Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 24–30: “Pindai Muzororo raIshe.” Aruma 13–16


“Chikumi 24–30: ‘Pindai Muzororo raIshe.’ Aruma 13–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikumi 24–30. Aruma 13–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachifamba kubuda mutirongo

Illustration of Alma and Amulek being delivered from prison [Mufananidzo waAruma naAmureki vachinunurwa kubva mutirongo], naAndrew Bosley

Chikumi 24–30: “Pindai Muzororo raIshe”

Aruma 13–16

Nenzira zhinji, upenyu hwemuAmonaiha hwakanga hwakanakira vose Amureki naZiziromu. Amureki aiva “murume ane mbiri isiri diki,” aine “hama neshamwari zhinji” uye “neupfumi huzhinji” (Aruma 10:4). Ziziromu aiva gweta rine unyanzvi uye aiwana “basa zhinji” (Aruma 10:31). Zvino Aruma akasvika muAmonaiha nekukoka kwokutendeuka uye “nokupinda muzororo raIshe” (Aruma 13:16). Kuna Amureki, Ziziromu, uye navamwe, kugamuchira kukoka uko kwaida kuzvipira uye kukatotungamirira kumatambudziko angangova aiva asingatakuriki.

Asi chokwadi ndechokuti nyaya yacho haigumiri ipapo. Muna Aruma 13–16, tinodzidza izvo zvinozoitika pokupedzisira kune avo vanotenda “musimba raKristu kusvikira kuruponeso” (Aruma 15:6). Dzimwe nguva kune rununuro, dzimwe nguva kuporeswa—uye dzimwe nguva zvinhu hazvimbozovi zviri nyore muupenyu. Asi nguva dzose, “Ishe vanogamuchira [vanhu Vavo] kwavari Ivo, mukubwinya” (Aruma 14:11). Nguva dzose, Ishe vanopa “simba, maererano norutendo [rwedu] … muna Kristu” (Aruma 14:28). Uye nguva dzose, rutendo irworwo rwunotipa “tariro yokuti [isu] tichagamuchira upenyu hwokusingaperi” (Aruma 13:29). Apo paunoverenga zvitsauko izvi, unokwanisa kunyaradzwa nevimbiso idzi, uye unogona kusvika pakunzwisisa zvirinani izvo zvairehwa naAruma paakataura nezve “zororo raIshe” (Aruma 13:16).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 13:1-19

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Zvisungo zvehupirisita zvinondinongedzera kuna Jesu Kristu kuitira rununuro.

Mashoko aAruma muna Aruma 13 anoratidza zvokwadi zvine simba pamusoro pehupirisita hwaMwari uye nechinangwa chahwo—kutigadzirira kupinda “muzororo raIshe,” kana upenyu hwokusingaperi (Aruma 13:16). Pamwe unokwanisa kunyora pasi chokwadi chimwechete chendima yoga yoga muna Aruma 13:1–19. Heano mazano okukubatsira kuti utange:

Ndima 1.Hupirisita hunodaidzwawo kuti “hurongwa hweMwanakomana [waMwari]” (onawo Dzidziso neZvibvumirano 107: 1– 4).

Ndima 2.Mwari vanogadza vapirisita kubatsira vanhu kutarisa kuMwanakomana Wavo kuti vawane rununuro.

Chii chimwezve chaunowana? Chii chaunonzwa pamusoro pehupirisita apo paunofungisisa zvokwadi izvi?

Wakambofunga here pamusoro pezvisungo zvehupirisita sechipo chinobva kuna Mwari kukubatsira “kutarira mberi kuMwanakomana wavo kuti uwane rununuro”?(ndima 2; onawo ndima 16). Pamwe unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvisungo zvawakagamuchira, zvakaita serubhabhatidzo, rusimbiso, sakaramende, kutsaurwa kuitira daidzo, ropafadzo yenyaradzo kana yokuporeswa, ropafadzo yapatiriyaki, uye zvisungo zvemutemberi. Fungisisa pamusoro pezviitiko zvako nezvisungo zvakaita seizvi. Funga pamusoro pezvazvaimiririra uye Mweya wawakanzwa. Chimwe nechimwe chezvisungo izvi chinokunongedzera sei kuna Jesu Kristu kuitira rununuro?

Vamwe vanhu vanokanganisa mukutenda kuti zvisungo—uye mvumo yehupirisita yokuzviita—hazvisi zvinodikanwa. Unozodavira sei kupfungwa dzakadaro? Herino shoko rinobva kumusangano mukuru iro rinokwanisa kubatsira kufunga kwako, uye nyora pasi mhinduro dzipi zvadzo dzinouya kwauri: Russell M. Nelson “Upfumi hweZvepamweya,” Liahona, Mbudzi 2019.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 84:19–22; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Chibvumirano,” Raibhurari yeVhangeri.

Mufananidzo
vakomana vechidiki vari patafura yesakaramende

Zvisungo zvehupirisita zvinotibatsira kutarisa kuna Jesu Kristu kuti tiwane rununuro.

Aruma 13

Ishe vanondikoka kuti ndipinde muzororo Ravo.

Kukokwa “kupinda muzororo raIshe” (Aruma 13:16) kunodzokororwa kakawanda muna Aruma 13. Pamwe unokwanisa kutsvaka ndima yoga yoga inowanikwa shoko rokuti “zororo” mairi uye wofungisisa izvo ndima yoga yoga zvainokudzidzisa pamusoro pezvingarehwa nendevo yokuti “zororo raIshe” Yakasiyana sei kubva kuzororo repanyama? Tinoriwana sei?

