Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 1–7: “Ndinozokuita Mudziyo.” Aruma 17–22


“Chikunguru 1–7: ‘Ndinozokuita Mudziyo.’ Aruma 17–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikunguru 1–7. Aruma 17–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Amoni achitaura kuna Mambo Ramoni

Ammon and King Lamoni [Amoni naMambo Ramoni], naScott M. Snow

Chikunguru 1–7: “Ndinozokuita Mudziyo”

Aruma 17–22

Funga nezve zvikonzero zvose izvo vanhu zvavangangopa pakusagovera vhangeri: “Handizivi zvakakwana” kana “Handina chokwadi kuti vanozozvifarira” kana pamwe “Ndinotya kuti ndinozorambwa.” Pamwe wakazviwana uchifunga zvinhu zvakafanana neizvi pane dzimwe nguva. VaNifai vakanga vane chimwezve chikonzero chokusagoverana vhangeri navaRamani: vaitsanangurwa “savanhu vaiva magandanga uye vakaomarara uye vaityisa; vanhu vaifara mukuponda vaNifai” (Aruma 17:14; onawo Aruma 26:23–25). Asi vanakomana vaMosaya vakanga vaine chikonzero chakatonyanya kusimba chokuti sei vainzwa kuti vaifanira kugoverana vhangeri nevaRamani: “Vaida zvikuru kuti ruponeso rwuziviswe kuchisikwa chose, nokuti vaiva vasingakwanisi kutambira kuti mweya wemunhu upi zvake waifanira kuparara” (Mosaya 28:3). Rudo urwu urwo rwakakurudzira Amoni nehama dzake runokwanisa kukukurudzirawo kuti ugoverane vhangeri nemhuri yako, shamwari dzako, uye navazivikanwi vako—kunyangwe avo vangangoratidzika savasingazorigamuchiri.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 17:1–4

Zviito zvakareruka, zvenguva dzose zvokuzvipira kuna Kristu zvinondibatsira kugamuchira simba Rake.

Chii chaunodzidza kubva muna Aruma 17:1–4 pamusoro pamachengetero okuita uchapupu hwako nekuzvipira kwako kuna Jesu Kristu zvakasimba? Chii chakaitwa navanakomana vaMosaya, uye Ishe vakavaropafadza sei?

Apo paunoverenga pamusoro pezviitiko zvavanakomana vaMosaya muna Aruma 17–22, cherechedza kuti gadziriro yavo yezvepamweya yakashandura sei kushandira kwavo pakati pemaRamani (somuenzaniso, ona Aruma 18:10–18, 34–36; 20:2–5; 22:12–16). Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti utevere muenzaniso wavo?

Aruma 17:6–12; 19:16–36

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuva mudziyo mumaoko aMwari.

Tsananguro dzorutendeuko dzatinoverenga nezvadzo mumagwaro matsvene kazhinji dzinokatyamadza, asi muzvikamu zvadzo zvakakosha tinowanzowana vanhu vakanga vanoushingi hwokutaura uye nokugovera uchapupu hwavo muna Jesu Kristu. Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga pamusoro paAbishi nevanakomana vaMosaya vhiki rino.

Chii chaunofunga kuti zvinoreva kuva mudziyo mumaoko aMwari? Zvingangobatsira kufunga midziyo kana maturusi zvaungangoshandisa muupenyu hwako hwamazuva ose. Apo paunoverenga Aruma 17:6–12, tsvaka izvo zvakaitwa nevanakomana vaMosaya kuti vave midziyo mumaoko aMwari. Unokwanisa sei kuva mudziyo unoshanda zvakanyanya mukubatsira vamwe kuuya kuna Kristu?

Chii chinokufadza pamusoro paAbishi muna Aruma 19:16–36? Chii chaunodzidza kubva kwaari pamusoro pokubatsira vamwe kuvaka rutendo muna Kristu? Semuenzaniso, ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunofunga kuti zvinozobatsira avo vaunoda kuti “vatende musimba raMwari”? (Aruma 19:17).

­ ­ Edza kunyora pasi zvimwe zvinhu zvaungangotaura pamusoro paJesu Kristu. Semuenzaniso, “Kwandiri, Jesu Kristu …” kana “Muponesi anondibatsira …”

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kushumira seZvinoita Muponesi,” Raibhurari yeVhangeri.

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Nguva ipi zvayo iyo vanhu yavanokwanisa kuona kana kubata chimwe chinhu chinoenderana neizvo zvavari kudzidza, vanozogona kuchirangarira kwenguva yakareba. Kana uri kudzidzisa pamusoro paAruma 17:11, semuenzaniso, funga pamusoro pokuratidza midziyo yemumhanzi kana midziyo yokunyoresa kuitira kubatsira kukurudzira hurukuro pamusoro pokuva mudziyo mumaoko aMwari.

Aruma 17–19

Apo patinoratidza rudo kuna vamwe, tinokwanisa kuvabatsira kugamuchira vhangeri raJesu Kristu.

Tsvaka ndima muna Aruma 17–19 idzo dzinoratidza kuti rudo rwaAmoni kuvaRamani rwakakurudzira sei kuedza kwake kugovera vhangeri raJesu Kristu. Ndezvipi zvimwe zvokwadi pamusoro pokugovera vhangeri zvaunodzidza kubva kumuenzaniso wake?

Mufananidzo
Amoni achinunura makwai amambo.

