Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 3–9: “Vaiva Vasingazungunuki uye Vasingasuduruki.” Mosaya 29–Aruma 4


“Chikumi 3–9: ‘Vaiva Vasingazungunuki uye Vasingasuduruki.’ Mosaya 29–Aruma 4,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chikumi 3–9. Mosaya 29–Aruma 4,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Aruma Mudiki achiparidza

Aruma the Younger Preaching [Aruma Mudiki Achiparidza], naGary L. Kapp

Chikumi 3–9: “Vaiva Vasingazungunuki uye Vasingasuduruki”

Mosaya 29Aruma 4

Vamwe vangangoona zano raMambo Mosaya rokutsivanisa madzimambo nevatongi vakasarudzwa seraingova shanduro yezvematongerwo enyika ineungwaru. Asi kuvaNifai, kunyanya avo vairarama pasi pemunyangadzi Mambo Noa, shanduro iyi yakanga iine kukosha kwezvepamweyawo. Vakanga vaona kufurira kwakanga kwaita mambo aiva asina kururama vanhu vake, uye vaiva “vachida zvikurusa” kuva vakasununguka kubva kufuriro yakadaro. Shanduro iyi yaizovabvumira kuzvidavirira paururami hwavo pachavo uye “kuzvidavirira pazvivi [zvavo] pachavo” (Mosaya 29:38).

Chokwadi ndechokuti, kuguma kweutongi hwamadzimambo hakuna kureva kuguma kwamatambudziko munzanga yevaNifai. Vanhu vaiva namano saNeho naAmurisai vakashambadza mazano enhema, avo vaiva vasingatendi vakatambudza Vatendi, uye nhengo dzakawanda dzeChechi dzakava nerudado uye dzikatsauka kubva muChechi. Asi “vateveri vaizvininipisa vaMwari” vakaramba “vasingazungunuki uye vasingasuduruki” zvisinei nezvaiva zvaitika munzvimbo mavaiva vari (Aruma 4:15; 1:25).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosaya 29:26–27; Aruma 2:1–7

Ndinokwanisa kuva hurudziro yakarurama munharaunda yangu.

Makore mashanu chete vatongi vachitonga, dambudziko rakaitika iro raizoedza chiziviso chaMosaya chokuti inzwi ravanhu kazhinji raizosarudza izvo zvakanaka (ona Mosaya 29:26). Nzvera Aruma 2:1–7 kuti uwane kuti dambudziko racho raiva rei uye izvo vaNifai zvavakaita pamusoro paro. Chii chingadai chakaitika dai “vanhu vechechi” vakanga vasina kuita kuti manzwi avo anzikwe? Chii chimwe chaunodzidza kubva murondedzero iyi pamusoro pamadiro anoita Ishe kuti uve unotora chinhanho munharaunda yako? (onawo Mosaya 29:26–27).

Ndedzipi nyaya dzakakosha idzo dzakatarisana nenharaunda yako? Funga pamusoro pokuti iwe, sevaNifai, unokwanisa sei kuita chokwadi chokuti inzwi rako rinosanganisirwa “muinzwi ravanhu”? Ndedzipi dzimwe nzira idzo dzaunokwanisa, semuteveri waJesu Kristu, kushandura nhauraunda yako kuzvakanaka?

Aruma 1

Shoko raMwari rinokwanisa kundibatsira kuziva dzidziso dzenhema.

Kunyangwe zvazvo Neho pokupedzisira akazoreurura kuti izvo zvaaidzidzisa zvaiva zviri nhema, dzidziso dzake dzakaramba dzichifurira vaNifai kwemakore akawanda. Unofunga kuti sei vanhu vaida izvo Neho zvaaidzidzisa? Muna Aruma 1:2–6, tsvaka nhema mudzidziso dzaNeho—uye zvokwadi zvaakashandisa kuviga nhema idzodzo.

Gideoni akakunda Neho “nemashoko aMwari” (Aruma 1:7, 9). Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinoramba manyepo aNeho: Mateo 7:21–23; 2 Nifai 26:29–31; Mosaya 18:24–26; uye Hiramani 12:25–26. Edza kupfupisa ndima yega yega yechinyorwa chitsvene. Chii chawakadzidza kubva kuvaporofita vanorarama icho chinoramba dzidziso dzemanyepo muzuva redu?

Aruma 1:19–31; 4:6–15

Vadzidzi vaJesu Kristu vechokwadi “vateveri vanozvininipisa vaMwari.”

Chitsauko 1 uye 4 zvaAruma zvinotsanangura nguva apo Chechi payaibudirira, asi nhengo dzeChechi dzakadavira kubudiriro iyoyo zvakasiyana siyana. Somuenzaniso, enzanisa Aruma 1:19–30 naAruma 4:6–15 kuti uone mashandukiro akaita nhengo dzeChechi mumakore mashomanana. Maererano nezvawaverenga, vateveri vechokwadi vaJesu Kristu vanonzwa sei pamusoro pavanhu vane zvitendero zvakasiyana? Mafungiro api ayo vateveri vechokwadi vaKristu avanawo kuupfumi uye nebudiriro? Chii chaunonzwa kufemerwa kuti ushandure pamusoro pemafungiro ako pachako?

Fananidza magwaro matsvene kwauri pachako. Funga pamusoro pemashandiro anoita nyaya nedzidziso dzemagwaro matsvene kuupenyu hwako. Semuenzaniso, ungangowana fanano pakati pamatambudziko aunocherechedza nhasi uye nematambudziko ayo vaNifai avakatarisana nawo muna Aruma 1–4.

