Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 27–Chikumi 2: “Vaidaidzwa Kunzi Vanhu vaMwari.” Mosaya 25–28


“Chivabvu 27–Chikumi 2: ʻVaidaidzwa Kunzi Vanhu vaMwari.ʼ Mosaya 25–28,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chivabvu 27–Chikumi 2. Mosaya 25–28,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza kuna Aruma uye kuvanakomana vaMosaya

Conversion of Alma the Younger [Rutendeuko rwaAruma Mudiki], naGary L. Kapp

Chivabvu 27–Chikumi 2: “Vaidaidzwa Kunzi Vanhu vaMwari”

Mosaya 25–28

Mushure mezvizvarwa zvingangoita zvitatu vachigara munyika dzakasiyana, vaNifai vakava vanhu vamwechete zvakare. Vanhu vaRimuhai, vanhu vaAruma, navanhu vaMosaya—kunyangwe navanhu vaZarahemura, avo vakanga vasiri vedzinza raNifai—vakanga zvino vose “voverengerwa pamwechete navaNifai” (Mosaya 25:13). Vazhinji vavo vaidawo kuva nhengo dzeChechi yaIshe, sezvakanga zvaita vanhu vaAruma. Saka avo vose “vaida kutora pavari zita raKristu” vakabhabhatidzwa, “uye vakadaidzwa kunzi vanhu vaMwari” (Mosaya 25:23–24). Mushure memakore ekunetsana uye eutapwa, zvakaratidzika sokuti vaNifai pakupedzisira vaizonakirwa nenguva yerunyararo.

Asi nguva yakareba isati yapfuura, avo vaiva vasingatendi vakatanga kutambudza Vatendi. Chakaita kuti izvi zvinyanye kurwadza mwoyo ndechekuti vazhinji vevaiva vasingatendi ava vaiva vana vavatendi pachavo—“chizvarwa chaikura” (Mosaya 26:1), kusanganisira vanakomana vaMosaya uye nemwanakomana mumwechete waAruma. Rondedzero yacho inotaura nezvokushanya kunoshamisa kwengirozi. Asi chishamiso chechokwadi chenyaya iyi hachingori pamusoro pengirozi dzichizviratidza kuvanakomana vaiva vasingateerere. Rutendeuko ndicho chishamiso icho, neimwe nzira, chinofanira kuitika matiri tose.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosaya 26:1–6

Ndinokwanisa kubatsira vamwe kuuya kuna Jesu Kristu.

Rutendeuko nderwe munhu pachake—harugoni kupfuudzwa senhaka kuvana vemunhu. Apo paunoverenga muna Mosaya 26:1–6, fungisisa pamusoro pezvikonzero zvingangovapo zvakaita kuti “chizvarwa chirikukura” chitsauke uye cherechedza mhedzisiro dzekusatenda kwavo. Ungangofungawo pamusoro pevanhu vaunoshuvira kuunza kuna Kristu. Nemukunzvera kwako kwose Mosaya 25–28, Mweya ungangozevezera zvinhu zvaunokwanisa kuita kuvabatsira kukudziridza rutendo munaJesu Kristu.

Mosaya 26:6–39

Varanda vaMwari vakatendeka vanotsvaka kuita kuda Kwavo.

Dzimwe nguva tingangofunga kuti mutungamiri weChechi akaita saAruma anoziva chaizvo izvo zvekuita. Muna Mosaya 26 tinoverenga nezve dambudziko muChechi iro Aruma raakanga asina kumbobvira akatarisana naro. Aruma akaitei mumamiriro ezvinhu aya? (ona Mosaya 26:13–14, 33–34, 38–39). Chiitiko chaAruma chinotaurei pamusoro pemagadzirisiro aungaita matambudziko akaoma mumhuri yako kana muhushandiri hwako hweChechi?

Ishe vakadzidzisa Aruma chii muna Mosaya 26:15–32? Cherechedza kuti dzimwe dzemhinduro dzaIshe dzakanga dzisiri mhinduro dzakanangana nemubvunzo waAruma. Izvi zvinotaurei pamusoro pemunamato uye kutambira zvakazarurwa zvako pachako?

Misimboti ndeye kusingaperi. Funga pamusoro pemashandiro anoita nyaya nedzidziso dziri mumagwaro matsvene kuupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo zvakafanana nezvaAruma?” kana kuti “Izvokwadi zvipi zvakadzidziswa naAruma zvinokwanisa kundibatsira?”

Mosaya 26:15–31

Mwari vanondiregerera norusununguko apo pandinotendeuka uye nekuregerera vamwe.

Rutendeuko neruregerero ndiwo madingindira anodzokororwa muna Mosaya 26–27. Tsvaka mashoko nendevo zvinodzidzisa pamusoro perutendeuko neruregerero muna Mosaya 26:22–24, 29–31; 27:23–37.

Vamwe vanhu vanogona kushamisika kana Mwari vachivaregerera zvechokwadi. Unofungidzira kuti Aruma Mukuru aizoraira sei nhengo yeChechi muZarahemura yakanga iine netsekano iyoyo? Chii chakadzidzwa naAruma kubva kuna Ishe muna Mosaya 26:15–31 chinokwanisa kubatsira nhengo yeChechi iyi? (onawo Moronai 6:8; Dzidziso neZvibvumirano 19:16–18; 58:42–43).

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 27:8–37; 28:1–4

Kuburikidza naJesu Kristu, ndinokwanisa kushanduka kuti ndive nani.

