndisina chinhu ichi?” Zvino, apo paunonzvera Aruma 34:9–16, fungisisa kuti upenyu hwako hwaizova hwakaita sei usina Jesu Kristu. Unokwanisa kuwana dzimwe nzwisiso muna 2 Nifai 9:7–9. Ungapfupisa sei Aruma 34:9–10 mumutsetse mumwechete?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri,“Rudzikinuro rwaJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Aruma 34:30–41

“Ino ndiyo nguva uye zuva roruponeso rwenyu.”

Fungidzira kuti urikuda kuti utore chinhanho mukukwikwidzana pakumhanya chinhambwe chirefu kana mukuita mutambo wemumhanzi.? Chii chingazoitika kana ukamirira kusvikira zuva rechiitiko chacho kuti ugadzirire? Muenzaniso uyu unoenderana sei neyambiro dzaAmureki muna Aruma 34:32–35? Injodzi ipi iri pakunonoka kuedza kwedu kutendeuka nokushanduka?

Ndima 31 inewo shoko kuvanhu vangangonetseka kuti vakatononokesa uye nguva yapera yekutendeuka. Ungati shoko iroro chii?

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 32:1–16

Ishe vanokwanisa kundidzidzisa apo pandinosarudza kuva akaninipa.

  • Aruma naAmureki vakava nebudiriro pakudzidzisa vaZoramu vakanga vakaninipa. Zvinorevei kuva wakaninipa? Batsira vana vako kuwana tsanangudzo yeshoko rekuti kuninipa muNhungamiro kuMagwaro Matsvene. Nderupi rumwe ruzivo pamusoro pezvinorehwa nemashoko aya rwatinokwanisa kuwana muna Aruma 32:13–16? Koka vana vako kuti vapedzise mutsetse wakaita sewokuti “Ndiri kuva wakaninipa apo pandi .”

Aruma 32:28–43

Uchapupu hwangu hwaJesu Kristu hunokura apo pandunohuriritira.

  • Mbeu, miti, uye michero zvinhu zvinozivikanwa zvinokwanisa kubatsira vana kunzwisisa misimboti yakadzama yakaita serutendo neuchapupu. Ita kuti vana vako vabate mbeu apo paunenge uchiverenga Aruma 32:28. Zvino unokwanisa kuvakumbira kuti vakubatsire kufunga nzira dzekuti kukudziridza uchapupu hwaJesu Kristu kwakaita sekudyara nokuriritira mbeu (ona “Chitsauko 29: Aruma Anodzidzisa pamusoro peRutendo uye Shoko raMwari,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 81). Zvimwe unokwanisa kudyara mbeu yako uye wotaura pamusoro peizvo zvinodikanwa kubatsira mbeu—kana uchapupu—kukura.

  • Mufananidzo wemuti unoperekedza chidzidzo chino; ungangoushandisa kuratidza mashoko aAruma muna Aruma 32:28–43. Kana kuti munokwanisa kuenda kuno famba-famba kuti muwane zvirimwa zviri panhanho dzakasiyana dzekukura uye moverenga ndima kubva muna Aruma 32 idzo dzinoenzanisa chirimwa chiri kukura nerutendo rwedu. Kana kuti zvimwe vana vako vanokwanisa kudhirowa muti pabhodhi uye voisa shizha kana muchero nguva yose yavanofunga nezvechimwe chinhu chavanokwanisa kuita kubatsira rutendo rwavo rwaJesu Kristu kukura.

  • Unokwanisa kuita kuti vana vako vaedze kudzvinyirira mbeu (ichimiririra shoko raMwari) mudombo (richimiririra mwoyo uzere nerudado) uye muivhu rapfava (richimirira mwoyo wakaninipa). Verengai pamwechete Aruma 32:27–28. Taurai pamusoro pezvazvinoreva “kugamuchira” (ndima 27) shoko raMwari mumwoyo yedu.

Dhirowai mifananidzo. Vamwe vanhu vanodzidza zviri nani apo pavanodhirowa mufananidzo wezvavari kudzidza. Vana vako vangangonakidzwa nekudhirowa mbeu iri kukura kuita muti apo pavanenge vachinzvera Aruma 32.

Aruma 33:2–11; 34:17–27

Ndinokwanisa kunamata kuna Baba Vokudenga nguva ipi zvayo, pamusoro pechinhu chipi zvacho.

  • Batsira vana vako kuwana ndevo dzinotsanangura nzvimbo dzatinokwanisa kunamata tiri (muna Aruma 33:4–11) uye zvinhu zvatinokwanisa kunamata pamusoro pazvo (muna Aruma 34:17–27). Pamwe vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yavo ivo vachinamata munzvimbo idzi. Goveranai zvimwe zviitiko apo Baba Vokudenga pavakanzwa minamato yako. Munokwanisawo kuimba rumbo pamusoro pemunamato sezvakaita “Munamato weMhuri” (Nziyo neDzevana Vadiki).

Mufananidzo
muchero pamuti

“Nokuda kwoushingairi hwenyu uye norutendo rwenyu uye nomwoyo murefu wenyu neshoko mukurirera, … tarisai, nechinguva chipfupi muchatanha muchero waro, uyo unova wakakosha zvikurusa” (Aruma 32:42).