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Aruma 4:6–20

Muenzaniso wangu uye uchapupu hwangu zvinokwanisa kushandura mwoyo.

Pamwe unokwanisa kunzwisisa rusuwo rwakanzikwa naAruma apo paakaona izvo zvaiitika pakati pavanhu vake. Tsvaka matambudziko aakaona muna Aruma 4:6–15. Wakambocherechedza here matambudziko api zvawo akafanana nawo? Pamwe uri kunetsekana pamusoro pemunhu waunoda anotambura nematambudziko aya. Wakamboshama here kuti chii chaungakwanisa kuita kubatsira?

Vamwe vangangoti Aruma, semutongi mukuru, aiva iye munhu akanakisisa kugadzirisa matambudziko aya. Asi Aruma akanzwa kuti paiva nenzira iri nani. Apo paunoverenga ndima 16–20, chii chinokufadza pamusoro penzira yake yokubatsira nayo vanhu vake?

Aruma akanga aine rutendo rukuru mushoko raMwari uye “muuchapupu hwakarurama” (ndima 19). Ndeipi mienzaniso yawakaona yesimba reuchapupu hwakarurama? Apo paunofungisisa nzira dzakasiyana siyana dzaunokwanisa kugovera nadzo uchapupu hwako hwaJesu Kristu nevhangeri Rake, ungangoverenga zvakare Aruma 4:6–14. Zviito zvenhengo dzeChechi mundima idzi zvinoratidza chii pamusoro peuchapupu hwavo hwaJesu Kristu nedzidziso Dzake? Chii chaunocherechedza pamusoro peshanduro yezviito zvavo—pavari ivo uye pana vamwe? Ungangofungawo pamusoro penzira idzo iwe dzawakaropafadzwa nadzo neuchapupu hwakarurama hwevamwe vanhu, kunyangwe hwakagoverwa kuburikidza nemashoko kana nezviito.

Funga nezve nzira dzaungagovera nadzo uchapupu hwako hwaJesu Kristu—mumashoko kana muzviito. Ndiani anozopundutswa kubva kuuchapupu hwako?

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 1:2–9

Ishe vanokwanisa kundibatsira kuziva dzidziso dzenhema.

  • Imwe nzira yokunzvera nayo Aruma 1:2–4 navana vako ndeye kuvabatsira kugadzira mutambo wekuedza ruzivo rwechokwadi-kana-nhema muchishandisa zvirevo zvakadzidziswa naNeho, mudzidzisi wenhema. Zvino unokwanisa kutaura navo pamusoro pokuti sei Satani kazhinji achisanganisa zvokwadi nemanyepo. Batsira vana vako kufunga nezve mimwe mienzaniso. Mundima 7–9, Gideoni akakunda sei nhema dzaNeho? (Onawo “Chitsauko 20: Aruma naNeho,” muNyaya dzeBhuku raMormoni, 54–55.)

Aruma 1:19–25

Senhengo yeChechi yaJesu Kristu, ndinoda uye ndinoshandira vamwe.

  • Dzimwe nhengo dzeChechi yaIshe muzuva raAruma dzaiva dzine rupo rukuru uye dzichigovera, uye dzimwe nhengo dzaiva dzisina tsitsi uye dzine rudado. Kubatsira vana vako kudzidza kubva kuzviitiko izvi, munokwanisa kuverenga pamwechete Aruma 1:27, 30 uye moita mudorongodzwa werudzi rwevanhu nhengo dzeChechi yaIshe rwavakabatsira. Ndiani watinoziva uyo “angangoda” (Aruma 1:30) rudo nerubatsiro rwedu? Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro porudo nekushandira, sezvakaita “Tsitsi Dzinotanga Neni” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 123), uye wobatsira vana kufunga nezve zviito izvo zvinokwanisa kuenderana nerumbo rwacho.

  • Chii chatinofanira kuita apo vanhu pavanenge vasina tsitsi kwatiri? Funga pamusoro pokuverenga nevana vako mabatirwo akaitwa vateveri vaKristu muna Aruma 1:19–20. Taurai pamusoro pemadaviriro avakaita mundima 22 uye 25. Pamwe munokwanisa kudzidzira nzira dzokudavira nadzo apo vamwe pavanenge vasina tsitsi.

Aruma 4:8–20

Uchapupu hwangu hwunokwanisa kusimbisa vamwe.

  • Kazhinji “uchapupu hwakarurama” (Aruma 4:19) hwemwana hwunokwanisa kuva neshanduro yakasimba pana vamwe. Kuti ubatsire vana vako kuziva izvi, unokwanisa kuverenga navo Aruma 4:8–12, 15, uchivabatsira kudoma matambudziko ayo aiitika muChechi. Chii chaikwanisa kuitwa naAruma kugadzirisa matambudziko aya? Vabatsire kuwana izvo Aruma zvaakasarudza kuita muna Aruma 4:16–20. Pamwe mungangogoverana kuti uchapupu hwemumwe munhu hwaKristu hwakakusimbisa sei.

  • Kana vana vako vachida mienzaniso yokuti uchapupu chii, funga pamusoro pokuratidza vidhiyo yemutauri mumusangano mukuru achipa uchapupu. Unokwanisawo kushandisa peji yechiitwa yevhiki rino. Chii chatinodzidza pamusoro peuchapupu kubva muchiitwa ichi? Ita kuti vana vako vadzidzire kugovera uchapupu hwavo.

Mufananidzo
VaNifai vachirwisana navaAmurisai

Alma and Amlici [Aruma naAmurisai], naScott M. Snow