­

Aruma 14

Munguva dzekutambura, tinofanira kuvimba naIshe.

Ungashama, sezvinoita vazhinji, kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vari kuedza kurarama zvakarurama. Unogona kusawana mhinduro dzose kumubvunzo wakaoma uyu muna Aruma 14, asi pane zvakawanda zvekudzidza kubva pamadaviriro akaita Aruma naAmureki kunjodzi. Mashoko avo nezviito zvavo zvinokudzidzisei pamusoro pechikonzero chekuti sei dzimwe nguva Ishe vachibvumira kuti vanhu vakarurama vatambure? Ndeipi rairo iyo Aruma naAmureki yavangapa kwatiri apo patinenge tiri kusangana nezviedzo zvakaoma?

Onawo VaRoma 8:35–39; 1 Petro 4:12–14; Dzidziso neZvibvumirano 122:5–9.

Garai makagadzirira. Nguva dzekudzidzisa dzinopfuura nokukurumidza, naizvozvo tora mukana wadzo apo padzinouya. Njodzi iri munyika, semuenzaniso, inogona kuva mukana wekugovera misimboti kubva kuna Aruma 14 pamusoro pekuti sei dzimwe nguva Ishe vachibvumira vasina mhosva kutambura.

Aruma 15:16,18

Kuva Mudzidzi kunoda kuzvipira.

Zvingava zvinonakidza kugadzira mudorongodzwa wezvinhu zvakasiyiwa naAmureki kuti agamuchire vhangeri Aruma 10:4–5; 15:16) uye wouenzanisa nemudorongodzwa weizvo zvaakawana (ona Aruma 15:18; 16:13–15; 34:8). Chii chaunoda kusiya kuitira kuti uve mudzidzi waJesu Kristu akatendeka?

­

Mazano eKudzidzisa Vana

Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuramba Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

Aruma 13:1–2, 16

Simba rehupirisita rinondibatsira kuuya pedyo naKristu.

  • Imwe nzira yokubatsira vana vako kuona kuti simba rehupirisita rinotinongedzera sei kuna Kristu ndeye kuvaratidza mifananidzo yenzira idzo simba rehupirisita dzarinoshandiswa nadzo (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 103–110). Vana vako vanokwanisa kukubatsira kufunga nezve nzira idzo Jesu dzaaishandisa simba Rake (ona, semuenzaniso, Mateo 26:26–28; Marko 5:22–24, 35–43; Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 38–41). Zvino munokwanisa kuverenga Aruma 13:2 pamwechete uye motaura pamusoro pokuti simba rehupirisita rinotibatsira sei “kutarira mberi kuMwanakomana [waMwari]” uye kunyanya kuva saIye.

    Mufananidzo
    rubhabhatidzo
    Mufananidzo
    Jesu achigadza vaApositora
  • Sei Mwari vakatipa zvisungo zvehupirisita? Batsira vana vako kuwana mhinduro muna Aruma 13:16. Kana vachida rubatsiro kuziva kuti chisungo chii, pane midorongodzwa iri muGeneral Handbook, 18.1 uye 18.2 Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezviitiko zvenyu mukugamuchira zvisungo izvi. Zvinotibatsira sei “kutarira mberi kuna [Jesu Kristu] kuti tiwane ruregerero rwezvivi [zvedu]”? ­

Aruma 13:10–12

Jesu Kristu anokwanisa kundichenesa.

  • Mushure mokuverenga ndima idzi pamwechete, funga pamusoro penzira dzokubatsira vana vako kufungidzira mupfungwa dzavo izvo zvadzinodzidzisa. Pamwe munokwanisa kugeza chimwe chinhu pamwechete. Tinonzwa sei apo patinenge tine tsvina? Tinonzwa sei apo patinova vakachena zvakare? Manzwiro aya akafanana sei nezvatinonzwa apo patinotadza uye zvino totendeuka uye tova vakachena kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi?

Aruma 14:18–29

Baba Vokudenga vanondisimbisa sezvo ndine rutendo muna Jesu Kristu.

  • Peji yechiitwa chevhiki inokwanisa kukubatsira iwe—kana vana vako—kutaura nyaya iri muna Aruma 14:18–29 Simbisisa kuti Aruma naAmureki vakapuwa simba nokuda “kwerutendo rwavo urwo [rwaiva] muna Kristu” (Aruma 14:26). Unokwanisawo kutaura pamusoro penguva iyo Mwari yavakakupa simba “maererano nerutendo [rwako].” Tinokwanisa sei kuva takatendeka saAruma naAmureki?

Aruma 15:3–12

Jesu Kristu anokwanisa kushandura mwoyo.

  • Shanduko yemwoyo yaZiziromu kuburikidza naJesu Kristu inokurudzira. Funga pamusoro pokuwongorora nevana vako izvo zvavakadzidza vhiki yapera pamusoro paZiziromu. Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Aruma 15:3–12 kuti muzive mashandukiro aakaita. Chii chatinodzidza kubva muchiitiko chaZiziromu pamusoro pesimba raIshe?

­

Mufananidzo
Aruma naAmureki vari mutirongo

Alma and Amuleki in Prison [Aruma naAmureki vari Mutirongo], naGary L. Kapp