Huyai, Munditevere 2024
Chikumi 17–23: “Jesu Kristu Anozouya Kuzonunura Vanhu Vake.” Aruma 8–12


“Chikumi 17–23: ʻJesu Kristu Anozouya Kuzonunura Vanhu Vake.ʼ Aruma 8–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chikumi 17–23. Aruma 8–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Aruma achiparidza

Teaching True Doctrine [Kudzidzisa Dzidziso dzeChokwadi], naMichael T. Malm

Chikumi 17–23: Jesu Kristu Anozouya Kuzonunura Vanhu Vake

Aruma 8–12

Basa raMwari harizokundikani. Asi kuedza kwedu kubatsira nebasa Ravo dzimwe nguva kunoratidzika sokukundikana—kana kuti, tinogona kusaona pakarepo mhedzisiro dzatinotarisira. Tingangonzwa zvishoma saAruma apo paakaparidza vhangeri muAmoniha—akarambwa, akasvipirwa, uye akakandwa kunze. Asi apo ngirozi payakamuraira kuti adzokere uye anoedza zvakare, Aruma noushingi “akadzokera nokukurumidza” (Aruma 8:18), uye Mwari vakagadzirira nzira mberi kwake. Havana chete kupa Aruma chikafu chokudya nenzvimbo yekugara, asi Vakagadzirirawo Amureki, uyo akazove mushandi pamwepo naye, mudziviriri anotyisa wevhangeri, uye shamwari yakatendeka. Apo patinotarisana nezvimhingamupinyi nekuodzwa mwoyo apo patinenge tichishanda muumambo hwaIshe, tinokwanisa kurangarira kuti Mwari vakatsigira uye vakatungamirira sei Aruma, uye tinokwanisa kuvimba kuti Mwari vachatitsigira nekutitungamirirawo, kunyangwe mumamiriro ezvinhu akaoma.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Aruma 8

Kuedza kwangu kugovera vhangeri raJesu Kristu kunoda mwoyo murefu.

Wakamboedza here kugovera vhangeri raJesu Kristu kune mumwe munhu, asi kukoka kwako kukarambwa? Aruma akasanganawo nazvo. Unodzidzei kubva kwaari muna Aruma 8:13–16 pamusoro pekugovera vhangeri zvisinei nezvinetso uye rupikiso? Enderera mberi kuverenga mundima 17–32, uye utsvake ndevo dzinokukurudzira kuti urambe uchigovera vhangeri, kunyangwe apo paunoratidzika seusiri kubudirira.

Vaporofita nevaapositora ndivo zvapupu zvakakosha zvaKristu, saka vane rairo yakafemerwa yakawanda yekugovera pamusoro pekupupura neZvake. ­ ­

Ungapfupisa sei zvose zvawanzvera pano kuita chirevo chimwechete kana zviviri zvinokurudzira pamusoro pekugovera vhangeri? Funga kugadzira posita kana ndimikira rinokwanisa kukurudzira iwe (nevamwe) kuti murambe uchiedza.

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kukoka Vose Kuti Vagamuchire vhangeri raJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Aruma 9:14–23

Maropafadzo aMwari anouya nebasa guru.

Apo paunoverenga pamusoro pemabatiro aiita vaNifai muAmoniha varanda vaIshe, zviri nyore kukanganwa kuti vaimborarama vhangeri uye vaive “vanhu vaidiwa zvikuru naIshe” (Aruma 9:20). Apo paunoverenga pamusoro pemaropafadzo makuru ayo Mwari avakapa vanhu vaNifai (ona kunyanya Aruma 9:14–23), fungisisa maropafadzo makuru aVakakupa. Ndeapi mabasa anouya nemaropafadzo aya? Chii chauri kuita kuti urambe uri pachokwadi kumabasa aya?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 50:24; 82:3; 93:39.

Aruma 11–12

Chirongwa chaMwari chirongwa cherununuro.

Muna Aruma 11–12, Aruma naAmureki vakataura chirongwa chaMwari sechirongwa cherununuro. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, fungisisa kuti sei shoko rekuti rununuro richishandiswa kutsanangura chirongwa chaMwari. Funga pamusoro pekunyora pfupiso pfupi yeizvo zvakadzidziswa naAruma naAmureki pamusoro pezvikamu zvinotevera zvechirongwa chacho.

  • Kuputsika

  • Mununuri

  • Rutendeuko

  • Rufu

  • Kumuka Kuvakafa

  • Kutongwa

Cherechedza shanduro yakaita mashoko aAmureki pavanhu (ona Aruma 11:46). Kuziva nezvechirongwa chaMwari kunokushandura sei?

Aruma 12:8–18

Kana ndikasaomesa mwoyo wangu, ndinokwanisa kugamuchira zvakawanda zveshoko raMwari.

Vamwe vanhu vangangoshama kuti sei Baba Vokudenga vasingaiti kuti zvinhu zvose zvizivikanwe kwatiri. Muna Aruma 12:9–14, Aruma akatsanangura chikonzero chimwechete chingangovapo. Iyi mibvunzo inokwanisa kukubatsira kufungisisa izvo zvaakadzidzisa:

  • Zvinorevei kuomesa mwoyo wako? Kuva nemwoyo wakaoma kune mhedzisiro dzeyi? (onawo Aruma 8:9–11; 9:5, 30–31; uye 10:6, 25).

