Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 10–16: “Imi Makanzwa Here Shanduko Huru Iyi muMwoyo Yenyu?” Aruma 5–7


Chikumi 10–16: “Imi Makanzwa Here Shanduko Huru Iyi muMwoyo Yenyu?” Aruma 5–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chikumi 10–16. Aruma 5–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Aruma Mudiki achidzidzisa vaZoramu

Aruma Mudiki achidzidzisa vaZoramu

Chikumi 10–16: “Imi Makanzwa Here Shanduko Huru Iyi muMwoyo Yenyu?”

Aruma 5–7

Aruma aiva asingazivi pamusoro pemaoperasheni okupuwa mwoyo mutsva anoponesa upenyu anhasi, ayo anotsiva mwoyo wakakuvadzwa kana mwoyo une chirwere nemwoyo uneutano hwakanaka. Asi aiziva pamusoro “pekushanduka kwemwoyo” kunonyanya kushamisa (Aruma 5:26)—uko nako Muponesi anotipa hutsva hweupenyu hwezvepamweya, hwakafanana “nokuzvarwa patsva” (ona Aruma 5:14, 49). Aruma akakwanisa kuona kuti shanduko iyi yemwoyo yaiva iyo chaiyo yaidikanwa nevakawanda vavaNifai. Vamwe vaiva vakapfuma uye vamwe vari varombo, vamwe vaine rudado uye vamwe vachizvininipisa, vamwe vaiva vatambudzi uye vamwe vachitambura nerutambudzo (ona Aruma 4:6–15). Asi vose vaidikanwa kuti vauye kuna Jesu Kristu kuitira kuti vaporeswe—sekudikanwa kwatinoita isu tose. Kana tiri kutsvaka kukunda rudado kana kushingirira matambudziko, Shoko raAruma rimwechetero: “Huyai uye musatya” (Aruma 7:15). Regai Muponesi ashandure mwoyo mukukutu, une zvivi, kana wakakuvara kuuita uyo wakaninipa, wakarurama, uye mutsva.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 5:14–33

Ndinofanira kuwana—uye kuramba ndichinzwa—shanduko huru yemwoyo.

Mutungamiri M. Russell Ballard vakati: “Ndinofanira kutora nguva yekuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kuita zvakadii?’ Senhungamiro kwandiri munguva iyi yewongororo yemuchivande, yangu pachangu, ndinoda kuverenga uye nokufungisisa mashoko anodzamisa pfungwa anowanikwa muchitsauko chechishanu chaAruma” (“Return and Receive,” Liahona, Kubvumbi 2017, 64).

Funga pamusoro pekuverenga Aruma 5:14–33 sokunge uri kuzvibvunzurudza uye nokuwongorora mwoyo wako. Ungangoda kunyora pasi mhinduro dzako kumibvunzo yacho. Chii chaunodzidza pamusoro pako? Chii chaunonzwa uchikurudzirwa kuita nokuda kwebvunzurudzo yako?

Mufananidzo
musikana achinamata pedyo nemubhedha

Apo patinotendeukira kuna Mwari, tinokwanisa kunzwa “shanduko yemwoyo.”

Aruma 5:44–51

Ndinokwanisa kuwana uchapupu hwangu pachangu hweMuponesi nedzidziso Dzake kuburikidza neMweya Mutsvene.

Muna Aruma 5, apo Aruma paakatsanangura mawaniro aakaita uchapupu hwake hweMuponesi, haana kutaura chiitiko chake chekuona ngirozi (ona Mosaya 27:10–17). Aruma akasvika sei pakuzvizivira chokwadi iye pachake? Zvimwe unokwanisa kushandisa zvaunowana muna Aruma 5:44–51 kunyora “resipi” yekuwana uchapupu hwaJesu Kristu nedzidziso Dzake. Ndeapi “maingiridhiendi” (zvokwadi zvevhangeri) uye “mirairo” (zvinhu zvatinokwanisa kuita kuti titsvage chokwadi) akasanganisirwa naAruma? Ndeapi “maingiridhiendi” uye “mirairo” aunokwanisa kuwedzera kuresipi yako kubva muzviitiko zvako pachako kana zvimwe zviitiko zviri mumagwaro matsvene?

Aruma 7

“Ndinoziva kuti muri mumakwara eururami.”

Dzimwe nguva takafanana navanhu vemuZarahemura, avo vaida kudaidzwa kurutendeuko (ona Aruma 5:32). Dzimwe nguva takanyanya kufanana navanhu veGideoni, vakanga vachiedza kufamba “mumakwara oururami” (Aruma 7:19). Chii chaunowana mushoko raAruma muGideoni (muna Aruma 7) chakafanana nezvaakataura muZarahemura (muna Aruma 5)? Ndedzipi siyano dzaunocherechedza? Tsvaka zvinhu zvakadzidziswa naAruma zvinokwanisa kukubatsira kugara “mugwara iro rinotungamirira kuumambo hwaMwari” (Aruma 7:19).

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Aruma 7:7–16

Muponesi akatora paAri zvivi, marwadzo, uye nematambudziko angu.

Wakambonzwa here kuti hapana anonzwisisa kutambura kwako kana zvinetso zvako? Kana zvakadaro, zvokwadi zvakadzidziswa naAruma zvinokwanisa kubatsira. Apo paunoverenga, fungisisa pane izvo zvinodzidziswa nendima idzi pamusoro pezvinangwa zvekuzvipira kweMuponesi. Ungangogadzira chati ine misoro yenyaya inoti Izvo zvakatamburwa neMuponesi uye Sei akatambura uye wodorongodza zvaunowana muna Aruma 7:7–16 (onawo Muporofita Isaya 53:3–5). Unokwanisa here kufunga nguva chaidzo dzaAkatambura zvimwe zvezvinhu izvi? Heino mimwe mienzaniso inobva mumagwaro matsvene Mateo 4:1–13; 26:55–56; 27:39–44; Marko 14:43–46; Ruka 9:58. Unokwanisa here kuwedzera chinhu chipi zvacho kumudorongodzwa wako kubva mundima idzi?