Zvaiva pachena kuti Aruma Mudiki aida kuzvarwa patsva panezvemweya. Iye nevanakomana vaMosaya vakanga vari “vanyangadzi vakaipisisa pavanyangadzi vose”(Mosaya 28:4). Asi mushure merutendeuko rwake, Aruma akapupura kuti rutendeuko rwakakosha—kumunhu wose: “Musakahadzika,” akadaro, “kuti vanhu vose vanofanira kuzvarwa patsva” (Mosaya 27:25; kusimbisa kwakawedzerwa).

Apo paunoverenga pamusoro pechiitiko chaAruma, muna Mosaya 27:8–37, funga pamusoro pekuzviisa munyaya yake. Ungakwanisa here kufunga nezve zvinhu pamusoro pako zvinofanira kushanduka? Ndiani, sababa vaAruma, angangova achikunamatira “norutendo rukuru”? Zviitiko zvipi zvakabatsira “kukupwisa [iwe] nezve simba nehukuru hwaMwari”? (Mosaya 27:14). Ndezvipi “zvinhu zvikuru” izvo Ishe zvavakaitira iwe kana mhuri yako zvamunofanira “kurangarira”? Mosaya 27:16 Chii chaunodzidza kubva kumashoko nezviito zvaAruma Mudiki pamusoro pezvazvinoreva kuva unozvarwa patsva? Mienzaniso ipi yawakaona?

Tora kanguva kunyora pasi dzimwe nzira idzo Muponesi dzaari kukubatsira kuti ushanduke—kana kuzvarwa patsva—kunyangwe zviitiko zvako zvisingashamisi kana kuti zvisiri zvakangoerekana zvaitika sezvaAruma. Pane here rwiyo rwaunokwanisa kuimba kana kuteerera rwunotaura manzwiro ako, serwokuti “Ndinoshamisa Kwazvo”? Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 42). Ndiani angapundutswa kubva mukunzwa pamusoro pezviitiko zvako?

Ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Iva saJesu Kristu, Raibhurari yeVhangeri.

Mosaya 27:8–24

Mwari vanonzwa minamato yangu uye vanozoipindura maererano nechido Chavo uye nenguva Yavo.

Pamwe wakambova mumamiriro ezvinhu aAruma Mukuru ekuva nenhengo yemhuri iri kuita sarudzo dzinoparadza. Chii chaunowana muna Mosaya 27:8–24 icho chinokupa tariro? Ndima idzi dzingashandura sei minamato yako wakamiririra vamwe?

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 26:30–31

Ishe vanoda kuti ndiregerere.

  • Kuti ubatsire vana vako kuwana izvo Ishe zvavakadzidzisa Aruma pamusoro peruregerero, unokwanisa kuvakoka kuverenga Mosaya 26:29–31 uye voverenga kuti kangani kakashandiswa shoko rekuti “regerera.” Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pekuregerera vamwe? ­

  • Kusimbisisa muenzaniso weMuponesi weruregerero, unokwanisa kuratidza mufananidzo Wake ari pamuchinjikwa uye moverenga pamwechete Ruka 23:33–34. Jesu akakumbira Baba Vokudenga kuti vaitirei vanhu vakaMuisa pamuchinjikwa? Mushure mehurukuro iyi, vana vako vanokwanisa kuita mutambo wekuregererana.

  • Dzimwe nguva zvakaoma kuzviregerera isu pachedu apo patinokanganisa. Mashoko aMwari kuna Aruma anokwanisa sei kubatsira? Vana vako vanokwanisa kunyepedzera kuti vari kutaura nemumwe munhu asingafungi kuti Mwari vanozombomuregerera. Koka vana vako kuti vawane chimwe chinhu muna Mosaya 26:22–23, 29–30 icho chingangobatsira munhu iyeye.

Mosaya 27:8–37

Jesu Kristu anondibatsira kuti ndinyanye kuva saIye.

  • Rutendeuko rwaAruma Mudiki nevanakomana vaMosaya rwunokwanisa kuratidza vana vako kuti, kuburikidza nesimba reMuponesi, munhu upi zvake anokwanisa kushanduka. Iwe kana vana vako munokwanisa kushandisa mifananidzo yakadhirowewa iri muchidzidzo chino, peji yechiitwa chevhiki rino, uye nezvinyorwa zvitsvene zvishoma zvakakosha kubva muna Mosaya 27:8–37 kutaura nyaya yacho (onawo “Chitsauko 18: Aruma Mudiki Anotendeuka,” muNyaya dzeBhuku raMormoni, 49–52). Ipa simbiso yakanyanya kundima 24, kudzidzisa kuti Aruma akatendeuka uye Jesu Kristu akamubatsira kushanduka. Ita kuti vana vako vaite mutambo wenyaya yacho kana vachida.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achitakurwa kuenda kumba kwababa vake

His Father Rejoiced [Baba Vake Vakafara]naWalter Rane

Mosaya 27:8–24

Ndinokwanisa kunamata nekutsanya kuti Mwari varopafadze vanhu vandinoda.

  • Verengai pamwechete Mosaya 27:8–24, uye kumbira vana vako kuti vadome izvo zvakaitwa naAruma nevanhu vake kubatsira Aruma Mudiki. Wakambotsanya nekunamatira mumwe munhu here? Govera chiitiko chako nevana vako, uye ita kuti ivo vagovere zvavo.

  • Iwe kana kuti vana vako munoziva here mumwe munhu anoda rubatsiro rwaMwari? Muchitevera muenzaniso waAruma, pamwe munokwanisa kunamatira munhu iyeye pamwechete uye, kana vana vako vachikwanisa, mutsanyireiwo.

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza kuna Aruma Mudiki

Illustration of an angel appearing to Alma the Younger [Mufananidzo wengirozi ichizviratidza kuna Aruma Mudiki], naKevin Keele