  • Chii chaunokwanisa kuita kuti utendeutsire mwoyo wako kuna Mwari? (ona Jeremia 24:7; Aruma 16:16; Hiramani 3:35).

  • Chii chaunokwanisa kuita kuti uve nechokwadi chekuti shoko raMwari “rinowanikwa [mauri]”? (Aruma 12:13). Apo paunenge wava neshoko raMwari mauri, ishanduro dzipi dzarinaro “pamashoko” ako, “mabasa” ako, uye “pfungwa” dzako? (Aruma 12:14).

Chiitiko chaAmureki chinokudzidzisa chii pamusoro pemaropafadzo ekuva nemwoyo wakapfava? (ona Aruma10:1–11).

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 8–10

Ndinokwanisa kugovera vhangeri raJesu Kristu.

  • Peji yechiitwa yevhiki rino inokwanisa kukubatsira kupfupisa zviitiko zviri muna Aruma 8–10 zvevana vako. Ungangoda kuvabatsira kuwana misimboti yakaita kuti Aruma naAmureki vave vashumiri vakanaka. Semuenzaniso, havana kuora mwoyo (ona Aruma 8:8–13) vakapupura nezvaKristu (ona Aruma 9:26–27) uye vakashanda pamwechete (ona Aruma 10:12).

  • ­ Vakoke kuti vanyore mudorongodzwa wemazano avanowana uye vanhu vavanokwanisa kugoverana navo vhangeri. Ungangoita kuti vatambe mutambo wezvavangangotaura kana kuita.

Kurudzira kutora chinhanho. Apo paunogadzirira kudzidzisa, pane kuronga zvinhu zvekutaura, zvibvunze kuti, “Chii icho vana chavanozoita kuti vadzidze?” Vana vanozodzidza zviri nani uye vanoyeuka kwenguva refu apo pavanotora chinhanho.

Aruma 11–12

Chirongwa chaMwari chirongwa cherununuro.

  • Zvimwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo unomiririra misimboti yechirongwa cherununuro, seKuputsika kwaAdama naEva, Rudzikinuro rwaJesu Kristu, rutendeuko, rufu, kumuka kuvakafa, uye kutongwa. Zvino unokwanisa kuvabatsira kufananisa mifananidzo yavo nendima dziri muna Aruma 11–12 dzinodzidzisa pamusoro pemisimboti iyi.

Aruma 8:18–22

Ndinokwanisa kuva shamwari yakanaka.

  • Unokwanisa kukoka mwana mumwechete kuti anyepedzere kuva Amureki uye mumwe kuti anyepedzera kuva Aruma apo paunotaura nyaya iri muna Aruma 8:18–22. Amureki aiva shamwari yakanaka sei kuna Aruma? Zvino vana vako vanokwanisa kugoverana kuti mumwe munhu anga ari shamwari kwavari sei uye kuti chiitiko ichocho chakaita kuti vanzwe sei.

  • Pamwe unokwanisa kugadzira dambanemanzwi rehushamwari: wowana kana kudhirowa mufananidzo unomiririra hushamwari uye woucheka kuuita zvidimbu zvedambanemanzwi. Kuseri kwechidimbu chega chega, nyora chimwe chinhu chatinokwanisa kuita kuti tive shamwari yakanaka, kusanganisira zvinhu zvakaitwa naAruma naAmureki. Vana vako vanokwanisa kutora mijana yekusarudza chidimbu vochiwedzera padambanemanzwi apo paunenge uchiverenga zvakanyorwa kuseri. Ndiani anoda hushamwari hwedu?

Mufananidzo
vasikana vaviri vachiseka

Tinokwanisa kuva shamwari dzakanaka kuna vamwe.

Aruma 11:43–44

Nokuda kwaJesu Kristu, ndichamutswa kuvakafa.

  • Funga pamusoro pechidzidzo nechinhu chinobatwa sechino ichi kuti udzidzise pamusoro peKumuka Kuvakafa: ruoko rwako runokwanisa kumiririra mweya wako, uye girovhosi rinokwanisa kumiririra muviri wako. Bvisa ruoko rwako mugirovhosi kuratidza kuti mweya nemiviri yedu inozoparadzaniswa parufu. Zvino isa ruoko rwako makare mugirovhosi kuratidza kuti mweya nemiviri yedu inozobatanidzwa pamwechete zvakare paKumuka Kuvakafa. Ita kuti vana vako vatore miajana yekupfeka girovhosi uye kuribvisa apo paunoverenga Aruma 11:43 kwavari. Ratidza mufananidzo weMuponesi akamuka kuvakafa (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri), (no. 59), uye pupura kuti Jesu Kristu akaita kuti zvikwanisike kuti munhu wose amutswe kuvakafa.

Mufananidzo
Aruma achidya naAmureki

Illustration of Alma eating with Amulek [Mufananidzo waAruma achidya naAmureki], naDan Bur