Chinhu chimwechete kutenda kuti Muponesi akakutambudzikira. Asi kutambura Kwake kunoita musiyano sei muupenyu hwako hwemazuva ose? Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinoratidza kuti Jesu Kristu anokwanisa sei kukubatsira kana “kukuyamura”: Enosi 1:5–6; Mosaya 16:7–8; 21:15; 24:14–15; 3 Nifai 17:6–7; Eta 12:27–29; Dzidziso neZvibvumirano 121:7–10. Chii chawakadzidza kubva mundima idzi? Ndedzipi dzimwe nzira dzaAnouya nadzo kurubatsiro rwako? Ndiriinhi wawakanzwa rubatsiro Rwake?

Rwiyo rwakaita serwokuti “Ndokudai Nguva Dzose” kana “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu”(Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 22, 74) runokwanisa kudzamisa kuvonga kwako kwerubatsiro rweMuponesi. Ndedzipi ndevo munziyo idzi dzinoratidza manzwiro ako kwaAri?

Ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rudzikinuro rwaJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Pupura nezvaJesu Kristu. Funga pamusoro penzira dzaunokwanisa kugovera nadzo uchapupu hwako hweMuponesi nehumwari Hwake, nyasha Dzake, nerudo Rwake. Unokwanisa kukurudzira vanhu vaunodzidzisa kuti vapupure neZvake kuburikidza nekubvunza mibvunzo inovaita kuti vagovere manzwiro avanoita pamusoro Pake.

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 5:44–48

Ndinokwanisa kuwana uchapupu hwangu pachangu kuburikidza neMweya Mutsvene.

  • Kubatsira vana vako kuti vadzidze kuriritira uchapupu hwavo pachavo, unokwanisa kuvaratidza mufananidzo uri pazasi uye wovabvunza kuti tinobatsira sei vana vemhuka kukura. Unokwanisa zvino kufananidza izvi kukuriritira uchapupu hwedu. Uchapupu hwedu hunoda riritiro ipi? Tingakwanisa sei kuziva kana hwuri kukura?

    Mufananidzo
    vakomana vaviri vaine mhuru dzemhuka

    Apo patinogamuchira vhangeri, zvakaita sekutanga upenyu hutsva.

  • Aruma akawana sei uchapupu hwake hwakasimba hwaJesu Kristu? Unokwanisa kuverenga Aruma 5:44–46 nevana vako kuti muwane mhinduro kumubvunzo uyu. Zvimwe vana vako vanokwanisa kunyora pasi chirongwa chekuita chinhu chimwechete vhiki rino kusimbisa huchapupu hwavo.

Aruma7:10–13

Muponesi akatora paAri zvivi, marwadzo, uye nematambudziko angu.

  • Unokwanisa kubatsira sei vana vako kunzwisisa Aruma 7:10–13 kuitira kuti vagokwanisa kuziva kuti Jesu Kristu ane hanya navo uye anokwanisa kuvabatsira? Zvimwe unokwanisa kuvakumbira kuti vagovere zvakaitika pavairwara kana pavaiva mumarwadzo kana pavaiva nerimwe dambudziko rakavaita kuti vasuruvare. Vamwe vakavabatsira sei kuti vanzwe zviri nani? Ipa uchapupu hwako hwekuti Muponesi akatamburawo nezvinhu izvozvo, uye taura pamusoro penguva apo paAkakunyaradza nekukubatsira.

  • Apo iwe nevana vako pamunoverenga Aruma 7:11–-13,tsvakai zvinhu izvo Jesu Kristu zvaakatitambudzikira. Kokai vana vako kuti vashandise mashoko nendevo zvavakawana kuti vapedzise mutsetse uyu: “Jesu akatambura kuitira kuti Akwanise kundibatsira.” Zvinotibatsira sei kuziva kuti Jesu anonzwisisa matambudziko edu? Tinogamuchira sei rubatsiro Rwake? Govera uchapupu hwako hwaJesu Kristu.

Aruma 5:14; 7:19–20

Kutevera Jesu Kristu kunondichengeta ndiri pagwara rakatwasuka rekudzokera kuna Baba Vokudenga.

  • Ita kuti vana vako vatarise muchiringiriro apo paunoverenga Aruma 5:14 (onawo peji yechiitwa chevhiki rino). Zvinorevei kuva nemufananidzo weMuponesi muhuso hwedu?

  • Ungakwanise sei kushandisa tsananguro yaAruma yegwara rekudzokera kuna Baba Vokudenga kubatsira vana vako kudzidza kuita sarudzo dzakanaka? Unokwanisa kuvaverengera Aruma 7:19–20 uye woita kuti vaite mutambo vachifamba “mumakwara akakombama” uye vachifamba mugwara rakatwasanuka. Vabatsire kufunga nezvesarudzo dzinotibatsira kuramba tiri mugwara uye dzimwe sarudzo dzinotibvisa mugwara. Munokwanisawo kutarisa pamifananidzo yaJesu muri pamwechete uye motaura pamusoro pezvinhu zvaAkaita kutiratidza gwara rekudzokera kuna Baba Vokudenga. ­

Mufananidzo
Jesu akapfeka nguwo tsvuku

Our Advocate [Murevereri Wedu], naJay Bryant Ward