Minerva Teichert (1888–1976), Ammon Saves the Kingʼs Flocks [Amoni Anonunura Zvipfuwo zvaMambo], 1949–1951, pendi yeoiri pabhodhi repuranga, mainji 35 15/16 × 48. Brigham Young University Museum yeArt, 1969.

Aruma 19:36

Ishe vanozondibatsira kutendeuka.

Mushure mokurondedzerazve rutendeuko rwaRamoni navanhu vake, Mormoni akapfupikisa tsananguro nemucherechedzo pamusoro paJesu Kristu. Chii icho Aruma 19:36 chainokudzidzisa pamusoro pehunhu hwaIshe? Chii chimwezve icho tsananguro iri muna Aruma 19:16–36 chainokudzidzisa pamusoro Pavo? Ndiriini pawakanzwa ruoko rwaIshe rwakatambanudzirwa kwauri?

Aruma 20:23; 22:15–18

Kuziva Mwari kunokodzera kuzvipira kupi zvako.

Enzanisa izvo baba vaRamoni zvavaida kurega kuitira kuti vaponese upenyu hwavo (ona Aruma 20:23) neizvo pashure zvavaida kurega kuitira kuti vagamuchire mufaro wevhangeri uye nokuziva Mwari (ona Aruma 22:15, 18). Fungisisa pamusoro peizvo zvaunoda kuzvipira kurega kuitira kuti uzive Mwari zvakanyanya kuzara.

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 17:2–3

Uchapupu hwangu hwaJesu Kristu hwunokura apo pandinoverenga magwaro matsvene, pandinonamata, uye pandinotsanya.

  • Mienzaniso yevanakomana vaMosaya inokwanisa kubatsira sei vana vako kuvaka uchapupu hwavo hwaJesu Kristu? Unokwanisa kubatsira vana vako kuwana izvo vanakomana vaMosaya zvavakaita kuti vavake simba ravo rezvepamweya muna Aruma 17:2–3. Zvino vanokwanisa kudhirowa mifananidzo kana kuwana zvinhu zvinomiririra zvinhu izvi. Vabatsire kuronga izvo zvavanozoita kusimbisa uchapupu hwavo hweMuponesi.

Aruma 17–19

Ndinokwanisa kugoverana vhangeri raJesu Kristu nevamwe.

  • Kuti udzidze pamusoro pokuva mudziyo mumaoko aMwari, sezvaiva zvakaita vanakomana vaMosaya, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamudziyo kana turusi uye motaura pamusoro pokuti zvinoshandiswa kuitei. Zvino munokwanisa kuverenga Aruma 17:11 uye motaura pamusoro pezvazvinoreva kuva midziyo yaBaba Vokudenga inobatsira vanhu kudzidza pamusoro paJesu Kristu.

  • Peji yechiitwa chevhiki ino ine mifananidzo inomiririra zvokwadi izvo Amoni zvaakadzidzisa Mambo Ramoni. Unokwanisa kubatsira vana vako kuwana zvokwadi izvi muna Aruma 18:24–40. Vana vako vanokwanisa kunyepedzera kuva vashumiri uye vogovera izvo zvavanoziva pamusoro pezvokwadi izvi.

  • Mushure mokuverenga pamusoro paAbishi nevana vako (ona Aruma 19:16–20, 28–29), vanokwanisa kunyepedzera kuva saAbishi nokumhanya munzvimbo, vachigogodza pamikova, uye vachitaura pamusoro pezvakaitika muna Aruma 19:1–17. Tinokwanisa sei kuva saAbishi uye kugovera izvo zvatinoziva pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake? Vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yavo ivo pachavo vachigoverana vhangeri nemumwe munhu kana kuimba pamwechete rumbo pamusoro pokugovera vhangeri.

Aruma 17:21–25; 20:8–27; 22:1–3

Ndinokwanisa kubatsira vamwe kuuya kuna Kristu nokutaridza rudo rwangu kwavari.

  • Pakutanga, vose Mambo Ramoni nababa vake vakanga vaine mwoyo mikukutu pamusoro pevhangeri. Pashure, mwoyo yavo yakapfaviswa, uye vakatenda muna Jesu Kristu. Izvi zvakaitika sei? Batsira vana vako kuwana mhinduro kumubvunzo uyu apo paunowongorora navo zviitiko zvaAmoni. Vanokwanisa kuita mutambo wenyaya “yeChitsauko 23: Amoni: Muranda Mukuru” uye “yeChitsauko 24: Amoni Anosangana naBaba vaMambo Ramoni” (Nyaya dzeBhuku raMormoni, 64–68, 69–70). Kana kuti pamwe vana vako vanozoda kudhirowa mifananidzo yezvikamu zvakasiyana-siyana zvenyaya yacho uye voshandisa mifananidzo yacho kutaura nyaya dzacho. Chii icho Amoni chaakaita kubatsira Ramoni nababa vake kuvhura mwoyo yavo kuvhangeri raJesu Kristu? (ona Aruma 17:21–25; 20:8–27; 22:1–3).

  • Pamwe iwe navana vako munokwanisa kufunga nezvemumwe munhu anofanira kuziva pamusoro paJesu Kristu. Vabatsire kufunga nezve nzira dzavanokwanisa kuva mienzaniso yakanaka uye votaridza rudo kumunhu iyeye, sezvakaita Amoni kuna Ramoni nababa vake.

Mufananidzo
mufananidzo waAbishi

An illustration of Abish [Mufananidzo waAbishi], naDilleen Marsh